RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 3-4
  • Bhapatidza! Bhapatidza! Bhapatidza! Asi Neiko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhapatidza! Bhapatidza! Bhapatidza! Asi Neiko?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Rubhabhatidzo
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 3-4

Bhapatidza! Bhapatidza! Bhapatidza! Asi Neiko?

“MUNHAMBO yemwedzi mishomanene ndakabhapatidza varume, vakadzi, uye vana vanopfuura zviuru gumi.” Akanyora kudaro mufundisi weJesuit Francis Xavier pamusoro pebasa rake muumambo hweTravancore, India. “Ndakaenda pamusha nomusha ndokuvaita maKristu. Uye kuri kose kwandakaenda ndakasiya shure kopi yeminyengetero yedu nemirairo mumutauro wavagari vemo.”

Aororwa zvikuru kwazvo netsamba dzaFrancis Xavier, Mambo John wePortugal akaraira kuti dziraviwe zvinonzwika pachikuva chiri chose muumambo hwake hwose. Tsamba yaJanuary 1545 ichangobva kunokorwa mashoko yakatotenderwa kudhindwa. Muuyo wacho? “Nguva refu isati yapera hafu yavadzidzi muEurope, ‘ichipfugama nokubudisa misodzi inopisa,’ yakanga ichichemera kuenda kuIndia ndokutendeutsa vahedheni,” anonyora kudaro Manfred Barthel mubhuku rake The Jesuits—History & Legend of the Society of Jesus. Iye akawedzera, kuti: “Pfungwa yokuti kungatora vasasi vemvura tsvene vashomanene nehomwe yamaturakiti kutendeutsa umambo hwose haisati ichiratidzika kuva yakaitika kuvazhinji panguva yacho.”

Chii chakaitwa zvomenemene nokutendeutswa kwavazhinji kwakadaro? Jesuit Nicolas Lancilloto akashuma chaizvoizvo kuRoma, kuti: “Vazhinjisa vaavo vanobhapatidzwa vane vavariro yakavanzika. Varanda vamaArabhu namaHindu vanokarira kuwana rusununguko rwavo kupfurikidza narwo kana kuti kuwana dziviriro pana tenzi anodzvinyirira kana kuti kungowana bedzi nguvo itsva kana kuti ngowani. Vazhinji vanoita saizvozvo kuti vanzvenge chirango chakati. . . . Vapi navapi vanosundwa nokupwiswa kwavo vamene kutsvaka ruponeso mudzidziso dzedu vanorangarirwa samapenzi. Vazhinji vanowa pakutenda ndokudzokera kuyaichimbova miitiro yavo yechihedheni isiri nguva refu pashure pokubhapatidzwa.”

Chishuvo chokutendeutsa ndokubhapatidza vahedheni chakagoveranwawo navapanguri veEurope venhambo iyoyo. Kunotaurwa kuti Christopher Columbus akabhapatidza “maIndia” okutanga ayo akasangana nawo muCaribbean. “Muitiro wehurumende weHurumende yeSpain wakaisa kutendeutswa kwavagari vemo sechinhu chokutanga,” inodaro The Oxford Illustrated History of Christianity. “Pakasvika mugumo wezana ramakore regumi nerechitanhatu, maIndia ane 7 000 000 oumambo hweSpain, muzita bedzi, aiva maKristu. Uko tine zviverengero zvokutendeutsa (Pedro de Gante, hama yokunyama yaMambo Charles V, uyo akanga akumbanira vafundisi, akataura nezvokubhapatidza vane 14 000 nebetsero yeshamwari imwe muzuva rimwe), kuri pachena kuti hapana muraidzo wokutanga wakakomba wakanga wabvira.” Kutendeuka kwapamusoro kwakadaro kwaiwanzoperekedzwa nokubatwa kwehasha, kwoutsinye, kwokudzvinyirira kwavagari vemo.

Ukoshi hwakaiswa parubhapatidzo hwakanyandura ava vapanguri navafundisi. Muna 1439, Pope Eugenius IV akabudisa murairo paDare reFlorence uyo wakati: “Rubhapatidzo rutsvene rune nzvimbo yokutanga pakati pamasakaramende, nemhaka yokuti irwo isuo roupenyu hwomudzimu; nokuti kupfurikidza narwo tinoitwa mitezo yaKristu ndokubatanidzwa neChechi. Uye sezvo kupfurikidza nomunhu wokutanga rufu rwakapinda muna vose, kutoti tikaberekwa zvakare nemvura noMweya Musande, hatigoni kupinda muumambo hweDenga.”

Gakava rakamuka, kunyanguvezvo, pamusoro pokuti rubhapatidzo rwaani chaizvo rwakanga rwakanaka. “Nemhaka yokuti rwakanga rwuriwo muitiro mukuru wokupinda nawo munzanga yechechi, rubhapatidzo rwakakurumidza kunzi iropafadzo nechechi dzinoverengeka dzinokwikwidzana, imwe neimwe yadzo yakazvidana imene yakarurama ndokupomera dzimwe kupanduka namapoka. Kuvandudzwa kwemiitiro yorubhapatidzo kwakaitwa namasekete akasiana-siana kwakanga kusingadzivisiki,” inodaro The Encyclopedia of Religion.

Muitiro worubhapatidzo, zvisinei, unotangira kutenda kwechiKristu. Wakashandiswa muBhabhironia nomuEgipita yakare, umo mvura dzinotonhora dzaNire dzaifungwa kuva dzinowedzera simba ndokupa kusafa. VaGiriki vaidavirawo kuti rubhapatidzo rwaigona kuunza kumutsidzirwa kana kuti rwaigona kuwana kusafa nokuda kwavatangi. Sekete yechiJudha paQumran yakashandisa rubhapatidzo nokuda kwokupinza munzanga yavo. Kwaidikanwa kuti vatendeuki Vamarudzi kuchiJudha vadzingiswe uye mazuva manomwe gare gare kubhapatidzwa kupfurikidza nokunyudzwa pamberi pezvapupu.

Sezvinooneka, ukoshi hukuru hwakaiswa parubhapatidzo mumazera ose. Asi zvakadiniko nhasi? Rwuri madikanwa here munguva dzino dzazvino uno? Kana kwakadaro, neiko? Zvamazvirokwazvo, unofanira kubhapatidzwa here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe