Musiki Wedu Mukuru Namabasa Ake
ZVAKAISVONAKA sei! Mabopomo anotinhira eIguaçú kana kuti Niagara, mimanimani mikuru yeArizona kana kuti Hawaii, mafjord akaisvonaka eNorway kana kuti New Zealand—idanidzo dzakadini dzokuyemura izvi zvishamiso zvomusikirwo zvinoparira! Asi izvo zvinongova hazvo zvinhu zvetsaona here zvaanonzi Mai Chisiko? Aiwa, izvo zvinopfuura zvikuru kwazvo izvozvo! Izvo mabasa anopedza mate oMusiki Mukuru, Baba vokudenga vane rudo nezvavo Mambo akachenjera Soromoni akanyora, kuti: “Chinhu chimwe nechimwe wakachiita chakanaka panguva yacho; wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:11) Zvirokwazvo, kwaizotorera vanhu nguva isingagumi kuti vaongorore mabasa ose ane mbiri ayo Musiki wedu akazadza nawo chisiko chapose pose.
Tine Musiki Mukuru akadini! Uye tinofara sei kuti uyu Mwari ane simba rose “zvino pakupedzisira pamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika.” (VaHebheru 1:2) Uyu Mwanakomana, Jesu Kristu, akaonga zvinhu zvakaisvonaka zvechisiko chaBaba vake. Iye akanongedzera kazhinji kazhinji kwazviri mukuenzanisira madonzo aBaba vake uye mukutaura mashoko ekurudziro kuvateereri vake. (Mateo 6:28-30; Johane 4:35, 36) “Nokutenda” vazhinji vakanzwisisa kuti zvishamiso zvechisiko zvaka“nyatsorongedzwa nenzwi raMwari.” (VaHebheru 11:3) Upenyu hwedu hwezuva nezuva hunofanira kuratidzira kutenda kwakadaro.—Jakobho 2:14, 26.
Zvakaisvonaka, zvamazvirokwazvo, ndizvo zvisiko zvaMwari wedu. Izvo zvinoratidzira nenzira inoshamisa uchenjeri hwake, simba rake, kururama kwake, uye rudo rwake. Somuenzaniso, iye akatsveyamisa pasi redu ndokuita kuti ritenderere zuva kuitira kuti chisiko chake chomunguva yemberi, munhu, chigogona kufarikanya nhevedzano inofadza yemwaka. Mwari akati: “Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhezha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.” (Genesi 8:22) Uyezve, Mwari akazadza zvikuru pasi redu nezvinocherwa zvinokosha. Zvikurukuru, iye akagovera mvura yakawanda, gare gare yaizova chinhu chinokosha nechinotsigira upenyu hwose hwapasi.
Munhevedzano ine nhevedzano ya‘mazuva okusika’ matanhatu, rimwe nerimwe zviuru zvamakore muurefu, “simba rinobata basa raMwari” rakapfuurira kugadzirira pasi kuti munhu agare. Chiedza chatinoona nacho, mhepo yatinofema, nyika yakaoma patinogara, miti, nhevedzano yamasikati nousiku, hove, shiri, mhuka—zvose zvakabudiswa munhevedzano noMusiki wedu Mukuru nokuda kwebetserwo yomunhu nefarikanyo. (Genesi 1:2-25) Zvirokwazvo, tinogona kukumbanira wezvamapisarema mukuti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.”—Pisarema 104:24.
Basa Rakanakisisa raMwari Rechisiko
Sezvo “zuva” rechitanhatu rokusika rakasvika kumugumo, Mwari akaita murume uye ipapo mubetseri wake, mukadzi. Mugumo wakaisvonaka zvakadini kuchisiko chapasi, chinoshamisa zvikuru kwazvo kupfuura zvisiko zvose zvinooneka izvo zvakanga zvatanga! Pisarema 115:16 rinotizivisa, kuti: “Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” Nenzira inowirirana, Jehovha akatirongedzera isu mweya yohunhu kuti tigogona zvose zviri zviviri kufarira ndokushandisa zvisiko zvake zvapakuvamba zvikuru pasi pano. Tinofanira kuva vanoonga sei nokuda kwameso edu—akaoma zvikuru kunzwisisa kupfuura kamera yakanakisisa—ayo anogona kuona nyika yakaisvonaka yakatipoteredza! Tine nzeve dzedu—dzakaisvonaka zvikuru kupfuura gudzanzwi ripi neripi rakaitwa nomunhu—dzokutibetsera kufarikanya kurukurirano, nziyo, uye rwiyo runonakidza rweshiri. Tine gadziriro yokutaura yakavakirwa mukati, kubatanidza rurimi runoita zvakawanda. Zvinonzwa kunaka zvorurimi, zvichibatanidzwa nepfungwa yedu yokunhuwidza, zvinogoverawo mufaro mukunakirwa nemhatsa isingagumi yezvokudya. Uye tinoonga sei kubata kworuoko rune rudo! Zvirokwazvo tinogona kuonga Musiki wedu, sezvakaita wezvamapisarema uyo akati: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.”—Pisarema 139:14.
Mutsa Worudo woMusiki Wedu
Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Ongai Jehovha, nokuti wakanaka . . . Iye oga, unoita zvishamiso zvikuru; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” (Pisarema 136:1-4) Mutsa worudo iwoyo zvino uri kumusunda kuita zvinhu zvinoshamisa zvikuru kupfuura zvisiko zvose zvatichangobva kurondedzera. Hungu, kunyange achizorora pakusika zvinhu zvinooneka, iye ari kusika pamwero womudzimu. Iye ari kuita ikoku mumhinduro kudenho yakaipa yakakandirwa kwaari. Seiko?
Murume wokutanga nomukadzi vakaiswa mubindu rakaisvonaka, Edheni. Zvisinei, ngirozi yakaipa, Satani, yakazvigadza imene samwari ndokutungamirira vaviri ivavo vohunhu kupinda mukupandukira Jehovha. Nenzira yakarurama, Mwari akavatongera kurufu, nomuuyo wokuti vana vavo, dzinza rose ravanhu, rakaberekerwa mumugariro wokutadza, wokufa. (Pisarema 51:5) Nhauro yeBhaibheri pamusoro paJobho inoratidzira kuti Satani akadenha Mwari, achitaura kuti hakuna munhu anogona kuchengeta perero kwaAri mumuedzo. Asi Jobho akabvumikisa Satani kuva murevi wenhema akaipa, sezvakaita vamwe vabatiri vakatendeka vazhinji vaMwari munguva dzeBhaibheri uye kuburuka kusvikira kuzuva redu. (Jobho 1:7-12; 2:2-5, 9, 10; 27:5) Jesu, somunhu akakwana, akaratidzira kuchengeta perero kusina muenzaniso.—1 Petro 2:21-23.
Nokudaro, Jesu aigona kuti, “Mutongi wenyika [Satani] haana simba pandiri.” (Johane 14:30, NW) Bva, kusvikira kuzuva rino “nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Zvaakapokanidza maruramiro ouchangamire hwaJehovha, Satani akapiwa makore 6 000 okuratidza kana kutonga kwake amene rudzi rwomunhu kuchigona kubudirira. Iye akakundikana zvinosiririsa sei, sezvo migariro yenyika inoipa inopfuurira kupupurira! Mwari wedu ane rudo, Jehovha, achakurumidza kubvisa ichi chaunga chakashata chenyika, achizivisa uchangamire hwake hune maruramiro pamusoro papasi. Ikoko kuchaunza nyaradzo inofadza zvakadini kuvanhu vanoshuva kutonga kune rugare, kwakarurama!—Pisarema 37:9-11; 83:17, 18.
Zvisinei, izvozvo hazvisati zvirizvo zvoga! Mutsa worudo waMwari ucharatidzirwazve pahwaro hwamashoko aJesu ari pana Johane 3:16 (NW), anoti: “Mwari akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Uku kudzorerwa kurudzi rwomunhu kwekariro youpenyu husingaperi pasi pano kunobatanidza kusikwa kwezvinhu zvitsva. Zvii izvozvi? Izvo zvinobetsera sei rudzi rwomunhu runogomera? Nyaya yedu inotevera ichataura.