RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Mazano Okuchenjera Kune Vari Muwanano Nevasiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kusaroora Munguva Dzakaoma Dzezvemari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kugutsikana Nebasa raJehovha Usina Kuroora Kana Kuroorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Chii chinogona kuita muKristu apo iye anenge asingakwanisi kuwana mukwanyina weroorano akakodzera?

Kunyange zvazvo tiri maKristu akazvipira, tingangova vanotambudzika apo tinokarira zvapachokwadi chimwe chinhu chisati chichiitika. Mirangariro yedu inosanotaurwa pana Zvirevo 13:12, iyo inoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” Uku ndiko kunzwa kwakaita mamwe maKristu apo akashuva kuroora asi aisagona kuwana mukwanyina akakodzera. Ikoku kwakadaro zvikurukuru nezvaavo muapostora Pauro akarondedzera savano“tsva.”—1 VaKorinte 7:9.

Jehovha akaisa muvanhu chishuvo chokuwana mukwanisi wechokwadi mumumwe munhu ane mitezo yevatano yakasiana. Nokudaro, hakushamisi kuti mirangariro yakadaro inonzwiwa namaKristu akawanda asina kuroora. (Genesi 2:18) Iyi mirangariro yomuzvarirwo ingasimbiswa netsika idzo dzinoisa simbiso huru pakuroora (kana kuti kuroora pazera rakati) kana kuti apo maKristu asina kuroora anokombwa navaroorani vanofara muungano. Zvisinei, hakuna kunaka kubvumira funganyo kupfuurira kwenhambo refu yenguva. Naizvozvo maKristu apachokwadi anogona sei kubata nomugariro wacho pasina kunyanyovhiringidzika?

Hakusati kuri nyore, uye vamwe havafaniri kubata iyi itiro hanya sokunge ikatutsirowo zvayo kana kuti chisina kufanira chiduku. Asi kusvikira kutambanuko huru, simba rokugonana kana kuti rokupedza mugariro wacho rinotsamira panhano idzo munhu asina kuroora anogona kuita.

Tinowana nhungamiro muiyi nheyo yeBhaibheri inoshanda: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Ikoko kwakataurwa nomurume asina kuroora Jesu Kristu, uye iye aiziva chaaitaura. Kuitira vamwe zvinhu nevavariro isina udyire muitiro wakaisvonaka wokubetsera vapi navapi vedu kukurira mirangariro inobva mukariro inosundirwa mberi. Ikoku kunorevei kana toreva nezvomuKristu asina kuroora?

Svasvavira kuita mabasa omutsa nokuda kwemhuri yako umene uye nokuda kwavamwe vari muungano, uye wedzera mubato wako muushumiri. Iri zano harisati richingova zvaro nzira yokutaura kuti, ‘Ramba wakabatikana, uye uchakanganwa pamusoro pokuda kuroora.’ Aiwa. Uchiva akabatikana muizvi zvinorondwa zvechiKristu zvinobudirira, ungawana kuti unova ‘akagadzikana mumwoyo mako, uchiva nesimba pakuda kwako umene’ uye unogona kushandisa migariro yako yazvino nenzira inobetsera.—1 VaKorinte 7:37.

Vamwe vakashuva zvikuru kuroora vakabvumira ikoku kuva chinhu chikuru. Ivo vakatosvika pakuzivisa nokuda kwavakwanyina mumapepanhau. Kuri nani zvikuru sei, kunyanguvezvo, kuisa simbiso huru pakunzwisisa betsero dzinogona kuwanwa munguva yokusaroora.—Tapota ona nyaya dzinoti “Asina Kuroora asi Akakwana nokuda Kwebasa raMwari” uye “Kusaroora—Nzira Inotusa Youpenyu” muNharireyomurindi yaNovember 15, 1987, uye “Roorano Ndicho Chinokosha Bedzi Kumufarwa Here?” muNharireyomurindi yaMay 15, 1992.

Nyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero yokutsungirira mumugariro wokusaroora. (VaFiripi 4:6, 7, 13) MaKristu akawanda asina kuroora akawana kuti kupfurikidza nokushandisa nguva yawo kufunda nokufungisisa pamusoro peShoko raMwari nokupinda nokugoverana mumisangano yechiKristu, akafarikanya ‘zorodzo rakawedzerwa nokuda kwemweya yawo,’ sezvo Jesu akapikira kuavo vanomutevera. (Mateo 11:28-30) Ikoku kwakaabetsera kukudziridza umudzimu, kuti vagova varume vari nani kana kuti madzimai kana pashure penguva yakati vakawana mukwanyina akakodzera.

Usatongokanganwa kuti Jehovha anonzwisisa mugariro wavanhu vose vasina kuroora vanomubatira. Iye anoziva kuti ungasarangarira kuti migariro yako yazvino ndiyo yaungada. Baba vedu vokudenga vanozivawo chakakunakira zvikurusa chenguva refu, mose muri muviri mumudzimu nomumurangariro. Uyewo unogona kuziva ikoku nouchokwadi: Kupfurikidza nokumirira Jehovha nenzira yokushivirira uye kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeShoko rake muupenyu hwezuva nezuva, iwe unogona kuva nechokwadi chokuti iye achagutsa zvinodikanwa zvako zvinokosha zvikurusa munzira iyo iri yenakirwo yako isingagumi.—Enzanisa nePisarema 145:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe