Kusvika “Marudzi Ose Avanhu” muBelgium
MUAPOSTORA Pauro akayeuchidza maKristu biyake akazodzwa nezvokuda kwaMwari kuti “marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” Nokuda kwaikoku aifanira kunyengetera kuti apiwe “upenyu hwakaterama nohwakanyarara” kuti agozivisa mashoko akanaka oUmambo kuvose vainzwa.—1 Timotio 2:1-4, NW.
Nhasi, kusvika “marudzi ose avanhu” namashoko akanaka kune revo chaiyo nokuda kweZvapupu zvaJehovha muBelgium. Chifo chomugumo weHondo yeNyika II, iyi nyika duku, iyo ingapinda nyore nyore muLake Tanganyika kana kuti hafu yeLake Michigan, yakawana chinjo huru mumugadzirirwo wayo wedzinza netsika. Mukuwedzera kunzanga dzayo nhatu dzamagamuchidzanwa—chiFlemish (chiDutch), chiFrench, uye chiGermany—zvino muBelgium mune mhatsa yamapoka omutauro netsika. Mune zviverengero zvavagari vemo zvechiArab, zvechiTurkey, zvechiIndia, zvechiChina, zvechiFilipino, zvechiAfrica, uye zvechiAmerica, kududza zvishomanene chete. Kunorangarirwa kuti 1 muvanhu 10 vari vose muBelgium ndowerudzi rwokumwe.
Nokudaro, Zvapupu muBelgium, kufanana namaKristu biyazvo munyika yose, zvinotarisana nedenho yokusvika “marudzi ose avanhu” namashoko akanaka. Kuparidzira pakati pemhatsa yakadaro yamarudzi kwakaita sei? Munhu anosvika sei vanhu vamwe navamwe vane mugariro wakasiana chose chose wetsika noworudzidziso? Uye ndokupi kuri kuita kwavo kushoko reBhaibheri?
Kutanga Kunounza Miuyo
Kutaura ku“marudzi ose avanhu” pamusoro pamashoko akanaka oUmambo ndichinoitika chinofadza nechinonakidza. Mumigwagwa yakabatikana, mumisika, muzvokufambisa zvavose, paimba neimba, vanhu vanobva munyika dzose vanowanwa. Nokutanga kuduku, muparidzi woUmambo anogona kuvamba nyore nyore kurukurirano, uye kazhinji kazhinji iyoyi inotungamirira kumiuyo inotusa.
Panomira bhazi, chimwe Chapupu chakatanga kurukurirano nomukadzi weAfrica nenyemwerero youshamwari chete. Mukadzi wacho akakurumidza kuratidzira mufaro wake pakunzwa pamusoro poUmambo hwaMwari, uye iye akada kuziva zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Iye akagamuchira magazini eNharireyomurindi naMukai! ndokupa kero yake kuChapupu. Apo chakati chaizomushanyira nokukurumidza, mukadzi wacho akaramba. “Aiwa! Aiwa! Ngatiitei rangano chaiyoiyo kuitira kuti ndigova pamusha apo munouya.”
Mazuva matatu gare gare, apo Chapupu chaifanira kuita shanyo yacho, chakawana kuti chakanga charasa kero yomukadzi wacho. Asi chichiyeuka zita romugwagwa, chakaenda ndokunzvera paimba iri yose kuti chione kana chaigona kuwana zita reAfrica. Chakasvika kumugumo womugwagwa pasina kuwana icho chakanga chichitsvaka. Kuodzwa mwoyo kukuru kwakadini! Sezvo chakanga chava kugadzirira kuenda, kamwe kamwe, sokunge anooneka asingabvi kunzvimbo ipi neipi, akamira pamberi pacho akanga ari mukadzi amene uyo chakanga chichitsvaka, uye yakanga iri zvomenemene nguva yavakanga vabvumirana nokuda kweshanyo yacho! Fundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa.
Zvakadiniko nezvetsika, zvitendero, uye magamuchidzanwa zvakasiana-siana? Somuenzaniso, zvakadiniko nezvezvitendero zvechiHindu? Eya, mumwe piona akayeuka zvaakanga arava muBhuku raKurangarira muMagwaro. Rinoti: “Panzvimbo pokuedza kubata nezvakaoma zvouzivi hweHindu, ipa zvokwadi dzinogutsa dzinowanwa muBhaibheri Dzvene. . . . Zvokwadi dzakajeka dziri muShoko rake dzichasvika mwoyo yaavo vanonzwa nzara nokunzwa nyota yokururama.”
Izvozvo ndizvo zvomenemene izvo piona akaita apo akasangana naKashi, mumwe mukadzi akabva India uyo akabvuma fundo yeBhaibheri. Kashi akaita fambiro mberi yakatsiga, uye nokukurumidza akanga otaura kushamwari dzake dzose pamusoro peizvo akanga achidzidza. Rimwe zuva piona akasangana nomudzimai wenhume, uyo akabvunza, kuti: “Ndimi here munodzidzisa Kashi Bhaibheri?” Piona akashamiswa sei apo mukadzi wacho akati: “Iye mudzidzisi akadini! Akakwanisa kundipwisa pamapfundo akawanda. Fungidzirai, iye, muHindu, achindidzidzisa, muKaturike, Bhaibheri!”
Apo unosangana navaFilipino, kamwe kamwe unoziva kuti vazhinjisa vavo vanoda Bhaibheri. Ivo vane ushamwari uye vane mutsa, uye kuri nyore zvikuru kutanga kurukurirano navo. Mumwe mukadzi weFilipino akagamuchira nokudisa magazini maviri, asi zvaaiva muKaturike, akaarasa. Mavhiki akati gare gare akagamuchirazve mamwe magazini maviri, ayo akarega ari mubhegi rake. Humwe husiku akanzwa achida kurava. Pashure pokutsvaka tsvaka chimwe chinhu chinofadza, akawana magazini. Nokuzengurira, iye akatanga kurava, uye fariro yake yakakura. Nokukurumidza pashure paikoko, Chapupu chakashanyira musha wake, uye mukadzi wacho akabvunza mibvunzo yakawanda. Iyi yakanga iri nguva yokutanga iyo akamboenzanisa zvitendero zvake zveKaturike neizvo Bhaibheri rinotaura. Mharidzo ino mufungo, yapaMagwaro yakamupwisa kuti iye pakupedzisira akanga awana zvokwadi.
“Kandira Zvokudya Zvako”
Vazhinji vavagari vemo vokumwe vari muBelgium nokuda kwezvikonzero zvebhizimisi kana kuti kushanda paimwe yenhume 150 dzinozivikanwa kana kuti European Community Commission. Vazhinjisa vavo vanogara makore mashomanane bedzi. Kupupurira nokufunda Bhaibheri navo kungaratidzika kuva kusina maturo pakutanga. Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza, kuti: “Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.” (Muparidzi 11:1) Kazhinji kazhinji miuyo yacho inotusa nenzira inoshamisa.
Ichi chakanga chiri chinoitika chomumwe mukadzi weAmerica uyo aigamuchira nguva dzose magazini kuChapupu. Pashure penguva yakati Chapupu chakaonesa betsero yokufunda Bhaibheri nguva dzose, uye icho chakakarakadza kufunda naye. Mukadzi wacho akabvuma chikarakadzo chacho uye akaita fambiro mberi inokurumidza. Nokukurumidza iye akaona musiano pakati porudzidziso rwechokwadi norwenhema. Iye naizvozvo akabvisa mumba make mifananidzo yose yorudzidziso. Ipapo nguva yakasvika yokuti adzokere kuUnited States. Ikoko kwakareva here mugumo wefambiro mberi yake yomudzimu? Fungidzira mufaro neshamisiko zveChapupu apo chakagamuchira runhare rwakabva kuChapupu muUnited States chichimuudza kuti mukadzi wacho akanga apfuuridzira fundo yake, akanga atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari, uye akanga abhapatidzwa! Kutaura idi, iye akanga achitobatira somushumiri piona webetsero.
Zvimwe chetezvo zvakanga zviri zvechokwadi nezvaKashi, mukadzi weIndia, uye nezvomukadzi wechiFilipino vadudzwa pakutanga. Apo Kashi akadzokera kuIndia, iye nomurume wake vakavamba fundo yavo yeBhaibheri. Pakupedzisira vose vari vaviri vakazvitsaurira vamene kuna Jehovha ndokugoverana mubasa rokuparidzira. Sezvo vaigara munharaunda umo makanga musina zvimwe Zvapupu, ivo vakapa musha wavo nokuda kweFundo yeBhuku yeUngano. Kashi akabatira sapiona webetsero kusvikira patambanuko yaibvumidza utano hwake, uye iye ave achiitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha nhanhatu, dzaibatanidza hwerengedzo yavanhu 31. Nenzira yakafanana, pashure penguva yakati mukadzi wechiFilipino akatamira kuUnited States, akafambira mberi kutsauriro norubhapatidzo, uye akava piona wenguva dzose. Miuyo inofadza yakadaro iri pakati peyakawanda iyo vaparidzi voUmambo muBelgium vanofarikanya sezvavanopfuurira kuparidzira kuvanhu vari mundima yavo.
Denho Yemitauro
Kuti iite basa rokuparidzira “kumarudzi ose avanhu,” hofisi yebazu inofanira kuva namabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura zana. Zvino kune ungano dzeBelgium mumitauro gumi. Paungano 341, 61 dziri mumitauro yokumwe, uye pavaparidzi voUmambo 26 000, 5 000 ndoverudzi rwokumwe. Imwe ungano inobatanidza varume navakadzi vakabva kunyika 25 dzakasiana-siana. Fungidzira ruvara nemhatsa pamisangano yavo! Bva rudo nechinzwano pakati pehama chipupuriro chine simba kukuva mudzidzi wechokwadi wechiKristu.—Johane 13:34, 35.
Sezvo kune vagari vakawanda kwazvo muBelgium vanoda kunzwa mashoko akanaka mundimi dzokumwe, vamwe vaparidzi vakagamuchira denho yokudzidza mitauro yakaoma, yakadai sechiTurkey, chiArab, uye chiChina. Nhamburiko dzavo dzakatuswa zvikuru.
Avo vanoshanda pakati pavagari vemo vechiArab vanowana kuti vanogona kazhinji kazhinji kunyandura fariro muBhaibheri kupfurikidza nokusimbisa ukoshi hwaro hunoshanda. Mumwe muparidzi woUmambo akava nekurukurirano inofadza napurofesa wechiArab, ipapo kwamakore matatu pashure paikoko haana kukwanisa kuwanazve purofesa wacho. Asingaodzwi mwoyo nyore nyore, muparidzi wacho akasarudza kusiya tsamba ine mibvunzo yeBhaibheri nokuda kwapurofesa wacho. Ikoku kwakamufadza kwazvo zvokuti akanga achidisa kuita nzvero isina kwayakarerekera yeBhaibheri. Iye akashamiswa kwazvo neizvo akawana zvokuti iye nomudzimai wake, vose vari vaviri vaMuslim, vakatsaura madekwana akati okurava Bhaibheri pamwe chete.
Avo vanoedza kubetsera chiverengero chikuru chavagari vemo vechiChina mumaguta makuru vane imwe mhinganidzo yokukurira mukuwedzera kumhinganidzo yomutauro. Vazhinjisa vavaChina havadaviri muna Mwari soMusiki kana kuti Bhaibheri seShoko raMwari. Bva, ivo vanoda kuziva uye vanoda kuziva charinoreva. Ivo varaviwo vanoshingaira. Hakusati kuri kwechienzi kuti ivo vapedze kurava mabhuku api naapi eBhaibheri anosiiwa navo, kana kuti kunyange rakawanda reBhaibheri, mumazuva mashomanene chete. Kana mwoyo wavo wakarurama, vanosundwa nesimba reShoko raMwari.
Mumwe mukadzi wechiChina akakuwana kwakaoma zvikuru kugamuchira pfungwa yoMusiki. Asi mukati mefundo yechipiri, misodzi yakabuda mumeso ake apo iye akati: “Zvino ndinodavira muna Jehovha Mwari, nokuti kana Bhaibheri rakanyorwa inopfuura nhambo yamakore 1 600 navanhu 40 vakasiana-siana asi riri mutsinhirano yakakwana nomusoro mumwe, ipapo kunofanira kuva kuti Jehovha Mwari akanga achitungamirira kunyora kwacho. Ikoko kune mufungo kwazvo!”
Mumwe mukadzi wechiChina akasvikwa nechimwe Chapupu ari mumotokari yavose. “Imi muri muKristu here?” iye akabvunza Chapupu kudaro. Iye ipapo akataura kuti akaodzwa mwoyo zvikuru nokuona pokanidzano yakawanda kwazvo pakati paavo vanotaura kuva maKristu. Chapupu chakabvumirana neizvo akataura asi chakatsanangura kuti Bhaibheri harizvipokanidzi rimene. Ipapo chaipo mukadzi wacho aifanira kuburuka. Akapa Chapupu kero yake, uye apo chakamushanyira, mukadzi wacho akati: “Kudai bedzi ndakanga ndaziva, ndingadai ndakakwira motokari yavose gore rimwe pamberi pezvo!” Paakabvunzwa chaakareva, mukadzi wacho akatsanangura, kuti: “Iyoyo ndiyo nguva yokutanga yandakaenda kuyunivhesiti nemotokari yavose. Unogona kufungidzira here? Ndakapambadza gore rimwe!” Iye akafara kwazvo kukwanisa kufunda Bhaibheri kunyange kwemwedzi mishomanene chete asati adzokera kuChina.
Zvinoitika zvakafanana naizvozvi zvakadzidzisa Zvapupu zveBelgium chifundo. “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana,” Bhaibheri rinodaro, “nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.” (Muparidzi 11:6) Nhamburiko dzinoshandiswa dzokukurira mhinganidzo dzomutauro, tsika, uye gamuchidzanwa dzakasanofanira miuyo yacho. Mhinduro dzinofadza dzinobvumikisa, kupfuura zvose, kuti Mwari zvirokwazvo “haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.