Kudeya Kutaura Nguva Yemberi Yomugariro Wepfuma Wenyika
KUSATERAMA kwemisika yezvemari nokushaikwa kwechivimbo muvakamuranisi avo vakakundikana kudeya kutaura kundikano mumisika yamastock ya 1987 zvakaita kuti vanhu vebhizimisi vatendeukire kuruzivo rwemitumbi yomudenga kuti vedeye kutaura nguva yemberi yavo yezvemari, inodaro magazini yeLondon Accountancy Age. Magazini yacho inotaura kuti “veruzivo rwemitumbi yomudenga vezvemari vari kuwana ndaza inotyisa yavanoda zano rakakurumbira nokuda kwokudeya kutaura kwavo misika kune udzame.”
Mumwe mubvunzwi anoenzanisa madenderedzwa ayo anowana mumakore 30 amashoko ezuva nezuva ezvemari nokufamba kwemitumbi yomudenga. Pahwaro ihwohwu iye anopa kudeya kutaura kwake. Kunyange zvazvo vatengi vazhinji vaizengurira kuteerera zano rake pamberi pa 1987, iye zvino anowana kunyange vakaoma musoro vanopa mari vakagadzirira kuteerera.
Mumwe muzivi wemitumbi yomudenga wezvemari anonyora machati akavakirwa pamisi yokuberekwa kuti awane hunhu hwomunhu uyewo kutsvaka “nhungamiro dzenguva yebudiriro dzebhizimisi dzingabvira.” Bva mumwe anodavira kuti misiano yemisika yesirivha inotevera denderedzwa romwedzi. Asi pakuenzaniswa navakamuranisi vemari venguva dzose, uyu muzivi wemitumbi yomudenga anowana kuti vanoda zano vake vanomupa “nzvimbo duku zvikuru yokuwana kusina kururama.”
Kune, zvisinei, kudeya kutaura kumwe kwezvemari uko kune chokwadi chokuitika, uye hakuna chokuita noruzivo rwemitumbi yomudenga. Uku kudeya kutaura kwakanyorwa muBhaibheri uye kwakafuridzirwa naJehovha, Mwari uyo asingazvipi amene chose chose “nzvimbo yokukwana kusina kururama.” Iye ndiye Mwari “asingagoni kureva nhema.” (Tito 1:2, NW) Iye akaita kuti muporofita wake Ezekieri azivise, kuti: “Vacharasha sirvheri yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirvheri yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira.”—Ezekieri 7:19.
Ikoku kuchaitika rini? Mukati me“dambudziko guru” riri kuuya rakadeya kutaurwa naJesu Kristu, iro Ezekieri akati “zuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Mateo 24:21, NW; Ezekieri 7:19) Budiriro yezvemari haisati ichizowana pukunyuko, pasinei zvapo neizvo voruzivo rwemitumbi yomudenga vangadeya kutaura. Chinongova bedzi chivimbo muna Jehovha Mwari, Mununuri Mukuru, icho chinogona kuvimbisa chengeteko mukati mechinjo iyi yenyika yose umo ushati hwose huchabviswa—hwezvamatongerwe enyika, hworudzidziso, uye hwezvokutengeserana.—Zvirevo 3:5, 6; Zefania 2:3; 2 Petro 2:9.