Zvitarisiko Zvinogona Kuva Zvinonyengera
“HAPANA kuvimba zvitarisiko,” akadaro munyori wezvinoitika weIreland Richard Sheridan. Ikoku ndokwechokwadi nezvemiti pamwe chete navanhu.
Rimwe zuva mukupera kwaMarch mugore ra 33 N.V., Jesu Kristu akaona muonde sezvo iye navadzidzi vake vakanga vachifamba vachibva Bhetania vachienda Jerusarema. Muti wacho wakanga wakazara mashizha, asi kusanonzvera kwakazivisa kuti wakanga usitongorina michero. Jesu naizvozvo akati kwauri: “Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi.”—Marko 11:12-14.
Neiko Jesu akatuka muti iwoyo sezvo, sezvo Marko anotsanangura, “nokuti yakanga isi nguva yamaonde”? (Marko 11:13) Eya, apo muonde unoita mashizha, kazhinji kazhinji iwo unoberekawo maonde apakuvamba. Kwakanga kuri kwechienzi kuti muonde uve namashizha panguva iyoyo yegore. Asi sezvo iwo waiva namashizha, Jesu nenzira yakarurama aikarira kuwana maonde mauri. (Ona pikicha iri pamusoro apa.) Idi rokuti muti wacho wakanga wangova bedzi namashizha rakareva kuti waizova usingabereki. Chitarisiko chawo chainyengera. Sezvo miti yemichero yaitererwa, muti usingabereki wakanga uri mutoro wezvemari uye waifanira kutemwa.
Jesu akashandisa muonde iwoyo usingabereki kuenzanisira chidzidzo chinokosha pamusoro pokutenda. Zuva rakatevera racho, vadzidzi vake vakashamiswa nokuona kuti muti wacho wakanga watooma. Jesu akatsanangura, kuti: “Ivai nokutenda kuna Mwari. . . . Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.” (Marko 11:22-24) Mukuwedzera kukuenzanisira kudikanwa kwokunyengetera mukutenda, muonde wakaoma wakaratidza zvakajeka chaizoitika kurudzi rusina kutenda.
Mwedzi yakati pamberi pezvi Jesu akanga aenzanisa rudzi rwechiJudha nomuonde wakanga wave usingabereki kwamakore matatu uye waizotemwa kana wakaramba usingabereki. (Ruka 13:6-9) Kupfurikidza nokutuka muonde mazuva mana chete pamberi porufu rwake, Jesu akaratidza kuti rudzi rwechiJudha rwakanga rusina kubereka michero yakakodzera rupfidzo uye nokudaro rwaiva mumutsara woruparadziko. Kunyange zvazvo rudzi irworwo—kufanana nomuonde—rwakaoneka nechapamusoro kuva rwakanaka, kusanonzvera kwakazivisa kushaikwa kwokutenda uko kwakaguma nokurambwa kwaMesia.—Ruka 3:8, 9.
MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akanyevera pamusoro pa“vaporofita venhema” ndokuti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto. Saka muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateo 7:15-20) Aya mashoko aJesu nenhauro yomuonde wakatukwa zvinoratidza zvakajeka kuti tinofanira kungwarira mumudzimu, nokuti zvitarisiko zvorudzidziso zvinogona kuvawo zvinonyengera.