Kupa Nzwisiso muNamibia
WAKANZWA kutaura kwokuti “handinzwisisi” mumitauro mingani? “Hi nokuzuva,” akadaro mukadzi wechiHerero, akapfeka rokwe rake refu regamuchidzanwa nedhuku rakaita senyanga. “Nghi udite ko,” akapindura kudaro musikana wechiKwanyama, achinyemwerera. “Kandi uvite ko,” akapindura kudaro mugari womumusha weNdonga, achikwidza mapfudzi ake. “Kapi na kuzuvha,” akatsinhira kudaro mumwe mufudzi wembudzi wechiKwangali.
Vanhu ivava vose vakanga vachiti, “handinzwisisi.” Ikoku kunosanoratidzira sei kuti Zvapupu zvaJehovha zviri muNamibia zvakanangana nezvinetso zvakaoma zvomutauro apo zvakaedza kusvika vagari vemo 1 370 000 muiyi ndima huru yeanenge makiromita ane 824 000 akaenzana kumativi mana!
Uye hakushamisi! Havasati vari vanhu vechiHerero nevechiNama bedzi asiwo vanhu vechiOvambo, vechiKavango, vechiTswana, vechiCaprivian, vechiHimba, vechiBushman, uye vechiDamara veNamibia vane mitauro yavo vamene. Mukupesana, Zvapupu zvakanga zvakashongedzerwa bedzi namabhuku eBhaibheri muchiNgezi nechiAfrikaans. Nenzira yakajeka, kuti zvokwadi ive inonzwisisika kuvanhu vakawanda, basa rokushandura rakanga richikosha. Irori rakatanga nenzira duku zvikuru makore akawanda apfuura muWindhoek, dzimbahwe reyaiva panguva iyeyo South-West Africa.
“MuWindhoek, makanga mune chishoro chakaoma kubasa redu rokupupura chaibva kuchechi namapurisa,” anoyeuka kudaro Dick Waldron. Pamwe chete nomudzimai wake, Coralie, iye akauya kunyika ino muna 1953 seakapedza kufunda weWatchtower Bible School of Gilead. “Takanga tisingabvumirwi kupinda munharaunda umo vanhu vatema vaigara, uye pane dzimwe nguva tainetswa pataionekwa tichitaura kuvanhu vatema. Pakupedzisira takawana nzvimbo uko takanga tisingadzongonyedzwi—gova roRwizi rwaGammans! Iyoyi yakanga iri kunze zvishoma kwetaundi. Takavanzwa pasi pamakwenzi omuacacia, takaitisa fundo dzeBhaibheri ipapo.”
Pakanga pari ipapowo apo zvinyorwa zveWatch Tower zvakatanga kushandurirwa mumitauro yomunzvimbomo. Izvo zvaibatanidza maturakiti akati muchiKwanyama nebhukwana rinonzi “Aya Mashoko akanaka oUmambo” muchiNama. Hama Waldron anoyeuka chinoitika chinofadza chine chokuita neiri bhukwana, iro mumwe munhu anofarira akanga achibetsera kushandura. Revo yakaenzana yechiNama yaisagona kuwanwa nokuda kwomutsetse unoti, “Adhama akanga ari munhu akakwana.” Naizvozvo munhu anofarira akati: “Ingonyorai chete kuti Adhama akanga akafanana nepichisi rakaibva. Vanhu vechiNama vachanzwisisa kuti iye akanga akakwana.” Ikoku, ipapoka, ndiko kutanga kwakaitwa kupa nzwisiso yaMagwaro kuvakawanda pakati pavanhu vakaberekerwa muNamibia.—Enzanisa naDhanieri 11:33.
Kusvika Nhambo Inokosha
Nhambo inokosha yakasvikwa mukuvamba kwama 1970 apo bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rakashandurirwa muchiNdonga nechiKwanyama. Iyoyi ndiyo mitauro mikuru miviri inotaurwa nechiverengero chikuru chavaNamibia vomuOvamboland, anenge makiromita 700 kuchamhembe kweWindhoek. Musha wamapiona ipapo wakatangwa muOndangwa, nzvimbo inogarwa yeOvamboland. Kuti abetsere vanhu vanofarira muiyi nharaunda kubetserwa nekurukurirano yeBhaibheri yevhiki nevhiki yakavakirwa paNharireyomurindi, mapiona chaiwo aibatira muOvamboland akagoverwa kushandurira kupetwa kwenyaya dzefundo dzechiNgezi muchiNdonga nechiKwanyama.
“Hofisi” yeshanduro yakanga iri kona yakaganhurwa yegaraji uko makopi amashoko akashandurwa eNharireyomurindi aidhindwa pamuchina wokutsikirira wekare. Kwakanga kusati kuri nyore kupa ngwariro pairi basa rinoraira, sezvo migariro yakanga yakati ivei yechinyakare uye tembiricha dzezhizha dzaiita avhareji yepakati pe 38°-44° C. Kunyanguvezvo, makanga muri muno umo mabhurocha matsva nebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano akashandurwa.
Sezvo ungano dzaiumbwa muOvamboland nokudzimwe nzvimbo muNamibia, kuita kwacho kwakanga kwakadaro zvokuti nzvimbo huru zvikuru neiri nani yakanga ichidikanwa. Mukuwedzera, nzvimbo iri pakati zvikuru yaishuviwa kuti ngwariro igogona kupiwa kuzvinodikanwa mumamwe mativi enyika yacho. Munguvayo, kufungira mano akaipa pamusoro pebasa rokuparidzira Umambo kwakanga kwaderera. Naizvozvo mvumo yakawanwa yokuvamba kuvaka panharaunda yakakura yenzvimbo yakapiwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha muWindhoek. Nokukurumidza, vashandi vanozvipira vanopfuura 40 vakapiwa pokugara panzvimbo yokuvaka, uye muna December 1990 mahofisi eshanduro akapedzwa.
Zvino, mumahofisi namakamuri akanaka ari muichi chivako chazvino uno, basa rokuunza nzwisiso kuvakawanda riri kupfuurira nokukurumidza. Mabhuku matsva ari kushandurirwa nguva dzose muchiHerero nechiKwangali. Kana iri Ndonga neKwanyama, chinyorwa chomwedzi nomwedzi chemitauro miviri cheNharireyomurindi zvino chinowanika muruvara. Chine nyaya dzose dzefundo pamwe chete namamwe mashoko. Ichochi, zvamazvirokwazvo, chimwe chinhu chakasiana zvikuru nokutanga kuduku mugova rorwizi makore akawanda kwazvo apfuura.
“Handinzwisisi” zvino haachawanzonzwika. Panzvimbo pezvo, Zvapupu zvinopfuura 600 zvaJehovha muNamibia zvinoonga zvikuru Baba vazvo vokudenga, uye zvino zvinogona kuti: “Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; kunopa njere vasina mano.”—Pisarema 119:130.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Kuzivisa mashoko akanaka pakati pavanhu vechiHerero
Kushandura zvinyorwa zvechiKristu kubetsera vanhu veNamibia
Mahofisi eshanduro muNamibia