Iwe Unoyeuka Here?
Wakafarikanya here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura zveNharireyomurindi? Kana zvakadaro, pasina panikiro uchakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:
▫ Chibvumikisoi chinopwisa chakapiwa nokushanda kwakasiana-siana kwomudzimu mutsvene muzana rokutanga ramakore?
Uku kushanda kwakagovera ufakazi hunooneka hwokuti Mwari akanga achisiri kushandisa ungano yaiva namakore 1 500 yaIsraeri savanhu vake chaivo, asi tendero yake zvino yaiva paungano itsva yechiKristu, yakatangwa noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi. (Enzanisa naVaHebheru 2:2-4.)—8/15, peji 5.
▫ Chii chinotsanangura kukura kunoshamisa kunowanwa neZvapupu zvaJehovha?
Zvikurukuru, ikoku imhaka yechikomborero chaMwari. Ibasa raMwari. Izvo Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa mubasa razvo rokuparidza evhangeri zvakavakirwa paBhaibheri. Chimwe chikuru kubudiriro yazvo kuziva kwazvo kwakazara Jesu Kristu soMusoro wakagadzwa weungano yechiKristu.—9/1, peji 19.
▫ Neiko Jehovha akaratidza Dhavhidhi ngoni pamusoro pechivi chake chikuru naBhati-shebha?
Ikoku kwakanga kuri zvikurukuru nemhaka yesungano yoUmambo iyo Mwari akanga aita naDhavhidhi, asi kwakanga kuriwo nemhaka yengoni dzaDhavhidhi amene norupfidzo rwake rwapachokwadi. (1 Samueri 24:4-7; 2 Samueri 7:12; 12:13; Pisarema 51:1, 2, 17)—9/15, mapeji 10, 11.
▫ Marudzii matatu oufakazi anopa Magwaro echiKristu echiGiriki kutsigira kuva Mesia kwaJesu?
Mutsara wedzinza waJesu ndiwo mutsara wokutanga woufakazi. (Mateo 1:1-16; Ruka 3:23-38) Humwe ufakazi uporofita hwakazadzikwa. Kune chaizvoizvo uporofita hwakawanda, zvakadai souhwo hunowanwa pana Dhanieri 9:25, hunozivisa Jesu saMesia. Mutsara wechitatu woufakazi chipupuriro chaMwari amene; iye akagovera ichochi panhambo nhatu nenzwi rake amene. (Mateo 17:5; Ruka 3:21, 22; Johane 12:28)—10/1, peji 10, 12.
▫ Chii chakareva Jesu apo akati, sezvakanyorwa pana Mateo 24:37: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu”?
Noa akanga achivaka areka uye akanga achinyevera vakaipa kwenhambo yamakumi amakore Mafashamo asati asvika ndokuparadza tsika yenyika yakaipa. Nenzira yakafanana, kuvapo kusingaoneki kwaKristu kunogara kwenhambo yakati yamakumi amakore, mukati mako uchapupu hwenyika yose hunopiwa, kusati kwagumawo noruparadziko rukuru.—10/1, peji 16.
▫ Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinokosha zvefundo yeBhaibheri yemhuri yakanaka?
Nguva inofanira kutengwa nokuda kwefundo yacho. Hatifaniri kuibvumira kubviswa neTV kana kuti zvimwe zvinotsausa. Zvinodikanwa chaizvo zvemhuri zvinofanira kurangarirwa. Shandisa mibvunzo yomurangariro kuva nechokwadi kuti vana vanonzwisisa chavari kudzidza. (Mateo 17:25) Chengeta mugariro wacho wakasununguka. Iva nembavarira, uye ita kuti munhu ari wose abatanidzwe mufundo.—10/15, peji 17.
▫ MaKristu anofanira kuitira hanya sei kuti zvinogadzirwa neropa zvingava zvakawedzerwa kuzvokudya?
MaKristu anofanira kudzivisa kukangaidzwa nebvirowo zvayo kana kuti runyerekupe, uye kuva nomufungo kunodikanwa kunyange pamusoro pokunzvera mapepa anonyorwa kana kuti kubvunza vamabhucha. Zvisinei, kana kuchizivikanwa kuti ropa rinoshandiswa zvikuru munzvimbomo—mungave muzvokudya kana kuti mukurapa—maKristu anofanira kungwarira kuteerera murairo waMwari wokurega ropa. (Mabasa 15:28, 29)—10/15, mapeji 30-1.
▫ Bhuku raZvirevo rinosimbisa sei ukuru hwomudzimu hwemitoo yokudzidzisa yaishandiswa muna Israeri?
Bhuku raZvirevo rinoratidza kuti donzo rahwo rakanga riri rokudzidzisa “vasina mano” zvinhu zvakakwirira zvakadai souchenjeri, chirango, kunzwisisa, nzwisiso, kupangana, ungwaru, zivo, uye mano okufunga—zvose mu“kutya Jehovha.” (Zvirevo 1:1-7; 2:1-14)—11/1, peji 12.
▫ Murangariroi wakadzikama wedzidzo uyo vanhu vaduku vanofanira kuva nawo nhasi?
MaKristu anofanira kurangarira dzidzo somutoo wokuwana nawo muuyo unoshuviwa. Donzo ravo mumazuva ano okupedzisira kubatira Jehovha zvikuru uye nenzira inobudirira sezvinobvira muushumiri hwenguva yakazara kana achigona.—11/1, peji 18.
▫ Neiko Jehovha aida rudzi rwaIsraeri kubhadhara zvegumi?
Kutanga, kuti vagogona kuratidza nenzira inooneka kuonga kwavo runako rwaJehovha. Chechipiri, kuti vagogona kupa mipiro kukutsigirwa kwavaRevhi, avo panguva iyoyo vaigona kupa ngwariro pamisengwa yavo, kubatanidza kudzidziswa kwoMutemo. (Ona 2 Makoronike 17:7-9.)—12/1, peji 9.
▫ Chii chiri chegumi icho maKristu anokumbirwa kuunza? (Maraki 3:10)
Chegumi chinomirira chikamu cheicho chiri chedu chatinounza kuna Jehovha kana kuti kushandisa mubasa rake. Ichochi chiratidzo chorudo rwedu nokuda kwake uye chokuziva kwedu kuti tiri vake.—12/1, peji 15.