Ikoku Hakubviri!
“KAMERA ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.” (Mateo 19:24) Jesu Kristu akataura ikoku kuti adzidzise vadzidzi vake chidzidzo. Mutongi muduku akapfuma akanga achangobva kuramba kokero yokuva muteveri waJesu ndokugoverana mabanza omudzimu akawanda anoshamisa. Murume wacho akasarudza kubatirira kupfuma yake yakawanda panzvimbo pokutevera Mesia.
Jesu akanga asiri kutaura kuti hakubviri chose chose kuti mupfumi awane upenyu husingaperi mugadziriro yoUmambo, nokuti vapfumi vakati vakava vateveri vake. (Mateo 27:57; Ruka 19:2, 9) Zvisinei, ikoku hakubviri nokuda kwokupfumi upi noupi ane rudo zvikuru nokuda kwezvinhu zvake kupfuura nokuda kwezvinhu zvomudzimu. Kupfurikidza bedzi nokuziva chinodikanwa chake chomudzimu nokutsvaka betsero youmwari munhu akadaro anogona kugamuchira ruponeso runopiwa naMwari.—Mateo 5:3; 19:16-26.
Muenzanisiro wekamera neburi redumho haufaniri kurangarirwa chaizvoizvo. Jesu akanga achishandisa dimikira kusimbisa chitambudzo chakatarisana navapfumi vanoedza kufadza Mwari nepo vachichengeta mutoo woupenyu wakapfuma, wokudisa zvenyika.—1 Timotio 6:17-19.
Vamwe vanotaura kuti buri redumho rakanga riri suo duku raiva murusvingo rweguta naro kamera yaigona kupfuura nechitambudzo kana ikabvisirwa mutoro wayo. Asi shoko rechiGiriki rha·phisʹ, rakashandurwa kuti “dumho” pana Mateo 19:24 naMarko 10:25, rinobva muchiito chinoreva “kusona.” Pana Ruka 18:25 shoko rokuti be·loʹne rinoratidzira dumho, uye ipapo New World Translation inorava, kuti: “Kuri nyore zvikuru, kutaura idi, kuti kamera ipinde napaburi retsono kupfuura kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Zviremera zvakasiana-siana zvinotsigira uku kushandura. W. E. Vine anoti: “Pfungwa yokushandisa ‘buri retsono’ kumasuo maduku kunoratidzika kuva yazvino uno; hapana kurondwa kwakare kwayo.”—An Expository Dictionary of New Testament Words.
Kamera hombe inoedza kupinda napaburi retsono duku “kunopa katutsiro yokuMabvazuva,” rinodaro rimwe bhuku renongedzero. Uye pamusoro pavamwe vakangwara kwazvo zvokuti vakaratidzika kuva vanoita zvisingabviri, The Babylonian Talmud inoti: “Ivo vanokweva nzou ichipfuura napaburi retsono.” Jesu akashandisa dimikira chairoiro nomusiano wakajeka kusimbisa chisingabviri. Hakubviri kuti kamera, kana kuti nzou, ipinde nepaburi retsono. Nebetsero youmwari, zvisinei, mupfumi anogona kurega murangariro wokudisa zvenyika ndokutsvaka zvirokwazvo upenyu husingaperi. Ndizvo zvinogona kuitawo avo vose vane chishuvo chapachokwadi chokudzidza ndokuita kuda kwaMwari Wokumusorosoro, Jehovha.