Pwere—Muri Kurondei?
“Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomwoyo wakachena.” —2 TIMOTIO 2:22.
1. Chii chiri tariro yedu nokuda kwavanhu vaduku vari pakati pedu?
“ZVAPUPU ZVAJEHOVHA,” rakazivisa kudaro pepanhau reSweden Pentecostal Dagen (The Day), “zvinoumba boka iro rinowana chiverengero chikurusa chemitezo mitsva gore riri rose uye zvine boka gurusa repwere.” Zvichida iwe uri rutivi rweiri boka repwere dzakachena, dzinotya Mwari. Ungave wakarerwa munzira yechiKristu kubva paucheche, kana kuti ungave wakanzwa ndokugamuchira shoko roUmambo pachako. Mumugariro upi noupi, tinofara kuva newe pakati pedu. Uye itariro yedu kuti ucharonda nzira yokururama, sezvakaita pwere dzechiKristu dzakavimbika muzana rokutanga ramakore. Mashoko omuapostora Johane angasanokurondedzera, anoti: “Nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.”—1 Johane 2:14.
2. Zvinhui zvinogona kuita kuti kuronda nzira yakarurama kuome mukati “mokukura”?
2 Vakawanda—hungu voruzhinji—vepwere dzechiKristu nhasi vari kudzivisa dzvinyiriro dzenyika. Ungawana, kunyanguvezvo, kuti kuchengeta nzira yakadaro hakusi nyore. Apo unenge “wakura,” unogona kunzwa uchikurirwa nemirangariro mitsva neyakakomba. (1 VaKorinte 7:36, NW) Panguva imwe cheteyo, ungave uchinzwa mutoro unowedzera wemitwaro muchikoro, pamba, uye muungano. Panotova nedzvinyiriro inobva kuna Satani Dhiabhorosi amene. Akatsunga kutsausa vakawanda savanobvira, anodenha avo vangaratidzika kuva vasina dziviriro—sezvaakaita chaizvo mubindu reEdheni. Shure ipapo, akanangidzira nyengedzo yake inonyengetedza, kwete pana Adhama mukuru zvikuru, ane zivo zvikuru, asi pamukadzi muduku zvikuru uye asina ruzivo rwokuzviwanira zvikuru, Evha. (Genesi 3:1-5) Mazana amakore gare gare, Satani akashandisa mazano akafanana paungano yakanga ichangotanga yamaKristu muKorinte. Muapostora Pauro akati: “Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.”—2 VaKorinte 11:3.
3, 4. Ndezvipi zviri zvombo izvo Satani Dhiabhorosi anoshandisa kutsausa vanhu vaduku, uye nomuuyoi unobvira?
3 Nhasi, vabereki venyu vechiKristu nenzira yakafanana vangave vachikutyirai. Kwete kuti vanofunga kuti munofunga zvakaipa, asi vanoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti vanhu vaduku havana zvikuru dziviriro ku“manomano” aSatani. (VaEfeso 6:11, mashoko omuzasi, NW) Isingatongoratidziki kuva yakaipa, misungo yaSatani inoitwa kuti ioneke seinofadza, inodikanwa zvikuru. Terevhizheni inogovera nenzira youchenjeri kudisa zvenyika, vatano yakajeka, masimba masimba akajeka, uye kushandisa midzimu sevaraidzo. Ndangariro duku dzingazadzwa nezvinhu zvisati zvichitongova ‘zvechokwadi, zveitiro hanya yakakomba, zvakarurama, zvakachena, uye zvinodiwa.’ (VaFiripi 4:8) Dzvinyiriro yavaenzani chimwe chombo chine simba chaSatani. Vaenzani vangakuisa mudzvinyiriro huru yokuwirirana nomuraramiro wavo, mupfekero, uye rutsvindo. (1 Petro 4:3, 4) Munyori wenyaya dzepepanhau William Brown akati: “Kana pane Mwari mumwe upi noupi, wokunyika wavechiduku ndiMwari wewirirano. . . . Kuva akasiana nokuda kwavechiduku ijambwa rakaipa zvikuru kupfuura rufu.” Mumwe musikana Chapupu muItaly akabvuma, kuti: “Ndainyara kuzivisa vokuchikoro biyangu kuti ndaiva Chapupu. Uye nemhaka yokuti ndaiziva kuti Jehovha akanga asingafari neni, ndakanga ndakasuruvara nokuora mwoyo.”
4 Usanyengedzwa—Satani anoda kukutungamirira kuruparadziko rwako. Vaduku vazhinji vari kunze munyika vachatambura kurasikirwa noupenyu hwavo mukati medambudziko guru nemhaka yokuti vakazvibvumira vamene kutsauswa. (Ezekieri 9:6) Nzira bedzi yokupukunyuka nayo kuronda chiri chakarurama.
Dzivisa Songaniro Dzakashata
5, 6. (a) Murume muduku Timotio akatarisana nedenhoi apo aigara muEfeso? (b) Izanoi iro Pauro aiva naro nokuda kwaTimotio?
5 Iroro ndiro raiva pfundo guru rezano muapostora Pauro akapa murume muduku Timotio. Kwaanopfuura makore gumi, Timotio akanga aperekedza muapostora Pauro panzendo dzake dzoufundisi. Panguva apo Timotio akanga achishumira muguta rechihedheni reEfeso, Pauro akanga akagara mutorongo reRoma achimirira kuurawa. Sezvo nguva yorufu rwake yakasvika, Pauro pasina panikiro aiitira hanya kuti Timotio aizopfuurira sei. Efeso raiva guta raiva nomukurumbira wepfuma yaro, utere, uye nhandaro yakaipa, uye Timotio aizova asina tsigiro yomupi wezano wake anodiwa.
6 Pauro naizvozvo akanyorera “mwana [wake] unodikanwa” zvinotevera: “Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirveri bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomwoyo wakachena.”—2 Timotio 1:2; 2:20-22.
7. (a) Chii chaiva ‘midziyo isina rukudzo’ iyo Pauro akanyevera nezvayo? (b) Pwere dzinogona sei kushandisa mashoko aPauro nhasi?
7 Pauro nokudaro akachenjedza Timotio kuti kunyange pakati pamaKristu biyake pangava paiva ne‘midziyo isina rukudzo’—vanhu vamwe navamwe vakanga vasingazvibati vamene zvakarurama. Zvino kana songaniro namaKristu akati akazodzwa yaigona kuva inokuvadza nokuda kwaTimotio, songaniro navanhu venyika yaizova inokuvadza zvikuru kwazvo sei kupwere yechiKristu nhasi! (1 VaKorinte 15:33) Ikoku hakurevi kuva asina ushamwari kuvokuchikoro biyako. Asi unofanira kungwarira kuti usanyanyova anobatanidzwa navo, kunyange kana ikoko kuchikuita uratidzike kuva zindoga pane dzimwe nguva. Ikoku kunogona kuva kwakaoma zvikuru. Mumwe musikana wokuBrazil anoti: “Kwakaoma. Ndinogarokokwa nevokuchikoro biyangu kuenda kumapati nenzvimbo dzisina kufanira pwere dzechiKristu. Vanoti: ‘Chii! Hausi kuenda? Unopenga!’”
8, 9. (a) Songaniro, kunyange navanhu venyika vanoratidzika kuva vakaisvonaka, inogona sei kupa ngozi nokuda kwomuKristu? (b) Ndokupi kwaunogona kuwana shamwari dzakanaka?
8 Dzimwe pwere dzenyika dzingaratidzika sedzakaisvonaka nemhaka bedzi yokuti hadzisvuti, hadzishandisi mutauro wakashata, kana kuti kupinda muvatano youtere. Kana dzisiri kuronda kururama, kunyanguvezvo, kufunga kwadzo kwenyama nezvimiro zvendangariro zvinogona kukupesvedzera zviri nyore. Kunze kwezvo, ndizvakawanda sei zvaungagona kufarira navasingatendi? (2 VaKorinte 6:14-16) Chokwadi, zvinokosha zvomudzimu zvaunokoshesa “upenzi” zvahwo kwavari! (1 VaKorinte 2:14) Ungagona kuchengeta ushamwari hwavo pasina kubvumiranisa pane zvisina kufanira nheyo dzako here?
9 Naizvozvo dzivisa vasonganiri vasina kunaka. Ganhurira songaniro yako kumaKristu anorangarira zvomudzimu anoda Jehovha chaizvoizvo. Ngwarira kunyange pwere dziri muungano dzakaipa kana kuti dzinotsoropodza. Sezvaunokura mumudzimu, chisarudzo chako mushamwari sezvingabvira chichachinja. Mumwe musikana Chapupu wechiduku anoti: “Ndave ndichiita shamwari itsva muungano dzakasiana-siana. Kwakandiita kuti ndizive kuti shamwari dzokunyika hadzisi madikanwa sei.”
Kutiza Zvishuvo Zvisakarurama
10, 11. (a) Ku“tiza kuchiva kwoujaya” kunorevei? (b) Munhu anogona sei ku“tiza ufeve”?
10 Pauro akakurudzirawo Timotio ku“tiza kuchiva kwoujaya.” Apo unenge uri muduku, chishuvo chokuva akakurumbira, kunakidzwa, kana kuti kugutsa zvishuvo zvevatano chinogona kuva chinosunda. Kana zvikasadziviswa, zvishuvo zvakadaro zvinogona kukutungamirira kupinda muchivi. Pauro naizvozvo akati tiza zvishuvo zvinokuvadza—kumhanya sokunge kuti upenyu hwomunhu huri mungozi.a
11 Chishuvo chevatano, somuenzaniso, chakatungamirira pwere zhinji dzechiKristu kupinda muruparadziko rwomudzimu. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinotiudza kuti “tizai ufeve.” (1 VaKorinte 6:18, NW) Kana vaviri vachinyengana, kuronga misi yokundovhakacha, vanogona kushandisa nheyo iyi kupfurikidza nokudzivisa migariro inoedza—zvakadai sokuva voga mukamuri kana kuti motokari yakamiswa. Kuva nomuperekedzi anokuperekedzai kunganzwika sokwechinyakare, asi kunogona kuva dziviriro chaiyoiyo. Uye nepo mamwe mashoko nezviito zvorudo zvingava zvakafanira, miganhu ine mufungo inofanira kugadzwa kuti mudzivise mufambiro usina kuchena. (1 VaTesaronika 4:7) Kutiza ufeve kwaizobatanidzawo kudzivisa mabhaisikopo kana kuti zvinoratidzwa muTV izvo zvingamutsa chishuvo chisina kururama. (Jakobho 1:14, 15) Kana mifungo youtere ikapinda mundangariro mako isina kukokwa, chinja nhau mundangariro. Famba; rava; ita basa rakati rapamba. Munyengetero iyamuro ine simba zvikuru muna ikoku.—Pisarema 62:8.b
12. Unodzidza sei kuvenga chakaipa? Enzanisira.
12 Kupfuura zvose, unofanira kudzidza kuvenga, kunyangadzwa, uye kusema chakaipa. (Pisarema 97:10) Unovenga sei icho pakutanga chingava chinonakidza kana kuti chinofadza? Kupfurikidza nokufunga miuyo! “Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama.” (VaGaratia 6:7, 8) Apo unoedzwa kutera kuruchiva, funga nezvechiri chinokosha zvikuru—kuti ikoku kungakuvadza sei Jehovha Mwari. (Enzanisa nePisarema 78:41.) Fungawo pamusoro pebviro yenhumbu isingadikanwi kana kuti kubata hosha, yakadai seAIDS. Rangarira kuvadziko yemirangariro uye kurasikirwa nokuzviremekedza kwaungatambura. Pangavawo nemiuyo yenguva refu. Mumwe mukadzi wechiKristu anobvuma, kuti: “Murume wangu neni takava nevatano tisati tasangana. Kunyange zvazvo tose tiri vaviri tiri maKristu nhasi, upenyu hwedu hwevatano hwekare manyuko ekakavaro negodo muroorano yedu.” Chisingafaniri kufuratirwawo, ndiko kurasikirwa neropafadzo dzako dzoumwari kana kuti bviro yokudzingwa muungano yechiKristu! (1 VaKorinte 5:9-13) Mufaro upi noupi wechinguvana wakafanira mutengo wakakwirira kudaro here?
Kuronda Ukama Hwapedyo naJehovha
13, 14. (a) Nei kusina kukwana kutiza chakaipa? (b) Mumwe munhu anogona sei ku“ronda kuziva Jehovha”?
13 Hazvina kukwana, zvisinei, kutiza chakaipa. Timotio akakurudzirwawo kuti a“vinge kururama, nokutendeka, norudo, norugare.” Ikoku kunokarakadza chiito chakasimba. Muporofita Hosea nenzira yakafanana akakumbira rudzi rusina kutendeka rwaIsraeri, kuti: “Huyai, tidzokere kuna Jehovha; . . . [ticharonda, NW] kuziva Jehovha.” (Hosea 6:1-3) Wakaita kuronda kwakadaro iwe umene here? Kunobatanidza zvinopfuura kungopinda misangano uye kuperekedza vabereki vako mubasa romumunda. Mumwe mukadzi wechiKristu akabvuma, kuti: “Vabereki vangu vakandirera muzvokwadi, uye ndakabhapatidzwa pazera rapakuvamba. . . . Ndaisawanzopotsa musangano uye handina kutongopotsa mwedzi webasa, asi handina kutongokudziridza ukama hwapedyo hwomunhu oga naJehovha.”
14 Imwe pwere inobvuma kuti iyowo yakakundikana kusvika pakuziva Jehovha seShamwari naBaba, ichimurangarira soMudzimuwo zvawo. Yakawira muutere ndokuva mai vasina kuchata pamakore 18. Usaita chikanganiso chimwe chetecho! “Ronda kuziva Jehovha,” seizvo Hosea akakurudzira. Kupfurikidza nomunyengetero uye kufamba naJehovha zuva nezuva, unogona kumuita shamwari yako yakavanzika. (Enzanisa naMika 6:8; Jeremia 3:4.) “Kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu” kana tikamutsvaka. (Mabasa 17:27) Gadziriro yenguva dzose yefundo yeBhaibheri yomunhu oga nokudaro inokosha. Muitiro wakadaro haudikanirwi kuva wamaoresa kana kuti wakaoma. “Zuva riri rose ndinorava Bhaibheri kweanenge maminiti 15,” anodaro mumwe musikana muduku anonzi Melody. Tsaura nguva yokurava chinyorwa chimwe nechimwe cheNharireyomurindi naMukai! Iva akagadzirira nokuda kwemisangano yeungano kuti ugone “kunyandurira [vamwe] kurudo namabasa akaisvonaka.”—VaHebheru 10:24, 25, NW.
Ipa Mwoyo Wako Kuvabereki Vako
15. (a) Neiko pane dzimwe nguva kwakaoma kuteerera vabereki vako? (b) Neiko kuteerera kazhinji kazhinji kuri kwebetserwo yepwere?
15 Vabereki vanotya Mwari vanogona kuva manyuko ebetsero chaiyoiyo netsigiro. Asi cherechedza rutivi rwaunofanira kuita: “Teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. ‘Kudza baba vako namai’—ndiwo murairo wokutanga une chipikirwa—‘kuti uitirwe zvakanaka ugare nguva refu panyika.’” (VaEfeso 6:1-3) Chokwadi, uri kuva mukuru zvikuru uye sezvingabvira unoda rusununguko rwakawanda. Ungavawo uchiziva nenzira inowedzera ganhuriro dzavabereki vako. “Madzibaba edu ohunhu,” akabvuma kudaro muapostora Pauro, “aigona kuita bedzi izvo aifunga kuva zvakanakisisa.” (VaHebheru 12:10, The Jerusalem Bible) Kunyanguvezvo, mukurangarira betsero dzose, ichiri betserwo yako kuvateerera. Vabereki vako vanokuda uye vanokuziva zviri nani kupfuura mumwe munhu upi noupi zvake. Nepo ungasabvumirana navo nguva dzose, kazhinji kazhinji vane fariro dzako dzakanakisisa pamwoyo. Kudzivisirei nhamburiko dzavo dzokukurera “pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW]”? (VaEfeso 6:4) Chaizvoizvo, benzi bedzi “rinoramba kuraira kwababa varo.” (Zvirevo 15:5) Pwere yakachenjera ichaziva chiremera chavabereki vayo ndokuratidza ruremekedzo rwakafanira.—Zvirevo 1:8.
16. (a) Neiko kuri kusachenjera kuti pwere dzivanzire vabereki zvinetso zvadzo? (b) Chii icho pwere dzingaita kuvandudza kurukurirano navabereki vadzo?
16 Ikoko kwaizobatanidza kutaura zvokwadi kuvabereki vako, kuvazivisa kana uri kuva nezvinetso, zvakadai sepanikiro dzinonetsa pamusoro pezvokwadi kana kuti kuwira mumufambiro unopanikirika. (VaEfeso 4:25) Kuvanzira vabereki migariro inovhiringidza yakadaro kunosakisa zvinetso zvakawanda. (Pisarema 26:4) Sezvinobvumwa, vamwe vabereki vanoita nhamburiko duku yokukurukura. “Mai vangu havatongogari pasi ndokutaura neni,” akanyunyuta kudaro mumwe musikana muduku. “Handitongovi noushingi hwokutaura chandinorangarira nemhaka yokuti ndinotya kuti vachanditsoropodza.” Kana uri mumugariro wakafanana, nokuchenjera sarudza nguva yakafanira yokuzivisa vabereki vako marangarire aunoita. “Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako,” inokurudzira kudaro Zvirevo 23:26. Edza kukurukura itiro hanya dzako navo nguva dzose, zvinetso zvakakomba zvisati zvatanga.
Ramba Uchironda Kururama!
17, 18. Chii chichabetsera pwere kupfuurira mukuronda kwayo kururama?
17 Nechokumugumo kwetsamba yake yechipiri, Pauro akapangira Timotio, kuti: “Rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa.” (2 Timotio 3:14) Unofanira kuita zvakafanana. Usarega ani naani kana kuti chinhu chipi nechipi chichikukwezvera kure nokuronda kwako kururama. Nyika yaSatani—nokuda kwokukwezva kwayo kwose—yakazadzwa nouipi. Nokukurumidza iyo naavo vose vari rutivi rwayo zvichatambura ruparadziko. (Pisarema 92:7) Iva akatsunga kuti usaparadzwa neboka raSatani.
18 Ucharangarira donzo iroro, unofanira kunzvera nguva dzose nharidzano dzako, zvishuvo, uye fariro. Zvibvunze umene kuti, ‘Ndinochengeta mipimo yakakwirira yomutauro nomufambiro here apo vabereki vangu nemitezo yeungano vanenge vasingandioni? Rudzii rweshamwari rwandinosarudza? Vaenzani vokunyika vanoraidza mupfekero norutsvindo zvangu here? Inharidzanoi dzandakazvigadzira ndimene? Ndinoda zvakasimba ushumiri hwenguva yakazara here—kana kuti basa mutsika iri kufa yaSatani yezvinhu?’
19, 20. (a) Neiko pwere isingafaniri kunzwa ichikurirwa nezvinodikanwa zvaJehovha? (b) Pwere dzinogona kuzviyamura dzimene negadziriroi?
19 Zvichida unoona dikanwo yokuita gadziridzo mukufunga kwako. (2 VaKorinte 13:11) Usanzwa wakurirwa zvikuru. Yeuka, Jehovha haakariri zvizhinji kwauri kupfuura zvine mufungo. Muporofita Mika akabvunza, kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” (Mika 6:8) Ikoku hakusati kuchizova kwakanyanyooma kana ukashandisa gadziriro dzaJehovha dzokukubetsera. Gara uri pedyo navabereki vako. Nguva dzose songanirana neungano yechiKristu. Zvikurukuru, ita nhamburiko yokuziva vakuru veungano. Vanoitira hanya garikano yako uye vanogona kuva manyuko etsigiro nenyaradzo. (Isaya 32:2) Kupfuura zvose, sakurira ukama hwapedyo, hunodziya naJehovha Mwari. Achakupa simba nechido zvokuronda chiri chakarurama!
20 Dzimwe pwere, kunyanguvezvo, dzinosekesa nhamburiko dzadzo dzokukura mumudzimu kupfurikidza nokuteerera nziyo dzisina kunaka. Nyaya inotevera ichapa iyi nhau ngwariro chaiyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiGiriki roku“tiza” rinoshandiswawo pana Mateo 2:13, apo Maria naJosefa vakaudzwa kuti va“tizire Egipita” kunzvenga kuronga kwokuponda kwaHerodhe.—Enzanisa naMateo 10:23.
b Uchawana chiverengero chakati chezvikarakadzo zvinobetsera zvokudzora chishuvo chevatano muganhuro 26 yebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko pwere zvikurukuru dzisina dziviriro “kumanomano” aSatani?
◻ Neiko kusanosonganirana nepwere dzokunyika kune ngozi?
◻ Ungatiza sei utere hwevatano?
◻ Unogona sei kuronda ukama hwapedyo naJehovha?
◻ Neiko kuchikosha kukurukura navabereki vako?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vari kunyengana nenzira yokuchenjera vanosvika pakuzivana mumigariro, zvakadai sokutserendendeka muaizi, isingavaparadzanisi navamwe vanhu