RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/15 p. 19
  • Akarwira Kutenda Kwake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akarwira Kutenda Kwake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Pwere Idzo Dzine“simba Rinopfuura Renguva Dzose”
    Mukai!—1994
  • Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
    Mukai!—1994
  • Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/15 p. 19

Akarwira Kutenda Kwake

MAKORE matatu akapfuura Caridad Bazán Listán, mumwe weZvapupu zvaJehovha muCádiz, Spain, aida kuvhiyiwa nokukurumidza. Matombo omunduru akanga achiparira fivha uye akanga achishatisa ropa rake. Apo akapinzwa muchipatara chomunzvimbomo, akatsanangura chimiro chake chakavakirwa paBhaibheri chokuramba kugamuchira kuisirwa ropa. Vanachiremba vakabvuma kuita kuvhiya kwacho pasina ropa. Zvisinei, pamberi chaipo pokupinzwa kwake mukamuri rokuvhiyira, vanachiremba vakamukumbira kusaina chinyorwa. Chairatidzira kuti vakanga vachidisa kuremekedza chisarudzo chake pamusoro peropa asi kuti kana mugariro une ngozi ukaitika, vaida mvumo yake yokugovera kurapa kupi nokupi kungarangarirwa kuva madikanwa.

Mumwe mukuru weungano uyo akanga aripo pachipatara nomwanakomana waCaridad, Chapupuwo, vakapa zano Caridad nezvezvinobatanidzwa nokusaina fomu rakadaro. Siginicha yake ingadai yakatendera vanachiremba kuisa ropa kana mugariro une ngozi ukaitika. Apo varapi vakauya kuzomuendesa kuimba yokuvhiyira, iye akatsanangura kuti akanga asati achizosaina pepa racho. Akadzorerwa nokukurumidza kukamuri rake ndokudzvinyirirwa zvakakomba kuti achinje ndangariro yake.

Pashure pekurukurirano dzinoverengeka vakasarudza kudana mutongi ane zivo yemishonga kuti agone kumupwisa, asi kwakanga kuri pasina. Caridad akatsanangura kuti ainzwa kuti aizova nemhaka pamberi paMwari kana akavabvumira kumupa ropa. Akaonesa kuti muMutemo waMosesi, kana mukadzi akabatwa chibharo, aisarangarirwa kuva ane mhaka kana akadzivisa kupfurikidza nokuridza mhere nokuda kwebetsero. (Dheuteronomio 22:23-27) “Vanachiremba vari kufuratira zvishuvo zvangu uye vari kuedza kuputsa hana yangu,” akataura kudaro, “naizvozvo ndinofanira kudzivisa sokunge chaizvo vari kundibata chibharo.”

Maawa anoverengeka akapfuura, uye pakupedzisira vanachiremba vakabvuma kumuvhiya pasina ropa. Mukamuri rokuvhiyira, Caridad akakumbira mvumo yokunyengetera kuna Jehovha. Akaita ikoku, uye kuvhiya kwacho kwakabudirira.

Kunyanguvezvo, pashure paikoku mugariro waCaridad wakaipa zvikuru, uye vanachiremba vakasarudza kuzvidza zvishuvo zvake ndokumanikidzira kuisira ropa paari. Nokudaro, chiremba nomukoti vakagadzirira kumuisira. Pasinei hapo nomugariro wake wokusava nesimba, Caridad akadzivisa nesimba rake rose. Akatokwanisa kuruma chubhu umo ropa rakanga richizopfuura namo. Pakupedzisira, chiremba wacho akanzwa achinyara kwazvo nezvavakanga vachiita zvokuti akarega. “Handigoni kupfuurira naikoku. Ndava kurega!” iye akadaro.

Caridad akapukunyuka njodzi ndokunaya pasina zvimwe zvinetso. Vose vari vaviri vanachiremba navanamukoti havana kugona kukundikana kuororwa zvikuru nokutenda kwake noushingi. Kwose ikoku kwakaitika apo Caridad akanga ava namakore 94 okukura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe