Ichi Chidyo Chinogona Kuva Nerevo nokuda Kwako Here?
JENAGURU rinovheneka nyika yacho nechiedza chisina kusimba. Mukamuri rapamusoro reimba muJerusarema rekare kare, varume 12 vakaungana vakakomberedza tafura. Gumi nomumwe vanosanopa ngwariro sezvo Mudzidzisi wavo anotanga kuchengeta kunokosha zvikuru kwazvo uye anotaura mashoko erevo huru. Imwe nhauro inoti:
“Jesu [Kristu] akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari: ‘Torai, mudye; ichi ndiwo muviri wangu.’ Akatora mukombe, akaonga, akavapa, achiti: ‘Inwai mose pauri. Nokuti ichi “iropa rangu resungano itsva,” rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi. Asi ndinoti kwamuri: Handichatongonwizve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.’ Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.”—Mateo 26:26-30.
Ikoku kwakaitika pashure pokuvira kwezuva pazuva rechi 14 romwedzi wechiJudha Nisani mugore ra 33 reNguva yedu yaVose. Jesu navaapostora vake vakanga vachangobva kuchengeta Paseka mukurangarira kununurwa kwaIsraeri muusungwa hweEgipita muzana ramakore rechi 16 P.N.V. Kristu akanga adzinga Judhasi Iskarioti, uyo akanga odokumushambadza. Nokudaro, Jesu bedzi navaapostora vake 11 vakavimbika vakanga varipo.
Ichi chirairo chakanga chisiri kupfuuridzirwa kwePaseka yechiJudha. Chakanga chiri chimwe chinhu chitsva icho chakasvika pakunzi Chirairo chaShe. Pamusoro pouku kuchengeta, Jesu akaraira vateveri vake, kuti: “Rambai muchiita ikoku mukundirangarira.” (Ruka 22:19, 20, NW; 1 VaKorinte 11:24-26) Neiko akataura ikoku? Uye ichi chinoitika chagara mazana amakore chinogona sei sezvinobvira kuva nerevo nokuda kwako?