Rambai Muchivakana
“Mumuromo menyu ngamurege kubuda kutaura kwakaora, asi kutaura kupi kana kupi kwakanaka nokuda kwokuvaka.”—VAEFESO 4:29, NW.
1, 2. (a) Neiko kuchigona kutaurwa nenzira yakarurama kuti kutaura chishamiso? (b) Inyeveroi yakafanira pamusoro penzira yatinoshandisa nayo rurimi rwedu?
“KUTAURA ishinda inoshamisa inosunga shamwari, dzimhuri nenzanga pamwe chete . . . Kubva mundangariro yomunhu nokusunga kunotsinhiraniswa kwetsinga [dzorurimi], tinoita manzwi ayo anokurudzira rudo, shanje, ruremekedzo—zvamazvirokwazvo murangariro upi noupi womunhu.”—Hearing, Taste and Smell.
2 Rurimi rwedu runopfuura zvikuru mutezo wokumedza kana kuti wokuravidza nawo; irwo rutivi rwesimba redu rokugoverana naro zvatiri kufunga nokunzwa. “Rurimi mutezo muduku,” akanyora kudaro Jakobho. “Narwo tinorumbidza Jehovha, kunyange Baba, asi narwo tinotuka vanhu vakavapo ‘vakafanana naMwari.’” (Jakobho 3:5, 9, NW) Hungu, tinogona kushandisa ndimi dzedu munzira dzakaisvonaka, zvakadai somukurumbidza Jehovha. Asi zvatisina kukwana, tinogona nyore nyore kushandisa ndimi dzedu kutaura zvinhu zvinokuvadza kana kuti zvakaipa. Jakobho akanyora, kuti: “Hakuna kufanira, hama dzangu, kuti izvi zvinhu zvipfuurire kuitika neiyi nzira.”—Jakobho 3:10, NW.
3. Tinofanira kupa ngwariro kumativii maviri okutaura kwedu?
3 Nepo pasina munhu anogona kudzora zvakakwana rurimi rwake, isu zvirokwazvo tinofanira kuvavarira kuvandudza. Muapostora Pauro anotipa zano, achiti: “Mumuromo menyu ngamurege kubuda kutaura kwakaora, asi kutaura kupi kana kupi kwakanaka nokuda kwokuvaka sezvo dikanwo ingavapo, kuti kugopa chakanaka kuvanzwi.” (VaEfeso 4:29, NW) Cherechedza kuti uyu murairo une mativi maviri: icho tinofanira kuvavarira kudzivisa uye icho tinofanira kuedza kuita. Ngatirangarirei mativi ose ari maviri.
Kudzivisa Kutaura Kwakaora
4, 5. (a) Ihondoi ine maKristu pamusoro pomutauro wakashata? (b) Mufananidzoi ungagona kukodzera chitsama chamashoko chinoti “kutaura kwakaora”?
4 VaEfeso 4:29 (NW), inotanga kutikurudzira, kuti: “Mumuromo menyu ngamurege kubuda kutaura kwakaora.” Ikoko kungasava kuri nyore. Chikonzero chimwe ndechokuti ushati hunozivikanwa kwazvo navose munyika yakatipoteredza. Pwere dzakawanda dzechiKristu dzinonzwa kutuka zuva nezuva, nokuti vokuchikoro biyavo vangafunga kuti kunowedzera simbiso kana kuti kunovaita vaoneke vakasimba zvikuru. Tingasakwanisa zvizere kudzivisa kunzwa mashoko akashata, asi tinogona uye tinofanira kuita nhamburiko yokungwarira yokusapinza izvozvi. Hazvina nzvimbo mundangariro dzedu kana kuti miromo.
5 Rinosimbisa nyevero yaPauro ishoko rechiGiriki rine chokuita nehove yakashatiswa kana kuti muchero wakaora. Isa izvi muchiono: Unocherechedza munhu achiva nechinya uye ipapo akatsamwa chose chose. Pakupedzisira iye anobudisa hasha kamwe kamwe, uye unoona hove yakaora ichibuda mumuromo make. Iwe ipapo unoona muchero unonhuwa, wakaora uchibuda, uchiposhera vose vari pedyo. Ndiani? Kwakaipa sei kudai aiva upi noupi wedu! Bva, mufananidzo wakadaro ungagona kukodzera kana isu ‘tikarega kutaura kwakaora kuchibuda mumuromo medu.’
6. VaEfeso 4:29 inoshanda sei kukutaura kwokutsoropodza, kwakaipa?
6 Kumwe kushanda kwaVaEfeso 4:29 ndokwokuti tidzivise kuva vanotsoropodza nguva dzose. Sezvinobvumwa, tose zvedu tine mirangariro nezvishuvo pamusoro pezvinhu zvatisingadi kana kuti kugamuchira, asi wati wambova nomumwe munhu anoratidzika kuva ane tsinhiro yakaipa (kana kuti tsinhiro dzakawanda) pamusoro pomunhu ari wose, nzvimbo, kana kuti chinhu chinodudzwa here? (Enzanisa naVaRoma 12:9; VaHebheru 1:9.) Kutaura kwake kunoparadza, kunoodza mwoyo, kana kuti kunokuvadza. (Pisarema 10:7; 64:2-4; Zvirevo 16:27; Jakobho 4:11, 12) Iye angasaziva kuti akafanana zvikuru sei navanotsoropodza avo Maraki akarondedzera. (Maraki 3:13-15) Angakatyamadzwa sei kana akamira parutivi akamuudza kuti hove yakaora kana kuti muchero uri kuora uri kubuda mumuromo make!
7. Kuzvinzverai kunofanira kuita mumwe nomumwe wedu?
7 Nepo kuri nyore kuziva apo mumwe munhuwo zvake nguva dzose anoita tsinhiro dzakaipa kana kuti dzokutsoropodza, zvibvunze umene kuti, ‘Ndinoda kuva akadaro here? Chaizvoizvo, ndinodaro here?’ Kwaizova kuchenjera kurangarira panhambo nenhambo pamusoro pomudzimu wamashoko edu. Iwo akaipa, anotsoropodza zvikuru here? Tinonzwika savanyaradzi vatatu venhema vaJobho here? (Jobho 2:11; 13:4, 5; 16:2; 19:2) Kuregerereiko kuwana rutivi rwakanaka rwokududza? Kana kurukurirano iri yokutsoropodza zvikuru, kuregerereiko kuipinza muzvinhu zvinovaka?
8. Maraki 3:16 inogovera chidzidzoi pamusoro pokutaura, uye tinogona sei kuratidza kuti tiri kushandisa chidzidzo chacho?
8 Maraki akapa uyu musiano: “Vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Wacherechedza here kuti Mwari akaita sei kuuku kutaura kunovaka? Ndoupi waiva muuyo ungabvira wekurukurirano yakadaro pavasonganiri? Tinogona kudzidza somunhu oga chidzidzo pamusoro pokutaura kwedu kwezuva nezuva. Kwakaisvonaka zvikuru sei nokuda kwedu navamwe kana kurukurirano yedu chaiyoiyo ichiratidzira ‘chibairo [chedu] cherumbidzo kuna Mwari.’—VaHebheru 13:15.
Shandira Kuvaka Vamwe
9. Neiko misangano yechiKristu dziri nhambo dzakaisvonaka dzokuvaka vamwe?
9 Misangano yeungano inguva dzakaisvonaka dzokutaura ‘chipi kana chipi chakanaka nokuda kwokuvaka sezvo dikanwo ingavapo, kuti chigopa chakanaka kuvanzwi.’ (VaEfeso 4:29) Tinogona kuita izvozvo pakukurukura hurukuro pamusoro pamashoko eBhaibheri, kugoverana mumuenzanisiro, kana kuti kutsinhira mukati mamativi omubvunzo nemhinduro. Isu nokudaro tinosimbisa Zvirevo 20:15, inoti: “Miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.” Uye ndiani anoziva kuti mwoyo mingani yatinobata kana kuti kuvaka?
10. Pashure pokurangarira pamusoro pouyo tinokurukura naye kazhinji kazhinji, igadziridzoi ingava yakafanira? (2 VaKorinte 6:12, 13)
10 Nguva yapamberi napashure pemisangano yakakodzera nokuda kwokuvaka vamwe nekurukurirano yakanaka kuvanzwi. Kwaizova kuri nyore kupedzera idzi nhambo mukutaura kunofadza nehama dzokunyama nechiverengero chiduku cheshamwari vatinosununguka tinavo. (Johane 13:23; 19:26) Zvisinei, mutsinhirano naVaEfeso 4:29, kuregerereiko kutsvaka vamwe vokutaura navo? (Enzanisa naRuka 14:12-14.) Tingagona kusarudza pachine nguva mberi kupfuura kutaura chete masikati wenguva dzose kana kuti wokungoitawo kuvatsva vakati kuti, vakura, kana kuti vaduku, kunyange kugara pasi navaduku kuti ugova pamwero wavo zvikuru. Fariro yedu yechokwadi nenhambo dzokutaura kunovaka zvichaita kuti vamwe vave vanokwanisa zvikuru kudzokorora mirangariro yaDhavhidhi iri paPisarema 122:1.
11. (a) Itsikai iyo vazhinji vakatanga pamusoro pokugara? (b) Neiko vamwe namaune vachisianisa pavanogara?
11 Imwe yamuro kukurukurirano inovaka kusianisa patinogara pamisangano. Mai anoyamwisa angafanira kugara pedyo nekamuri rokuyamwisira, kana kuti ndoda ingada chigaro chomumukana, asi zvakadiniko navamwe vedu? Tsikawo zvayo ingatidzorera kuchigaro chakati kana kuti nzvimbo; kunyange shiri inodzokera nomusikirwo kudendere rayo. (Isaya 1:3; Mateo 8:20) Nenzira yakajeka, kunyanguvezvo, sezvo tichigona kugara panzvimbo ipi neipi, kuregerereiko kusianisa nzvimbo yedu—kurudyi, kuruboshwe, pedyo napamberi, uye zvichingodaro—uye nokudaro tichirovedzana zviri nani navakasiana-siana? Nepo kusina mutemo wokuti tiite ikoku, vakuru navamwe vakakura mumudzimu avo vanosianisa kwavanogara vakakuwana kuri nyore zvikuru kupa chakanaka kuvazhinji panzvimbo peshamwari dzapedyo shomanene zvikuru chete.
Vaka Munzira Yomudzimu
12. Ikombamiroi isingadikanwi yakaoneka munhau yose?
12 Chishuvo chomuKristu chokuvaka vamwe chinofanira kumusunda kutevedzera Mwari muna ikoku panzvimbo pokutevera kombamiro yohunhu yokuita zviverengero zvikuru zvemitemo.a Vanhu vasina kukwana kwenguva refu vakadisa kutonga avo vakavapoteredza, uye kunyange vamwe vavabatiri vaMwari vakatera kuiyi kombamiro. (Genesi 3:16; Muparidzi 8:9) Munguva yaJesu vatungamiriri vechiJudha ‘vaisungira mitoro inorema pavamwe asi vakanga vasingadisi kuitakura ivo vamene.’ (Mateo 23:4) Ivo vakachinja tsika dzisingakuvadzi kuva magamuchidzanwa ari madikanwa. Mukunyanyisa kwavo kuitira hanya pamusoro pemitemo yavanhu, ivo vakafuratira zvinhu izvo Mwari akazivisa sezvoukoshi hukuru zvikuru. Hapana munhu akavakwa nokuita kwavo mitemo yakawanda isiri yapaMagwaro; nzira yavo yakanga isiri chaizvo nzira yaMwari.—Mateo 23:23, 24; Marko 7:1-13.
13. Neiko kusina kufanira kuita mitemo yakawanda nokuda kwamaKristu biyedu?
13 MaKristu anoda zvapachokwadi kunamatira kumitemo youmwari. Kunyange isu, kunyanguvezvo, tingagona kuva nyajambwa kukombamiro yokuita mitemo inorema yakawanda. Neiko? Kutanga, zvishuvo nezvido zvinosiana, naizvozvo vamwe vangawana chichigamuchirika icho vamwe vasingadi ndokunzwa kuti chinofanira kubviswa. MaKristu akasianawo mufambiro mberi yawo kuukuru mumudzimu. Asi kuita mitemo yakawanda inzira youmwari yokubetsera mumwe kufambira mberi kuukuru mumudzimu here? (VaFiripi 3:15; 1 Timotio 1:19; VaHebheru 5:14) Kunyange apo mumwe munhu anenge achironda zvomenemene nzira inoratidzika kuva yakanyanyisa kana kuti ine ngozi, ko mutemo unorambidza imhinduro yakanakisisa here? Nzira yaMwari ndeyokuti vakakwaniriswa vaedze kudzorera munhu anokanganisa kupfurikidza nokurangarira nounyoro nomunhu iyeyo.—VaGaratia 6:1.
14. Madonzoi akabatirwa nemitemo iyo Mwari akapa Israeri?
14 Chokwadi, nepo aishandisa Israeri savanhu vake, Mwari akaronga mazana emitemo pamusoro pokunamata kwapatembere, zvibairo, kunyange utsanana. Ikoku kwakanga kwakafanira nokuda kworudzi rwakatsaukana, uye yakawanda yemitemo yacho yaiva nerevo youporofita uye yakabetsera kutungamirira vaJudha kuna Mesia. Pauro akanyora, kuti: “Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.” (VaGaratia 3:19, 23-25) Pashure pokunge mutemo wadzimwa padanda rokutambudzira, Mwari haana kupa maKristu ndaza huru yemitemo pamativi mazhinjisa oupenyu, sokunge iyoyo yakanga iri nzira yokuvachengeta nayo vachivakwa mukutenda.
15. Inhungamiroi yakagovera Mwari nokuda kwavanamati vechiKristu?
15 Chokwadika, hatisati tiri tisina mutemo. Mwari anotiraira kurega kunamata zvidhori, ufeve noupombwe, uye kushandiswa zvisakafanira kweropa. Iye anorambidza zvakananga kuponda, kureva nhema, kushandisa midzimu, uye zvimwe zvivi zvakasiana-siana. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinte 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8) Uye iye anopa muShoko rake zano rakajeka panhau dzakawanda. Bva, kusvikira pamwero mukuru zvikuru kupfuura navaIsraeri, tine mutoro wokudzidza ndokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Vakuru vanogona kuvaka vamwe kupfurikidza nokuvabetsera kuwana ndokurangarira idzi nheyo panzvimbo pokungotsvaka chete kana kuti kuita mitemo.
Vakuru Vanovaka
16, 17. Vaapostora vakagadza muenzanisoi wakaisvonaka pamusoro pokuita mitemo nokuda kwavanamati biyedu?
16 Pauro akanyora, kuti: “Kusvikira patambanuko yatakaita fambiro mberi, ngatipfuurirei kufamba nenhevedzano nomutoo mumwe chetewo.” (VaFiripi 3:16, NW) Mutsinhirano nomurangariro iwoyo woumwari, muapostora akabata navamwe nenzira yakavaka. Somuenzaniso, mubvunzo wakamuka pamusoro pokudya nyama ingave yakabva mutembere yezvidhori. Ko uyu mukuru, zvichida nedonzo retsinhirano kana kuti kupfavisa, akaonesa mutemo wavose vaiva muungano dzapakuvamba here? Aiwa. Iye akaziva kuti mhatsa muzivo nefambiro mberi kuukuru mumudzimu zvingatungamirira maKristu iwayo kuzvido zvinosiana. Kana ari iye, iye akanga akatsunga kugadza muenzaniso wakaisvonaka.—VaRoma 14:1-4; 1 VaKorinte 8:4-13.
17 Magwaro echiKristu echiGiriki anoratidza kuti vaapostora vakagovera zano rinobetsera panhau dzakati dzomunhu oga, zvakadai sapamusoro pezvipfeko nokutsvinda, asi havana kutendeukira kukuita mitemo inoshanda mumativi ose. Nhasi uyu muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavatariri vechiKristu, avo vanofarira kuvaka boka. Uye kunotambanudza zvomenemene nzira huru iyo Mwari akatevera kunyange nokuda kwaIsraeri wakare.
18. Jehovha akapa mitemoi kuna Israeri pamusoro pezvipfeko?
18 Mwari haana kupa vaIsraeri mitemo ine udzame pamusoro pomupfekero. Sezviri pachena varume navakadzi vaishandisa nguvo dzakafanana, kana kuti nguvo dzokunze, kunyange zvazvo yomukadzi yaimendwa kana kuti yakaisvonaka zvikuru. Vose vari vaviri vanhurume navanhukadzi vaipfekawo sa·dhinʹ, kana kuti nguvo yomukati. (Vatongi 14:12; Zvirevo 31:24; Isaya 3:23) Mitemoi pamusoro pezvipfeko iyo Mwari akapa? Varume kana kuti vakadzi vaisafanira kupfeka zvipfeko zvaiziviswa nomunhu ane mitezo yevatano yakasiana, sezviri pachena nedonzo revatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano. (Dheuteronomio 22:5) Kuti varatidze kuva kwavo vakaparadzana namarudzi akapoteredza, vaIsraeri vaifanira kuisa masa pamupendero wenguvo yavo, norwonzi rwebhuruu pamusoro pemasa, uye zvimwe mapfetse pamakona enguvo dzokunze. (Numeri 15:38-41) Ikoko zvikurukuru ndiyo nhungamiro yose Mutemo wakapa pamusoro pezvitaira zvezvipfeko.
19, 20. (a) Inhungamiroi inopa Bhaibheri maKristu pamusoro pomupfekero nokutsvinda? (b) Murangariroi unofanira kuva navakuru pamusoro pokuita mitemo pamusoro pechitarisiko chomunhu oga?
19 Nepo maKristu asiri muMutemo, tine here mimwe mitemo ine udzame pamusoro pomupfekero kana kuti chishongo inooneswa nokuda kwedu muBhaibheri? Kwete chaizvoizvo. Mwari akagovera nheyo dzakadzikama dzatinogona kushandisa. Pauro akanyora, kuti: “Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vane kunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji.” (1 Timotio 2:9) Petro akakurudzira kuti panzvimbo pokupa ngwariro pachishongo chomuviri, vakadzi vechiKristu vanofanira kupa ngwariro pa“munhu akavanzika womwoyo ari muchishongo chisingaori chomudzimu wakanyarara nomunyoro.” (1 Petro 3:3, 4, NW) Kuti zano rakadaro rakanyorwa kunokarakadza kuti mamwe maKristu omuzana ramakore rokutanga angave aida kuva ane mwero zvikuru naanozvidzora mumupfekero wawo nokutsvinda. Bva, panzvimbo pokuda—kana kuti kurambidza—zvitaira zvakati, vaapostora vakangogovera zvavo zano rinovaka.
20 Zvapupu zvaJehovha zvinofanira uye kazhinji kazhinji zvinoremekedzwa nokuda kwechitarisiko chazvo chine mwero. Kunyanguvezvo, zvitaira zvinosiana munyika nenyika uye kunyange mukati menharaunda kana kuti ungano. Chokwadika, mukuru ane mirangariro yakasimba kana kuti chishuvo chakati mumupfekero nokutsvinda angasarudza nenzira inowirirana nokuda kwake amene nemhuri yake. Asi pamusoro peboka, iye anofanira kurangarira pfundo raPauro, rokuti: “Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.” (2 VaKorinte 1:24) Hungu, vachidzivisa sundo ipi neipi yokuita mitemo nokuda kweungano, vakuru vanoshanda kuti vavake kutenda kwavamwe.
21. Vakuru vanogona sei kugovera betsero inovaka kana mumwe munhu akanyanyisa mumupfekero?
21 Somuzana rokutanga ramakore, padzimwe nguva mutsva kana kuti akaneta mumudzimu angatevera nzira inopanikirika kana kuti isiri yokuchenjera mumupfekero kana kuti kushandiswa kwemekiapu kana kuti zvishongo zvakagadzirwa namabwe anokosha. Chiiko chinoitwa ipapo? Zvakare, VaGaratia 6:1 inopa nhungamiro nokuda kwavakuru vechiKristu vanoda zvapachokwadi kubetsera. Mukuru asati asarudza kupa zano, angabvunza nokuchenjera mukuru biyake, zvimwe asingaendi kumukuru uyo iye anoziva kuti anogoverana chishuvo chake kana kuti kufunga. Kana kombamiro yenyika mumupfekero kana kuti kutsvinda ichiratidzika kuva inotapura vazhinji vari muungano, mutumbi wavakuru ungagona kukurukura nzira yakanakisisa yokugovera nayo betsero, zvakadai sokupfurikidza norutivi rwomutsa, runovaka pamusangano kana kuti kupfurikidza nokupa rubatsiro rwomunhu oga. (Zvirevo 24:6; 27:17) Nharidzano yavo yaizova kukurudzira murangariro unoratidzirwa pana 2 VaKorinte 6:3: “Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa.”
22. (a) Neiko kusingafaniri kuva kunokangaidza kana misiano miduku yomurangariro ikavapo? (b) Muenzanisoi wakaisvonaka wakagovera Pauro?
22 Vakuru vechiKristu ‘vanofudza boka raMwari riri mutarisiro yavo’ vanoda kuita sezvakaonesa Petro, ndiko kuti, kwete ‘kuremedza avo vari nhaka yaMwari.’ (1 Petro 5:2, 3) Mubasa ravo rorudo, mibvunzo ingamuka panhau apo pangagona kuva nezvido zvinosiana. Zvichida itsika yomunzvimbomo kumira kurava ndima mukati meFundo yeNharireyomurindi. Gadziriro dzeboka dzebasa romumunda namamwe maudzame akawanda pamusoro poushumiri humene zvingatarisirwa mukuwirirana netsika. Zvisinei, kungava ngwavaira here kana mumwe munhu akava nenzira yakati sianei? Vatariri vane rudo vanoshuva kuti “zvinhu zviitike nomutoo wakaisvonaka uye negadziriro,” kuri kutaura uko Pauro akashandisa pamusoro pezvipo zvenenji. Asi mashoko akapoteredza anoratidza kuti fariro huru yaPauro yakanga iri “kuvakwa kweungano.” (1 VaKorinte 14:12, 40, NW) Iye haana kuratidza kudisa kuita chiverengero chisingagumi chemitemo, sokunge wirirano yakakwana kana kuti kusanoita kwakakwana zvaiva donzo rake gurusa. Iye akanyora, kuti: “Ishe akatipa [simba] rokukuvakai ndizvo kwete kukuparadzai.”—2 VaKorinte 10:8, NW.
23. Ndedzipi dziri nzira dzakati umo tinogona kutevedzera muenzaniso waPauro wokuvaka vamwe?
23 Pauro nenzira isingapanikirwi akashanda kuvaka vamwe kupfurikidza nokutaura kwakanaka nokunokurudzira. Panzvimbo pokuwadzana neboka duku bedzi reshamwari, iye akaita nhamburiko yomuraudzo yokushanyira hama nehanzvadzi dzakawanda, vose vari vaviri vakasimba mumudzimu neavo vaida zvikuru kuvakwa. Uye iye akasimbisa rudo—panzvimbo pemitemo—nokuti “rudo runovaka.”—1 VaKorinte 8:1, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukati memhuri mitemo yakasiana-siana ingaratidzika kuva ine mufungo, kuchitsamira pamigariro. Bhaibheri rinopa vabereki chiremera chokusarudza zvinhu nokuda kwavana vavo vaduku.—Eksodho 20:12; Zvirevo 6:20; VaEfeso 6:1-3.
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Neiko chinjo yakafanira kana tichida kutaura kwakaipa kana kuti kwokutsoropodza?
◻ Chii chatinogona kuita kuti tive vanovaka zvikuru muungano?
◻ Ndoupi uri muenzaniso woumwari pamusoro pokuita mitemo yakawanda nokuda kwavamwe?
◻ Chii chichabetsera vakuru kudzivisa kuita mitemo yavanhu nokuda kweboka?