RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/15 p. 32
  • Wakafanana Nechimwe Chaizvozvi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakafanana Nechimwe Chaizvozvi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/15 p. 32

Wakafanana Nechimwe Chaizvozvi Here?

‘KURI nani kuva shumba kwezuva rimwe kupfuura kuva gwaiana kwamakore ane zana rimwe.’ Mashoko iwayo anonzi akataurwa naBenito Mussolini, aichimbova mudzvinyiriri weItaly.

Kufanana naMussolini vanhu vakawanda vangaramba kuiswa muboka namakwaiana nehwai. Zvisinei, wezvamapisarema mambo waIsraeri wakare Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Jehovha ndiye mufudzi wangu; . . . unondivatisa pasi pamafuro manyoro.” (Pisarema 23:1, 2) Hungu, Jehovha Mwari ndiye Mufudzi Mukuru, uyo anopa vanhu vake tarisiro huru sokunge makwai asingakuvadzi.

Vanhu vaMwari vanotaurwa nezvavo samakwai okufananidzira paPisarema 95:7, apo tinorava, kuti: “Nokuti [Jehovha] ndiye Mwari wedu, isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake.” Vamwe vangave vakakarira wezvamapisarema kutaura nezva“makwai amafuro ake” uye “vanhu voruoko rwake.” Asi pano zvinhu zvinochinjwa, uye vanhu vaJehovha vamene nokudaro vanoziviswa samakwai ake. Ivo vanofarikanya betsero dzamafuro aMwari uye vanotungamirirwa noruoko rwake rune rudo.

Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, ndiye Mufudzi Akaisvonaka. Iye kazhinji kazhinji akanongedzera kuvanhu samakwai. Somuenzaniso, Jesu akataura nezve“kaboka kaduku” uye nezva“mamwe makwai” ake. (Ruka 12:32; Johane 10:14-16) Pamusoro pavadzidzi vake vanozvininipisa vakafanana namakwai, Jesu akati: “Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuno munhu ungaabvuta muruoko rwangu.” (Johane 10:27, 28) Vari muruoko rwomutongi ane tsitsi, vadzorwi vanobetserwa nesimba rake, nyasha, nhungamiro, uye dziviriro.—Zvakazarurwa 1:16, 20; 2:1.

Hakuna munhu anogona kubvuta vanhu vakafanana namakwai zvirokwazvo muruoko rwedziviriro rwaJesu. Nhasi, iye ari kuparadzanisa vanhu se“mbudzi” dzisina nyasha dzake kana kuti zvimwe sa“makwai” ayo achafarikanya upenyu husingagumi mukutonga kwoUmambo hwokudenga hwaMwari. (Mateo 25:31-46) Iwe uchabvumikisa kuva mumwe waaya makwai akakomborerwa here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe