Unokurumidza Kumuka
PAKATI pemiti yemichero yenharaunda yeMediterranean, muamanda ndimumwe weinoshamisa zvikuru. Mukupera kwaJanuary kana kuti February—pamberi zvikurusa pemimwe miti yose—iwo unomuka mukurara kwawo kwomunguva yechando. Uye kumuka kwakadini! Muti wose unopfekedzwa nguvo yamaruwa epingi kana kuti machena, apashure achiti fananei nevhudzi jena ravakweguru.—Enzanisa naMuparidzi 12:5.
VaHebheru vakare vaidana muamanda kuti “unomuka,” kunongedzera kukukurumidza kwawo kuva namaruva. Uyu muitiro wakashandiswa naJehovha kuratidzira shoko rinokosha. Pakutanga kwoushumiri hwake, Jeremia akaratidzwa muchiono davi romuamanda. Iro rakarevei? Jehovha akatsanangura, kuti: “Ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.”—Jeremia 1:12.
Kungofanana nomuamanda unokurumidza ‘kumuka,’ naizvozvo Jehovha nenzira yokufananidzira akanga ave “achikurumidza kumuka” kuti atume vaporofita vake kundonyevera vanhu vake pamusoro pomuuyo wokusateerera. (Jeremia 7:25) Uye haasati aizozorora—iye airamba ‘akamuka’—kutozosvikira shoko rake rouporofita raitwa. Kwakadaro kuti muna 607 P.N.V., panguva yakagadzwa, rutongeso rwaJehovha rwakauya parudzi rwakawa pakutenda rwaJudha.
Shoko raMwari rinodeya kutaura kuti rutongeso rwakafanana ruchauya patsika yakaipa matinogara. (Pisarema 37:9, 10; 2 Petro 3:10-13) Achinongedzera kuchiito chakadaro chokutonga, muporofita Habhakuki anotipikira, kuti: “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa . . . uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Maruva akaisvonaka omuamanda anotiyeuchidza kuti Jehovha acharamba akamuka pamusoro peshoko rake kuti ariite.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pictorial Achive (Near Eastern History) Est.