Chii Chakaita Kuti Kudzidzisa Kwakaitwa naJesu Kuve Kunobudirira Zvakatanhamara?
KUNYANGE zvazvo vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha sezviri pachena vakanga vasiri vapachokwadi mukumudana so“Mudzidzisi [chiGiriki, Di·daʹska·los],” Jesu Kristu akazivikanwa saakadaro navose vari vaviri vatendi navasiri vatendi. (Mateo 8:19; 9:11; 12:38; 19:16; 22:16, 24, 36; Johane 3:2) Vakuru vakuru vakatumwa kundomusunga vakaororwa kwazvo nokudzidzisa kwake zvokuti vakadzokera vasina, vachiti: “Hakuno munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” (Johane 7:46) Jesu akadzidzisa “somunhu ane chiremera, uye kwete savanyori.” (Mateo 7:29, NW) Manyuko okudzidzisa kwake akanga ari Mwari (Johane 7:16; 8:28), uye Jesu akapa mashoko norupfave, kuva nomufungo kusingarambiki, mibvunzo inonyandura mufungo, madimikira anoshamisa, uye mienzanisiro ine revo yakatorwa muzvinhu zvakarovedzana navateereri vake. (Mateo 6:25-30; 7:3-5, 24-27) Jesu akashandisawo mienzanisiro inoshanda ine nheyo yakati, pane imwe nhambo achishambidza tsoka dzavadzidzi vake kuti avadzidzise kuti vanofanira kubatirana.—Johane 13:2-16.
Zivo yaJesu yakawedzerwa kupfurikidza nokuva kwake akanga ava noukama hwapedyo naBaba vake naMwari asati auya kupasi. Naizvozvo iye aiziva Mwari sezvisina kuita mumwe munhu, uye ikoku kwakamugonesa kugovera kudzidzisa kune chiremera pamusoro paBaba vake. Jesu amene akati: “Hakuna unoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna unoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.”—Mateo 11:27; Johane 1:18.
Jesu akanga akarovedzanawo zvakakwana neShoko raMwari rakanyorwa. Apo akabvunzwa kuti murairo upi wakanga uri mukurusa muMutemo, pasina kuzengurira iye akapeta Mutemo wose mumirairo miviri, achinokora muna Dheuteronomio (6:5) uye Revhitiko (19:18). (Mateo 22:36-40) Mukati moushumiri hwake, iye anozivikanwa kuva akanongedzera kana kuti akataura mifungo ine wirirano nezvikamu zvamashoko zvakabva muinenge hafu yamabhuku aMagwaro echiHebheru.
Mamwe mativi akaita kuti kudzidzisa kwaJesu kuve nechiremera uye kunobudirira akanga ari kunzwisisa kwake munhu neitiro hanya yake yorudo nokuda kwavamwe. Nzwisiso yake huru yakawedzerwa nezivo yenenji yomugariro wekare nokurangarira kwavamwe. (Mateo 12:25; Ruka 6:8; Johane 1:48; 4:18; 6:61, 64; 13:11) “Wakanga achiziva iye zviri mumunhu.” (Johane 2:25) Mwoyo wake wakanzwira urombo vanhu kusvikira patambanuko yakadaro zvokuti iye akarega kuzorora kwaidikanwa kuti avadzidzise. Pane imwe nhambo Jesu navadzidzi vake vakakwira igwa ndokuenda kunzvimbo iri yoga kundozorora zvishomanene. “Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. Zvino wakati achibuda mugwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; wakatanga kuvadzidzisa zvizhinji.”—Marko 6:31-34.
Jesu akabata vateereri vake nenzwisiso. Apo vadzidzi vake vasina kuwana pfundo romuenzanisiro, iye akautsanangura nokushingaira kwavari. (Mateo 13:10-23) Achiziva ganhuriro dzavo, iye haana kuvapa mashoko akanyanyowanda. (Johane 16:4, 12) Apo kwaidikanwa, Jesu akadzokorora mashoko akadokuva akafanana. (Marko 9:35; 10:43, 44) Mukupindura mibvunzo, Jesu aiwanzosimbisa mhinduro yake kupfurikidza nemienzaniso kana kuti nemienzanisiro inoshanda ine nheyo yakati, nomutoo iwoyo achisiya munembo mukuru pandangariro dzavateereri nokunyandura mano avo okufunga.—Mateo 18:1-5, 21-35; Ruka 10:29-37.