RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/15 pp. 10-15
  • Roorano Ndicho Chinokosha Bedzi Kumufarwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Roorano Ndicho Chinokosha Bedzi Kumufarwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikonzero Zvokuva Vanofara
  • “MunaShe Bedzi”
  • Kusakwanisa Kuroora “munaShe”
  • Chinokosha Kumufarwa Wechokwadi
  • “Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Vanakomana Navanasikana”
  • Roorano Haisati Iri Chinokosha Bedzi Kumufarwa
  • Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Mazano Okuchenjera Kune Vari Muwanano Nevasiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/15 pp. 10-15

Roorano Ndicho Chinokosha Bedzi Kumufarwa Here?

“Iye asununguka kuti aroorwe newaanoda, munaShe bedzi. Asi anofara zvikuru kana iye akaramba ari sezvaakaita.”—1 VAKORINTE 7:39, 40, NW.

1. Magwaro anorondedzera sei Jehovha, uye chii chaakaitira zvisikwa zvake?

JEHOVHA ndi“Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) SoMugoveri weZvakawanda zve“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana,” anoita kuti zviwanike kuzvisikwa zvake zvose zvakangwara—zvohunhu nezvomudzimu—zvazvinoda chaizvoizvo kuti zvifare mubasa rake. (Jakobho 1:17) Nokuda kwaikoko, shiri iri kuimba zvakazara, mbwanana inotamba nomufaro, kana kuti dolphin inotamba zvose zvinopupurira kuti Jehovha akasika mhuka kuti dzifarikanye upenyu munzvimbo dzadzo dzakatsaukana. Wezvamapisarema anotosvika pakutaura nenzira yokudetemba kuti “miti yaJehovha inoguta; iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.”—Pisarema 104:16.

2. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu anowana mufarwa mukuita kuda kwaBaba vake? (b) Zvikonzeroi zvomufarwa izvo vadzidzi vaJesu vaiva nazvo?

2 Jesu Kristu ndiye ‘mufananidzo chaiwo wokuvapo kumene kwaMwari.’ (VaHebheru 1:3) Hakushamisi, ipapoka, kuti Jesu anofanira kudanwa kuti “Mambo woga bedzi anofara.” (1 Timotio 6:15, NW) Iye anotigovera muenzaniso unoshamisa wokuti kuita kuda kwaJehovha kunogona kugutsa zvikuru sei kupfuura zvokudya, kuchigovera mufaro wakakwana. Jesu anotiratidzawo kuti kunogona kuva nefarikanyo pakuita mukutya Mwari, ndiko kuti, noruremekedzo rukuru nokutya kuMutsamwisa kwakanaka. (Pisarema 40:8; Isaya 11:3; Johane 4:34) Apo vadzidzi 70 vakadzokera “nomufaro” pashure pechakairo yokuparidza Umambo, Jesu amene “wakafara no[mudzimu, NW] mutsvene.” Pashure pokutaura mufaro wake kuna Baba vake mumunyengetero, akatendeukira kuvadzidzi ndokuti: “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa. Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona, vakasazviona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.”—Ruka 10:17-24.

Zvikonzero Zvokuva Vanofara

3. Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvomufarwa?

3 Meso edu haafaniri kuva anofara here kuona zvinhu zvatinoona muzadziko yeShoko raJehovha uye madonzo munguva ino yomugumo? Hatifaniri kuva vanofara zvikuru kunzwisisa mauporofita ayo vaporofita vakatendeka namadzimambo vakadai saIsaya, Dhanieri, uye Dhavhidhi vasina kugona kunzwisisa here? Hatifadzwi here kubatira Mwari anofara, Jehovha, munhungamiro yaMambo anofara, Mambo wedu Jesu Kristu? Chokwadika tinofara!

4, 5. (a) Kuramba tichifara mubasa raJehovha, tinofanira kudzivisei? (b) Ndizvimwe zvinhui zvinobetsera kumufarwa, uye mubvunzoi unomutsa ikoku?

4 Kana tichida kuramba tichifara mubasa raMwari, zvisinei, hatifaniri kuvakira zvinodikanwa zvedu zvomufarwa pamifungo yenyika. Iyoyi inogona nyore nyore kudzimaidza kufunga kwedu nemhaka yokuti inobatanidza pfuma yokunyama, mararamire okuzvitutumadza, uye zvakafanana. “Mufarwa” upi noupi unovakirwa pazvinhu zvakadaro uchava wechinguvana, nokuti nyika ino iri kupfuura.—1 Johane 2:15-17.

5 Vazhinjisa vavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vanoziva kuti kuwana nharidzano dzenyika hakusati kuchizounza mufarwa wechokwadi. Baba vedu vokudenga bedzi vanogovera zvinhu zvomudzimu nezvokunyama izvo zvinobetsera kumufarwa wechokwadi wavabatiri vake. Tinoonga sei nokuda kwezvokudya zvomudzimu zvavanotipa kupfurikidza “nomuranda akatendeka naakachenjera”! (Mateo 24:45-47, NW) Tinoongawo nokuda kwezvokudya zvomuviri uye zvimwe zvinhu zvokunyama zvatinogamuchira kuruoko rune rudo rwaMwari. Ipapowo, pane chipo chinoshamisa cheroorano uye mifaro ine chokuita noupenyu hwemhuri. Hakushamisi nei chishuvo chomwoyo wose chaNaome nokuda kwavaroora vake chirikadzi chakataurwa naaya mashoko: “Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake.” (Rute 1:9) Naizvozvo roorano ndicho chinokosha chinogona kuzarura suo kumufarwa mukuru. Asi roorano ndicho chinokosha bedzi chinozarura nzira kuupenyu hunofadza here? Vaduku zvikurukuru vanodikanirwa kunzvera zvakakomba kana izvi zvirizvo.

6. Mukuwirirana naGenesi, nderipi raiva donzo guru regadziriro yeroorano?

6 Richirondedzera mavambo eroorano, Bhaibheri rinoti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: ‘Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.’” (Genesi 1:27, 28) Kupfurikidza nokutanga kwaJehovha roorano, Adhama akashandiswa kuti apinze zvisikwa zvohunhu zvakawanda mukuvapo, nokudaro achikudza rudzi rwomunhu. Asi kune zvakawanda kupfuura izvi kuroorano.

“MunaShe Bedzi”

7. Ndichinodikanwai cheroorano icho mumwe tateguru akatendeka akaita nhamburiko kuzadzika?

7 Sezvo Jehovha Mwari ari Muvambi weroorano, tingamukarira kugadza mipimo nokuda kweroorano iyo yaizoguma nomufarwa wavabatiri vake. Munguva dzamadzitateguru, roorano kuavo vaisava vanamati vaJehovha yakanga ichidziviswa zvakasimba. Abrahama akaita kuti mubatiri wake Eriezeri apike naJehovha kuti aisazotorera mwanakomana watateguru Isaka mudzimai kuvaKanani. Eriezeri akaita rwendo rurefu uye akasanotevera miraidzo yaAbrahama kuti awane ‘mukadzi uyo Jehovha akagovera nokuda kwomwanakomana watenzi wake.’ (Genesi 24:3, 44) Naizvozvo Isaka akaroora Rebheka. Apo mwanakomana wavo Esau akasarudza vadzimai vakabva pakati pavaHeti vechihedheni, ava vakadzi “vakarwadza mwoyo waIsaka naRebheka.”—Genesi 26:34, 35; 27:46; 28:1, 8.

8. Iganhuriroi yakaiswa paroorano nesungano yoMutemo, uye nei?

8 Musungano yoMutemo, kuroorwa navarume kana kuti kuroora vakadzi vamarudzi akadudzwa echiKanani kwakanga kuchirambidzwa. Jehovha akarairidza vanhu vake, kuti: “Usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake. Nokuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari; naizvozvo Jehovha uchakutsamwirai kwazvo, akakurumidza kukuparadza.”—Dheuteronomio 7:3, 4.

9. Izanoi paroorano iro Bhaibheri rinopa kumaKristu?

9 Hakusati kuchishamisa kuti ganhuriro dzakafanana pakuroora avo vasati vachinamata Jehovha dzinofanira kushanda mukati meungano yechiKristu. Muapostora Pauro akapa zano vatendi biyake, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seiko neBheriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?” (2 VaKorinte 6:14, 15) Zano iroro rinoshanda munzira dzakasiana-siana uye zvamazvirokwazvo rinoshanda kuroorano. Murairidzo wakajeka waPauro kuvabatiri vose vakazvitsaurira vaJehovha ndowokuti ivo vanofanira kurangarira kuroora mumwe munhu “munaShe bedzi.”—1 VaKorinte 7:39, NW, mashoko omuzasi.

Kusakwanisa Kuroora “munaShe”

10. Chii icho maKristu akawanda asina kuroora ari kuita, uye mubvunzoi unomuka?

10 MaKristu akawanda asina kuroora akasarudza kutevera muenzaniso waJesu Kristu kupfurikidza nokusakurira chipo chokusaroora. Ipapo zvakare, nemhaka yokusakwanisa panguva ino kuwana mukwanyina anotya Mwari ndokudarozvo kuroora “munaShe,” maKristu akawanda akavimbika akaisa chivimbo chawo muna Jehovha uye akaramba asina kuroora panzvimbo pokuroora asingatendi. Mudzimu waMwari unobereka mukati mavo zvibereko zvakadai somufaro, rugare, kutenda, uye kuzvidzora, kuvagonesa kuchengeta kusaroora kwakachena. (VaGaratia 5:22, 23) Vari pakati paavo vanosangana nenzira inobudirira nouyu muedzo wokuzvipira kuna Mwari chiverengero chakati chehanzvadzi dzedu dzechiKristu, avo tinoremekedza zvikurusa. Munyika dzakasiana-siana, ivo vanopfuura hama uye naizvozvo vane goverano huru mubasa rokuparidzira. Zvamazvirokwazvo, “Jehovha amene akataura shoko; vakadzi vanotaura mashoko akanaka ihondo huru.” (Pisarema 68:11, NW) Zvamazvirokwazvo, vabatiri vaMwari vakawanda vasina kuroora vose vari vaviri varume navakadzi vari kuchengeta perero nemhaka yokuti ivo ‘vanovimba naJehovha nomwoyo wavo wose, uye ari kururamisa nzira dzavo.’ (Zvirevo 3:5, 6) Asi avo vasingagoni kuroora panguva ino “munaShe” vane chokwadi chokuva vasingafari here?

11. MaKristu ayo anoramba asina kuroora nokuda kwokuremekedza nheyo dzeBhaibheri anogona kuvimbiswa nezvechii?

11 Ngatiyeukei kuti tiri Zvapupu zvaMwari anofara, Jehovha, zvinobatira pasi paMambo anofara, Jesu Kristu. Naizvozvo kana ruremekedzo rwedu nokuda kweganhuriro dzakavanzarikwa zvakajeka muBhaibheri ruchifanira kutisunda kuramba tisina kuroora nemhaka yokusakwanisa kuwana mukwanyina weroorano “munaShe,” kune mufungo here kufunga kuti Mwari naKristu vangatisiya tisingafari? Zvamazvirokwazvo kwete. Nokudaro, tinofanira kugumisa kuti kunobvira kuva vanofara samaKristu tiri mumugariro wokusaroora. Jehovha anogona kutiita kuti tifare zvirokwazvo kana takaroora kana kuti tisina.

Chinokosha Kumufarwa Wechokwadi

12. Chinoitika chengirozi dzisingateereri chinoratidzirei pamusoro peroorano?

12 Roorano haisati iri chinokosha bedzi kumufarwa nokuda kwavabatiri vose vaMwari. Rangarira, somuenzaniso, ngirozi. Pamberi paMafashamo, dzimwe ngirozi dzakasakurira zvishuvo zvisiri zvomuzvarirwo nokuda kwezvisikwa zvomudzimu, dzakava dzisingagutswi kuti dzaisagona kuroora, uye dzakapfeka miviri yohunhu kuti dzitore vakadzi savadzimai. Nemhaka yokuti idzi ngirozi nokudaro “dzakasiya nzvimbo yadzo dzimene yakafanira yokugara,” Mwari “aka[dzi]chengeta nezvisungo zvisingagumi murima guru nokuda kworutongeso rwezuva guru.” (Judhasi 6, NW; Genesi 6:1, 2) Nenzira yakajeka, Mwari haana kutongoronga kuti ngirozi dziroore. Naizvozvo roorano yaisambogona kuva chinokosha kumufarwa wadzo.

13. Neiko ngirozi tsvene dzichifara, uye ikoku kunoratidzirei nokuda kwavabatiri vose vaMwari?

13 Bva, ngirozi dzakatendeka dzinofara. Jehovha akavanzarika hwaro hwapasi “nyeredzi dzamangwanani dzikaimba nomufaro uye vanakomana [vengirozi] vaMwari vakapururudza pamawa.” (Jobho 38:7, The New Jerusalem Bible) Neiko ngirozi tsvene dzichifara? Nemhaka yokuti idzo dzina Jehovha Mwari nguva dzose, “dzichiteerera inzwi reshoko rake” kuti dzigoriita. Dzinofarira ku“ita zvinomufadza.” (Pisarema 103:20, 21, mashoko omuzasi) Hungu, mufarwa wengirozi tsvene unobva mukubatira Jehovha nokutendeka. Ikoko ndiko chinokosha kumufarwa wechokwadi nokuda kwavanhuwo. Nokuda kwechikonzero ichocho, maKristu akazodzwa akaroora anobatira Mwari nomufaro zvino haasati achizoroora apo anomutsirwa kuupenyu hwokudenga, asi achava anofara sezvisikwa zvomudzimu zvinoita kuda kwoumwari. Vangave vakaroora kana kuti vasina, ipapoka, vose vavabatiri vakavimbika vaJehovha vanogona kuva vanofara nemhaka yokuti hwaro hwechokwadi hwomufarwa ibasa rokutendeka kuMusiki.

“Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Vanakomana Navanasikana”

14. Chipikirwai chouporofita chakapiwa kungomwa dzoumwari muna Israeri wakare, uye neiko ikoku kungaratidzika kuva kwechienzi?

14 Kunyange kana muKristu akatendeka asingatongoroori, Mwari anogona kuvimbisa mufarwa waiyeyo. Kurudziro inogona kuwanwa kubva mumashoko aya akataurwa nenzira youporofita kungomwa muna Israeri wakare, anoti: “Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, vanochengeta masabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu: ‘Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita [chimwe chinhu chiri nani kupfuura vanakomana navanasikana, NW]; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.’” (Isaya 56:4, 5) Mumwe angave akakarira kuti ava vanhu vamwe navamwe vaizopikirwa mudzimai navana kuti vapfuuridzire zita ravo. Asi vakapikirwa “chimwe chinhu chiri nani kupfuura vanakomana navanasikana”—zita risingaperi mukati meimba yaJehovha.

15. Chii chingataurwa pamusoro pezadziko yaIsaya 56:4, 5?

15 Kana idzi ngomwa dzikarangarirwa somufananidzo wouporofita unobatanidza “Israeri waMwari,” idzo dzinomirira vakazodzwa avo vanogamuchira nzvimbo isingagumi mukati meimba yomudzimu yaJehovha, kana kuti tembere. (VaGaratia 6:16, NW) Pasina panikiro, uhu uporofita huchava nokushanda chaikoiko kungomwa dzoumwari dzaIsraeri wakare idzo dzinomutswa. Kana dzikagamuchira chibairo chorudzikinuro chaKristu ndokupfuurira kusarudza izvo Jehovha anofarira, dzichagamuchira “zita risingaperi” munyika itsva yaMwari. Ikoku kungagonawo kushanda kuavo va“mamwe makwai” munguva ino yomugumo avo vanorega roorano nohubereki kuti vazvipe vamene zvizere zvikuru kubasa raJehovha. (Johane 10:16) Vamwe vavo vangafa vasina kuroora uye vasina vana. Asi kana ivo vakatendeka, murumuko vachagamuchira “chimwe chinhu chiri nani kupfuura vanakomana navanasikana”—zita “risingazoparadzwi” mutsika itsva yezvinhu.

Roorano Haisati Iri Chinokosha Bedzi Kumufarwa

16. Neiko kuchigona kutaurwa kuti roorano haiunzi mufarwa nguva dzose?

16 Vamwe vanhu vanonzwa kuti mufarwa une chokuita nenzira isingaparadzaniswi neroorano. Kunofanira kubvumwa, zvisinei, kuti kunyange pakati pavabatiri vaJehovha nhasi, roorano haisati ichiunza mufarwa nguva dzose. Inopedza zvimwe zvinetso asi kazhinji kazhinji inoparira zvimwe izvo zvinogona kuva zvakaoma zvikuru kubata nazvo kupfuura zvinowanikwa navanhu vasina kuroora. Pauro akataura kuti roorano inounza ‘dambudziko munyama.’ (1 VaKorinte 7:28) Pane nguva apo munhu akaroora ano“funganya” uye “akakamukana.” Iye kazhinji kazhinji anokuwana kwakaoma kuva ano“batira Ishe nguva dzose pasina chinotsausa.”—1 VaKorinte 7:33-35, NW.

17, 18. (a) Chii icho vamwe vatariri vanofambira vakashuma? (b) Izanoi rakapa Pauro, uye neiko kuchibetsera kurishandisa?

17 Zvose zviri zviviri roorano nokusaroora zvipo zvinobva kuna Mwari. (Rute 1:9; Mateo 19:10-12) Kubudirira mumugariro upi noupi, zvisinei, kufunga kwokunyengetera kunokosha. Vatariri vanofambira vanoshuma kuti Zvapupu zvakawanda zviri kuroora zviri zviduku zvikuru, kazhinji kazhinji zvichiva vabereki izvo zvisati zvagadzirira kutakura mitoro inovapo somuuyo. Dzimwe dzeidzi roorano dzinoputsika. Vamwe vanyakuroorana vanogonana nezvinetso zvavo, asi roorano yavo haina kuvaunzira mufarwa. Sokunyora kwakaita munyori wemitambo weEngland William Congreve, avo vanoroora nokukurumidza “vangava nenguva refu yokuzvidemba pamusoro pechiito chavo.”

18 Vatariri vamatunhu vanoshumawo kuti dzimwe hama duku dzinorega kukumbira nokuda kwebasa reBheteri kana kuti kuzvipira nokuda kweChikoro Chokurovedza Vashumiri nemhaka yechinodikanwa chokuramba vasina kuroora kwenguva yakati. Asi Pauro anopa zano rokusaroora munhu asati “apfuura kukura zvakakwana kwoupwere,” ndiko kuti, kumira kutozosvikira kuchidziro yokutanga yesundo yevatano yaderera. (1 VaKorinte 7:36-38, NW) Makore anopedzwa uchirarama somunhu akura asina kuroora anogovera munhu ruzivo rwokuzviwanira runokosha nenzwisiso, achimuisa munzvimbo iri nani zvikuru yokusarudza mukwanyina weroorano kana kuti kuita chisarudzo chinorangarirwa nomutoo wokungwarira chokuramba usina kuroora.

19. Tingarangarira sei zvinhu kana tisina chinodikanwa chaichoicho cheroorano?

19 Vamwe vedu vakapfuura kukura zvakakwana kwoupwere, nekuchidziro dzako dzakasimba nokuda kwevatano. Tingarangarira panguva nenguva zvikomborero zveroorano asi chaizvoizvo tine chipo chokusaroora. Jehovha angaona kuti tinomubatira nokubudirira tiri mumugariro wokusaroora uye tisina chinodikanwa chaichoicho cheroorano, iyo ingada kuti tirege ropafadzo dzakati mubasa rake. Kana roorano isati iri chinodikanwa chomunhu oga uye tisina kukomborerwa nomukwanyina, Mwari angave akatichengetera chimwe chinhuwo zvacho. Naizvozvo ngatishandisei kutenda kuti iye achagovera zvatinoda. Mufarwa mukurusa unobva mukugamuchira nokuzvininipisa icho chinoratidzika kuva kuda kwaMwari nokuda kwedu, kunyange sezvo hama dzechiJudha ‘dzakabvuma ndokurumbidza Mwari’ pakuziva kuti iye akanga abvumira Vamarudzi rupfidzo kuti vagogona kuva noupenyu.—Mabasa 11:1-18.

20. (a) Izanoi pamusoro pokusaroora rinopiwa pano kumaKristu maduku? (b) Ipfundoi guru pamusoro pomufarwa rinoramba riri rechokwadi?

20 Naizvozvo, ipapoka, roorano inogona kuva chinokosha kumufarwa, kunyange zvazvo ichigonawo kuzarura suo kuzvinetso. Chimwe chinhu ndechechokwadi: Roorano haisati iri nzira bedzi yokuwana nayo mufarwa. Zvinhu zvose zvarangarirwa, naizvozvo kungava kuchenjera, zvikurukuru nokuda kwamaKristu maduku, kuedza kuwanira nzvimbo makore akawanda okusaroora. Makore akadaro anogona kushandiswa zvakanaka kubatira Jehovha uye kufambira mberi mumudzimu. Pasinei zvapo nezera kana fambiro mberi yomudzimu, zvisinei, iri pfundo guru rinoramba riri rechokwadi nokuda kwaavo vose vakazvitsaurira chose chose kuna Mwari: Mufarwa wechokwadi unowanwa mubasa rokutendeka kuna Jehovha.

Waizopindura Sei?

◻ Neiko vabatiri vaJehovha vachifara?

◻ Neiko roorano isati iri chinokosha kumufarwa mukurusa?

◻ Muchisarudzo chomukwanyina weroorano, chii chinodiwa kuvanhu vaJehovha?

◻ Neiko kune mufungo kudavira kuti maKristu anoramba asina kuroora anogona kufara?

◻ Chii chinofanira kubvumwa pamusoro peroorano nomufarwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe