RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 13-18
  • Ndivanaani Vari Kutevera Chiedza Chenyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndivanaani Vari Kutevera Chiedza Chenyika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vadi Verima
  • Tsitsi dzaJesu
  • Kuunganidza Vatakuri Vechiedza
  • Kuratidzira Chiedza choUmambo
  • Nyika Itsva Yakavhenekerwa
  • Kutevera Chiedza Ndokwokukurumidzira
  • Tevera Chiedza Chenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Chiedza Chakasvika Panyika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Pfekai Zvombo Zvechiedza”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 13-18

Ndivanaani Vari Kutevera Chiedza Chenyika?

“Muri kupenya sezvivheneko munyika.”—VAFIRIPI 2:15, NW.

1. Bhaibheri rinotii pamusoro pezviedza zvorudzidziso rwenhema?

BHAIBHERI rinozivisa zvakajeka Jesu se“chiedza chikuru,” “chiedza chenyika.” (Isaya 9:2; Johane 8:12) Bva, vashomanene zvikuru vakamutevera paaiva pasi pano. Voruzhinji vakasarudza kutevera zviedza zvenhema vaiva, chaizvoizvo, vatakuri verima. Nezvaivava Shoko raMwari rinoti: “Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vanozvishandura vachizviita vaapostora vaKristu. Naizvozvi hazvishamisi; nokuti kunyange naSataniwo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.”—2 VaKorinte 11:13-15.

2. Jesu akati chii chaizova hwaro hwokutonga vanhu?

2 Nokudaro, havasi vanhu vose vanoda chiedza, kunyange zvazvo chichishamisa. Jesu akati: “Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.”—Johane 3:19, 20.

Vadi Verima

3, 4. Vatungamiriri vorudzidziso vomuzuva raJesu vakaratidza sei kuti vakanga vasingadi kutevera chiedza?

3 Rangarira kuti ikoko kwakanga kwakadaro sei apo Jesu aiva pasi pano. Mwari akanga apa Jesu simba rokuita manenji anofadza senzira yokubvumikisa kuti akanga ari Mesia. Somuenzaniso, pazuva reSabata, akadzorera chiono chomurume akaberekwa ari bofu. Chiito chinoshamisa zvakadini chengoni! Akaonga sei murume wacho! Aigona kuona kwenguva yokutanga chaiyo! Chii, kunyanguvezvo, chaiva kuita kwavatungamiriri vorudzidziso? Johane 9:16 inorondedzera, kuti: “Zvino vamwe vavaFarise vakati [pamusoro paJesu]: ‘Munhu uyu haazi waMwari, nokuti haachengeti sabata.’” Mwoyo yavo yakanga yakashatiswa sei! Pano kurapa kunoshamisa kwakanga kwaitika, asi panzvimbo pokuratidzira mufaro nokuda kwomurume aichimbova bofu nokuonga murapi, vakashurikidza Jesu! Kupfurikidza nokuita kudaro, pasina panikiro vakatadzira kuratidzirwa kwomudzimu mutsvene waMwari, chivi chisingakanganwirwi.—Mateo 12:31, 32.

4 Gare gare, apo vanyengeri ivavo vakabvunza murume aichimbova bofu pamusoro paJesu, murume wacho akati: “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi [Jesu] kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye. Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu, wakaberekwa riri bofu. Dai uyu [Jesu] asati ari waMwari, haazaigona kuita chinhu.” Vatungamiriri vorudzidziso vakapindura sei? “Vakapindura, vakati kwaari: ‘Iwe wakaberekerwa kwazvo muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa su?’ Vakamudzingira kunze.” Kushaiwa tsitsi kwakadini! Vakanga vakaoma mwoyo. Naizvozvo Jesu akavaudza kuti nepo vaigona kuona nameso avo okunyama, vakanga vari mapofu mumudzimu.—Johane 9:30-41.

5, 6. Chii icho vatungamiriri vorudzidziso vomuzana rokutanga ramakore vakaita chakaratidza kuti vaida rima?

5 Kuti ava vanyengeri vorudzidziso vakanga vari kutadzira mudzimu waMwari kunooneka nyore nyore pane imwe nhambo, apo Jesu akamutsa Razaro kuvakafa. Nemhaka yenenji iroro, vazhinji vavanhuwo zvavo vakatenda Jesu. Cherechedza, zvisinei, izvo vatungamiriri vorudzidziso vakaita. “Naizvozvo vaprista vakuru navaFarise vakaunganidza makurukota, vakati: ‘Todiniko? nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.’” (Johane 11:47, 48) Vainetseka pamusoro penzvimbo dzavo noutanhamari. Pasinei zvapo nemiuyo vaida kufadza vaRoma, kwete Mwari. Naizvozvo, vakaitei? “Zvino kubva pazuva irero vakarangana, kuti vamuuraye” Jesu.—Johane 11:53.

6 Zvaiva izvozvo zvoga here? Aiwa. Zvavakatevera kuita zvinoratidza kuti vaida rima zvikuru sei: “Asi vaprista vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.” (Johane 12:10, 11) Huipi hunoshamisa zvakadini! Kunyange zvazvo vakaita zvose izvozvi kuti vataviridze nzvimbo dzavo, chii chakaitika? Muchizvarwa ichocho chimene, vakamukira vaRoma, avo vakauya kuzorwisana navo muna 70 N.V. ndokutora nzvimbo yavo, rudzi rwavo, uye noupenyu hwavowo!—Isaya 5:20; Ruka 19:41-44.

Tsitsi dzaJesu

7. Neiko vadi vezvokwadi vakadirana kuna Jesu?

7 Saizvozvowo munguva yedu, havasi vose vanoda vhenekero yomudzimu. Asi avo vanoda zvokwadi vanoda kuuya kuchiedza. Vanoda Mwari saChangamire wavo, uye nokudisa vanotendeukira kuna Jesu, uyo Mwari akatuma kuzotsanangura chiri chiedza, uye kumutevera. Ndizvo izvo vanhu vanozvininipisa vakaita apo Jesu aiva pasi pano. Vakadirana kwaari. Kunyange vaFarise vaitofanira kubvuma ikoko. Vakanyunyuta, kuti: “Nyika yose yamutevera.” (Johane 12:19) Vanhu vakafanana namakwai vakada Jesu nemhaka yokuti aiva musiano wavatungamiriri vorudzidziso vano udyire, vanozvikudza, vanoda simba nezvavo Jesu akati: “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu.”—Mateo 23:4, 5.

8. Mukusiana navanyengeri vorudzidziso, Jesu aiva nechimiroi chendangariro?

8 Mukupesana, cherechedza chimiro chendangariro chokunzwira tsitsi chaJesu: “Asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi.” (Mateo 9:36) Uye chii chaakaita pamusoro pako? Akati kuna avo vakanga vashandiswa zvisina kunaka netsika yaSatani: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:28-30) Jesu akaita zvakadeya kutaurwa nezvake pana Isaya 61:1, 2, iyo inorava, kuti: “Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema.”

Kuunganidza Vatakuri Vechiedza

9. Ndizvinoitikai zvinokosha zvakaitika muna 1914?

9 Pashure pokukwira kwake kudenga, Jesu aizomirira kusvikira nguva yasvika yokuti Mwari amupe simba roUmambo. Ipapo aizoparadzanisa “makwai” achibva mu“mbudzi.” (Mateo 25:31-33; Pisarema 110:1, 2) Nguva iyoyo yakasvika apo “mazuva okupedzisira” akavamba muna 1914. (2 Timotio 3:1-5) Jesu, apiwa simba saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, akavamba kuunganidzira kuruoko rwake rworudyi rwenyasha avo vaida kutevera chiedza. Pashure peHondo yeNyika I, basa iroro rokuunganidza rakapfuurira nesimba rinowedzera.

10. Mubvunzoi ungabvunzwa pamusoro paavo Jesu ari kushandisa mubasa rokuunganidza?

10 Muutungamiriri hwaKristu Jesu, basa rokuunganidza rakatuswa nokubudirira kukuru. Munhau hakuna kutongova navanhu vazhinji vakadaro vanobva mumarudzi ose vakaunganidzwa pamwe chete mukunamata kwechokwadi kwakavhenekerwa. Uye ndivanaani nhasi vari kutevera chiedza chinobva kuna Mwari naKristu? Ndivanaani vari kuita izvo VaFiripi 2:15 (NW), inotaura, “kupenya sezvivheneko munyika,” vachikoka vamwe ku‘uya ndokutora mvura youpenyu pachena’?—Zvakazarurwa 22:17.

11. Chii chiri chimiro chechiKristudhomu pamusoro pechiedza chomudzimu?

11 ChiKristudhomu chiri kuita izvozvo here? ChiKristudhomu, namarudzidziso acho anokamuranisa, zvamazvirokwazvo hachizi kupenya sechivheneko. Kutaura idi, vafundisi vakafanana navatungamiriri vorudzidziso vomuzuva raJesu. Havasati vari kuratidzira chiedza chechokwadi chinobva kuna Mwari naKristu. Makore makumi matatu namatatu apfuura, magazini inonzi Theology Today yakati: “Nenzira inonzwisa urombo kunofanira kubvumwa kuti ichi chiedza hachivheneki muChechi norubwinyo rukuru. . . . Chechi yava yakakombamira kuva inoramba ichifanana zvikuru nenzanga dzakaipoteredza. Haisati iri zvikuru chiedza chenyika panzvimbo pezvo muratidziri wezviedza zvinopenya munyika imene.” Uye mugariro wechiKristudhomu wakatoipa zvikuru nhasi. Chinonzi chiedza icho chinoratidzira chinobva munyika irima chaizvoizvo nemhaka yokuti ndizvo zvose bedzi izvo Satani nenyika yake vanazvo kuti vape. Aiwa, hapana chiedza chezvokwadi chinobva mumarudzidziso anopokanidzana uye ari enyika zvakakwana echiKristudhomu.

12. Ndivanaani vanoumba sangano ravatakuri vechiedza vechokwadi nhasi?

12 Kunogona nechivimbo kutaurwa kuti chaunga chenyika itsva cheZvapupu zvaJehovha ndicho sangano rechokwadi, rinotakura chiedza nhasi. Yakabatana, mitezo yaro yose—varume, vakadzi, uye vaduku zvakafanana—vanoita kuti chiedza chavo chinobva kuna Jehovha naKristu chipenye pamberi porudzi rwose rwomunhu. Gore rakapera, muungano dzinodokusvika 70 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, vatakuri vechiedza vanosanopfuura mamirioni mana vaiudza vamwe nokushingaira pamusoro paMwari namadonzo ake. Uye gore rimwe nerimwe zvino, tinoona kuunganidzwa kukuru kunopfuurira kwavanhu vanodawo kuvhenekerwa mumudzimu. Mazana ezviuru ari kubhapatidzwa pashure pokufunda Bhaibheri nokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi. Zvirokwazvo, Mwari “unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.”—1 Timotio 2:4.

13. Tingaenzanisa chiedza chinobva kuna Jehovha nechii?

13 Tingaenzanisa vhenekero inobva kuna Jehovha zvino nechakaitika apo vanhu vaMwari vomunguva dzakare vakabva Egipita: “Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yemwoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku.” (Eksodho 13:21, 22) Gore masikati nomwoto usiku zvaibva kuna Mwari zvaiva nhungamiro dzinovimbika. Zvaiva zvakavimbika sezuva iro Mwari akasika kutigovera maawa amasikati. Naizvozvowo, tinogona kuvimba naJehovha kupfuurira kuvhenekera nzira mumudzimu nokuda kwavatsvaki vezvokwadi muaya mazuva akaipa okupedzisira. Zvirevo 4:18 inotivimbisa, kuti: “Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”

Kuratidzira Chiedza choUmambo

14. Chii chinofanira kuva donzo guru ravatakuri vechiedza?

14 Nepo Jehovha ari Manyuko evhenekero, uye Kristu Muratidziri Mukuru wechiedza ichocho, vateveri vaJesu vanofanira kuchiratidzirawo. Akati nezvavo: “Imi muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:14, 16) Uye chii chaiva musoro mukuru weichi chiedza icho vateveri vake vaifanira kurega chichipenya pamberi porudzi rwomunhu? Chii chavaifanira kudzidzisa pauyu mugumo wenhau yenyika? Jesu haana kutaura kuti vadzidzi vake vaizoparidzira utongi hworuzhinji, udzvinyiriri, mubatanidzwa weChechi neHurumende, kana kuti imwe pfungwa ipi neipi yenyika. Panzvimbo pezvo, pana Mateo 24:14 akadeya kutaura kuti mukutarisana nechishoro chenyika yose, “evhangeri iyi youshe [yaizo]paridzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma [kwaizo]svika.” Nokudaro, vatakuri vechiedza nhasi vanoudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari, uhwo huchagumisa nyika yaSatani uye huchapinza nyika itsva yakarurama.—1 Petro 2:9.

15. Avo vanoda chiedza vachatendeukira kupi?

15 Avo vanoda chiedza havasati vachizotsauswa nokutaura nenharidzano zvenyika ino. Kutaura kwose ikoko nenharidzano zvichakurumidza kupera, sezvo nyika ino iri kusvika pedyo nomugumo wayo. Panzvimbo pezvo, vadi vokururama vachada kutendeukira kumashoko akanaka ari kuziviswa naavo vari kurega chiedza choUmambo hwaMwari kuti chipenye kumativi ari kure apasi. Ava ndivo vakadeya kutaurwa pana Zvakazarurwa 7:9, 10, iyo inoti: “Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe [chaMwari], napamberi peGwaiana [Kristu] . . . vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro choushe, nokuGwaiana.’” Ndima 14 inoti: “Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru.” Hungu, vanopukunyuka mugumo wenyika ino vachipinda munyika itsva isingagumi muUmambo hwaMwari.

Nyika Itsva Yakavhenekerwa

16. Chii chichaitika kunyika yaSatani padambudziko guru?

16 Nyika itsva ichafukidzwa muchiedza chakajeka chezvokwadi. Zvamazvirokwazvo, rangarira izvo mugariro uchava pashure pezuva iro Mwari anenge agumisa tsika ino yezvinhu. Satani, madhemoni ake, uye masangano ake ezvamatongerwe enyika, ezvokutengeserana, uye orudzidziso achave aenda—riri rose rawo! Zvishandiso zveparadziro zvose zvaSatani zvichave zvaendawo. Nokudaro, pashure pedambudziko guru, hapachazombotsikirirwazve pepanhau rimwe, magazini, bhuku, bhukwana, kana kuti pepa rinotsigira nyika ino yakaipa. Hapazovi nepesvedzero dzinoshatisa dzinoparadzirwa muterevhizheni yenyika kana kuti zviteshi zvenhepfenyuro. Mhoteredzo yose ine chepfu yenyika yaSatani ichabviswa muchiito chimwe chete chine simba!—Mateo 24:21; Zvakazarurwa 7:14; 16:14-16; 19:11-21.

17, 18. Waizotsanangura sei mhoteredzo yomudzimu pashure pomugumo wenyika yaSatani?

17 Ikoko kuchava kusunungurwa kukuru kwakadini! Kubva pazuva iroro zvichienda mberi, chiedza chomudzimu, chakanaka bedzi, chinovandudza chinobva kuna Jehovha noUmambo hwake chichapesvedzera rudzi rwomunhu. Isaya 54:13 inodeya kutaura, kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” Kutonga kwaMwari kuchidzora pasi rose, chipikirwa chake ndechokuti, sezvinotaura Isaya 26:9, “vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.”

18 Nokukurumidza, mhoteredzo yose yendangariro neyomudzimu ichachinja kuva iri nani. Zvinhu zvinovaka ndizvo zvichava muitiro wezuva riri rose panzvimbo pezvinhu zvinoodza mwoyo, zvoutere zvakapararira kwazvo zvino. Munhu ari wose mupenyu ipapo achadzidziswa zvokwadi pamusoro paMwari namadonzo ake. Mumufungo wakakwana zvikurusa, uporofita hwaIsaya 11:9 huchazadzikwa, hunoti: “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”

Kutevera Chiedza Ndokwokukurumidzira

19, 20. Nei avo vanoda kutevera chiedza vachifanira kuramba vakasvinurira?

19 Zvino, mumakore okupedzisira etsika ino yakaipa, kutevera chiedza chenyika ndokwokukurumidzira. Uye tinofanira kungwarira, nokuti pane hondo huru iri kurwiwa kutidzivisa kufamba muchiedza. Ichi chishoro chinobva kumasimba erima—kuna Satani, madhemoni ake, uye sangano rake rapasi. Ndicho chikonzero nei muapostora Petro achinyevera, kuti: “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.”—1 Petro 5:8.

20 Satani achaisa mhinganidzo iri yose munzira yaavo vanowana chiedza, nemhaka yokuti anoda kuvaita kuti vapfuurire vari murima. Ingava dzvinyiriro inobva kuhama dzokunyama kana kuti dzaichimbova shamwari dzinoshora zvokwadi. Dzingava panikiro pamusoro peBhaibheri nemhaka yokupofumadzwa kwomumwe nedzidziso dzorudzidziso rwenhema kana kuti paradziro yavasingatendi kuvapo kwaMwari navanopanikira kuvapo kwaMwari vasina kutenda. Dzingava kombamiro dzomunhu amene dzokutadza dzinokuita kuti kuome kurarama mukuwirirana nezvinodikanwa zvoumwari.

21. Chiitoi chinofanira kuitwa naavo vose vanoda kugara munyika itsva yaMwari?

21 Mhinganidzo dzipi nedzipi dzingavapo, unoda kufarikanya upenyu munyika itsva isina urombo, utsotsi, kusaruramisira, uye hondo here? Unoda kufarikanya ugwinyi hwakakwana uye upenyu husingagumi muparadhiso yapasi here? Ipapo gamuchira ndokutevera Jesu sechiedza chenyika uye teerera mashoko aavo vari kubatisisa “shoko roupenyu” uye vari “kupenya sezvivheneko munyika.”—VaFiripi 2:15, 16, NW.

Waizopindura Sei?

◻ Vatungamiriri vorudzidziso vanoratidza sei kuti vadi verima?

◻ Jesu aiva nechimiroi chendangariro kuna vanhu?

◻ Kuunganidzwa kwavatakuri vechiedza kwakapfuurira sei?

◻ Ichinjoi dzinokosha dzichaitika nokukurumidza?

◻ Neiko kuri kwokukurumidzira kutevera chiedza chenyika nhasi?

[Mufananidzo uri papeji 14, 15]

VaFarise vane mwoyo yakaoma vakakandira kunze murume ane meso akanga asvinudzwa naJesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe