RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/15 pp. 21-25
  • Kuparidzira muMaputo—Dzimbahwe reMozambique Rinofadza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidzira muMaputo—Dzimbahwe reMozambique Rinofadza!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Maputo, Dzimbahwe
  • “Varedzi Vavanhu”
  • Kuendesa Mabhuku kuDhepo
  • Fambiro Mberi Youbati Ushe hwaMwari Pasinei Zvapo Nemhinganidzo
  • “Kucheka Kukuru”
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/15 pp. 21-25

Kuparidzira muMaputo—Dzimbahwe reMozambique Rinofadza!

Muna 1991, Zvapupu zvaJehovha zvakapiwa zivikanwo yapamutemo muMozambique. Chibviro chenguva iyeyo kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwave kuchiita fambiro mberi inoshamisa muiyi nyika yomurutivi rwapasi runopisa iri pamhenderekedzo yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica. Inotevera inhauro yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinopfuuridzira sei basa razvo redzidzo yeBhaibheri muMozambique, zvikurukuru muMaputo, dzimbahwe.

MUGARIRO wayo wokunze uchipesvedzerwa neIndian Ocean inodziya, Mozambique inofarikanya mugariro wokunze unodziya. Mhenderekedzo dzegungwa dzakaisvonaka dzine mumucheto mune mupalm namacoral reef zvakawanda mumhenderekedzo yegungwa. Bay hombe rine mvura dzakavakirirwa riri kumaodzanyemba kwenyika yacho—nzvimbo yakanaka yedzimbahwe rayo, Maputo.

Runako norunyararo zveiyi nyika, zvisinei, zvinonyepesa masimba masimba enhau yayo. Kwamazana amakore iyo yakaparapatika muudzori hwokumwe, kutanga vaArab uye tevere maPutukezi. Ava vapashure vakauya nechikomborero chakazara cheChechi yeKaturike kuzopamba nyika nokuda kwepfuma yayo—nyanga dzenzou, ndarama, uye varanda. Pakupedzisira, pashure pamazana amakore edzvinyiriro yehurumende yokumwe, rwisano yomukati yakakasharara yakatanga iyo yakatungamirira kukuzvitonga muna 1975. Sezvineiwo, chinjo yacho haina kuita kuti upenyu huve hwakachengeteka zvikuru, sezvo nyika yacho yakabatanidzwa muhondo yavagari vemo, kuchiguma nokutambura kukuru nokuda kwavanhu, zvikurukuru nokuda kwavagari vomumaruwa vasina mhaka.

Maputo, Dzimbahwe

Mumakore gumi apfuura, zviuru zvavaMozambique zvakatizira kuchengeteko ine mwero yamataundi namaguta. Ikoku kunocherechedzwa zvikuru muMaputo, umo muvhenganiswa wedzimba dzamaPutukezi dzechinyakare neAfrica yakaisvonaka unopa mugariro unofadza kuguta racho. Kuvhakacha uchidzika nemigwagwa yakafara, ine miti mumativi yeMaputo nhasi, chinhu chokutanga chauchacherechedza mapoka avanhu anoita chimbi-chimbi achiita basa rawo rezuva nezuva. Asi pane musiano. “Pasinei zvapo nokutsvikinyidzirana nenhamo zvoupenyu hwezuva riri rose, vanhu vacho nguva dzose vanodisa kunyemwerera,” anodaro Rodrigo, mufundisi muMaputo. “Hausati uchitongowana vanhu vanovirima!” Hungu, vaMozambique vanozivikanwa kuva vanhu vanodisa navane ushamwari.

Chokwadika, sezhinjisa yeAfrica, nzvimbo yomuzvarirwo yokusangana navanhu kumusika womunzvimbomo. Kuti usvikeko unogona kukwira Chapa 100, zita romunzvimbomo ramaturaki amapick-up akawanda ayo anoshandiswa nokuda kwechokufambisa chavose. Senguva dzose, vanhu vakawanda vanoratidzika kuva vakanamatira kunze kweturaki kupfuura vari mukati. Zvichida kufamba kuri nani.

VaMozambique vatengesi vasingachinjiki. Mushanyi kuMaputo hapana chaanogona kuita kunze kwokucherechedza kuti vanhu vangani vanozvishandira vamene kupfurikidza nokuvaka tuzvitoro murutivi momugwagwa nomumakona omugwagwa. Ungada kutenga michero yakanaka, miriwo, mishonga, kana kuti zvinonhuwira here? Pane zvakawanda kukwana munhu ari wose. Zvakadiniko nehuku mhenyu, cashew nuts, kana kuti tsanga dzokuvaka nadzo imba yako? Hapana chinhu chiri chinetso chikuru zvikuru, uye chinhu chiri chose chinoitwa nomudzimu woushamwari. Mabasa akadai sokuporichirwa shangu dzako kana kuti kugezerwa motokari anowanikawo. Achishandisa simbi inopisa nepurasitiki, mukomana muduku achatobatanidza zvinyorwa zvako zvinokosha.

Zvomenemene, hakusati kuri kutengesa kwose kwomumugwagwa kuri pamutemo chaizvoizvo. Kunoitwa hako. Vatengesi vasiri vapamutemo vanonzi dumba nenge, uko kunoreva kuti “vimba netsoka dzako.” Ikoku pasina panikiro kuri nemhaka yokuti apo zviremera zvinosvika kuzoongorora, kumhanyisa kunokosha nokuda kwokupukunyuka kwebhizimisi ravo risina kukotsekana.

Kuziva kupfurikidza nokunhuwa, tinofanira kuva tava kusvika pedyo nomusika wehove! Mukupera kwamasikati zuva rimwe nerimwe, mumhenderekedzo dzegungwa dzeCosta do Sol, mubato wechimbi-chimbi unokomba magwa okuredzesa sezvo anounza hove dzawo dzabatwa zuva racho. Mukuwedzera kuhove dzezvimiro zvose noukuru, kune magakanje, malobster, uye, chokwadika, maprawn akakurumbira eMozambique. Zvisinei, ungafarira rumwe rudzi rwokuredza rwuri kupfuurira mukati nemakapoteredza Maputo.

“Varedzi Vavanhu”

Chifo chokuwana zivikanwo yapamutemo muMozambique, Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira gamuchiro yakaisvonaka inobva kuvanhu. Mumwe murume akataura kuonga kwake kupfurikidza nokuti: “MuLondon ndakaona vazhinji venyu mumigwagwa. Kutaura idi, kupi kana kupi kwandakava, ndakaona Zvapupu zvaJehovha. Zvino kunondiita ndinzwe zvakanaka kukuonai munowo.”

Kana kugamuchirwa kwamaBhaibheri namabhuku akavakirwa paBhaibheri muchiPutukezi nomuchiTsonga, mitauro yomunzvimbomo, kuri chiratidzo chipi nechipi, ipapo ava zvamazvirokwazvo vanhu vanoda zvomudzimu. Paula, mumwe mufundisi, anoshuma kuti paavhareji Chitanhatu mangwanani, kunobvira chose kugovera magazini anosanopfuura 50 pachitoro, kana kuti musika wapakati. Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda riri kubvumikisa kuva rakakurumbira zvikuru. Vanhu vaduku vazhinji vakaiswa munzvimbo isiyo kana kuti vakaitwa nherera nehondo, uye ivo vanoratidzika kuva vanoonga zvinokosha nenhungamiro izvo iri bhuku rinogovera.

Muchimiro chaichoicho cheAfrica chisingadziviswi, mapoka makuru avanhu vanofarira achakomba mufundisi kuti anzwe chiri kutaurwa. Kuungana kwakadaro murutivi momugwagwa kazhinji kazhinji kunokura kuva kurukurirano mhenyu dzapaMagwaro. Imwe hanzvadzi inoyeuka chinoitika chinofadza.

“Ndichipupurira mumugwagwa pane imwe nhambo, ndakatyiswa apo jipi yavarwi yakatsviririka ndokumira pedyo neni. Murwi muduku akadanidzira kuvakamira, achiti: ‘Heyi, imi uko, udzai mukadzi uyo kuti auye pano.’ Apo ndakaenda kwaari, chiso chomurwi wacho chakatanga kunyemwerera zvikuru sezvo akati: ‘Imi muri vanhu vakanaka. Tinofara kukuonai muno. Ndinodavira kuti une bhuku rinotaura pamusoro pavanhu vaduku. Ndingadawo rimwe.’ Ndakapindura kuti ndakanga ndisina ripi neripi, asi ndakamuvimbisa kuti nokukurumidza paanova mudura, ndaizoriendesa kumusha kwake.”

Kuendesa Mabhuku kuDhepo

Kugutsa kudikanwa kunowedzera kwamabhuku, hofisi yebazu yeWatch Tower Society muSouth Africa inoendesa migove yamabhuku kudhepo iri muMaputo mavhiki maviri ari ose. Manuel, mumwe mufundisi, anotarisira dhepo uye ane mutoro wokuronga kuparadzirwa kwamabhuku.

Mamwe mangwanani mumwe murume wezera rapakati napakati akafamba zvishomanene achipinda uye akabvunza kuti iyi nzvimbo yaishandisirwei. Manuel akapindura kuti iyi yakanga iri dhepo yamabhuku eBhaibheri. Murume wacho akabuda, asi mukati meminiti akadzoka.

“Mati aya mabhuku eBhaibheri, hamuna here?” akabvunza kudaro.

“Hungu, ndizvozvo,” akapindura kudaro Manuel.

“Iwaya ndeesangano ripi?” murume wacho akabvunza kudaro.

“Zvapupu zvaJehovha,” Manuel akapindura kudaro, achiwedzera kuti, “Tinochengeta ungano dzedu dzomuno dzine aya mabhuku.”

“Aa, Zvapupu zvaJehovha!” Chiso chomunhu wacho chakajeka. “Pane zvakawanda kwazvo zvandinoda pamusoro penyu vanhu. Asi panguva imwe cheteyo, pane chinhu chandisingadi pamusoro penyu.”

“Eya, chii chamunoda pamusoro pedu?” akabvunza Manuel nenzira yokungwarira pakutaura.

“Ndinoda mabhuku anofadza naanodzidzisa ayo munoita,” murume wacho akatsanangura kudaro. “Chandisingadi ndechokuti handitongogoni kuwana akakwana awo. Hamugoni kudavira kuti tine nzara sei muno muMaputo yemabhuku akafanana neenyu.” Ipapo akabudisa ndaza yakanyorwa yezvinyorwa zvakanyorwa neWatch Tower Society, kubatanidza zvinyorwa zvakawanda zvakare zvamagazini eNharireyomurindi naMukai!, zvaakanga apotsa.

“Ndinofamba neiyi ndaza,” akaudza Manuel kudaro. “Panguva ipi neipi ndinosangana neZvapupu zvaJehovha, ndinoedza kuwana zvinyorwa zvipi kana zvipi zvazvinazvo. Kana uchigona kundibetsera kuwana zvandinazvo pandaza yangu, ndinodisa kubhadhara mutengo mukuru.”

Kurukurirano yakapfuurira. Manuel akaziva kuti murume wacho akatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha mukati mama 1950 apo akarava bhuku rinonzi Creation. Asi sezvo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakarambidzwa muhurumende yamaPutukezi, fambiro mberi shomanene yakaitwa.

Apo pakupedzisira akashanyira murume wacho kuhofisi yake, Manuel akacherechedza kuti zvinyorwa zvose zveWatch Tower zvaaiva nazvo zvakanga zvakaputirwa mupurasitiki ndokurongwa zvakatsvinda. Manuel akakwanisa kugovera zvinyorwa izvo murume wacho aida kuti apedze muunganidzwa wake, uye akaronga kuitisa fundo yeBhaibheri murume wacho nemhuri yake.

Uku kusima nokudiridza kwose kwomudzimu kuri kutanga kubereka zvibereko zvakawanda sezvo Mwari achipfuurira “kukudza.” Kune ratidziro dzakasimba dzokuti kukohwiwa kwavanhu vane mwoyo wakarurama kuchabereka zvirimwa zvakawanda muMozambique!—1 VaKorinte 3:6; Johane 4:36.

Fambiro Mberi Youbati Ushe hwaMwari Pasinei Zvapo Nemhinganidzo

Nhasi, kune ungano dzinopfuura 50 muguta reMaputo nemakapoteredza. Zvisinei, hamuna Horo yoUmambo imwe yeZvapupu zvaJehovha inowanwa. Neiko kwakadaro? Nemhaka yemigariro yemari yakashata, ungano hadzina kukwanisa kuvaka kunyange zvazvo dzimwe dzadzo dzakava nenzvimbo kwechiverengero chakati chamakore.a

Bva, mhinganidzo dzakadaro hadzidzivisi fambiro mberi. Panguva ino mune dzinosanopfuura fundo dzeBhaibheri dzapamusha 5 000 dziri kuitiswa murutivi rwokumaodzanyemba kweMozambique. Kukuru kwazvo kudikanwa kwefundo zvokuti zvokutanga zvakati zvinofanira kugadzwa. Kana mumwe munhu achikumbira fundo, kunowanzorangarirwa kuti iye achapinda misangano yose yeungano.

Imwe ungano iri munharaunda yezvitumba misi ichangobva kupfuura iyi yakava navane 189 pamisangano yeSvondo kunyange zvazvo pane vaparidzi 71 bedzi vamashoko akanaka. Iri boka guru rinosongana panze muruvazhe rwomusha. Nharaunda yacho yakadzitirwa kuti vanhu vasaone namarata netsanga. Pamberi pomusangano mumwe nomumwe, nharaunda yacho inotsvairwa, uye chikamu chikuru chavateereri, kubatanidza vakuru vakawanda, vanogara pamaponde pasi. Ingwariro huru yakadini yavanopa kupurogiramu! Sezvo vatsva vazhinji vasina kopi yeNharireyomurindi yokutevera nayo fundo, ivo vanodzidza kusanopa ngwariro mukati mokuraviwa kwendima, uye maoko mazhinjisa anosimudzwa mumhinduro kumibvunzo iyo muitisi anobvunza.

Imwe ungano yavaparidzi 59 nguva dzose ine vanopinda vanopfuura 140. Ivo vanowanzosongana pabiravira. Asi mukati memvura, ungano inotsvikinyidzirana mukamuri mbiri dzefurati duku. Vateereri vakawandisa vanozadza mukana, kicheni, uye berere. Zvakare, munhu hapana chaanogona kuita kunze kwokucherechedza kuonga nokupa ngwariro sezvo munhu ari wose, kubatanidza pwere dzakawanda, anosanoteerera purogiramu.

Hakuna uko bviro yokukura munguva yemberi muMozambique iri pachena zvikuru kupfuura pamagungano. Misi ichangobva kupfuura iyi gungano redunhu rakaitwa panhandare yekare inorwira mikono pakati peguta. Unogona here kufungidzira kushamiswa kwavaparidzi vanodokusvika 3 000 apo vanopfuura 10 000 vakapinda marusando?

“Kucheka Kukuru”

Zvinoitika zvakadaro zvinoratidzira zvakajeka kuti kuchine basa rakawanda zvikuru rinofanira kuitwa muMozambique. Dzimwe ungano dzichangobva bedzi kuva neshanyo yadzo yokutanga inoitwa nomutariri anofambira anotumwa nehofisi yebazu. Dziri kugamuchira betsero inodikanwa zvikuru yokudzibetsera kushandisa miitiro yakafanira yesangano muungano.

Ungano dzinoongawo zvikuru kwazvo kusvika kwemisi ichangobva kupfuura iyi kwavafundisi veGilead. Francisco, mumwe mukuru muMaputo, anoti: “Iyi inhano huru yefambiro mberi nokuda kwedu. Taiva neshingairo. Taiva norudo. Asi, taishaiwa zvinhu zvakawanda zvesangano. Chatinoda chaizvoizvo ndimumwe munhu ane ruzivo rwokuzviwanira rwakananga kuti atidzidzise kuti zvinhu zvinofanira kuitwa sei. Zvino, tinofara kwazvo kuva navafundisi.”

Vafundisi, kurutivi rwavo, vanofara kuva vebetsero kuhama dzavo. Hans, uyo akagoverwa misi ichangobva kupfuura iyi kuMozambique pashure pokubatira kwamakore 20 muBrazil, anokupeta neiyi nzira: “Kushanda mumunda weMozambique iropafadzo huru! Tinonzwa kuti tava pedyo newedzero huru muno. Mune basa rakawanda kwazvo rokuita. Tingagona kushandisa vamwe vafundisi 10 kana kuti 20 muMaputo moga.”

Wedzero youbati ushe hwaMwari zvino iri kutanga muMozambique inoyeuchidza munhu nezvamashoko aJesu ekurumidziro, anoti: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma. Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” (Mateo 9:37, 38) Pane chikonzero chiri chose chokudavira kuti Jehovha achapindura chikumbiro ichocho chokukurumidzira nokuda kwavabatiri vake muMozambique.

Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakapedza makore 12 kana kuti kupfuura zviri munzvimbo dzokuchengetedzwa kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweMozambique. Apo vamwe vavo misi ichangobva kupfuura iyi vakadzokera kuMaputo, pfuma yokunyama bedzi yavaiva nayo rakanga riri jira rakasunga zviuno zvavo. Chavaiva nacho chakawanda kwaiva kutenda! Mipiro yorupo yezvokudya nezvokupfeka yakabva kuZvapupu biyavo munyika dziri pedyo yakavabetsera kuwana mavambo matsva muupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana munhu ane mhanza yakanaka yakakwana yokuwana basa muno, mubairo wapakati napakati unovambira pa$100 kusvikira ku$150 pamwedzi.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ungano dzinofarikanya vanhu vakawanda vanouya nokuda kwokupupurira kwechiKristu paZvitanhatu mangwanani

[Mifananidzo iri papeji 24]

Sangana naJaimito ane makore 5 okukura. Iye akaberekerwa mumusasa wokuchengetedzwa. Nhasi, vabereki vaJaimito vanofara kudzoka muMaputo. Vhiki rimwe nerimwe Francisco, baba vaJaimito, vanounganidza mhuri yose pamwe chete nokuda kwefundo yeBhaibheri. Vabereki vose vari vaviri vanopedza nguva yakawanda vachirovedza vana vavo kuva vadzidzisi vanobudirira mubasa romumunda. Jaimito anofarikanya kugovera mabhuku pamusika wapakati

[Mufananidzo uri papeji 25]

Idi rokuti ungano hadzina Horo dzoUmambo dzokushandisa harisati richimisa fambiro mberi yadzo. Muzvinoitika zvakawanda zvikurusa, vanopfuura nakaviri chiverengero chavaparidzi vanopinda misangano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe