Kuunganidza “Zvinhu Zvinodikanwa” muPoland
POLAND inotaurwa kuva nyika yeKaturike. Mukuwirirana nezviverengero zvehurumende, 93 muzana yechiverengero chavagari vemo ndeyeChechi yeKaturike. Chinjo dzemisi ichangobva kupfuura iyi dzezvamatongerwe enyika nedzenzanga dzinoitika imomo, zvisinei, dzakava netapuro inoshamisa pavanhu napaupenyu hwavo hworudzidziso. Nzvero dzinoratidzira kuti inenge bedzi 50 muzana yaavo vakabvunzurudzwa vanozvirangarira vamene kuva vaKaturike vanoshingaira.
Muna May 1989, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa pamutemo sesangano rorudzidziso muPoland. Chifo chenguva iyeyo, vatsva vane 11 000 vakakumbanira mapoka azvo savaparidzi vamashoko akanaka oUmambo. Zvino vaparidzi voUmambo vanopfuura 106 000 vanosonganirana neungano dzinopfuura 1 300, uye vanhu 200 422 vakapinda kuchengetwa kwa 1991 kweChirangaridzo chorufu rwaKristu. Nokudaro, kuunganidzwa kwakadeya kutaurwa kwe‘zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi’ kuri kuitika muPoland. (Hagai 2:7) Misi ichangobva kupfuura iyi, kokorodzano dzamarudzi ose dzinoita misoro mikuru yenyaya dzeZvapupu zvaJehovha dzakaitwa muPoland. Asi kunzverwa kwamamwe amataundi maduku zvikuru omunyika yacho kucharatidza zvikuru kuti basa rokuunganidza riri kupfuurira sei munyika iyoyo.
Mapiona Anozarura Nzira
Sztum itaundi ravanenge 10 000 riri pedyo nenzvimbo apo Rwizi rweVistula runodira muBaltic Sea. Iri taundi ranguve richirangarirwa sendima yakaoma kana toreva nezvebasa rokuparidzira. Muna 1987 maiva navaparidzi vasere bedzi munharaunda yacho. Zvisinei, zvinhu zvakavamba kuchinja apo mapiona, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara, vakasvika. Pamusangano wechishanu, wakaitwa muhoro yebhaisikopo, vanhu vanofarira 100 vakanga varipo! Ungano yakaumbwa pashure pamakore maviri enhamburiko yokushingaira. Zvino vaparidzi 90 vane Horo yoUmambo yavo vamene, uye vanhu vane 150 vanopinda misangano yavo nguva dzose.
Sezvaikarirwa, chishoro chakakurumidza kuuya chichibva kuChechi yeKaturike. Mumwe munun “nyanzvi” akakurukura hurukuro dzinotsoropodza pamusoro peZvapupu, achizvipomera kudzidzisa dzidziso dzenhema. Asi sezvinowanzoitika kwazvo, ikoku kwakaparira muuyo wakasiana. Hurukuro dzake dzakangoita bedzi kuti vanhu vade kuwana maidi. Vazhinji vavo vakadzidza zvokwadi uye zvino mapiona enguva dzose! Ivo vanoti: ‘Tichidzidza zvokwadi, takafunga kuti munhu ari wose anoda kuva Chapupu aifanira kuva akafanana nomudzidzisi wake, uko kwakareva kuva piona.’ Naizvozvo mudzimu woupiona wakatekeshera muungano yose.
Somuuyo, fundo dzeBhaibheri dzapamusha 180 dziri kuitiswa munharaunda macho. Kupfurikidza nebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, vamwe vakatodzidziswa kurava. Panguva imwe cheteyo, ivo vakadzidza zvokwadi. Fundo dzeBhaibheri dzenguva dzose dzamaminiti gumi dziri kuitiswa neboka ravasungwa vomunzvimbomo apo vanobuda kuzochenesa migwagwa. Mumwe wavo akadzivirira chimwe Chapupu apo mumwe mukadzi aipfuura akatanga kumutuka. Iye akatiza achienda kuhanzvadzi yacho, akatora bhuku raKurarama Nokusingaperi mumaoko ake, akarisimudza, uye akabvunza mukadzi anotuka, kuti: “Haugoni kurava here? Chii chakanyorwa pano? Iwe unogona kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano! Wati wambonzwa nezvechinhu chakadaro here? Neiko uri kutuka Mwari navanamati vake?”
Kutaura Kwomutaundi
Kruszwica, raichimbova dzimbahwe mukuwirirana nengano pane imwe nguva rePoland, inhare yeKaturike. Kunyange pakasvika pakati pa 1990, maingova bedzi neZvapupu zvishomanene pakati pavagari varo vane 9 300. Asi chikomborero chakapfuma chaJehovha chakanga chiri panhamburiko dzavazivisi voUmambo.
Vachicherechedza unyengeri hwavatungamiriri vavo vomudzimu, vanhu vazhinji zvikuru—zvikurukuru vaduku—vakatendeukira kuZvapupu nokuda kwemhinduro. Munguva pfupi zvikuru, fundo dzeBhaibheri dzapamusha 20 dzakatangwa. Muprista woruwa akapa mharidzo dzakaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha, asi ikoku hakuna kuodza mwoyo vanhu vapachokwadi kuti vasapinde misangano yazvo. Zvapupu zvakava nyaya huru yekurukurirano muzvitoro nomumapaki uye kunyange muchechi. Hafu yegore gare gare, mapoka efundo yebhuku maviri makuru akaumbwa. Kruszwica zvino ine ungano inoshingaira zvikuru yavanamati 35 vaJehovha. Ivo vari kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 75 uye vari kupinza nokubatikana “zvinhu zvinodikanwa” izvo zvaimbobatwa senhapwa norudzidziso rwenhema.
Pakati paivava paiva naBogdan ane makore 23 okukura, mumwe mutezo wemhuri inoshingaira zvikuru yeKaturike. Iye anoyeuka, kuti: “Ndaisinwa, kusvuta, uye kurarama upenyu hwoutere. Ndaizivikanwa somunhu asina maturo uye semharadzi yehurumende, uye hakuna munhu airatidzika kuva anoitira hanya. Apo ndakavamba kufunda Bhaibheri, zvisinei, amai vangu vakatyisidzira kudya chefu ivo vamene. Ndisingagoni kudzivisa dzvinyiriro yacho, ndakagura onano yose neZvapupu. Gare gare, nebetsero yorudo yamapiona chaiwo, ndakakwanisa kubva mumiitiro yose yakashata. Zvandakabhapatidzwa pa 1991 ‘Vadi Vorusununguko’ Kokorodzano Yoruwa, ndakasarudza ushumiri hwenguva yakazara senharidzano yangu muupenyu uye ndave ndichiita upiona hwebetsero chifo chenguva iyeyo.”
Sławomir ane makore makumi maviri nerimwe okukura akanga akabatwa mukudavira midzimu nouSatani, uko akaramba apo bedzi akawana kuti Bhaibheri rinoshurikidza miitiro yakadaro. “Asi Satani akapfuurira,” iye anodaro. “Humwe usiku rekodhipureya yakavamba kurira isina kuridzwa, uye ndakanzwa nziyo dzousatani, kunyange zvazvo ndakanga ndabvisa mumba chinhu chiri chose chaiva nechokuita nokunamata Dhiabhorosi. Ndakanyengetera kuna Jehovha, uye iye akandibetsera kuwanazve dzikamo yomudzimu. Murapi wendangariro wandaibvunza pakurudziro yavabereki vangu akaona vandudziko huru mumugariro wangu uye akagumisa kuti ndakanga ndine utano hwakanaka. Iye akanyora pachati yangu, kuti: ‘Akarapwa neZvapupu zvaJehovha.’”
Kudzivisa Mudzimu Wenyika
Kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweKruszwica kuna Środa Śląska. “Zvinhu zvinodikanwa” zviri kuonekawo muiri taundi duku ravanhu 9 000. Makore mana apfuura, maingova nomumwe bedzi wehanzvadzi dzedu dzomudzimu aigaramo. Zvino, zvisinei, chiverengero chavaparidzi voUmambo chakakwira kusvikira ku 47. Vazhinji veZvapupu vakambobatwa mumisungo yokutenda midzimu, kupindwa muropa nemirimo, uye utere. Ivo vanorangarira kuti ikoku kwakanga kuri zvikurukuru nemhaka yenzvimbo yomudzimu yaisava nechinhu yaiva muchechi inongokwanisa bedzi kushurikidza vanhu mumudzimu, kwete kuvabetsera. Zvapupu zviri kupa vanhu rusununguko chairwoirwo.
Vaduku vari muungano vakaita chikoro ndima yavo yomunhu oga nokuda kwebasa rokuparidzira. “Vokuchikoro biyangu kazhinji kazhinji vanoti kwandiri: ‘Uri kupambadza upwere hwako,’” anoshuma kudaro Kasia ane makore 18 okukura. “Asi ndakadzivisa zvinetso zvakawanda, uye upenyu hwangu hwazova hune revo. Ndinoitisa fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka kuchikoro uye handiregeredzi basa rangu rinoitirwa kumba kana kuti fundo yangu yomunhu oga. Vasikana vanotaura kuti ‘ndiri kupambadza upwere hwangu’ vatova vanamai, vachibatana nemitoro yezvinetso.”
Zvinyorwa zveWatch Tower zvazova zvakakurumbira zvikuru muzvikoro zvomunzvimbomo. Somuenzaniso, mumwe mudzidzisi wechiPolish akaudza vadzidzi vake kutevera mutauro wakajeka wemagazini yedu inonzi Mukai! somuenzaniso mukunyora nhauro dzavo. Piona webetsero Ewa anowana bhurocha raSchool and Jehovah’s Witnesses richibetsera zvikuru. “Ndinoonga chaizvoizvo ichi chinyorwa. Vadzidzisi vangu vakasanorovedzana nacho. Handina kutongova nechinetso chipi nechipi mukuwana mvumo yokuhesvurwa mumakirasi kuti ndipinde kokorodzano huru.” Chimiro chendangariro chakaisvonaka chakadaro chavanhu vaduku chinofadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.
Vasungwa Vakaomeswa Vakachinja
Kumabvazuva kweŚroda Śląska kune Strzelce Opolskie, uko kune matorongo maviri. Rimwe itorongo rinochengetedzwa zvikuru ravatadzi vasingavandudziki. Zvapupu zvinoshanyira nguva dzose aya masangano maviri okuranga kuti zviunze zvokwadi kuvasungwa, vazhinji vavo vaivawo nhapwa dzeBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema.—Zvakazarurwa 18:1-5.
Zvapupu zvinofunda Bhaibheri navasungwa vamwe navamwe namapoka maduku avasungwa, vamwe vavo vakabhapatidzwa. Kunyange zvazvo vachifanira kubatira tongero dzavo, vari kuparidzira nokushingaira mashoko akanaka kuvamwe vasungwa. Mumwe musungwa ari kugadzirira nokuda kworubhapatidzo akaita chinjo dzinoshamisa zvikuru zvokuti zviremera zvetorongo zvakamubvumira kuenda kumusha kamwe pavhiki. Vamwe vakanyorera mhuri dzavo vachitaura kutsunga kwavo kubva mutorongo, kwete samatsotsi, asi seZvapupu zvaJehovha.
Mukuru mukuru mukuru werimwe ramatorongo akanyunyuta kuti vaprista veKaturike vaisiuya asi havana chavakaita. Iye akabvunza Zvapupu, kuti: “Chii chinokugonesai kuchinja ndokuvandudza ava vanhu?” Tsamba yakabva kumusungwa ichienda kumhuri yake inopindura, ichiti: “Muno mutorongo, Zvapupu zvaJehovha zvakandiudza nezvechipikirwa chinoshamisa chaMwari pamusoro pehurumende itsva, Umambo hwaJehovha, uhwo huchakurumidza kutonga papasi rose. Muno ndakava nenguva yokukamuranisa nzira yangu yekare youpenyu nebetsero yeBhaibheri. Ndaita mhedziso dzakakasharara, ndakabatwa nechishuvo chokuva munhu akasununguka nokuzviwana ndimene ndiri mudzorwi woUmambo hwaMwari. Nhasi ndiri Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha.”
Murimwe torongo, vazhinji vari kubatira nhambo dzamakore 25 nokuda kwokuponda. Fundo yeBhaibheri yenguva dzose iri kuitiswa varume 12. Mumwe wavo akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhapatidzwa, uye vamwe vari kuronga kuita idzi nhano. Achionga miuyo yakanaka yemitoo yedzidzo inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha, mukuru mukuru wetorongo mukuru akati: “Handina vasungwa 12. Ndine 600. Ndapota ndibetserei kuvavandudza. Ndichakugoverai chinhu chiri chose chamunoda, asi ndapota gadzirirai purogiramu. Vatarisirei!”
Izvozvo ndizvo chaizvoizvo izvo hama dzakaita. Dzakapa purogiramu yeBhaibheri inobata nedonzo roupenyu, tariro yenguva yemberi, uye ukoshi hwokurega miitiro yakaipa. Ivo vakarondedzerawo zvinoitika zveaichimbova musungwa uyo akava mumwe weZvapupu zvaJehovha uye pashure penguva yakati akagadzwa somukuru weungano. Zvapupu zvakapawo mapfundo makuru anobva munhau dzoupenyu dzembavha yedhaimani nomushandisi zvisakafanira wemirimo avo vakadzidza zvokwadi.a Vasungwa 20 vaivapo vakawana purogiramu yacho ichifadza zvikurusa uye vakabvunza mibvunzo yakawanda, vamwe vachitokumbira fundo dzeBhaibheri.
Kutenda Netsungiriro Zvinoedzwa
Lubaczów itaundi duku ravanhu 12 000 pedyo nomuganhu weUkraine. Basa rokuparidza evhangeri imomo rakawana simba muna 1988 apo mapiona akatamiramo kuti abetsere vaparidzi 12 vomunzvimbomo. Zvino mune vaparidzi voUmambo vanoshingaira 72, uye vanhu 150 vakapinda kuchengetwa kwa 1991 kweChirangaridzo muHoro yoUmambo yakanga ichangobva kuvakwa.
Muna June 1991 Pope John Paul II akashanyira Lubaczów. Asi ikoko hakuna kuita chinhu kunyandura kutenda kwechokwadi pakati pavanhu. Vazhinji vavo vanonetswa nepanikiro nemibvunzo pamusoro pedonzo roupenyu netariro yenguva yemberi. Apo vanenge vasingakwanisi kuwana mhinduro dzinogutsa kuvafundisi, vanotendeukira kuZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo vanhu pakutanga vangava namarwadzo ehana nokuda kwokusiya rudzidziso rwavo, zvokwadi yeBhaibheri yavanodzidza inovabetsera kuona kuti vakaita chisarudzo chakarurama.
Muenzaniso chaiwoiwo ndichinoitika chaHonorata, zvino piona wenguva dzose. Rinenge gore rimwe rapfuura, iye akabvunza mumwe muprista pakureurura rakanga riri zita raMwari. “Mwari rudo—ndiro zita rake rakaisvonaka zvikurusa,” akapindura kudaro muprista. Pashure penguva yakati, iye akawedzera, kuti: “Iwe wakafanana nebhakiti remvura yakachena zvikuru umo mumwe munhu akadonhedza ingi. Miuyo yacho haichinjiki.” Iye nokudaro akawana mhinduro yake. “Ndakasarudza ipapo kuti ndaizova mumwe weZvapupu zvaJehvoha,” anodaro Honorata. “Ikokowo hakuchinjiki.”
Anodokuva munhu ari wose akadzidza zvokwadi muLubaczów aifanira kutsungirira chishoro chakasimba, kunyange chokunyanyisa. Asi ikoko hakuna kuvadzivisa kugamuchira zvokwadi yeBhaibheri nokutsigira kwavo Jehovha.
Elżbieta anorondedzera, kuti: “Pakutanga ivo vakandirova pamusha. Ipapo mhuri yangu yakapinda nesimba muHoro yoUmambo. . . . Ivo vakandiendesa kumusha ndokuvamba ‘kupa ruramisiro’ nomuti une mapundu. Ndakarohwa ndokubanhwa kubvira kumusoro kusvikira kumunwe nemhaka bedzi bedzi yokusonganirana neZvapupu. Ndakarohwa zvakaoma kwazvo zvokuti ndaida kurapwa nokukurumidza uye ndakatumirwa kuchipatara. Jehovha akandibetsera, ndizvo ndakanaya. Mhuri yangu yakandiramba. Apo ndakadudza ikoku kumuprista, iye akandinyomba, achiti: ‘Wauya kuzonyunyuta nemhaka bedzi bedzi yembama shomanene here?’”
Imwe hanzvadzi inoyeuka, kuti: “Gore riri rose ndaisienda kuCzęstochowa kuzofamba muNzira yeChipiyaniso, uko ndairangarira kuva basa romuKaturike wapachokwadi ari wose. Ndichine mavanga pamabvi angu.” Pamakore 18 ezera akadzidza zvokwadi ndokuudza muprista nemhuri yake kuti akanga asati achizodzokera kuchechi. Akarohwa zvakakomba—“zvakaipa kwazvo zvokuti ndakakuvara uropi,” anoshuma kudaro. “Asi muchipatara ndakanaya zvakakwana kupinda ‘Vadi Vorusununguko’ Kokorodzano Yoruwa. Ndakachema nokuda kwomufaro apo ndakaona chinzwano chechokwadi norudo pakati pavanhu vasina kunyanyisa—zvinhu zvandisina kutongoona muCzęstochowa. Ndinofara sei kuti ndakaona runako rwaJehovha uye ndakadzidza kuvimba naye.” Jehovha anosimbisa uye anotsigira avo vanokandira mitoro yavo paari.—Pisarema 55:22.
Nhapwa dzakawanda dzeBhabhironi Guru zvino dziri kuteerera danidzo yokuti “budai mariri” muiyi nyika yeKaturike, kunyange sezvavari kuita mune imwe nzvimbo. Kana kuri kuda kwaJehovha, vanhu vake vasingatyi vachapfuurira kuunganidza vamwezve ve“zvinhu zvinodikanwa” zvakapararira muPoland yose. Zvirokwazvo, vazhinji vachapindurazve danidzo, yokuti: “‘Uya!’ Uye ani naani ane nyota ngaauye; ani naani anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.”—Zvakazarurwa 18:4; 22:17, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaOctober 8, 1983, mapeji 16-19, uye November 22, 1987, mapeji 21-3.
[Mepu iri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
POLAND
Sztum
Kruszwica
Poznan
Warsaw
Środa Śląska
Częstochowa
Strzelce Opolskie
Lubaczów
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kuparidzira shoko roUmambo muKruszwica, Poland