RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/1 pp. 26-31
  • Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndima Dzeyaichimbova Soviet Union
  • Romania
  • Ndima Dzeyaichimbova Yugoslavia
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/1 pp. 26-31

Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”

“MWARI haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.” (VaHebheru 6:10) Mashoko aya omuapostora Pauro ndeechokwadi nokuda kweZvapupu zvaJehovha muEastern Europe. Zvichibatira nokutendeka fariro dzezita raMwari, kwamakumi amakore izvo zvakashanda kwenguva refu uye zvakaoma muganhuriro dzakaiswa nedzaichimbova hurumende dzinodzorwa neSoviet. Jehovha anoyeuka mabasa azvo akanaka uye anozvipa zvikomborero zvoUmambo. Somuenzaniso, ngatitarirei mushumo wegore rebasa rakapera wakabva kunhatu chete dzenharaunda idzodzo.

Ndima Dzeyaichimbova Soviet Union

Ndima dzeyaichimbova Soviet Union dzinoshuma kuti mukati megore rebasa ra 1992, chiverengero chapamusoro chavaparidzi voUmambo chakawedzera ne 35 muzana—kubva pa 49 171 kusvikira ku 66 211! Asi izvozvo hazvisati zvirizvo zvoga, sezvo vaparidzi ivavo vave vachishingaira zvikuru, sezvinoonwa newedzero dzakaisvonaka mukugoverwa kwamabhuku eBhaibheri, kubatanidza magazini. Izvo zvakashandisa zvakanaka mabhurocha namabhukwanawo, zvichigovera 1 654 559. Ikoko kunopfuura kupeta katatu chiverengero chegore rakapfuura chavane 477 235! Chii chave chiri kuita kuizvi zvinogoverwa zvose? Kupetwa ruviri kwechiverengero chefundo dzeBhaibheri dzapamusha. Zvino fundo dzeBhaibheri 38 484 dziri kuitiswa.

Uyewo, kutora rutivi mubasa roupiona hwebetsero kwakakwira ne 94 muzana. Ikoku sezvinooneka kwakabetsera kuhwerengedzo yakatanhamara yavadzidzi vachangobva kubhapatidzwa, 26 986, sezvinoenzaniswa nechiverengero chegore rakapfuura chavane 6 570, wedzero inoshamisa ye 311 muzana!

Vamwe vavachangobva kubhapatidzwa vakatanga sei kuva vanofarira mashoko akanaka? Padzimwe nguva itiro hanya huru yeChapupu chaiitisa fundo yacho yakanga iri chisakiso. Mumwe mutariri anotungamirira wokuMoldova anorondedzera, kuti:

“Mudzimai wangu neni takashanyira mumwe mukadzi akanga aratidza fariro kare muzvokwadi yeBhaibheri. Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye. Zvisinei, murume wake haana kutongoratidza fariro ipi neipi. Rimwe zuva apo takanga tichienda kunomushanyira kundopfuuridzira fundo yacho, mugariro wokunze wakanga uchitonhora zvikuru uye kune sinou. Mumigwagwa makanga musitongorina munhu upi noupi, asi takasvika kumba kwake panguva chaiyo yakaranganwa. Iye akaudza murume wake, kuti: ‘Munoona here kuti ava vanhu vanotiitira hanya zvikuru sei? Vanochengeta nguva pasinei zvapo nesinou.’ Ichi chinoitika chakaparira murume wake kufunga. Iye akachinja ndangariro yake ndokukumbanira fundo, uye zvino iye nomudzimai wake Zvapupu zvakabhapatidzwa.”

Padzimwe nguva rupfave rweChapupu runganyandura fariro mumashoko akanaka. Mumwe mukuru, wokuMoldovawo, akava neichi chinoitika:

“Mumwe murume wandakashanyira mundima yangu yokuparidzira akanga asingafariri Zvapupu zvaJehovha. Iye akati akanga ari muOrthodox, zvimwe chetezvo nababa vake nasekuru. Naizvozvo akandikumbira kubva panzvimbo yacho. Zvisinei, ndisati ndabva, akandipa banza rokumuudza chikonzero cheshanyo yangu. Ndakanongedzera kuna Mateo 28:19, iyo inoti: ‘Endai naizvozvo ndokuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.’ Ipapo ndakamupa kero yenzvimbo yedu yemisangano ndokubva. Kukushamiswa kwangu, vhiki rimwe gare gare uyu murume akauya kumusangano wedu! Iye akagara kutozosvikira purogiramu yapera. Iye akatsanangura kuti muvhiki rose, akanga anzwa urombo nemhaka yokuva akava asina ushamwari kwazvo kwandiri. Fundo yeBhaibheri yakatangwa nokukurumidza, uye zvino iye ndiimwe yehama dzedu.”

Rumwe rutivi rwakatanhamara rwegore rebasa yave iri mhinduro huru kuzvinodikanwa zvehama dzedu munharaunda iyoyo. Munguva yechando ya 1991/92, matani 400 ezvokudya nechitsama chikuru chezvipfeko zvavarume, vakadzi, uye vana zvakatumirwa kuavo vaishaiwa. Idzi gadziriro dzakaparadzirwa kuanodokuva mativi ose eyaichimbova ndima yeSoviet Union, kunyange kure seIrkutsk muSiberia neKhabarovsk, pedyo neJapan. Zvirokwazvo chiratidzo chinoorora chokuti Jehovha haana kukanganwa rudo hama dzedu dzakaratidza nokuda kwezita rake! Ufakazi ihwohwu hworudo rwouhama rwakanyandurwa nomudzimu waJehovha hwakavawo nomuuyo wokudzibatanidza nemhuri yadzo yomunyika yose. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi muUkraine yakanyorera hofisi yebazu, kuti:

“Betsero yamakatipa yakatiorora zvikuru. Takachema ndokuonga Jehovha Mwari nokuda kwokusatikanganwa. Chokwadi, tine nhamo dzezvokunyama iko zvino, asi tinoonga betsero yakasvika ichibva kuhama dzedu dziri muMadokero, takanaya munzira yokunyama. Zvino, nemhaka yebetsero yenyu, mhuri yedu ichakwanisa kupa nguva yakawanda kubasa raJehovha. Kana Jehovha achida, mwanasikana wangu neni tichaita upiona hwebetsero mumwedzi yezhezha.”

Mukuwedzera, nhamburiko yokubetsera yakagovera uchapupu kuvokunze nemhaka yokuti vaoni vaigona kuona kuti Zvapupu zvinoratidzira rudo kupfurikidza nezviito zvazvo. Imwe mhuri yokuimwe ungano yakanyora, kuti: “Takagamuchira betsero yokunyama yakaumbwa nezvokudya nezvipfeko. Yakawanda zvikuru kwazvo! Tsigiro yenyu nekurudziro chidzidzo chokuti isuwo tinofanira kuita zvakanaka kuvamwe. Ichi chiito chorudo hachina kusacherechedzwa navasiri vatendi, pamwe chete navanhu vanofarira nemhuri dzavo; chave chiri uchapupu hukuru pamusoro pouhama hwechokwadi.”

Kokorodzano dzoruwa shanu nekokorodzano imwe yamarudzi ose zvakaitwa June naJuly wapfuura uno, dziine musoro unoti “Vatakuri Vechiedza,” dzaiva humwe ufakazi hwechikomborero chaJehovha pabasa rakaoma reZvapupu zvake norudo rwazvakaratidza nokuda kwokuzivisa zita rake. Kokorodzano dzakapindwa navanhu 91 673, uye vane 8 562 vakabhapatidzwa. Vapindi vazhinjisa vaiva paSt. Petersburg, nzvimbo yekokorodzano yamarudzi ose, apo 46 214—kubatanidza nhume dzakabva kunyika dzinenge 30 kupota nyika—dzakaungana paKirov Stadium.

MuSiberia mumwe murume ane makore anenge 60 ezera akauya kunzvimbo yegungano muIrkutsk kuzongotarira chete. Iye akati: “Vapindi vose vakasanopfeka, vane zviso zvinonyemwerera, uye vane mutsa kune mumwe nomumwe. Ava vanhu vakafanana nemhuri imwe yakabatana. Munhu anogona kunzwa kuti ivo ishamwari kwete bedzi panhandare asiwo muupenyu. Ndakagamuchira mabhuku akaisvonaka eBhaibheri uye ndakadzidza zviri nani zvikuru kuti rudzii rwesangano rwuri irori. Ndinoda kuramba ndichionana neZvapupu zvaJehovha kuti ndifunde Bhaibheri nazvo.”

Pakokorodzano imwe cheteyo muIrkutsk, uko 5 051 vakapinda, mumwe mukadzi anofarira akabva kuYakut Republic, Siberia, akatsinhira, kuti: “Ndinotarira vanhu, uye ndinoda kudanidzira nokuda kwomufaro. Ndinoonga zvikuru kuna Jehovha kuti akandibetsera kuziva vanhu vakadaro. Pano pakokorodzano, ndagamuchira mabhuku, uye ndinoda kutaura navamwe pamusoro pawo. Ndinoda zvikuru kuva munamati waJehovha.”

Mutungamiriri weCentral Stadium muAlma Ata, Kazakhstan, uko vane 6 605 vakapinda kokorodzano, akataura zvinotevera: “Ndinofadzwa nechimiro chenyu chendangariro. Zvino ndinopwiswa kuti imi mose, vaduku navakuru, muri vanhu vanoremekedzeka. Handigoni kutaura kuti ndinodavira Mwari, asi ndinodavira muzvinhu zvinoyera zvinopiwa nouhama hwenyu, muchimiro chenyu chendangariro kuzvinokosha zvomudzimu nezvokunyama.”

Mumwe mupurisa pakokorodzano yeAlma Ata akati: “Ndakaonana nemi vanhu kaviri, nguva imwe neimwe pakokorodzano. Kunofadza zvikuru kwazvo kushanda neZvapupu zvaJehovha.”

Romania

Jehovha haana kukanganwa rudo urwo hama dzomuRomania dzakaratidza nokuda kwezita rake. Gore rino rebasa rapfuura rakaona zvinoitika zvakawanda zvinofadza zveZvapupu. Kutanga, hofisi yebazu yakatangwazve muBucharest. Mubato wapamutemo wokupedzisira wakaguma muna 1949. Hofisi ine dzinenge hama nehanzvadzi 20 dzinoshanda munzvimbo itsva. Hofisi yebazu inobatira vaparidzi 24 752—chiverengero chapamusoro chenguva yose icho chinomirira wedzero ye 21 muzana kupfuura avhareji yegore rapfuura.

Pashure pamakore okuparidzira pachivande, vaparidzi vari kugadziridzwa zviri nani kubasa rokupupurira pasuo nesuo rapachena. Chinoitika chakabva kuMureş County chinoratidza kuti zvimwe Zvapupu zvinoshandisa zvakanaka sei banza ripi neripi rokuparidzira kuvamwe, kunyange apo zvinenge zvichifamba. Hofisi yebazu inonyora, kuti:

“Mumwe muparidzi akasarudza kuparidzira achibva mutiroko rimwe achienda kune rimwe. Kuita kwavanhu kwakanga kwakanaka hako, asi mutiroko rokupedzisira, zvitambudzo zvakati zvakamuka. Hapana nomumwe wavafambi akada kugamuchira kopi yemagazini edu. Pakupedzisira, murume mumwe, atsamwa zvikuru, akamira ndokudanidzira, kuti: ‘Ndichakanda magazini ako ose napawindo! Neiko uri kutinetsa zvikuru kwazvo norudzidziso rwako?’ Muparidzi akapindura nomutsa kuti kunyange kana iye akakandira kunze magazini acho, mumwe munhuwo zvake angagona kubetserwa nechiito chake—avo vaizonhonga magazini acho. Achicherechedza kuterama kwomuparidzi wacho, murume wacho akaororwa kwazvo zvokuti akatora magazini ndokutanga kuagovera iye amene kuvamwe vafambi vaiva mutiroko. Nenzira inoshamisa, vose vakatora magazini. Pashure pokuaparadzira, murume wacho akanga asina makopi ake amene. Naizvozvo, muparidzi akamubvunza, kuti: ‘Changamire, hamudi makopi api naapi enyu mumene here?’ Pana ikoko murume wacho akakwinyata rimwe ramagazini kumufambi aiva namakopi maviri ndokuti: ‘Zvino kopi imwe yandisvikawo!’”

Munyika dzakawanda basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha pane dzimwe nguva rakanyandura chishoro chavafundisi vechiKristudhomu. MuRomania, vaprista veOrthodox Church kazhinji kazhinji vanoshatirirwa Zvapupu. Asi ikoku hakugoni kumisa Jehovha kukomborera vanhu vake nokuda kworudo rwavakaratidza nokuda kwezita rake. Mumwe mutariri wedunhu anonyora, kuti:

“Pamwe chete neungano yomunzvimbomo, takabuda nokuda kwebasa mumaruwa. Paiva nehama dzine zana rimwe. Takarenda bhazi iro rakatipinza anenge [makiromita 50] munyika, kutaundi duku. Takakoka vazhinji kuhurukuro yavose yaizokurukurirwa muCultural Home. Nokukurumidza sezvo musangano wacho wakatanga, muprista weOrthodox akasvika kuzovhiringidza musangano wedu. Mapurisa akaedza kumisa muprista wacho. Kunyanguvezvo, iye akaramba kuterama. Iye akabudirira mukumisa musangano apo akapunza girazi rapasuo guru rokupinda naro. Zvisinei, vazhinji vavagari vomunzvimbomo havana kutongobvumirana nomufambiro womuprista. Uchapupu hwakakwana hwaigona ipapo kupiwa kuvose vaivapo, uye chitsama chikuru chamabhuku chakagoverwa.”

Sezvineiwo, mumativi akati enyika, mune Zvapupu zvishomanene zvikuru. Apo piona wenguva dzose akatanga kusvika munharaunda yeOlt, iye akawana hama pfumbamwe bedzi munharaunda yacho yose nendima huru mokuparidzira. Pashure pegore rimwe chiverengero cheZvapupu chakakura kusvika ku 27, vashanu vavo vaiva vaparidzi vakamutsidzirwa. Piona wacho akawana pokugara muguta reCorabia, uko kwakanga kusitongorina Zvapupu. Pashure pokunge Zvapupu zvave zviriko mazuva 45 bedzi, muprista womunzvimbomo akanyunyuta munhepfenyuro yeCraiova mukurwisana nebasa razvo. Iye akataura kuti izvo zvakanga “zvavhozhokera” guta reCorabia nedzidziso dzazvo, zvichiedza kuita kuti vanhu vachinje rudzidziso rwavo. Denho dzakapfuurira, nedonzo rokumisa basa nokuparadza mukurumbira weZvapupu munharaunda imomo. Kwose kwakaguma apo hama dzaiva muBucharest nokuda kwekokorodzano yoruwa. Mufundisi weOrthodox weCorabia akaita chiziviso chakasimba pashure pomunamato wechechi yake: “Tose tinofanira kuita ratidziro mumugwagwa kuti tinyandure mapurisa kuti arwisane neZvapupu, izvo zvazadza nharaunda yose nezvinyorwa zvazvo uye zvakapa vanhu chepfu.” Asi usiku humene musangano waifungidzirwa usati waitika, chimwe chinhu chechienzi chakaitika. Boka remharadzi rakaparadza chechi neCity Cultural Home. Naizvozvo, musangano wokunyunyuta hauna kutongoitika!

Ndima Dzeyaichimbova Yugoslavia

Gore rebasa ra 1992 rave riri gore rakaoma zvikurusa nokuda kwehama munharaunda yeYugoslavia. Panguva imwe cheteyo, zvisinei, dzakava nezvinoitika zvinofadza. Nenzira yokuonga, Jehovha haakanganwi basa radzo norudo zvavakaratidza nokuda kwezita rake.

Hondo yakatanga kutanga muSlovenia, ipapo muCroatia, uye gare gare muBosnia uye Herzegovina. Mukati megore, kubva muripabhureki imwe, Hurumende itsva shanu dzakanga dzichiedza kutanga miganhu yadzo dzimene, mitemo, uye mari. Mazana eZvapupu aifanira kutiza misha yawo ndokuwana utiziro nehama dzazvo mudzimwe nzvimbo. Kufanana nedzimwe nzvimbo muEastern Europe, matare emigariro yakaoma akagadzwa mumaguta makuru zvikuru, achitarisira pokugara, zvokudya, uye zvipfeko zvehama dzedu dzinoshaiwa. Mukati megore rebasa, anenge matani 55 ezvokudya akaparadzirwa kuhama muungano dzaiva mukati menharaunda dzinotambudzwa. Tsamba dzakawanda dzokuonga dzakagamuchirwa.

Hama muDubrovnik dzakarondedzera kuti dzaionga sei rubatsiro rwakapiwa. Sezvo imwe hanzvadzi yakaenda kumusha ine pasuro yayo yezvokudya, muvakidzani akabvunza uko yakanga yatenga mazai. Hanzvadzi yakamuudza kuti hama dzayo dzomudzimu dzokune rumwe rutivi dzakanga dzaatumira. Muvakidzani wacho akashamiswa. Mune chimwe chinoitika mumwe murume asingazivikanwi wokuSlovenia akadana mukuru ndokuti: “Ndakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuparadzira zvokudya zvakagamuchirwa zvichibva kuhama dzazvo nenzira yakafanira. Ndakatumira pasuro dzinoverengeka kuvanhu; zvisinei, hadzina kutongosvika. Ndingatumira zvinhu zvokubetsera zvakadaro kwamuri, uye mungagona kuzviparadzira here?” Uyewo, mapepanhau nenhepfenyuro zvakashuma zvakanaka pamusoro pebasa redu rokubetsera.

Imwe hama yakabhapatidzwa pakokorodzano yamarudzi ose muZagreb muna 1991 yaiziva nezvezvitambudzo zvinokura uye yakatenga chitoro chose chezvokudya. Yakaendesa zvokudya zvacho kumba kwayo pedyo nenharaunda yehondo. Sezvo perevedzo yezvokudya yakava yakakomba zvikuru, uyu mugove wakabvumikisa kuva chikomborero chaichoicho kuhama.

Kwakava kunobvira kuwana mvumo yokuti rori huru iendesere zvokudya zvinokosha zvehama dzakakombwa muSarajevo. Tinofara kutaura kuti zvakandeswa nenzira inobudirira.

Kurwa kwakakuvadza vasiri varwi. Nenzira inosuruvarisa, pakasvika mugumo wegore rebasa, nhanhatu dzehama dzedu nehanzvadzi navanhu vaviri vanofarira vakanga varasikirwa noupenyu hwavo, uye vamwe vakanga vakuvadzwa.

Zvisinei, zvinoitika zvakawanda zvinoratidza kuti kazhinji kazhinji, idziviriro kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Muchinoitika chimwe hama dzakanga dzichienda kukokorodzano yoruwa muBelgrade apo bhazi rakamiswa navarwi, vachibvunza kana pakati padzo paiva nemitezo yorudzidziso rwakati. Hama dzakapindura kuti pakanga pasina. Dzaifanira kuratidza makadhi adzo okuzivikanwa, uye dzimwe dzadzo dzaiva namazita ayo airatidzira kuti dzaigona kuva dzorudzidziso irworwo. Varwi vakadzipomera mhosva yokureva nhema, asi hama dzaiva nechiziviso chadzo chokubuda muchechi yacho; kunyange zvazvo dzakaberekerwa murudzidziso irworwo, dzakataura kuti, zvino vakanga vari Zvapupu zvaJehovha, zvaienda kukokorodzano yazvo. Naikoku varwi vakazvirega zvichipfuurira kuenda.

Mapiona anopfuuridzira basa rawo neshingairo isingadereri, uye ikoku kwakabvumikisa kuva nyanduro chaiyoiyo kubasa. Nharireyomurindi, namabutiro ayo anofadza muruvara rwakazara, iri kushandurirwa panguva imwe chete mumitauro yose mikuru yenharaunda yacho. Nguva dzose iri kugovera vadi vezvokwadi nokururama “mwero [wavo womudzimu] wemigove yezvokudya panguva yakafanira.” (Ruka 12:42, NW) Mukati megore rebasa ra 1992, hama itsva nehanzvadzi 674 vakabhapatidzwa.

Zvamazvirokwazvo, Mwari haana kukanganwa basa rehama dzomuEastern Europe norudo izvo dzakaratidza nokuda kwezita rake. Uyezve, iye anoshuva kuti vanamati vake vose, pasinei zvapo nokwavanogara, vatevere zano rakaisvonaka Pauro akatevera kupa, pana VaHebheru 6:11, iyo inoti: “Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe