Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo kuregererei kuedza kuyeuka kwako nemibvunzo inotevera:
▫ Kana mufungo upi noupi woutere ukapinda mundangariro medu usina kukokwa, chii chatinofanira kuita?
Tinofanira kuchinja nhau mundangariro, kufamba, kurava, kana kuti kuita basa rapamba rakati. Munyengetero iyamurowo ine simba mumugariro wakadaro. (Pisarema 62:8)—4/15, peji 17.
▫ Neiko vanhu vaduku vachifanira kuva vanongwarira pamusoro porudzi rwenziyo rwavanoteerera?
Nziyo dzine simba rokusunda, kufadza, uye kupesvedzera. Sezvo nziyo dzakawanda dzakakurumbira dzine chiverengero chinoshamisa chezvikarakadzo zvevatano nenongedzero dzakavanzika kuutere, kuri nyore kuona kuti ngwariro huru inofanira kushandiswa mukusarudza marekodhi, matepi, uye madisc.—4/15, mapeji 20-1.
▫ Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “kuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu”? (1 VaTesaronika 5:23, NW)
Ikoku kunonongedzera kukuvapo kwoumambo kusingaoneki kwaShe Jesu Kristu saMambo, kuvambira 1914, uye pashure pokugadzwa kwake pachigaro choumambo mudenga. (Pisarema 110:1, 2)—5/1, peji 11.
▫ Idonzoi rakabatirwa nokuchenesa kwaJehovha tembere yake yomudzimu? (Maraki 3:1-4)
Jehovha aida kuti tembere yake ive mumugariro wakachena kuitira kuti apo zviverengero zvikuru zvavanamati vane tariro dzapasi zvaizopinzwa imomo, zvaizowana nzvimbo umo uchangamire hwake hwapose pose hunoremekedzwa, umo zita rake roumwari rinotsveneswa, uye umo mitemo yake yakarurama inoteererwa.—5/1, peji 16.
▫ Chii chiri “zvinhu zvake zvose” izvo Kristu Jesu anopa kumuranda wake akagadzwa? (Mateo 24:45-47)
“Zvinhu zvake zvose” izvozvo zvinonongedzera kuzvinhu zvose zvomudzimu zviri pasi pano izvo zvazova zvinhu zvaKristu pamusoro pechiremera chake saMambo wokudenga. Ikoku kwaizobatanidza basa rokuita vadzidzi vaKristu kubva muvanhu vamarudzi ose. (Mateo 28:19, 20)—5/1, peji 17.
▫ Vakuru vechiKristu vanoratidza sei ‘kudisa’ mukufudza, mukuwirirana nekurudziro yaPetro iri pana 1 Petro 5:2?
Mukuru wechiKristu anoitira hanya makwai achaita kufudza kwake nokudisa, nokuda kwake amene, munhungamiro yoMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. Kubatira nokudisa kunorevawo kuti mufudzi wechiKristu anozviisa pasi pechiremera chaJehovha uye anoratidzira ruremekedzo nokuda kwegadziriro youbati ushe hwaMwari.—5/15, peji 20.
▫ Jesu airevei apo akataura kuti munhu upi noupi anomutevera “ngaazvirambe”? (Mateo 16:24)
Ku‘zviramba umene’ kunoreva kuti unopa huridzi hwako umene kuna Jehovha. (1 VaKorinte 6:19, 20) Kunoreva kuti unorarama, kwete kuti uzvifadze, asi Mwari. (VaRoma 14:8)—6/1, peji 9.
▫ Chii chakunoda kuita kuti munhu afare?
Kufarikanya ukama hwakaisvonaka naJehovha nokuramba akabatikana mubasa rake kunopinza mufarwa wechokwadi muupenyu hwomunhu.—6/1, peji 22.
▫ Neiko Jehovha akabvumira Abrahama kutaura kwaari akasununguka kwazvo pamusoro pedonzo Rake rokuparadza Sodhoma? (Genesi 18:22-32)
Chikonzero chimwe chakanga chiri chokuti Abrahama akanga ari shamwari yaMwari. (Jakobho 2:23) Uyezve, Jehovha aiziva nezvokunzwa kwokutambudzika kwaAbrahama. Mwari aiziva kuti mwanakomana womunun’una waAbrahama Roti aigara muSodhoma uye kuti Abrahama akanga achiitira hanya zvikuru pamusoro pekotsekano yaRoti. Nokuda kwezvikonzero izvozvi Jehovha akanga achidisa kupindura mibvunzo yaAbrahama pamusoro pedonzo Rake rokuparadza Sodhoma.—6/15, peji 16.
▫ Protestant Reformation yezana ramakore rechi 16 yakaratidzira kudzokera kuchiKristu chechokwadi here?
Aiwa, haina! Panzvimbo pokuunza kudzokera kuchiKristu chapachokwadi, Reformation yakaparira chechi dzakawanda dzorudzi kana kuti dzomunharaunda idzo dzakadiwa nehurumende dzezvamatongerwe enyika uye dzakadzitsigira nenzira yokushingaira muhondo dzadzo.—7/1, mapeji 10-11.
▫ Ndeipi iri “fuma mudenga” iyo Jesu akataura pamusoro payo pana Mateo 6:20?
Iyi ipfuma isingatongoperi, kubatanidza zita rakanaka naJehovha uye chinyorwa chebasa rokutendeka rechiKristu. Izvozvi zviri pakati pezvinhu izvo Jehovha asingatongokanganwi. (VaHebheru 6:10)—7/1, peji 32.
▫ Mavarai ayo Petro anodudza sezvinhu zvinokosha kukutenda kwedu? (2 Petro 1:5-7)
Petro akataura kuti kunaka, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo zvinofanira kugoverwa kukutenda kwedu.—7/15, peji 13.
▫ Inyeveroi nokuda kwavabatiri vaMwari iri munhauro yechivi chaDhavhidhi naBhati-shebha? (2 Samueri 11:2-4)
Kunyange zvazvo akanga akasununguka kufarikanya mufaro mukati meroorano yake amene, Dhavhidhi akarega chishuvo chevatano yakaipa chichikura. Achicherekedza kuti mudzimai waUria akanga achikwezva sei, akabvumira rusununguko kumufungo wacho—nechiito—chokuwana mufaro wakaipa naye. Zvimwe chetezvo zvinogona kuitika kune upi noupi wavabatiri vaMwari kana asingadzivisi ichi chimiro chamakaro. (Jakobho 1:14, 15)—8/1, peji 14.