RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/15 p. 3
  • Ndivanaani Vanoberekwazve?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndivanaani Vanoberekwazve?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirangariro Nendangariro
  • Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Anodzidzisa Nikodhimo Usiku
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chii Chinonzi Kuberekwazve?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuberekwazve
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/15 p. 3

Ndivanaani Vanoberekwazve?

VANHU vose vakanaka vanoenda kudenga here? Vazhinji vanofunga saizvozvo, asi Jesu Kristu haana kubvuma. Achitaura kumutongi wechiJudha Nikodhimo, uyo akauya kwaari pachivande usiku, Jesu akati: “Hakuno munhu wakakwira kudenga.”—Johane 3:13.

Bva, Jesu akaratidzira kuna Nikodhimo kuti nguva yaizouya apo vamwe vanhu vaizova nebanza rokupinda muUmambo hwokudenga. Nezvaivava Jesu akati: “Kutoti munhu upi noupi akaberekwa nemvura nomudzimu, iye haagoni kupinda muumambo hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, uye chakaberekwa nomudzimu mudzimu. Usashamiswa nemhaka yokuti ndakakuudzai kuti, Imi vanhu munofanira kuberekwazve.” Asi Nikodhimo akashamiswa kuti munhu upi noupi aigona sei kuberekwazve.—Johane 3:1-9, NW.

Zvichida iwewo unoshamiswa neicho Jesu akareva. Mashoko ake angagona here kushanda kuzvinoitika zvokutendeuka kwakamwe kamwe zvinotaurwa navazhinji vanonzwa kuti vakazadzwa nomudzimu mutsvene waMwari?

Mirangariro Nendangariro

Vamwe vanotaura kuti mukuziva kana munhu akaberekwazve, chinokosha kunzwa simba romudzimu. Bva, mwoyo wedu nendangariro zvinogona kutitsausa, zvikurukuru kana zvikapesvedzerwa nomurangariro wakasimba.—Jeremia 17:9.

William Sargant, munzveri mumiuyo yomurangariro pandangariro, anodudza kudikanwa “kwokungwarira kwedu zvitendero zvinowanwa mumigariro yokunyandurwa kwemirangariro apo uropi hwedu hungave huchititsausa.” Mukuwirirana naSargant, muenzaniso mumwe muuyo wokuparidzira womumutsidziri netyisidziro dzechirango chehero yomwoto. Ndiani asati aizoda kuberekwazve kuti aende kudenga kana chimwe chinhu bedzi kwaiva kutambura kutambudzwa kusingagumi? Sargant anotaura kuti mudzvinyiriro yemirangariro yakadaro, “kuva nomurangariro kunoregwa, komipiyuta youropi yenguva dzose inorega kushandiswa kwechinguvana, uye pfungwa itsva nezvitendero zvinogamuchirwa nenzira yokusatsoropodza.”—The Mind Possessed.

Naizvozvo, ipapoka, munhu anogona kuziva sei kana chitendero panhau yokuberekwazve chaka“gamuchirwa nenzira yokusatsoropodza”? Nzira youchenjeri hwechokwadi kutungamirirwa nechinhu chiri chose icho mudzimu mutsvene waMwari wakaparira vanyori veBhaibheri kunyora. MaKristu anokurudzirwa kunamata Mwari ‘nesimba rawo rokurangarira’ uye anofanira kuva nechokwadi chokuti chaanodavira ndechechokwadi.—VaRoma 12:1, 2; 1 VaTesaronika 5:21.

Kuberekwazve kunozarura rimwe ramaropafadzo anokosha zvikurusa ati apiwa kuvanhu. Kwakabatanidzwa nechinoitika chinoshamisa zvirokwazvo mukushanda kwedonzo raMwari. Nepo kwose ikoku kuri kwechokwadi, mibvunzo yakadai seiyi inomuka: Ndivanaani vanoberekwazve? Ikoku kunoitika sei? Ikariroi dzinoiswa pamberi pavanhu vakadaro? Uye ivo voga vachaponeswa here?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Nikodhimo akashamisika kuti munhu upi noupi aigona sei kuberekwazve

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe