Kristu Akavenga Kusateerera Mutemo—Iwe Unodaro Here?
“Makada kururama, uye makavenga kusateerera mutemo. Ndokusaka Mwari, Mwari wenyu, akakuzodzai namafuta omufaro kupfuura vabiyenyu.”—VAHEBHERU 1:9, NW.
1. Kunze kwokuda kururama, chiizve chinodikanwa kuvabatiri vose vechokwadi vaJehovha Mwari?
VABATIRI vechokwadi vaJehovha vanomuda nomwoyo wavo wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:30) Vanoda kufadza mwoyo waJehovha kupfurikidza nokuchengeta perero. (Zvirevo 27:11) Kuti vaite izvozvo, havasati vachingofanira bedzi kuda kururama asi vanofanirawo kuvenga kusateerera mutemo. Muenzaniso wavo, Jesu Kristu, akadaro zvamazvirokwazvo. Nezvake kwakanzi: “Makada kururama, uye makavenga kusateerera mutemo.”—VaHebheru 1:9, NW.
2. Chii chinobatanidzwa mukusateerera mutemo?
2 Kusateerera mutemo chiiko? Iko chivi, seizvo muapostora Johane akaratidza apo akanyora, kuti: “Munhu ari wose anoita chivi anoitawo kusateerera mutemo, naizvozvo chivi kusateerera mutemo.” (1 Johane 3:4, NW) Munhu asingateereri mutemo “haasati achidziviswa kana kuti kudzorwa nomutemo.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Kusateerera mutemo kunobatanidza chose chakashata, chakaipa, choutere, chakaora, uye kusatendeseka. Kutarira nyika kunotiratidza kuti kusateerera mutemo kwakapararira nhasi sezvisakamboitika nakare kose. Hapana panikiro kuti tiri kurarama mu“nguva dzinotambudza” idzo muapostora Pauro akadeya kutaura pana 2 Timotio 3:1-5. Nemhaka youku kusateerera mutemo kwose, kwakaisvonaka sei kuti tinorairwa kuvenga ushati hwose! Somuenzaniso, tinoudzwa, kuti: “Haiwa imi vadi vaJehovha, vengai chiri chakashata.” (Pisarema 97:10, NW) Nenzira yakafanana, tinorava, kuti: “Vengai chiri chakashata, uye idai chiri chakanaka.”—Amosi 5:15, NW.
Marudzi Matatu Oruvengo
3-5. Munzirai nhatu umo shoko rokuti “kuvenga” rinoshandiswa muShoko raMwari?
3 Kuvenga kunorevei? MuShoko raMwari, “kuvenga” kunoshandiswa munzira nhatu dzakasiana. Kune ruvengo runosundwa noutsinye uye urwo runotsvaka kukuvadza nyajambwa warwo. MaKristu anofanira kudzivisa rudzi urwu rworuvengo. Ndirwo rudzi rwakasunda Kaini kuuraya munun’una wake akarurama Abheri. (1 Johane 3:12) Irworwu rudziwo rworuvengo urwo vatungamiriri vorudzidziso vaiva narwo nokuda kwaJesu Kristu.—Mateo 26:3, 4.
4 Uyezve, shoko rokuti “kuvenga” rinoshandiswa muMagwaro mupfungwa yokuda zvishoma. Somuenzaniso, Jesu akati: “Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun’una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu.” (Ruka 14:26) Nenzira yakajeka, Jesu akangoreva zvake kuda ivava zvishoma kupfuura kuda kwatinomuita. Jakobho ‘akavenga Rea,’ asi iye zvomenemene akamuda zvishoma kupfuura zvaaiita Rakeri.—Genesi 29:30, 31.
5 Ipapo kune revo yeshoko rokuti “kuvenga” yatinoitira hanya zvikuru kwazvo pano. Ine mufungo wokuva nokunzwa kwakakomba zvikuru kwokusada kana kuti kusada kwakasimba mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu zvokuti tinodzivisa kuva nechinhu chipi nechipi chokuita nomunhu akadaro kana kuti chinhu.MuPisarema 139 ikoku kunotaurwa nezvako soku“venga nembengo huru.” Ipapo Dhavhidhi akati: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handina shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.”—Pisarema 139:21, 22.
Chikonzero Nei Tichifanira Kuvenga Kusateerera Mutemo
6, 7. (a) Neiko, zvikurukuru, tichifanira kuvenga kusateerera mutemo? (b) Ndechipi chiri chikonzero chechipiri chine simba chokuvenga kusateerera mutemo?
6 Neiko tichifanira kuvenga kusateerera mutemo? Chikonzero chimwe chiri kuti tigova nokuzviremekedza nehana yakanaka. Neiyi nzira bedzi tinogona kuva noukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga vakarurama, vane rudo, Jehovha. Dhavhidhi akagadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku, sezvinogona kuonwa nokurava Pisarema 26. Somuenzaniso, iye akati: “Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, handingagari navatadzi.” (Pisarema 26:5) Rudo rwedu nokuda kwaMwari nokururama runofanira kutisunda kuva nehasha dzakarurama—hungu, ruvengo—nokuda kwechose chiri kusateerera mutemo mumurangariro wake, kubatanidza mabasa okusateerera mutemo aavo vasingateereri uye vanovenga Jehovha. Kupfuurirazve, tinofanira kuvenga kusateerera mutemo nemhaka yoruzvidzo rwakunounza pazita raMwari.
7 Chimwe chikonzero nei vanhu vaJehovha vachifanira kuvenga kusateerera mutemo ndechokuti kune ngozi zvikuru uye kunokuvadza. Kudyara nenyama, uko kunoreva kudyara kusateerera mutemo, kuchava nomuuyoiko? Pauro akanyevera, kuti: “Musatsauswa; Mwari haasati achifanira kusekwa. Nokuti chipi kana chipi munhu anodyara, achachekawo ichochi; nemhaka yokuti iye anodyara nomurangariro wenyama yake achacheka kuora kunobva panyama yake, asi iye anodyara nomurangariro womudzimu achacheka upenyu husingaperi hunobva mumudzimu.” (VaGaratia 6:7, 8, NW) Naizvozvo tinofanira kuda kuva tisina chinhu chose chose chokuita nokusateerera mutemo. Zvirokwazvo, tinofanira kuvenga kusateerera mutemo kwose nokuda kwegarikano yedu timene norugare rwendangariro.
Avo Vanovenga Kusateerera Mutemo
8. Ndiani akagadza muenzaniso mukurusa mukuvenga kusateerera mutemo, sezvinoratidzwa namagwaro api?
8 Mukuvenga kusateerera mutemo, Mwari anogadza muenzaniso mukurusa nokuda kwezvisikwa zvose zvakangwara. Iye anotsamwira kusateerera mutemo nenzira yakarurama, uye Shoko rake rinoti: “Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risina mhaka; mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata, chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye unokusha kupesana pakati pehama.” Tinoravawo, kuti: “Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.” (Zvirevo 6:16-19; 8:13) Uyezve, tinoudzwa, kuti: “Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kufamba pamwe chete nezvakaipa.”—Isaya 61:8.
9, 10. Jesu akaratidza sei kuti aivenga kusateerera mutemo?
9 Jesu Kristu akatevedzera Baba vake mukuvenga kusateerera mutemo. Nokudaro, tinorava, kuti: “Makada kururama, uye makavenga kusateerera mutemo. Ndokusaka Mwari, Mwari wenyu, akakuzodzai namafuta omufaro kupfuura vabiyenyu.” (VaHebheru 1:9, NW) Jesu akagadza muenzaniso nokuda kwedu murudzi urwu rworuvengo. Iye akaratidza kuvenga kwake kusateerera mutemo kupfurikidza nokuzivisa avo vaishandisa namaune—vatungamiriri vorudzidziso rwenhema. Kazhinji kazhinji, iye akavashurikidza savanyengeri. (Mateo, ganhuro 23) Pane imwe nhambo Jesu akavaudza, kuti: “Imi munobva kuna baba venyu Dhiabhorosi uye munoda kuita zvishuvo zvababa venyu.” (Johane 8:44, NW) Jesu akaratidza kuvenga kwake kusateerera mutemo kunyange kusvikira patambanuko yokushandisa simba romuviri, panhambo mbiri achibvisa mutembere vanyengeri vorudzidziso vane makaro.—Mateo 21:12, 13; Johane 2:13-17.
10 Jesu akaratidzawo kuvenga kwake kusateerera mutemo nechivi kupfurikidza nokuramba akasununguka chose chose pazviri. Naizvozvo, iye aigona kusanobvunza vashori vake, kuti: “Ndianiko kwamuri unganditendisa kuti ndine zvivi?” (Johane 8:46) Jesu akanga “akavimbika, asina mhaka, asina kusvibiswa, akaparadzana navatadzi.” (VaHebheru 7:26, NW) Achisimbisa ikoku, Petro akanyora kuti Jesu “haana kuita chivi, uyewo nyengedzo haina kuwanwa mumuromo make.”—1 Petro 2:22, NW.
11. Mienzanisoi yapaMagwaro yatinayo yavanhu vasina kukwana vakavenga kusateerera mutemo?
11 Jesu, kunyanguvezvo, akanga ari munhu akakwana. Tine here mienzaniso yapaMagwaro yavanhu vasina kukwana vakavenga zvirokwazvo kusateerera mutemo? Zvamazvirokwazvo tinayo! Somuenzaniso, Mosesi navaRevhi biyake vakaratidza ruvengo rukuru rwokunamata zvidhori kupfurikidza nokuuraya vanamati vezvidhori vanenge 3 000 pakuraira kwaJehovha. (Eksodho 32:27, 28) Pinehasi akaratidza kuvenga kukuru kusateerera mutemo apo akauraya zvifeve zviviri nepfumo.—Numeri 25:7, 8.
Kuratidzira Kuvenga Kusateerera Mutemo
12. (a) Tinogona sei kuratidza kuvenga kwedu kusateerera mutemo? (b) Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzinoshanda dzokudzivisa nadzo mifungo yokusateerera mutemo?
12 Tichiburukira kunguva yedu, tinogona sei kuratidza kuvenga kwedu kusateerera mutemo? Kupfurikidza nokudzora mifungo yedu, mashoko, uye zviito. Tinofanira kusakurira tsika yokufunga pamusoro pezvinhu zvinovaka apo ndangariro dzedu dzinenge dzisina kubatikana nebasa riripo. Kana zvikaita kuti tinoshaya hope usiku, kungava nekombamiro yokufunga kwakaipa, zvakadai sokuramba tichifunga zvigumbu kana kuti kupinda mufungidziro dzoutere. Usatongobvumira nzvimbo zvinhu zvakadaro, asi pinda mutsika yokufunga kunobetsera. Somuenzaniso, edza kudzidza nomusoro magwaro, mifarwa mipfumbamwe, uye zvibereko zvipfumbamwe zvomudzimu. (Mateo 5:3-12; VaGaratia 5:22, 23) Unogona here kududza vaapostora 12? Unoziva here Mirairo Gumi? Ndedzipi dziri ungano nomwe dzinotaurwa muna Zvakazarurwa? Kudzidza nomusoro nziyo dzoUmambo kunobetserawo kuchengeta ndangariro dzedu dziri pazvinhu zvechokwadi, zveitiro hanya yakakomba, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa.—VaFiripi 4:8.
13. Kuvenga kusateerera mutemo kuchatiparira kuvenga rudzii rwokutaura?
13 Uyezve, tinoratidza kuti tinovenga kusateerera mutemo kupfurikidza nokudzivisa kutaura kwose kusina kuchena. Vanhu vazhinji venyika vanofarira kutaura nokuteerera majee akaipa, asi maKristu haafaniri kuda kunyange kuateerera. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuenda ndokudzivisa kutora rutivi mukurukurirano ipi neipi iyo inoenda kumwero yakaderera yakadaro. Kana tisingakwanisi kuenda, tinogona kungoratidza kupfurikidza nechitarisiko chechiso chedu kuti tinovenga kutaura kwakadaro. Tinofanira kuteerera iri zano rakaisvonaka: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.” (VaEfeso 4:29) Hatifaniri kuzvisvibisa timene kupfurikidza nokutaura zvisina kuchena kana kuti nokuzviteerera.
14. Itaviridzoi inogovera kuvenga kusateerera mutemo pamusoro pemiitiro yebhizimisi nebasa?
14 Kuvenga kwedu kusateerera mutemo kunofanirawo kunangidzirwa pamiitiro yose yokutadza. Kuvenga kusateerera mutemo kuchatibetsera kudzivisa musungo wokubvumirana pane zvisina kufanira muna ikoku. MaKristu echokwadi haasati achiita aitazve chivi. (Enzanisa na 1 Johane 5:18.) Somuenzaniso, tinofanira kuvenga miitiro yose yebhizimisi yokusatendeseka. Nhasi, vazhinji veZvapupu zvaJehovha vakapinzwa mudzvinyiriro yokuita zvinhu zvokusatendeseka nokuda kwavashandirwi vavo asi vakaramba kuita saizvozvo. MaKristu akatova anodisa kurasikirwa namabasa awo panzvimbo pokuita chimwe chinhu chinopunza hana yawo yakarovedzwa neBhaibheri. Uyezve, tinodawo kuratidza kuvenga kwedu kusateerera mutemo kupfurikidza nokusapunza mitemo yokufamba mumugwagwa uye nokusabiridzira apo tinofanira kubhadhara mitero kana kuti mari yezvinopinda munyika.—Mabasa 23:1; VaHebheru 13:18.
Kuvenga Kusachena Kwevatano
15. Kusika vanhu vane zvishuvo zvakasimba zvokuroora kwakabatira madonzoi akaisvonaka?
15 SamaKristu, tinofanira kuvenga zvikuru kusachena kwose uko kunobatanidza zvinhu zvevatano. Kupfurikidza nokusika rudzi rwomunhu rune zvishuvo zvakasimba zvokuroora, Mwari akabatira madonzo maviri akaisvonaka. Iye akava nechokwadi chokuti dzinza romunhu harisati raizoparara, uye akaitawo gadziriro yorudo zvikurusa nokuda kwomufarwa. Kunyange vanhu vari varombo, vasina kudzidza, kana kuti vakaremara munzira yakati vanogona kuwana mufarwa mukuru muukama hweroorano. Zvisinei, Jehovha akaisa miganhu mukati mayo ukama ihwohwu hungafarikanywa. Iyi miganhu yakataurwa nenzira youmwari inofanira kuremekedzwa.—Genesi 2:24; VaHebheru 13:4.
16. Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro kuvaraidzo isina kuchena muvatano nemiitiro?
16 Kana tichivenga kusateerera mutemo, tichadzivisa nokungwarira miitiro yose isina kuchena muvatano nevaraidzo youtere. Naizvozvo tichadzivisa mabhuku ose anopanikirika mutsika, magazini, uye mapepanhau. Nenzira yakafanana, kana tichivenga kusateerera mutemo, hatisati tichizoona zvinoratidzwa zvipi nezvipi zvinooneka zvisina kuchena, mungave muterevhizheni, mumabhaisikopo, kana kuti pachikuva. Kana tikawana purogiramu yakati kuva youtere, tinofanira kusundwa kudzima terevhizheni nokukurumidza kana kuti tinofanira kuva noushingi hwokubuda muhoro. Nenzira yakafanana, kuvenga kusateerera mutemo kuchatiita tidzivise nziyo dzose dzinonyandura zemo mumashoko adzo kana kuti mumuimbirwo wadzo. Hatisati tichizotsvaka zivo yezvinhu zvoutere asi tichava ‘vacheche pamusoro poushati, bva vakakura zvakakwana mumasimba enzwisiso.’—1 VaKorinte 14:20.
17. Izanoi rinopa VaKorose 3:5 iro rinogona kutibetsera kuramba takachena mutsika?
17 Nenzira yakakodzera zvikurusa, tinopiwa zano, kuti: “Urayai, naizvozvo, mitezo yomuviri wenyu iri pamusoro papasi kana toreva nezvoufeve, kusachena, chishuvo chevatano.” (VaKorose 3:5, NW) Hapana panikiro kuti mwero ine simba inodikanwa kwatiri kana tichizova vakatsunga kuramba takachena mutsika. Pamusoro pechiito chechiGiriki chinoshandurwa kuti “urayai” pana VaKorose 3:5, The Expositor’s Bible Commentary inoti: “Chinokarakadza kuti hatisati tichingofanira kudzvinyirira zvedu kana kuti kudzora mabasa akaipa nezvimiro zvendangariro. Tinofanira kuzvibvisa, kuparadza chose chose nzira yakare youpenyu. ‘Kuparadza chose chose’ kungaratidzira simba rako. . . . Zvose zviri zviviri revo yechiito nesimba rechimiro zvinokarakadza chiito chine simba, chinorwadza chokutsunga kwomunhu oga.” Tinofanira naizvozvo kudzivisa mabhuku outere sokunge ihosha ine ngozi, inotapukira, inouraya, nokuti izvozvo ndizvo zvakwakaita mutsika nomumudzimu. Kristu akaratidzira mufungo wakafanana apo akati tinofanira kubvisa ruoko, tsoka, kana kuti kunyange ziso kana zviri kutiparira kugumbuka.—Marko 9:43-48.
Kuvenga Rudzidziso Rwenhema Nokuwa Pakutenda
18. Tinogona sei kuratidzira kuvenga kwedu nokuda kusateerera mutemo kworudzidziso?
18 Ipapowo sezvo Jesu akaratidza ruvengo rwake nokuda kwokusateerera mutemo kupfurikidza nokufumura vezvorudzidziso vanonyengera, naizvozvo nhasi Zvapupu zvaJehovha zviri kuratidza ruvengo rwazvo nokuda kwokusateerera mutemo kwose kworudzidziso kwokunyengera. Seiko? Kupfurikidza nokuparadzira mabhuku eBhaibheri anozivisa Bhabhironi Guru nokuda kwezvariri chaizvoizvo, mhombwe yorudzidziso. Kana tichivenga zvirokwazvo unyengeri hworudzidziso hwokusateerera mutemo, tichava vakananga mukufumura Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Tichaita saizvozvo nokuda kwavanhu vane mwoyo wakatendeseka avo rakapofumadza ndokuchengeta muusungwa hwomudzimu. Kusvikira patambanuko yatinovenga zvirokwazvo kusateerera mutemo kweBhabhironi Guru, kusvikira patambanuko iyoyo tichava vanoshingaira mukugoverana mumativi ose oushumiri hwoUmambo.—Mateo 15:1-3, 7-9; Tito 2:13, 14; Zvakazarurwa 18:1-5.
19. Tinofanira kurangarira sei vawi pakutenda, uye nei?
19 Musengwa wokuvenga kusateerera mutemo unoshandawo kumubato wose unoitwa navawi pakutenda. Chimiro chedu chendangariro kuvawi pakutenda chinofanira kuva chiye chaDhavhidhi, uyo akazivisa, kuti: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handina shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.” (Pisarema 139:21, 22) Vawi pakutenda vomuzuva razvino uno vakakumbanira “munhu wokusateerera mutemo,” vafundisi vechiKristudhomu. (2 VaTesaronika 2:3, NW) SeZvapupu zvakavimbika zvaJehovha, isu naizvozvo hatina chose chose chinhu chokuita navo. Zvatisina kukwana, mwoyo yedu ingagona kusatana kuva nekombamiro yokutsoropodza hama dzedu. Savanhu vamwe navamwe, avo vo“muranda akatendeka naakachenjera” vanhu vasina kukwana. (Mateo 24:45-47, NW) Asi iri boka rakatendeka uye rakangwara. Vawi pakutenda vanoshandisa nokuda kwemhindu yavo zvikanganiso kana kuti dzinoratidzika kuva mhosho dzinoitwa nehama dzinotungamirira. Kotsekano yedu iri mukudzivisa paradziro dzokuwa pakutenda sokunge ichepfu, izvo zvairi chaizvoizvo.—VaRoma 16:17, 18.
20, 21. Zvikonzero zvokuvenga kusateerera mutemo zvinogona kupetwa sei?
20 Taona kuti nyika yakazadzwa nokusateerera mutemo, uko kwakaenzana nechivi. Hakuna kukwana kuti tide kururama; tinofanira kuvengawo kusateerera mutemo. Vamwe vaavo vakadzingwa muungano yechiKristu vangave vakafunga kuti vaida kururama, asi havana kuvenga zvakakwana kusateerera mutemo. Taonawo chikonzero nei tichifanira kuvenga kusateerera mutemo. Hatigoni kuva nehana yakanaka nokuzviremekedza kutoti tikadaro. Kupfuurirazve, kusateerera mutemo kunoreva kuva asina kuvimbika kuna Jehovha Mwari. Uye kusateerera mutemo kunotiparira kucheka chibereko chakakasharara zvikuru—rusuruvaro, ushati, uye rufu.
21 Taonawo nzira yatinogona kuratidza nayo kuti tinovenga kusateerera mutemo. Tinoita saizvozvo kupfurikidza nokusava chose chose nechinhu chokuita norudzi rupi norupi rwokusatendeseka, utere hwevatano, kana kuti kuwa pakutenda. Sezvo tichida kugoverana mukurevererwa kwaJehovha ndokushuva kufadza mwoyo wake, hatifaniri bedzi kuda kururama ndokuramba takabatikana mubasa rake asiwo kuvenga kusateerera mutemo, sezvakaita Mutungamiriri wedu noMutungamiri, Jesu Kristu.
Waizopindura Sei?
◻ Magwaro anoshandisa sei shoko rokuti “kuvenga”?
◻ Ndezvipi zviri zvikonzero zvakanaka zvokuti tivenge kusateerera mutemo?
◻ Mienzanisoi yakaisvonaka yatinayo yaavo vakavenga kusateerera mutemo?
◻ Tinogona sei kuratidza kuvenga kwedu kusateerera mutemo?
[Mufananidzo uri papeji 8]
Jesu akachenesa tembere nemhaka yokuti aivenga kusateerera mutemo
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kana tichivenga kusateerera mutemo, tichadzivisa varaidzo youtere muvatano