RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/15 p. 32
  • Bhishopi Mukuru Haagoni Kugonana Nahwo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhishopi Mukuru Haagoni Kugonana Nahwo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/15 p. 32

Bhishopi Mukuru Haagoni Kugonana Nahwo!

GORE rapfuura, consistory (dare rakakomba ramacardinal) rakarongwa kuzokurukura nhau dzakati idzo dziri dzeitiro hanya huru kuChechi yeKaturike. Imwe yaidzodzi, mukuwirirana nepepanhau Il Sabato, “hukono hwamasekete.” Zvisinei, pepanhau racho rakati: “Hakufaniri kuva chinetso kuti macardinal asvike chibvumirano pairi pfundo. Vose vari mubvumirano yokuti kune kudikanwa kwefundo huru zvikuru yechinoitika chamasangano matsva orudzidziso uyewo kudikanwa kwokudzivisa, sezvinobvira, kukura kwawo.”

Sezviri pachena, kunyanguvezvo, “ukono hwamasekete” hahusati huchingova chete chinetso muItaly. Il Sabato inoshuma, kuti: “Achishanyira Vatican misi ichangobva kupfuura, Archbishop Kirill weSmolensk [rimwe ramaguta ekaresa eRussia] . . . akakumbira papa ruyamuro rwechechi yose mukugonana nokukura kukuru kweZvapupu zvaJehovha namapoka akafanana muSoviet Union.”

Muzana rokutanga ramakore, vatungamiriri vorudzidziso rwehurumende vaiva nenyunyuto dzakafanana apo chiKristu chakaparadzirwa noukono navatsigiri vacho. Pane imwe nhambo vaJudha vakashatirwa vakanyunyutira vatongi veguta, kuti: “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo”! (Mabasa 17:6) Shure panguva iyeyo, vatungamiriri vorudzidziso vakaedza zvakaoma kumisa kupararira kwechiKristu, asi vakakundikana. Nhasiwo, nhamburiko ipi neipi yokumisa kupararira kwedzidziso yechokwadi yechiKristu kwakashurikidzirwa kukundikano. Mwari amene anopikira, kuti: “Hakune nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri.”—Isaya 54:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe