RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 12/15 pp. 19-20
  • Dare Gurusa reNigeria Rinotsigira Rusununguko Rworudzidziso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dare Gurusa reNigeria Rinotsigira Rusununguko Rworudzidziso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Kudare Nedare
  • Rusununguko Rworudzidziso Runokurira
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 12/15 pp. 19-20

Dare Gurusa reNigeria Rinotsigira Rusununguko Rworudzidziso

VAGARI vomumusha vanobipitira mukohwe womurimi. Vamwe vanodenha musha womuvaki ndokupamba maturusi ake. Vamwezve vanodzivisa mumwe mukadzi kutenga nokutengesa. Neiko kwaiva nokushatisa kwakadaro? Imhaka yokuti vanyajambwa vacho, vose vavo vari Zvapupu zvaJehovha, havasati vaizotora rutivi mumasangano amagiredhi ezera. ‘Muchii?’ ungashamisika.

Sangano regiredhi rezera rinoumbwa navanhu, kazhinji kazhinji vanhurume, vakaberekwa panenge panguva imwe cheteyo uye mumusha mumwe chetewo. Mapoka amagiredhi ezera anozivikanwa navose kumabvazuva kweNigeria. Iwo angatsigira gadziriro yenzanga, asi anopindawo mukunamata zvidhori uye anoita miitiro yokutenda midzimu kuratidza kuti mitezo yacho yabva zera. Nemhaka yokuti Bhaibheri rinoshurikidza miitiro yakadaro nokuda kwamaKristu echokwadi, Zvapupu zvaJehovha hazvina goverano mumapoka akadaro.—1 VaKorinte 10:20, 21; 1 Johane 5:21.

Samuel Okogbue aishanda somusoni muAba, Nigeria. Pakuvamba muna 1978, mitezo yeSangano reGiredhi reZera reUmunkalu reAlayi yakaraira kuti iye abhadhare “mutero” wokubetsera kuvaka kiriniki. SomuKristu wechokwadi, Samuel anozvishandisa amene kubetsera vamwe vanhu, asi iye akaramba nenzira yokutungamirirwa nehana kubatanidzwa neboka regiredhi rezera. Pana April 22 wegore iroro, mitezo mitanhatu yeboka racho yakapaza shopu yake ndokupamba muchina wake wokusonesa, uyo vakati vaizochengeta kutozosvikira abhadhara mari yacho. Samuel akaramba kuti akanga asingasungirwi kubhadhara chinhu chipi nechipi sezvo iye akanga asiri mutezo wesangano ravo. Apo iye aisagona kuwana muchina wake wokusonesa, Samuel akaendesa nhau yacho kudare.

Kudare Nedare

MuDare raMejasitiriti Mukuru, boka regiredhi rezera rakaita nharo kuti nemhaka yezera, Samuel akaerekana ava mumwe wezviverengero zvavo, ane mutoro wokubhadhara mitero ipi neipi yavaiisa pavari vamene. Kupfuurirazve, tsika yemo inoti kana mumwe mutezo usina kubhadhara mutero, zvinhu zvake zvaizopambwa kutozosvikira iye adaro.

Dare rakaramba. Pana February 28, 1980, iro rakasarudza kuti Samuel aisagona kumanikidzwa kuva mutezo weboka regiredhi rezera. Mejasitiriti Mukuru akati: “Tsika inonyima mugari wemo chisarudzo chakasununguka chesangano inopesana neC[hikamu] 37 cheBumbiro reMitemo reFederal Republic of Nigeria uye naizvozvo haigoni kuwana simba roMutemo.”

Boka regiredhi rezera rakakwirira ichi chisarudzo kuDare Guru ndokuwina. Ikoko mutongi akaraira Samuel kubhadhara mutero wacho, achitaura kuti yaingova zvayo nzira yokupa mupiro kukusimudzirwa kwenzanga yake.

Ipapo Samuel akakwirira uko akaona kuva kusaruramisira. Dare roKukwirira rakachinja chisarudzo cheDare Guru, richisarudza richitsigira Samuel. Risingadi kubvuma kukundwa, boka regiredhi rezera rakaendesa nhau yacho kuDare Gurusa reNigeria.

Munguvayo, mitezo yeboka yakanga yave yakabatikana mumusha maSamuel. Vachiita nharo kuti Zvapupu zvairwisana negadziriro dzose dzenzanga, ivo vakapwisa sabhuku kuti arambidze mibato yeZvapupu zvaJehovha munharaunda macho. Mukuru mukuru anoita zviziviso zvetaundi akazivisa kuti munhu upi noupi anova nezvokuita neZvapupu zvaJehovha aizoripiswa. Zvapupu zvomumataundi ari pedyo zvakapindira ndokujekesa nhau yacho nokuda kwavakuru vomumusha. Izvo zvakatsanangura kuti vanhu vaMwari havatongoshori kusimudzirwa kwenzanga. Kutaura idi, Samuel akanga abudisa marisiti mudare anobvumikisa kuti iye akanga apa mipiro kugadziriro dzenzanga dzakanga dzisina kutsigirwa namapoka amagiredhi ezera. Vakuru vomusha ipapo vakachinja chisarudzo chavo chokudzinga Zvapupu.

Rusununguko Rworudzidziso Runokurira

Pana October 21, 1991, vatongi vashanu veDare Gurusa reNigeria vakasarudza vachibvumirana vachitsigira Samuel. Achirondedzera rutongeso runotungamirira rwakaitwa noMutongi Paul Nwokedi, Mutongi Abubakar Wali akati: “Hausati uri mutero uyo mukwiriri [Samuel] anoramba kubhadhara asi kuva mutezo wechaunga chipi nechipi, bandiko kana kuti giredhi rezera, sezvo ikoku kuchirwisana nechitendero chake chorudzidziso, iye achiva mutezo weZvapupu zvaJehovha.”

Mutongi akapfuurira, kuti: “Bumbiro reMitemo ra 1963, chikamu 24(1) chakavimbisa vagari vemo vose veNigeria rusununguko rwehana, mufungo, uye rudzidziso. Mukwiriri ane maruramiro okubatirira kuchitendero chorudzidziso rwake, mufungo nehana izvo zvinomurambidza kukumbanira giredhi reZera. Tsika ipi neipi inorangarira zvakasiana inopesana neBumbiro reMitemo uye naizvozvo haishandi kusvika patambanuko iyoyo.”

Mukupfupikisa, dare rakasarudza kuti hakuna munhu anogona kumanikidzwa pamutemo kukumbanira boka regiredhi rezera kunyange zvazvo umutezo hungava tsika yenzanga. Rakatosarudzawo kuti hakuna munhu anogona kumanikidzwa pamutemo kubhadhara miripo kupfurikidza nesangano iro asiri mutezo waro, kunyange apo miripo yacho inenge iri nokuda kwokusimudzirwa kwenzanga. Naizvozvo muuhu udzame hunoratidzika kuva huduku, rusununguko rworudzidziso rwavaNigeria vose rwakatsigirwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe