RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/1 pp. 19-23
  • Ramba Wakamuka mu“Nguva Yomugumo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Wakamuka mu“Nguva Yomugumo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rwisa Kutsauka
  • Nyengetera Muuchokwadi Hwose
  • Sanoomerera Kusangano raJehovha Nebasa Raro
  • Zvinzvere
  • Fungisisa Mauporofita Akazadzikwa
  • Ruponeso Rwava Pedyo Zvikuru Kupfuura Patakava Vatendi
  • “Rambai Makarinda”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Iva Akagadzirira Zuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Rambai Makamuka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Tiri Kuramba Takamuka Here—Tichidzivisa Zvinotsausa?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/1 pp. 19-23

Ramba Wakamuka mu“Nguva Yomugumo”

“Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakagadzwa inosvika rini.”—MARKO 13:33, NW.

1. Tinofanira kuita sei sezvo zvinoitika zvinofadza zvinopetenuka muino “nguva yomugumo”?

SEZVO zvinoitika zvinofadza zvinopetenuka muino “nguva yomugumo,” maKristu anofanira kuita sei? (Dhanieri 12:4, NW) Haasiiwi mupanikiro. Jesu Kristu akataura uporofita hune chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji icho chave chichizadzika muzana rino ramakore rechi 20. Iye akadeya kutaura mativi mazhinji ayo akaratidzira nhambo ino chifo cha 1914 seyechienzi. Achiva akarovedzana nouporofita hwaDhanieri pamusoro pe“nguva yomugumo,” Jesu akapedzisa uporofita hwake amene hukuru kupfurikidza nokukurudzira vadzidzi vake kuti “rambai makamuka.”—Ruka 21:36, NW.

2. Neiko kune kudikanwa kukuru kwokuramba takamuka mumudzimu?

2 Kurambireiko takamuka? Nemhaka yokuti ino ndiyo nguva ine ngozi zvikurusa munhau yomunhu. Kuti maKristu atere kukurara kwomudzimu panguva ino kwaizova kune ngwavaira. Kana tikava vasingaitiri hanya kana kuti kubvumira mwoyo yedu kuremedzwa nefunganyo dzoupenyu, tichava mungozi. Pana Ruka 21:34, 35, Jesu Kristu akatinyevera, kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro poupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose.”

3, 4. (a) Jesu akareveiko kupfurikidza nokutaura kuti zuva raMwari rehasha raizouya kamwe kamwe pavanhu so“musungo”? (b) Sezvo Mwari asingateyi musungo, neiko zuva iroro richasvikira vanhu vose zvavo nenzira isingakarirwi?

3 Kwakanga kuri nechikonzero chakanaka kuti Jesu akati zuva raJehovha richava ‘kamwe kamwe patiri somusungo.’ Musungo kazhinji kazhinji unoshongedzerwa nechishwe, uye unoshandiswa nokuda kwokubata shiri nemhuka. Musungo une rukungiso, uye ani naani anopinda mauri anodenha rukungiso. Musungo ipapo unosunga, uye nyajambwa anobatwa. Kwose ikoku kunoitika kamwe kamwe zvikuru. Nenzira yakafanana, Jesu akati, vasingaiti basa mumudzimu vachashamisika uye vachakurirwa mu“zuva [raMwari] rokutsamwa.”—Zvirevo 11:4.

4 Jehovha Mwari ndiye uyo anoteya musungo nokuda kwavanhu here? Aiwa, haana kumirira kubvurira vanhu kuti avaparadze. Asi zuva iroro richakurira vanhu vose nemhaka yokuti havapi rangariro huru kuUmambo hwaMwari. Vanofamba munzira yavo vamene muzvirondwa zvoupenyu, vachifuratira revo yezvinoitika zvakavapoteredza. Ikoku, zvisinei, hakuchinji rudungwe rwaMwari. Iye ane nguva yake amene yakagadzwa yokugadzikisa nhau. Uye, nenzira yengoni, haasiyi rudzi rwomunhu rusingazivi rutongeso rwake runouya.—Marko 13:10.

5, 6. (a) Nemhaka yorutongeso runouya, igadziriroi yorudo iyo Musiki akaitira zvisikwa zvohunhu, asi nomuuyoi wavose? (b) Chii chicharangarirwa kutibetsera kuramba takamuka?

5 Iyi nyevero yapachine nguva mberi igadziriro yorudo yoMusiki mukuru, uyo anofarira garikano yezvisikwa zvohunhu pano pachitsiko chetsoka dzake chokufananidzira. (Isaya 66:1) Anofarira vagari venzvimbo apo tsoka dzake dzinotaurwa nezvadzo sedzakatsika. Naizvozvo kupfurikidza navamiriri vake vapasi nenhume, iye anovanyevera nezvezvinoitika zviri mberi kwavo. (2 VaKorinte 5:20) Bva, pasinei hapo nenyevero yose inopiwa, zvinoitika izvozvo zvichasvika pamhuri yomunhu nenzira isingakarirwi sokunge vapinda mumusungo. Neiko? Nemhaka yokuti vanhu vazhinjisa vakakotsira mumudzimu. (1 VaTesaronika 5:6) Chiverengero chiduku zvikuru bedzi chinoteerera nyevero uye chichapukunyuka ndokupinda munyika itsva yaMwari.—Mateo 7:13, 14.

6 Tinogona sei, ipapoka, kuramba takamuka munguva ino yomugumo kuti tiverengerwe pakati paavo vachaponeswa? Jehovha anogovera betsero inodikanwa. Ngaticherekedzei zvinhu zvinomwe izvo tinogona kuita.

Rwisa Kutsauka

7. Inyeveroi pamusoro pokutsauka iyo Jesu akapa?

7 Kutanga, tinofanira kurwisa kutsauka. Pana Mateo 24:42, 44, Jesu akati: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.” Mutauro uyo Jesu akashandisa pano unoratidzira kuti panguva ino inotambudza, paizova nokutsauka kwakawanda, uye kutsauka kwaigona kutungamirira kuruparadziko. Muzuva raNoa zvinhu zvizhinji zvakabatikanisa vanhu. Somuuyo, vanhu vakatsauswa havana “kucherekedza” chakanga chichiitika, uye Mafashamo akavatsvaira vose. Nenzira inowirirana, Jesu akanyevera, kuti: “Ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:37-39, NW.

8, 9. (a) Zvirondwawo hazvo zvoupenyu zvinogona sei kutitsausa nenzira ine ngozi? (b) Inyeveroi idzo Pauro naJesu vakatipa?

8 Yeukawo kuti munyevero yake iri pana Ruka 21:34, 35, Jesu akanga achikurukura mativiwo zvawo oupenyu, akadai sokudya, kunwa, uye funganyo pamusoro pokurarama. Zvinhu zvinozivikanwa navanhu vose, kubatanidza vadzidzi vaShe Jesu. (Enzanisa naMarko 6:31.) Izvi zvinhu zvingava zvisingakuvadzi mazviri zvimene, asi kana zvikabvumirwa, zvinogona kutitsausa, kutibatikanisa, uye nokudaro kuparira kurara kwomudzimu kune ngozi matiri.

9 Naizvozvo, ngatisaregeredze chinhu choukoshi hukurusa—kuwanwa kwetendero youmwari. Panzvimbo pokunyanyobatikana muzvinhuwo hazvo zvoupenyu, ngatizvishandisei bedzi kusvikira kumwero wakaganhurirwa unodikanwa kutitsigira. (VaFiripi 3:8) Hazvifaniri kutsvikinyidzira kunze fariro dzoUmambo. Sokutaura kunoita VaRoma 14:17 (NW), “umambo hwaMwari hahurevi kudya nokunwa, asi hunoreva kururama norugare nomufaro nomudzimu mutsvene.” Yeuka mashoko aJesu paakati: “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu izvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Uyezve, pana Ruka 9:62, Jesu akazivisa, kuti: “Hakuna munhu ungati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa no[umambo, NW] hwaMwari.”

10. Ingozii iripo kana tikasachengeta meso edu akatarira zvakananga mberi kunharidzano?

10 Patinongotanga bedzi kurima, kutaura nenzira yokufananidzira, tinofanira kurambira mumutsetse wakatwasuka. Murimi anotarira shure haasati achizorima muforo wakatwasuka. Anotsauswa uye anogona nenzira iri nyore kutsauswa kana kuti kumiswa nechinodzivisa chakati. Ngatisavei vakafanana nomudzimai waRoti, uyo akatarira shure ndokukundikana kuenda kukotsekano. Tinofanira kuchengeta meso edu akatarira zvakananga mberi kunharidzano. Kuti tiite kudaro tinofanira kurwisa kutsauka.—Genesi 19:17, 26; Ruka 17:32.

Nyengetera Muuchokwadi Hwose

11. Chii icho Jesu akasimbisa pashure pokutinyevera nezvengozi yokutsauka?

11 Pane, zvisinei, zvakawanda zvatinogona kuita kuti tirambe takamuka. Chinhu chechipiri chinokosha ndeichi: Nyengetera muuchokwadi hwose. Pashure pokutinyevera pamusoro pokutsauswa kupfurikidza nezvirondwawo hazvo zvoupenyu, Jesu akapa iri zano: “Rindai nguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:36.

12. Rudzii rwomunyengetero runodikanwa, uye nomuuyoi?

12 Nokudaro, tinofanira kuita mukumbiro wenguva dzose pamusoro pengozi yomugariro wedu nedikanwo yedu yokuva vakasvinurira. Naizvozvo ngatiende kuna Mwari nenzira yokunyengetera nemikumbiro yapachokwadi. Pauro anoti pana VaRoma 12:12, (NW): “Pfuurirai mumunyengetero.” Uye pana VaEfeso 6:18 (NW), tinorava, kuti: “Nechimiro chiri chose chomunyengetero nomukumbiro . . . , pfuurirai mumunyengetero panhambo iri yose mumudzimu. Uye nedonzo iroro rambai makamuka musingachinji.” Iyi haisati ichingovawo hayo nhau yokupa munyengetero sokunge kuti inhauwo zvayo isingakoshi. Kuvapo kwedu kumene kuri mungozi. Naizvozvo tinoda kukumbira zvapachokwadi nokuda kwebetsero youmwari. (Enzanisa naVaHebheru 5:7.) Nenzira iyoyo tichazvichengeta timene tiri kurutivi rwaJehovha. Hakuna chinhu chichava chinobetsera zvikuru mukutibetsera kuita ikoku kupfuura kuti ‘nguva yose tikumbire.’ Jehovha ipapo achatichengeta tiri mumugariro wokuziva kwokungwarira. Kunokosha sei, ipapoka, kupfuurira mumunyengetero!

Sanoomerera Kusangano raJehovha Nebasa Raro

13. Isonganiro yorudzii inodikanwa kuramba takamuka?

13 Tinoda kupukunyuka zvinhu izvi zvose izvo zvichawira nyika. Tinoda kumira pamberi poMwanakomana womunhu, tine tendero yake. Nedonzo irori pane chinhu chechitatu chatinogona kuita: Sanoomerera nenzira isingaputsiki kusangano roubati ushe hwaMwari raJehovha. Tinofanira kusonganirana nenzira isina kuganhurirwa nesangano iroro ndokugoverana mumibato yaro. Neiyi nzira tichazvizivisa timene nenzira yokusakanganisa samaKristu akarinda.

14, 15. (a) Kubatikana mubasai kuchatibetsera kuramba takamuka? (b) Ndiani anosarudza apo basa rokuparidzira rinopedzwa, uye tinofanira kunzwa sei pamusoro paro? (c) Pashure pedambudziko guru, chii chatichanzwisisa patinotarira shure pakuparidzira Umambo kwakaitwa?

14 Chakasanobatanidzwa chinhu chechina icho chinogona kutibetsera kuramba takamuka. Tinofanira kuva pakati paavo vari kunyevera vanhu nezvomugumo unouya wetsika ino yezvinhu. Mugumo wakakwana wetsika ino yekare yezvinhu hausati uchizoitika kusvikira “aya mashoko akanaka oumambo” aparidzirwa kusvikira kutambanuko iyo Mwari Wamasimba ose akaita donzo. (Mateo 24:14, NW) Zvapupu zvaJehovha hazvisati zviri izvo zvinofanira kusarudza apo basa rokuparidzira rinenge rapedzwa. Jehovha anochengeta maruramiro akadaro kwaari amene. (Marko 13:32, 33) Isu, kunyanguvezvo, takatsunga kushanda zvakaoma sezvinobvira uye kwenguva refu iri madikanwa mukuparidzira pamusoro pehurumende yakanakisisa iyo rudzi rwomunhu rwati rwaigona kuva nayo, Umambo hwaMwari. Kutanga kwe“dambudziko guru” kuchasvika apo tinenge tichiri vakabatikana muiri basa. (Mateo 24:21, NW) Mukati menguva yose yomunguva yemberi, vanoponeswa vachakwanisa kutarira shure ndokusimbisa nomwoyo wose kuti Jesu Kristu akanga asiri muporofita wenhema. (Zvakazarurwa 19:11) Basa rokuparidzira richave rapedzwa kusvikira kumwero mukuru zvikuru kupfuura wakanga uchikarirwa naavo vanogoverana mariri.

15 Nenzira inowirirana, panguva inokosha apo iri basa richave rapedzwa kugutsikano yaMwari amene, vazhinji sezvingabvira vachave vachigoverana mariri kupfuura panhambo ipi neipi yakapfuura. Tichava vanoonga sei kuva takagoverana muiri basa guru! Muapostora Petro anotipikira kuti Jehovha “haashuvi kuti upi noupi aparadzwe asi anoshuva kuti vose vasvike parupfidzo.” (2 Petro 3:9, NW) Naizvozvo, simba rinobate basa raMwari Wamasimba ose riri kushanda nhasi zvikuru kwazvo kupfuura kare kose, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoshuva kupfuurira muuyu mubato unosundwa nomudzimu. Naizvozvo sanoomerera kusangano raJehovha, uye iva akabatikana muushumiri hwaro hwapachena. Ikoku kuchava yamuro mukuramba kwako wakamuka.

Zvinzvere

16. Neiko tichifanira kunzvera mugariro wedu wazvino womudzimu?

16 Pane chinhu chechishanu chatinogona kuita kuti tirambe takamuka. Somunhu oga, tinofanira kunzvera mugariro wedu wazvino. Ikoku kwakafanira zvino kupfuura kare kose. Tinofanira kubvumikisa kuti tiri kurutivi rwaani rwatakamira zvakasimba. Pana VaGaratia 6:4 (NW), Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaabvumikise chiri basa rake amene.” Zvinzvere mukutsinhirana namashoko aPauro ari pana 1 VaTesaronika 5:6-8, anoti: “Ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke. Nokuti vanovata, vanovata usiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa usiku. Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso.”

17. Pakuzvinzvera, mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza timene?

17 Zvakadiniko nesu? Apo tinozvinzvera timene nebetsero yaMagwaro, tinoona kuti tinoramba takamuka here, tiine sengowani tariro yoruponeso? Tiri vanhu vakazviparadzanisa vamene chose chose netsika yezvinhu yekare uye vasati vachachengeta mifungo yayo here? Tine zvirokwazvo mudzimu wenyika itsva yaMwari here? Takasvinurira zvakazara pamusoro pokwakananga tsika ino here? Kana zvakadaro, zuva raJehovha harisati richizotisvikira sokunge tiri mbavha.—1 VaTesaronika 5:4.

18. Ndimimwezve mibvunzoi yatingada kuzvibvunza timene, uye nomuuyoi?

18 Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana kuzvinzvera kwedu kukazivisa kuti tiri kuedza kutanga nzira yakaisvonakisisa, yakanaka, inofadza, yokusharanganya youpenyu? Zvakadiniko kana tikawana kuti meso edu omudzimu aremerwa norukope nehope? Tiri mumugariro wakafanana nokurota here, tichidzingirira fungidziro yenyika? Kana zvakadaro, ipapo ngatimukei!—1 VaKorinte 15:34.

Fungisisa Mauporofita Akazadzikwa

19. Ndaapi ari mamwe amauporofita takaona achizadzikwa?

19 Tinosvika zvino kuchinhu chechitanhatu chichatibetsera kuramba takamuka: Fungisisa mauporofita mazhinji ayo akazadzikwa munguva ino yomugumo. Nechekare takapfuura gore rechi 77 chifo chaapo nguva dzakagadzwa dzamarudzi dzakaguma muna 1914. Sezvatinotarira shure zvinopfuura zvikamu zvitatu muzvina zvezana ramakore, tinogona kuona kuti uporofita humwe pashure pohumwe hwakazadzikwa sei—kudzorerwa kwokunamata kwechokwadi; kununurwa kwavakasarira vakazodzwa, pamwe chete neshamwari dzavo, vachipinda muparadhiso yomudzimu; kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo pamwero wenyika yose; kuoneka kweboka guru. (Isaya 2:2, 3; ganhuro 35; Zekaria 8:23; Mateo 24:14; Zvakazarurwa 7:9) Kwave kune kukudzwa kwezita guru raJehovha nouchangamire hwapose pose, pamwe chete nokuwedzera kwomuduku achiva chiuru uye muduku kuva rudzi rune simba, naJehovha achikukurumidzisa munguva yako. (Isaya 60:22; Ezekieri 38:23) Uye zviono zvomuapostora Johane munhauro yaZvakazarurwa zvino zvava kusvika mugumo wazvo.

20. Kupwiswai uko Zvapupu zvaJehovha zvinogoverana, uye chii chazvakabvumikisa kuva chaizvoizvo?

20 Naizvozvo, kupfuura nakare kose, Zvapupu zvaJehovha zvinopwiswa zvakasimba nezvokururama kwenzwisiso yazvo yerevo yezvinoitika zvenyika chifo cha 1914. Zviine kupwiswa kwakadaro, zvakabvumikisa kuva zvishandiswa mumaoko aMwari Wokumusorosoro. Ndizvo zvakapiwa kupiwa kweshoko roumwari panguva ino inokosha zvikuru. (VaRoma 10:15, 18) Hungu, mashoko aJehovha nokuda kwenguva yomugumo ava echokwadi. (Isaya 55:11) Ikokuwo kunofanira kutinyandura kupfuurira kusvikira taona kuzadzikwa kwokupedzisira kwezvose zvezvipikirwa zvaMwari zvinoitwa naJesu Kristu.

Ruponeso Rwava Pedyo Zvikuru Kupfuura Patakava Vatendi

21. Ibetseroi yechinomwe yokuramba takamuka mumudzimu yatinayo?

21 Pakupedzisira, betsero yechinomwe kukuramba kwedu takamuka: Rangarira nguva dzose kuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvikuru kupfuura patakatanga kuva vatendi. Chinokosha zvikuru, kurevererwa kwouchangamire hwapose pose hwaJehovha nokutsveneswa kwezita rake zvava pedyo zvikuru. Naizvozvo kudikanwa kwokuramba takamuka ndokwekurumidziro zvikuru kupfuura nakare kose. Muapostora Pauro anonyora, kuti: “Zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro. Usiku hwapfuura, kwoedza.”—VaRoma 13:11, 12.

22. Kuva pedyo kworuponeso rwedu kunofanira kutitapura sei?

22 Noruponeso rwedu rwava pedyo zvikuru kwazvo, tinofanira kuramba takamuka! Hatifaniri kurega fariro dzipi nedzipi dzomunhu oga kana kuti dzenyika dzichikurira kuonga kwedu izvo Jehovha ari kuitira vanhu vake mukati menguva ino yomugumo. (Dhanieri 12:3) Tinofanira kuratidza kupfuurira kukuru kupfuura nakare kose kuti tisatsauswe munzira iyo Shoko raMwari rinopangira zvakajeka nokuda kwedu. (Mateo 13:22) Ufakazi hunoratidza zvakajeka kuti nyika ino iri mumazuva ayo okupedzisira. Nokukurumidza ichabviswa mukuvapo nokusingaperi kudziurira nzvimbo nyika itsva yokururama.—2 Petro 3:13.

23. Jehovha achatibetsera munzirai, uye nomuuyoi wakakomborerwa?

23 Ipapoka, ngatirambei takamuka napazvinobvira napo. Sezvisakamboitika nakare kose, svinurira patiri mukufamba kwenguva. Yeuka, Jehovha haasati achizotongokotsira muiyi nhau. Panzvimbo pezvo, achatiyamura nguva dzose mukuramba takamuka munguva ino yomugumo. Kwasviba kwazvo. Zuva riri kuswedera pedyo. Naizvozvo ramba wakamuka! Nokukurumidza tichawana akaisvonaka zvikurusa amazuva ose, sezvo Umambo hwouMesia hunozadzika donzo raJehovha kupasi!—Zvakazarurwa 21:4, 5.

Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?

◻ Chii icho Jesu akareva paakati zuva raMwari rehasha raizouya pavanhu so“musungo”?

◻ Neiko tichifanira kurwisa kutsauka, uye tinogona sei kuita kudaro?

◻ Rudzii rwomunyengetero runodikanwa kuti tirambe takamuka?

◻ Rudzii rwesonganiro runokosha?

◻ Kunzvererei mugariro wedu womudzimu?

◻ Uporofita hunoita rutivii mukuramba kwedu takamuka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe