Unorangarira Sei Chivi?
“NEIKO iye achiramba achikumbira kanganwirwo yezvivi zvedu mumunyengetero?” akanyunyuta kudaro mumwe mukadzi anotarisira imba uyo akanga achifunda Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. “Kunonzwika sokunge ndakanga ndiri tsotsi.” Kufanana chaizvo nouyu mukadzi, vazhinji nhasi havazivi zvivi zvavo kutoti vapara mhaka.
Ikoku zvikurukuru ndokwechokwadi muMabvazuva, umo vanhu nenzira yegamuchidzanwa vasina murangariro wechivi chakagarwa nhaka unodzidziswa mumarudzidziso echiJudha nechiKristu. (Genesi 3:1-5, 16-19; VaRoma 5:12) Somuenzaniso, vaShinto vanozivisa chivi netsvina iyo inogona nyore nyore kubviswa nokufambiswa kwetsvimbo yomuprista, iyo ine pepa kana kuti tambo yakasungirwa kumugumo wayo. Hapana rupfidzo pamusoro pechakaparwa runodikanwa muuyu muitiro. Neiko? “Haasati achingova mabasa akaipa bedzi, asiwo ngwavaira dzomusikirwo dzisingadzoreki, dzakanzi tsumi [chivi],” inotsanangura kudaro Kodansha Encyclopedia of Japan. Ngwavaira dzomusikirwo, tsumi idzo dzisati dziri mutoro wavanhu, dzairangarirwa kuva zvivi izvo miitiro yokuchenesa yakaparira kuguma kuvapo.
Ikoku kwakatungamirira kukufunga kuti chivi chipi nechipi, kunyange mabasa akaipa anoparwa namaune (kunze kwamabasa outsotsi anorangwa nomutemo) chinogona kubviswa nemiitiro yokuchenesa. Pasi pomusoro unoti “Ritual of Political Cleansing in Japan,” The New York Times yakanongedzera kumurangariro wakadaro ndokutsanangura kuti vezvamatongerwe enyika muJapan avo vakabatanidzwa muzvakaipa vanozvirangarira vamene kuva “vakacheneswa” apo ivo vanosarudzwazve navavhoti. Nokudaro, hakuna ruramiso chaiyoiyo inoitwa, uye zvakaipa zvakafanana zvingaitikazve.
VaBuddha avo vanodavira musamsara, kana kuti kuberekwazve, uye dzidziso yeKarma vane murangariro wakasiana. “Mukuwirirana nedzidziso yekarman,” inotsanangura kudaro The New Encyclopædia Britannica, “mufambiro wakanaka unounza muuyo wakanaka nounofadza uye unoparira kombamiro yokumabasa akanaka akafanana, nepo mufambiro wakashata uchiunza muuyo wakaipa uye uchiparira kombamiro kuzviito zvakaipa zvinodzokororwa.” Namamwe mashoko, mufambiro wokutadza unobereka chibereko chakashata. Dzidziso yeKarma inobatanidzwa nedzidziso yokuberekwazve, sezvo maKarma achitaurwa kuva anobereka chibereko muupenyu hwomunguva yemberi huri kure zvikuru noupenyu umo chiito chakaparwa.
Iyi dzidziso inotapura sei vatendi vayo? Mumwe mukadzi wechiBuddha uyo aidavira zvapachokwadi muKarma akati: “Ndaifunga kuti kwakanga kusina mufungo kufanira kutambura nokuda kwechimwe chinhu chandakaberekwa nacho asi chandaisaziva chinhu pamusoro pacho. Ndaifanira kukugamuchira senguva yangu yemberi. Kuimba masutra nokuedza zvakaoma kurarama upenyu hwakanaka hazvina kupedza zvinetso zvangu. Ndakava akatsamwa naasingagutswi, ndichinyunyuta nguva dzose.” Dzidziso yechiBuddha pamusoro pemiuyo yomufambiro wakaipa yakamusiya ane murangariro wokusava namaturo.
ChiConfucius, rumwe rudzidziso rwokuMabvazuva, chakadzidzisa nzira yakasiana yokubata nayo nechakaipa chavanhu. Mukuwirirana naHsün-tzu, mumwe wavazivi vatatu vakuru vaConfucius, musikirwo wohunhu wakaipa uye wakakombamira kuva noudyire. Kuti achengete nhevedzano yenzanga pakati pavanhu vane kombamiro dzokutadza, iye akasimbisa ukoshi hweli, iyo inoreva faniro, kupfava, uye nhevedzano yezvinhu. Meng-tzu, mumwe muzivi waConfucius, kunyange zvazvo achitaura murangariro wakasiana nomusikirwo wohunhu, akaziva kuvapo kwezvakaipa zvomunzanga uye, achivimba nomusikirwo wavanhu kuva wakanaka, akavimba nokuzvivandudza nokuda kwemhinduro. Nzira ipi neipi, vazivi vaConfucius vakadzidzisa ukoshi hwedzidzo nerovedzo nokuda kwokurwisa chivi munyika. Kunyange zvazvo dzidziso dzavo dzichibvumirana pakudikanwa kweli, murangariro wavo wechivi nezvakaipa hauna kujeka zvikuru.—Enzanisa nePisarema 14:3; 51:5.
Murangariro Unonyangarika Wechivi muMadokero
MuMadokero, mirangariro pamusoro pechivi yave yakajeka nenzira yamagamuchidzanwa, uye vanhu vazhinjisa vakabvuma kuti chivi chiripo uye chinofanira kudziviswa. Zvisinei, chimiro chendangariro chokuMadokero kuchivi chiri kuchinja. Vazhinji vanoramba kuziva chivi kwose, vachidana inzwi rehana kuti “kunzwa kune mhaka,” chimwe chinhu chinofanira kudziviswa. Anopfuura makore 40 apfuura, Pope Pius XII akachema: “Chivi chezana rino ramakore kurasikirwa nepfungwa yose yechivi.” Mukuwirirana neimwe nzvero yakabudiswa muLe Pèlerin, yevhiki nevhiki yeKaturike, 90 muzana inoshamisa yechiverengero chavagari veFrance, umo vanhu vazhinjisa vanotaura kuva vaRoma Katurike, haisati ichadavira muchivi.
Zvamazvirokwazvo, Mabvazuva naMadokero, vanhu vazhinjisa zvino vanoratidzika kuva vari kugara mugutsikano yakaisvonaka vasingarwadzwi nokuziva chivi. Ikoko kunoreva here, zvisinei, kuti chivi hachipo? Tinogona here kuchifuratira zvakakotsekana? Ko chivi chichazombonyangarika here?