MaIndia eGoajiro Anogamuchira Zvakanaka
AKAGARA mumumvuri womuti muhombe uye akapfeka nguvo nhema yakareba kusvika pauriri, chembere yakaratidzika kuva yakabva kuimwe nyika. Iyo yakataurawo nomutauro wechienzi kunzeve dzedu. “Dzokai zvakare,” iyo yakadaro nembavarira. Ichinongedza kuvamwe vanhu 50 vorudzi rwayo vakagara vakaikomba, iyo yakawedzera, kuti: “Tose zvedu tinoda kuti mudzoke zvakare. Uyai vhiki riri rose!”
Ava vanhu vakanga vari vanaaniko? Neiko vakanga vachidisa kwazvo kutiita tidzokere, kunyange zvazvo vakanga vasina kutongosangana nesu kare? Tibvumirei kukuudzai pamusoro pezuva ratakapedza tiri pakati pamaIndia eGoajiro anogara muLa Guajira Peninsula muColombia yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva neVenezuela yokuchamhembe kwakadziva kumadokero iri pedyo.
Mirangariro Yokutanga
Tichitanga padzimbahwe reVenezuela, Caracas, kumira kwedu kwokutanga kwakanga kuri paMaracaibo. Sezvatakachaira tichipinda mutaundi macho, takacherechedza vakadzi vaduku vatatu vachifamba mumugwagwa vakapfeka nguvo refu, dzine mavara. Zvitarisiko zvavo zvakanga zvakasiana nomuVenezuelawo zvake—matama marefu, ganda dzvuku, bvudzi dema rakatwasuka. Tichicherechedza kufamba kwavo kuri nyore, kwakaisvonaka, takafadzwa nokuona kwedu kwokutanga maIndia eGoajiro.
Zuva rorwendo rwedu kuLa Guajira Peninsula rakavamba kujeka nokunyarara. Zuva ramangwanani risati ravamba kupisa zvikuru, 50 vedu takakwira bhazi, tichifadzwa nokuva negoverano munhimbe chaiyo yorudzi rwose yokuendesa shoko reBhaibheri kunharaunda dziri kure muno muVenezuela. Tainanga kutaundi reParaguachón, riri pamuganhu neColombia.
Tichisiya guta reMaracaibo shure, takapfuura nomumataundi maduku nemisha zvakawanda, mumwe nomumwe nomusika notuzvitoro tunotengesa hwashu dzakarukwa nenguvo refu, dzakaisvonaka dzinonzi mantas. Musha uri wose waiva nedare rakatsvinda, rapakati nechechi ine mavara akajeka, zvichipa chiono chose chitarisiko chakanaka. Vanhu vose vaiva nezvitarisiko zvechiIndia. Kunyange zvazvo vakaratidzika kuva vakasiana kwazvo nesu, taifanira kuzviyeuchidza timene kuti ava vaiva vamwe vavaVenezuela vapakuvamba.
Kutsvaka Dzimba
Pakupedzisira takasvika kwataienda. Bhazi redu rakaenda parutivi pomugwagwa ndokumira parusvingo rwakaderera mumumvuri womuti wakapararira zvikuru. Pane rumwe rutivi rworusvingo pakanga pane chikoro chomumusha chomunzvimbomo—chakavharwa nemhaka yokuti yakanga iri Svondo.
Tichikamukana kuva mapoka maviri, takaenda munzira dzakasiana tichitsvaka dzimba. Taifanira kukoka munhu ari wose kuhurukuro yeBhaibheri yaizokurukurwa mumutauro weGoajiro panguva yechitatu masikati iwayo munhandare yechikoro. Evelinda, muIndia wemo weGoajiro, akanga ari shamwari yedu. Nenzira ine tariro, ikoku kwaizotiita vanogamuchirika zvikuru, nokuti kunyange zvazvo taigona kutaura chiSpain, hataiziva chinhu nezvomutauro weGoajiro.
Tangobuda bedzi mumusha, taiva nokufamba kwakawanda kwokuita pakati pedzimba. Sezvataifamba tichidzika nomugwagwa murefu, wakatwasuka une zvakamera zvakawanda pamativi ose ari maviri, mukomana muduku waanenge makore gumi okukura akafamba parutivi pedu ndokutarira kwatiri nechiringa chakajeka. Evelinda akamunyemwerera ndokutsanangura muchiGoajiro donzo reshanyo yedu kunharaunda yacho. Zita rake rakanga riri Omar, uye iye akamhanya pashure pokunge tamukoka kuhurukuro.
Tichibva mumugwagwa, takatevera nzira isina tara ichakatota nemvura dzemisi ichangobva kupfuura. Takaziva kuti idzi dzakanga dziri nzira dzavaverevedzi pakati peColombia neVenezuela. Mhepo yakanga yakazara nokunhuwira kwemiti yakasvibira. Kunyange zvazvo kupisa kwaiti dzvinyirirei, hakuna kuderedza mbavarira yedu. Zvisinei hazvo, nhamo yose yakakanganwiwa sezvo nzira inopfuura nomakasvibira mune miti yakawanda, mumativi apasi anopisa kamwe kamwe yakasvika pakachena pakuru—musha chaiwo weGoajiro.
Kutarisana navaGoajiro
Dzinenge mbudzi gumi nembiri, dzine mavara machena, matema, uye akatsvukuruka akaisvonaka, dzakarara mumumvuri, dzichizeya nenzira yokugutswa. Akarara pamubhedha wakarembera uri pakati pemiti miviri, mumwe mukadzi akanga achidyisa mwana wake. Vana vaviri vaitamba pedyopo. Iye aiva zvake panze pefenzi yemiti newaya yakakomba imba yamadhaka nemiti ine denga rakapfirirwa. Paiva nezvivako zvishomanene zvisina denga munharaunda macho. Chimwe sezviri pachena chaiva kicheni, umo mwoto wehuni wakanga uchipfuta pasi pakati pehari hombe. Matehwe embudzi akanga akarembera pedyo kuti aome.
Apo akationa tichisvika, mumwe murume akamira pageti akamhanyira mberi ndokuisa zvituru zviviri nokuda kwedu pedyo nomukadzi ari pamubhedha wakarembera. Evelinda akakwazisa murume wacho nomukadzi wacho mumutauro wavo ndokutsanangura tariro yapaMagwaro nokuda kwenguva yemberi achishandisa bhurocha rine mifananidzo raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Migariro ine rugare munharaunda macho yakatiudza kuti njodzi dzamarudzi ose kana kuti wedzero mukubirwa mumaguta akatsvikinyidziranwa haisati yaizova misoro yakafanira muno. Chimwe Chapupu chiri muboka chakanga chatsanangura kuti sezvo maIndia eGoajiro akati nyararei nomusikirwo, kunokosha kuratidza ushamwari nefariro yomunhu oga yechokwadi pakutanga. “Tinowanzobvunza pamusoro poutano hwemhuri, pamusoro pomukohwe, kana kwave kune mvura misi ichangobva kupfuura, uye zvichingodaro,” iye akadaro. “Ikoku kunozarura nzira yokuti tivaudze pamusoro poUmambo hwaMwari nokuvaratidza kuti Jehovha achakurumidza kubvisa kutambura kose naSatani Dhiabhorosi, uyo vanotya zvikuru.”
Sezvo Evelinda akataura, vateereri vake vakaratidzira bvumirano, uye nokukurumidza takakumbanirwa nomumwe mukadzi navana vanoverengeka. Takanga taziva pakuvamba kuti mutemo weGoajiro unobvumidza murume kuva navadzimai vanopfuura mumwe. Ikoko kungagona kuva kwakadaro muno here? Ikoku kwakatiita tifunge nezvaYenny, muGoajiro anokwezva ane makore 21 okukura anogara muMaracaibo. Mumwe murume weGoajiro akapfuma akapa roora rakanaka nokuda kwake. Asi vabereki vake, avo vasiri Zvapupu zvaJehovha, vakava nemifungo yakasiana. Kunyange zvazvo amai vake vakabvuma mubatanidzwa wacho, baba vaYenny vakati aiwa. Murume wacho akanga akatoroora mukoma waYenny!
Apo Evelinda akapedza mharidzo yake, murume wacho akawana bhurocha. Mukadzi akamira shure kwake akakumbirawo rimwe, uye takafara kubvuma. Pakasvika nguva iyeyo vasara vose veshamwari dzedu vakanga vatipfuura. Naizvozvo takakoka mhuri yacho kuhurukuro yamasikati ndokuenda, tisingadi kurasika muiyi nyika isina kurovedzeka.
Chapupu chimwe chomuboka chakarondedzera chakanga chaitika kwachiri. Mumwe murume aiva pamubhedha wakarembera akateerera nokungwarira sezvo mudzimai wake akatora donhodzo—magirazi maviri echicha, yakaitwa nechibage chakagaiwa. Norupfave, hama yedu yakagamuchira ndokuinwa. Gare gare, shamwari yake yechiGoajiro, Magaly, yakatsanangura kuti chinwiwa chacho chakaitwa sei. Kazhinji kazhinji, chibage chaikuiwa namazino! Hapana chaaigona kuita kunze kwokuseka sezvo akamuona achicheneruka nokukatyamadzwa.
Mumwe murume weIndia, sezvinooneka aororwa nenhamburiko yehama yedu yokusvika musha wake neshoko reBhaibheri, akaburuka pamubhedha wake wakarembera. Achipfeka hembe, iye pachake akavatungamirira kunzvimbo yakavanzwa iyo yakanga yafuratirwa.
Tichipfuura napamwe pakachena apo dzimwe dzeshamwari dzedu dzakanga dzichikurukura navakuru vemhuri, takaona boka ravana vaduku, vasina kupfeka vane matumbu akazvimba vakamira chinyararire pasi pomuti. Takaziva kuti uyu mugariro wakanga uri nemhaka yomubatanidzwa wokusawana zvokudya zvakakwana notunoruma. Vakawanda vaava vanhu havana mvura inoyerera uye havana mwoto wamagetsi. Ikoku, chokwadika, kunoreva kusava namafiriji, zvifefeto, kana kuti magetsi.
Vapindi Vasingakarirwi
Mangwanani akanga apfuura nokukurumidza zvikuru. Sezvatakadzokera kubhazi kuzodya zvokudya zvedu zvamasikati, takashamisika kuti vangani vaavo vakokwa vaizouya kuhurukuro yeBhaibheri yamasikati.
Pa 2:45 p.m., takashamisika kana boka redu raiva mubhazi raizova vateereri bedzi nokuda kwehama yedu yechiGoajiro, iyo yakanga yagadzirira hurukuro yamaminiti 45 mumutauro womunzvimbomo. Asi aiwa! Mhuri duku yokutanga yakapinda ichinyara munhandare yechikoro. Ivo vanofanira kuva vakashamiswa sezvo munhu ari wose akaita kuti vanzwe vakasununguka. Mumaminiti mashomanene akatevera, vamwe vakawanda vakasvika, vamwe sezvinooneka vachiva vakanga vafamba vachibva kure. Mhuri yaigara makachena maiva nembudzi gumi nembiri yakanga iripowo! Mukadzi aiva pamubhedha wakarembera akaratidzika kuva akasiana sei akapfeka manta yake yakatsvinda, nhema! Kunyange Omar muduku, watakataura kwaari pamugwagwa, akanga auya, sezviri pachena ari oga zvake. Sezvo vamwe vakasvika, sitepisi rimwe refu, rekongiri romunhandare yechikoro rakabatira sebhenji rakazara. Pana ikoko muchairi wedu webhazi ane ushamwari akatanga kubudisa zvigaro mubhazi kuti vanhu vagarire mukati mehurukuro.
Hwerengedzo yamaIndia eGoajiro 55 yakagara ndokuteerera sezvo Eduardo akapa hurukuro yeBhaibheri. Ivo havana kugara vakanyarara chose, kunyanguvezvo. Kana vakabvumirana nepfundo iro mukurukuri akaita, ivo vaizevezera kana kuti kutaura tendero yavo. Apo akataura pamusoro pomugumo uri kuuya wouipi, chembere yadudzwa pakutanga yakakumbanira. “Hungu, kune uipi hwakawanda,” iyo yakadaro, zvinonzwika zvakakwana kuti vose vanzwe. “Kutaura idi, pane vanhu vakaipa vakagara pano chaipo zvino. Naizvozvo ndinokarira kuti vari kuteerera!” Hama Eduardo nenzira yokungwarira pakutaura akabvuma tsinhiro yacho ndokupfuurira nehurukuro yake.
Pashure pokunge hurukuro yapera, mumwe weboka redu akatora pikicha. VaGoajiro vakada ikoko ndokukumbira kana vachifanira kusimudza mabhurocha avo aFarikanya Upenyu nokuda kwepikicha inotevera. Vamwe ipapo vakaenda pashoma napashoma, asi inenge hafu yakagara ndokutitarira tichikwira bhazi. Ivo vakatiita kuti tivimbise kudzokera, ipapo vakamira ndokuninira kutozosvikira bhazi risisaoneki.
Sezvo takachaira tichienda, hapana chataigona kuita kunze kwokunzwa kuti yakanga yave iri ropafadzo kuendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuava vanhu. Muzvinoitika zvakawanda vakanga vaanzwa kwenguva yokutanga imene. Zvapupu zvomuMaracaibo zvakanga zvichitotaura pamusoro peshanyo yazvo inotevera. Kwaizova nedzokerero kuiyi nhau here?
Dzokerero Inobudirira
Hama dzakadzokera mavhiki maviri gare gare. Zvitsama zvamabhuku eBhaibheri zvakagoverwa, shanyo dzedzokerero dzakaitwa pavanhu vanofarira, uye fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakatangwa. Uyezve, maIndia 79 akapinda musangano wavose wapachena wechipiri. Panhambo iyoyo hama dzakatsanangura kuti dzaizova dzichidzokera mumavhiki matatu panzvimbo pamaviri nemhaka yegungano redunhu. MaIndia akashamiswa. “Tingafa pamberi penguva iyoyo!” akadaro mumwe wavo. Vakabvunza chakanga chiri gungano redunhu. Kwakanzwika kwakanaka kwazvo zvokuti vakasarudza kuti vaida kuvapowo! Gadziriro dzakaitwa, uye 34 vavo vakakwanisa kupinda gungano racho muMaracaibo, umo hama dzinotaura chiGoajiro dzakavabetsera kunzwisisa purogiramu yechiSpain.
Kuda kwaJehovha ndokwokuti “marudzi ose avanhu anofanira . . . kusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:3, 4, NW) Mufaro wakadini kuona gamuchiro yakanaka yakadaro pakati paaya maIndia anotsvaka zvokwadi apa La Guajira Peninsula!
[Bhokisi riri papeji 26]
Upenyu Hunopfumiswa Nezvokwadi yeBhaibheri
Iris naMargarita, vechiduku vaviri vechiGoajiro, vakafadzwa kuona bhurocha raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Asi vaiva nechinetso. Ivo vaisaziva kurava. Chapupu chakashanya chakazvipira kuvabetsera kupfurikidza nekabhukwana kaDzidzai Kurava Nokunyora. Nokukurumidza, vasikana vakafadzwa nokukwanisa kunyora ndokududza nomazvo zita raJehovha.
Sezvo vakafambira mberi, vakashamiswa netariro inoshamisa inopiwa muBhaibheri. Ivo vakaororwa zvikuru nechipikirwa chokuti rudzi rwose rwomunhu ruchafarikanya rusununguko. “Upenyu pano hunosuruvarisa zvikuru nokuda kwedu vechiduku,” vakatsanangura kudaro. “Tinowanzoroodzwa pazera rapakuvamba zvikuru, uye kubatwa chibharo ingozi yenguva dzose.”
Pfundo guru nokuda kwaIris naMargarita kwakanga kuri kupinda kwavo gungano redunhu muMaracaibo. Zviso zvavo zvakaratidzira mufaro uyo vakanzwa mumwoyo yavo, zvikurukuru mukati mokuimbwa kwenziyo. Ivo nguva dzose vaimirira nokudisa pasuo apo Chapupu chaiuya nokuda kwefundo yeBhaibheri, uye havana kutongopotsa hurukuro yavose yakaitwa mumusha mavo. Ava vasikana vaduku vanonzwa kuti upenyu hwavo zvirokwazvo hwakapfumiswa nezivo yaJehovha Mwari nedonzo rake.