Akatuswa ne“Korona Youpenyu”
KUNGIROZI yeungano yomuSmirna, muapostora Johane akaudzwa kunyora, kuti: “Zvibvumikise umene kuva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:8, 10, NW) Naizvozvo, chiziviso chiri zvose zviri zviviri chinosuruvarisa nechinofadza chinoitwa pano chokuti Frederick William Franz, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., pamwe chete nechiverengero chakati chamamwe masangano oubati ushe hwaMwari, akapedza nguva yake yapasi pamangwanani aDecember 22, 1992.
Chiziviso chinosuruvarisa mukuti chinotaura nezvokufa papasi kwomubatiri anodiwa zvikuru kwazvo naakatendeka zvakatanhamara waJehovha. Bva, chiziviso chinofadzawo nemhaka yokuti kuHama yedu inodiwa Franz zvino anoshanda mashoko aZvakazarurwa 14:13: “Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hon’o, ndizvo zvinotaura [mudzimu, NW], kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.” Hama Franz vakanga vane mwero uye vachizvininipisa, mushumiri anoshanda zvakaoma naanobudirira zvikuru uyo Jehovha Mwari akashandisa zvikuru kwazvo somutezo wo“muranda akatendeka naakachenjera” kubatsira mukugovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwa“veimba” neshamwari dzavo.—Mateo 24:45-47, NW.
Hama Franz vakaberekwa pana September 12, 1893, muCovington, Kentucky. Ivo vakanzwa zvokwadi kupfurikidza nomukoma. Panguva iyoyo vakanga vachipinda University of Cincinnati, vachigadzirira kuva mushumiri wePresbyterian. Panzvimbo pezvo, vakaparadzana nePresbyterian Church ndokubatanidzwa naVadzidzi veBhaibheri, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa panguva iyeyo. Ivo vakabhapatidzwa pana November 30, 1913, uye gore rakatevera racho vakabva payunivhesiti ndokupinda mubasa recolporteur ro(upiona). Pana June 1, 1920, ivo vakava mutezo wemhuri yeBheteri yeBrooklyn. Nguva refu isati yapera, vakaitwa kuti vatarisire chibhariro chamacolporteur, uye muna 1926 vakachinjirwa kubato ravapepeti venhau, uko ivo vakabatira nenzira inobudirira zvikurusa. Muna 1945 vakava mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Society namamwe masangano akabatanidzwa. Parufu rwapurezidhendi wapanguva iyeyo Nathan H. Knorr muna 1977, vakava purezidhendi weWatch Tower Society. Ivo vakabatira munzvimbo iyoyo kutozosvikira parufu rwavo. Munduramo yavo, Hama Franz vakaona chiverengero cheZvapupu zvaJehovha chichiwedzera kubva pazviuru zvishomanene kusvikira kumamirioni mana nehafu. Ivo vakafarikanya maropafadzo akawanda ebasa, kubatanidza kutaura pakokorodzano dzamarudzi ose nokushanyira mapazu nemisha yavafundisi mumativi akawanda enyika. Nhau yavo youpenyu yakaoneka muchinyorwa cheNharireyomurindi chaMay 1, 1987.
PaMuvhuro madekwana, December 28, 1992, hurukuro yechirangaridzo yakaitwa muHoro yoUmambo yeBheteri yeBrooklyn. Hurukuro youshamwari zvikuru neinovaka mumudzimu yakakurukurwa naHama Albert D. Schroeder voMutumbi Unodzora. Dzakabatanidzwa norunhare dzaiva mhuri dzeBheteri kuWatchtower Farms, Patterson, Mountain Farm, uye Kingdom Farm, pamwe chete nemhuri yeBheteri pabazu reCanada.
Vose, zvikurukuru avo vakasanoshanda navo, vacharasikirwa zvikuru naHama Franz. Ivo vakanga vachinzwisisa, vachikurudzira, uye vanoshivirira kumunhu ari wose uyo vakabatira naye ndokufamba. Zvirokwazvo, vatendi biyavo vaimupindura nomudzimu waVaHebheru 13:7: “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kukuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.”
Pana December 30, 1992, Hama Milton G. Henschel vakasarudzwa sapurezidhendi wechishanu weSociety, kutsiva Hama Franz.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Frederick W. Franz muna 1913
Pafekitari yeSosaiti paMyrtle Avenue muna 1920
NaNathan H. Knorr paYankee Stadium muna 1953