RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 3/15 pp. 23-26
  • Kuwana Kworudzi Rwakasiana muBahamas

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Kworudzi Rwakasiana muBahamas
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Kuwana Kworumwe Rudzi
  • Kugamuchira Kwoushamwari Kwavagari Vapazvitsuwa
  • Zvakagadzirira nokuda Kwenguva Yemberi
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 3/15 pp. 23-26

Kuwana Kworudzi Rwakasiana muBahamas

KUFANANA namatanho mhiri kwamakungwa ebhuruu pakati peFlorida neCuba, Bahamas yakagamuchira ngwariro isina muenzaniso yakapiwa nezvinobudisa nhau zvenyika muna 1992. Neiko? Nemhaka yokuti zviremera zvizhinjisa zvinorangarira Bahamas kuva nyika yakasvikwa pashure porwendo rwomumvura rune mbiri rwaChristopher Columbus muna 1492, apo iye akawana maAmerica. Kuchengetwa kwegore negore kwechimazana mashanu, kana kuti kuchengetwa kwechi 500, kwokusvika kwaColumbus pana October 12 kwakabata ngwariro yamarudzi ose.

Kunyanguvezvo, shingairo yokuchengetwa kwegore negore kwechimazana mashanu yakanga iri isina vatsoropodzi vayo. Achitaura kuNational Conference of Black Lawyers yechi 23, John Carew (purofesa wefundo dzamarudzi ose) sezvinoshumwa akataura kuti Columbus “akarega fungu rorufu paCaribbean.”—The Nassau Guardian.

Nhasi, hapana nomumwe wavagari vemo vakaberekerwamo vane 250 000 veBahamas anogona kuronda ukama hweropa kusvikira kuvagari vemo vane rugare Columbus akasangana navo ndokurondedzera sa“vanhu vakasanoumbwa, vane miviri yakanaka uye zviso zvakanaka.” Chii chakaitika kuvagari ivavo vapazvitsuwa? A History of the Bahamas rinopindura, kuti: “Pakati pa 1500 na 1520 chiverengero chose chavagari vemo veBahamas, zvimwe vaLucayo vanenge 20 000, vakaendeswa” savaranda kundoshanda mumigodhi yendarama yeSpain muHispaniola.

Yabviswa vanhu kudaro, Bahamas yaka“wanwazve” kutanga namaBritish uye gare gare namapoka makuru a“vakavimbika.” Vapashure vakanga vari zvikurukuru varidzi veminda yemiti vakabva kunyika dzeAmerica. Vakavimbika kuBritish Crown, vakatiza hondo yokuzvimirira panguva iyoyo yaigadzirirwa panyika yacho. VaBahamas vanhasi zvikurukuru vazukuru vaava vagari navaranda vavo. Pakusunungurwa, vazhinji vavaranda vakachengeta mazita avaichimbova vatenzi vavo.

Kuwana Kworumwe Rudzi

Pane panikiro shomanene yokuti Columbus akazviona amene somufundisi akati. Iye sezvinoshumwa akati: “Mwari akandiita nhume yedenga idzva nepasi idzva. . . . Iye akandiratidza kwokuriwana.” Bva, ruparadziko rwakavapo rwakabvumikisa zvakasiana. ‘Matenga matsva nepasi idzva’ zvakarurama zvakapikirwa naMwari zvaifanira kumirira kuwana kworumwe rudzi.—2 Petro 3:13.

Muna 1926, Edward McKenzie nomudzimai wake vakasvika muBahamas. Kusafanana navawani vapamberi pavo, ava vaviri vanozvininipisa veJamaica vakasvika vachitsvaka vanhu vano mwoyo wakatendeseka avo vaigona kupa pfuma. Ivo vaiva vokutanga kuunza kuBahamas mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 13:44; 24:14) Gare gare gore iroro vakakumbanirwa navamwe vaJamaica vaviri, Clarence Walters naRachel Gregory. Pakasvika 1928 kwaiva navaparidzi voUmambo vanomwe muBahamas. Kwamakore mana ivo vakashanda zvakaoma mukuparidzira mashoko akanaka kuvagari vapazvitsuwa.

Ipapo kwakauya E. P. Roberts, mutauri ane mbavarira akabva Trinidad. Hurukuro dzake dzavose muhoro dzemisangano dzakakurumbira dzakaita zvakawanda kudzinga zvitendero zvenhema ndokunyandura mwoyo yavazhinji nezvokwadi yeBhaibheri. Akanga agere achifadzwa zvikuru muvateereri pamumwe wemisangano iyoyo akanga ari Donald Oscar Murray, gare gare akazivikanwa nenzira yorudo saD. O. Iye pakupedzisira akatungamirira mubasa.

Mufundisi Nancy Porter anosanoyeuka kuti D. O. Murray akataura sei nezveminyengetero yake yakasimba nokuda kwebetsero mubasa rokuparidzira. Muna 1947, Nancy nomurume wake, George, pamwe chete navamwe vaviri vakava vafundisi vokutanga kutumirwa kuBahamas neWatch Tower Society. Iye anoyeuka, kuti: “Musangano wokutanga watakaenda kwauri ndichimwe chinhu ndisingafungi kuti tichazombokanganwa. Kwaiva navanenge vapfumbamwe kana kuti gumi vaivapo. Hama Murray akanga ari sachigaro uye akazarura nomunyengetero, achionga Jehovha nokuda kwokusvika kwavafundisi. Betsero yaidikanwa, iye akadaro, uye ‘takanyengetera nokuda kworubatsiro kwenguva yakareba kwazvo.’ Society yakanga yavimbisa kutumira betsero, uye zvino takanga tava muno. Munyengetero wacho wakanga uchiorora kwazvo zvokuti wakatiita kuti tinzwe kuti taida kugara ndokusatongoda kuenda.” Zvino, makore 45 gare gare uye pasinei zvapo norufu rwomurume wake, Hanzvadzi Porter achiri kuendesa shoko roUmambo rinonyaradza kuvagari vapazvitsuwa.

Zvikurukuru chifo cha 1947 basa rokuparidzira Umambo muBahamas rakabetserwa zvikuru navashumiri venguva yakazara navamwe vakashanyira zvitsuwa zvacho neigwa. Ivo kazhinji kazhinji vaifanira kukwasva nomumakomo ejecha anonyengera nomusina kudzika munovinduka uye ipapo kufamba nomumvura vachienda panyika kuendesa mashoko akanaka kunogarwa kuri kure. Nhamburiko dzapakuvamba idzodzo dziri kubereka chibereko kunyange kusvikira kuzuva rino.

Chinoitika chinokosha chakasvikwa muna 1950. Muna December wegore iroro, Nathan H. Knorr, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, uye munyori wake, Milton G. Henschel, vakashanyira Bahamas kwenguva yokutanga. Knorr akakurukura kuvanhu 312 vakaungana muMother’s Club Hall, chivako chiduku chemiti muna Jail Alley. Vanhu vakati vanosanozivikanwa vaivapo, kubatanidza mumwe mutezo weparamende nomupepeti wenhau wepepanhau rezuva nezuva. Usiku ihwohwo, Hama Knorr akazivisa kutangwa kwehofisi yebazu yeSociety muBahamas.

Kugamuchira Kwoushamwari Kwavagari Vapazvitsuwa

Vanhu vane ushamwari veBahamas kazhinji kazhinji vakateerera shoko roUmambo. Zvisinei, idenho kusvika vose. Neiko ikoku kwakadaro? Eya, kunyange zvazvo vazhinjisa vavanhu vachigara mudzimbahwe, Nassau, uye paGrand Bahama iri pedyo, vamwe vakapararira mu 15 zvezvitsuwa zvikuru nezvimwe zvezvitsuwa zviduku 700 namaatoll zvinoumba iri boka rezvitsuwa.

Zvichiona kushaiwa kwacho, zviverengero zvinowedzera zveZvapupu zvomunzvimbomo nezvakawanda zvakabva kune dzimwe nzvimbo zvakatamira munzanga duku dzezvitsuwa kuzobetsera nebasa rokuparidzira. Nenzira inorumbidzwa, ivo vakaita saizvozvo pakurega zvimwe zvinhu kwakati nendyiko kwavari vamene. Asi nhamburiko dzavo dzakatuswa zvikuru.

Vanyakuroorana vaduku vakatamira kuchitsuwa chikuru cheAndros. Vachiparidzira paimba neimba rimwe zuva, vakasangana nomutami akabva Haiti. Kune zviuru zvaava vanhu muBahamas. Murume wacho akabvuma nokudisa kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha. Yakatangwa usiku ihwohwo humene, vachishandisa makopi echiNgezi nechiFrench ebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Madekwana akatevera acho, iye akapinda musangano wake wokutanga wechiKristu. Nokukurumidza, murume wacho akarega kusvuta, akaita fambiro mberi yokukurumidza, uye akavamba kugoverana mubasa rokuparidzira.

Mumangwanani ezuva iro uyu murume aizobhapatidzwa, akagamuchira tepi yakarekodhwa yakabva kumhuri yake muHaiti, kunyange zvazvo iye akanga asina kunzwa kwavari kwamakore mashanu. Chii chavaifanira kutaura? Ivo vakarondedzera kuti vakanga vava sei Zvapupu zvaJehovha. Ivo vakatsanangura kuti hanzvadzi yake yakanga yatova piona wenguva dzose, kana kuti muparidziri wenguva yakazara, uye ivo vakamupa zano rokuwana Zvapupu ndokufunda Bhaibheri nazvo. Zvisiri madikanwa kutaura, murume wacho akabhapatidzwa zuva iroro nechivimbo chakazara chokuti akanga achiita chinhu chakarurama.

Kugamuchira kwembavarira kwakadai souku kwakafadza mwoyo yeZvapupu zvomunzvimbomo. Zviverengero zvinowedzera nguva dzose zvazvo zvakatora basa savaevhangeri venguva yakazara, uye ikoku kwakabetsera kukukura. Naizvozvo kwakaitika kuti muna 1988 chiverengero chavazivisi voUmambo muBahamas chakasvika 1 000. Nhasi, muungano 19, mune vaparidzi voUmambo vanenge 1 300, panodokuva pazvitsuwa zvikuru zvose.

Zvakagadzirira nokuda Kwenguva Yemberi

Nemhaka yokukura kwazvo muchiverengero, Zvapupu zvakava nechitambudzo mukuwana nzvimbo inokwanisika yakakura zvakakwana nokuda kwekokorodzano dzazvo dzegore negore. Kokorodzano mbiri dzaifanira kuitirwa pazvitsuwa zvakaparadzana kutarisira boka racho. Nokudaro, gadziriro dzakaitwa dzokuvaka Horo yeGungano pamwe chete nehofisi itsva yebazu. Basa rakatangwa muna December 1989. Mazana avazvipiri vamarudzi ose nevomunzvimbomo akashanda pagadziriro yacho “nomwoyo wose sokuna Jehovha.”—VaKorose 3:23, NW.

Pasina panikiro, kuungana kukurusa nokunofadza zvikurusa kweZvapupu muBahamas kusvikira pamusi uno kwakaitika panguva yokutsaurirwa kwehofisi itsva yebazu neHoro yeGungano pana February 8 na 9, 1992. Kariro yokudisa yakanga ichiwedzera sezvo hama mumativi ose ezvitsuwa dzakaita gadziriro dzechinoitika chacho. Mugariro wokunze wakanga uchitonhorera zvechienzi, uye kwakanaya usiku hwapamberi pepurogiramu yetsauriro. Asi hapana chinhu chaigona kuderedza mufaro weboka rinofara ravane 2 714 sezvo John E. Barr, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, akakurukura hurukuro yetsauriro, yaiva nomusoro unoti “Rwiyo Rwewedzero yoUbati Ushe hwaMwari.”

Mwoyo yakapfachukira nokuonga kuna Baba vokudenga, Jehovha Mwari, nokuda kwenhambo yomufaro wakadaro nomufarwa. Avo vaivapo vakanga vakatsunga zvikuru kwazvo kushandisa simba ravo rakazara kubasa redzidzo yomudzimu iro rakanga raita kuti kukura kunooneka kuve madikanwa.

Kana kuwana kwaColumbus kwaiva chinhu chinokosha nokuda kwounani kweizvi zvitsuwa zvimwe kuchapfuurira kukurukurwa. Kunyanguvezvo, Zvapupu zvaJehovha muBahamas zvakabatana mukuonga kwazvo kuna Mwari nokuda kwokugovera vazivisi voUmambo vane mudzimu wokuzvibaira wakavasunda kuva noushingi hwokunangana nezvisingazivikanwi ndokupinza mashoko akanaka ane mbiri mumvura dzakanga dzisina kuwanwa mumudzimu. Basa ravo no“kuwana” zvakaguma nepfuma dzomudzimu dzisingaenzaniswi nokuda kwavatsvaki vose vezvokwadi muBahamas.

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 24, 25]

(Kana achida mashoko azere, ona bhuku racho)

Grand Bahama

Abaco

Andros

New Providence

Nassau

Eleuthera

Cat Island

Great Exuma

Rum Cay

San Salvador

Long Island

Crooked Island

Acklins Island

Mayaguana

Little Inagua

Great Inagua

CARIBBEAN SEA

FLORIDA

CUBA

[Mifananidzo]

Kuparidzira muStraw Market

Kufamba mumvura kuenda kumhenderekedzo yegungwa kuzogoverana mashoko akanaka

Hofisi yebazu iri pagomo rakatarira Horo yeGungano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe