Denho Yokuparidzira Muchimwe Chezviteshi Zvengarava Zvikurusa Zvenyika
ROTTERDAM, iri apo Rhine, rwizi rwakabatikana zvikurusa rweEurope, anopinda North Sea, inofarikanya musiyano wokuva chimwe chezviteshi zvegungwa zvengarava zvikurusa zvenyika. Nengarava 500 dzamakambani akasiana dzinouya muno, Rotterdam ine batano dzakananga nokunoendwa kunopfuura 800 munyika yose. Zvirokwazvo chiteshi chengarava chamarudzi ose.
Zvisinei, ichi chiteshi chengarava cheNetherlands chagara makore 650 chinopfuura kuva mharadzano yamakambani akasiana ane ngarava. Inzvimbowo yokusongana yavanhu. Vafambisi vengarava vanosvika zuva riri rose nousiku vachibva kumativi ose enyika. Ava vashandi vomungarava havana kunzvenga ngwariro yeZvapupu zvaJehovha zvomuNetherlands. Kufanana neZvapupu munzvimbo iri yose, izvo zvinotsvaka nzira dzokuparidzira nadzo mashoko akanakisisa enyika—okuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kushandura pasi kuva Paradhiso—kuvanhu vamarudzi ose, kubatanidza vafambisi vengarava.—Dhanieri 2:44; Ruka 23:43; 1 Timotio 4:10.
“Mugove Wavafundisi Wakapesana”
Makore akati apfuura, Watch Tower Society muNetherlands yakakumbira vaparidziri venguva yakazara vatanhatu, kana kuti mapiona, kushanda pangarava nengarava muchiteshi chengarava chose cheRotterdam. Mapiona akagamuchira nokudisa banza racho. Akaunganidza mashoko akabva kuchiremera chechiteshi chengarava, akaongorora munomira ngarava, uye akakurumidza kuziva kuti aiva nomugove unodenha.
“Wakafanana nomugove wavafundisi wakapesana,” anodaro Meinard, uyo anotsinhanisa kuparidzira kwapanomira ngarava. Chii chaanoreva? “Kazhinji kazhinji mufundisi anoita rwendo rurefu rwokuenda kuvanhu, asi muchinoitika chedu vanhu vanoita rwendo rurefu vachiuya kwatiri.” Iye anowedzera, kuti “ndima yedu yokuparidzira zvimwe ndeyamarudzi ose sezvaunogona kuiwana.” Bhuku regore ra 1985 reRotterdam Europoort rakataura kuti muna 1983, gore iro mapiona akavamba iri basa chairo, chiteshi chengarava cheRotterdam chakagamuchira ngarava dzomugungwa 30 820 dzakabva kunyika 71 dzakasiana-siana. Ikoko ndokwamarudzi ose!
Nenzira yakakodzera, “vafundisi vapachiteshi chengarava”—seizvo vafambisi vengarava vakakurumidza kuvamba kudana mapiona acho—vanoratidzirawo mugariro wamarudzi ose. Geert, Peter, uye mudzimai wake, Karin, ndeveNetherlands; Daniël naMeinard vakabva kuIndonesia; uye Solomon muEtiopia. Vakare vavo veEurope, Asia, uye Africa vanopfuura mhinganidzo dzemitauro misere, asi kuti vabudirire muiri basa, vaiva nedzimwe mhinganidzo dzokubata nadzo.
“Chechi Inochovha”
“Hausati uchigona chete kukwira panokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu mungarava, kukwira mutanho, uye kupinda mungarava,” anodaro Peter ane makore 32 okukura, aichimbova mufambisi wengarava. “Unoda mvumo yenharaunda.” Ikoko kunoreva mvumo yokupinda panokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu mungarava nemvumo dzokukwira ngarava. “Yaiva miitiro yokunyanyisa yapamutemo,” anoyeuka kudaro Peter, “asi pashure pokunge tawana mvumo tsere, dzakakwana nemapikicha edu nezvidhindo zvapamutemo, takanga tagadzirira kushanda nesimba.” Ivo vakakamuranisa makiromita 37 apachiteshi chinokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu mungarava kuva zvikamu zvitatu, chimwe nechimwe chaitarisirwa namapiona maviri.
Kunyanguvezvo, unobata sei nemitauro yakawanda inotaurwa navafambisi vengarava vanobva kunyika dzakawanda kwazvo? Kunyange zvazvo mapiona akachengeta mabhuku eBhaibheri mumitauro 30 ndokutakura akawanda saanobvira pamabhasikoro awo, hakuna kutongoratidzika kuva kwakakwana. “Hausati uchitongoziva zvechokwadi kuti mitauroi yauchada,” anorondedzera kudaro Solomon ane makore 30 okukura nenyemwerero. “Kazhinji kazhinji kunoitika kuti vafambisi vengarava vanoda mabhuku mumutauro umene wausina kuuya nawo, uye ipapo vanokuudza kuti ngarava yavo ichaenda mumaawa matatu kana kuti kupfuura.” Asingadi kuodza mwoyo vafambisi vengarava, mumwe wamapiona anokurumidza kuenda, anotora mabhuku akarurama, anomhanya achidzokera, uye anoapa kuvafambisi vengarava vanodisa. “Apo chinetso chimwe chetecho chakamuka patakanga tichiparidzira mumativi omunomira ngarava kuri kure namaawa matatu pakufamba nebhasikoro,” anodaro Peter, “kwakanga kuri pachena kuti taida kumwe kusvika.”
Rimwe zuva Zvapupu zvinogara munharaunda munomira ngarava zvakashamisa mapiona namaturera maviri ebhasikoro, imwe neimwe yakakura sewashtub. Mapiona akazadza maturera acho namabhuku aiva mumitauro yose inowanika, akaakochekedza kumabhasikoro awo, uye akananga kunomira ngarava. Nokukurumidza maturera akava chiono chakarovedzeka. “Iwo azova chiratidzo chinozivisa kuvapo kwedu,” anodaro mumwe wamapiona. “Apo muchengeti wegeti anotiona tichiuya, anozarura geti, anotipa chiratidzo chokuti tipfuure, uye anoshevedzera, achiti: ‘Heyo yoenda chechi inochovha!’” Padzimwe nguva, apo murindiri anocherechedza “chechi inochovha” ichiuya kwaari, anozarura geti uye anodanidzira, kuti: “Mbiri dzePoland uye imwe yeChina!” Mazano anobetsera akadaro anogonesa mapiona kukwira mungarava namabhuku omumitauro yakafanira. Asi anofanira kuendawo panguva yakafanira. Neiko?
Shanyo Dzakakodzera Nguva Neshoko Rakakodzera Nguva
Mapiona anogona bedzi kutaura kuvashandi vomungarava mukati mokuzorora kwavo kwamangwanani nokwamasikati kwokunwa kofi kana kuti awa yavo yezvokudya zvamasikati. Mubiki, zvisinei, ane maawa okushanda akasiana, uye kaputeni navamwe vakuru vakuru vanogona kuwanwa muzuva rose. Kupfuurirazve, mapiona akaziva kuti ngarava dzeBritain dzakasungirirwa muRotterdam dzinoomerera kunguva yeBritain (yakasiana neawa imwe nenguva yeNetherlands), zvokuti vashandi vadzo vanoenda kukamuri rokudyira apo vashandi vomungarava vasiri veBritain vanodzokera kubasa. Sezvinooneka, nokuda kwapiona wapanomira ngarava, wachi yakavimbika ndichinodikanwa.
Ko vafambisi vengarava vanodisa, kunyanguvezvo, kushandisa nguva dzavo dzokuzorora nokuda kwekurukurirano dzeBhaibheri here? “Kazhinji kazhinji, ndinovawana kuva vanodisa shoko roUmambo,” anodaro Geert ane makore 31 okukura. “Zvichida ikoko imhaka yokuti vanoona zvakananga kundikano yehurumende dzavanhu.” Somuenzaniso, vamwe vafambisi vengarava vakaudza Geert kuti mirwi yezviyo zvavakanga vaburutsa nokuda kwavaEtiopia vanoziya nenzara yakanga ichiripo mwedzi yakawanda gare gare apo vakashanya zvakare, bedzi pakasvika nguva iyoyo zviyo zvakanga zvaora uye zvazadzwa namakonzo. “Hakushamisi kuti vafambisi vengarava vakawanda varasikirwa netariro mune zvamatongerwe enyika,” Geert anodaro. “Naizvozvo chipikirwa cheBhaibheri chehurumende imwe yorudzi rwose rwomunhu chinofadza kwavari.”
Peter anobvuma. “Kaputeni mumwe weGermany akataura kuti makore gumi apfuura vashandi vake vomungarava vakangadai vakandiburutsa mungarava, asi migariro yenyika yanhasi inochinja yakanga yanyandura fariro yavo mushoko reBhaibheri rakakodzera nguva.” Mumwe mubiki womungarava yeKorea akarondedzera kuti mukati mehondo yeIran neIraq, ngarava huru inotakura mafuta yaakanga achishanda mairi yakarohwa neroketi ndokubaka mwoto muPersian Gulf. Iye akapika kuti kana akaramba ari mupenyu, aizotsvaka Mwari. Iye akapukunyuka. Apo mapiona akasangana naye gare gare muRotterdam, aida mabhuku ose echiKorea avaigona kumuunzira.
Ngarava dzakawanda zvikurusa dzinogara panomira ngarava kwamazuva anoverengeka. Ikoku kunobvumira mapiona kudzokera kaviri, katatu, kana kuti kupfuura kuzopfuudzira kurukurirano dzavo dzeBhaibheri pashure pamaawa okushanda. Bva, apo ngarava inenge ine chinetso cheinjini, ingaramba yakasungwa kwamavhiki matatu. “Ikoko kwakaipira kambani,” anodaro piona anonyemwerera, “asi kwakanakira basa redu.” Ipapo, kunze kwokupfuuridzira kurukurirano dzeBhaibheri, mapiona anorongawo kuratidza imwe yamapurogiramu amasiraidhi eSosaiti, “The Bible—A Book for This Generation,” mukamuri rokudyira. Vamwe vafambisi vengarava vanouyawo kumisangano yamapoka akawanda omutauro wokumwe yeZvapupu zvaJehovha muRotterdam. Ikoku kunogara kutozosvikira injini yagadzirwa zvakare. Ipapo maBhaibheri anofanira kuvharwa. Tambo dzinosunungurwa, uye ngarava inonyangarika panomira ngarava—asi kwete mundangariro dzamapiona.
Nhau Dzinokurudzira Dzavafambisi Vengarava
Kupfurikidza nendaza dzomumapepanhau kana kuti nekomupiyuta yavose yechiremera chapanomira ngarava, mapiona apanomira ngarava anoronda kuuya nokuenda kwengarava dzavakashanyira. Nokukurumidza apo imwe yadzo inouya zvakare, mapiona anodisa kushanyira vafambisi vengarava kuti awane chakaitika chifo cheshanyo yokupedzisira. Inhau dzinokurudzira zvakadini dzinotaura vafambisi vengarava!
Mumwe mufambisi wengarava akagamuchidza makopi ebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano kuvashanu vavashandi biyake vomungarava pashure pokunge ngarava yake yaendeswa mugungwa, uye vatanhatu vavo vaiva nefundo yeBhaibheri. Iye akarekodhawo ganhuro inotaura pamusoro poupenyu hwemhuri paaudiocassette ndokuiridza mukamuri rokudyira nokuda kwebetserwo yavashandi vose vomungarava. Ari muimwe ngarava, mufambisi wengarava uyo akanga ashanyira Horo yoUmambo pachiteshi chengarava chiri pedyo cheAntwerp akaisa pamadziro ehoro yokudyira mureza une mashoko anoti “Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha” mumabhii makuru. Ipapo iye akakoka mitezo yavanoshanda mungarava kuuya ipapo apo iye akaitisa musangano weBhaibheri. Asati adzikisa mureza wacho, iye akakoka vashandi vomungarava kumusangano unotevera. Vhiki rakatevera racho, mureza navashandi vomungarava vakanga vari munzvimbo yacho zvakare.
Mapiona akawanawo kuti vamwe vafambisi vengarava havana kutongochengeta mabhuku avo. “Apo takapinda mukamuri raIsaac, mukuru mukuru wenhepfenyuro weWest Africa, kwakanga kwakaoma kuwana chigaro,” anorondedzera kudaro Meinard. “Magazini, mabhuku, uye makonikodhenzi zveSosaiti zvakanga zviri munzvimbo iri yose—uye zvakavhurwa.” Isaac aivawo nendaza yemibvunzo yeBhaibheri yakagadzirirwa, sezvo akanga akamirira shanyo yedzokerero yamapiona.
Vamwe vafambisi vengarava, kunyanguvezvo, havamiriri mapiona kuti avashanyire. Humwe usiku runhare rwaGeert rwakarira pashure pokunge arara.
“Ndianiko munyika angagona kuva iyeyu?” Geert akataura kudaro achitsvangadzira runhare.
“Haro-o, iyi ishamwari yako!” rakazivisa kudaro inzwi rinofara.
Geert akaedza kufunga.
“Shamwari yako yokungarava,” rakadzokorora zvakare inzwi racho.
“Yava nguva yechitatu mumangwanani!” Geert akadaro.
“Hungu, asi wakandiudza kukuridzira runhare nokukurumidza sezvo ngarava yangu inosvikazve paRotterdam. Eya, ndava pano!” Nokurumidza pashure paikoko, Geert akaenda kuzosangana neiyi shamwari yaifarira Shoko raMwari.
“Kandira Zvokudya Zvako”
Kuonga mabhuku eBhaibheri kunoratidzirwawo mutsamba dzinobva kuvafambisi vengarava dzichienda kumapiona. Zvinotevera zvimwe zvikamu zvamashoko:
‘Ndakatanga kurava bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano . . . Zvino ndonzwisisa zvinhu zvakawanda zvandaisanzwisisa kare. Ndinokarira kuti ngarava yedu ichadzokera muRotterdam.’—Angelo.
‘Ndakarava bhuku racho, uye ndiri kutumira mibvunzo kwamuri kuitira kuti mugogona kuipindura mutsamba dzenyu.’—Alberta.
‘Zvino ndinorava Bhaibheri zuva riri rose. Ndinofara kuva shamwari yenyu. Zvandakawana shamwari dzokunditungamirira kuna Mwari ndicho chinhu chakanakisisa chaitika muupenyu hwangu.’—Nickey.
Tsamba dzinofadza dzakadaro dzinoyeuchidza mapiona nezveizvo Bhaibheri rinotaura pana Muparidzi 11:1, kuti: “Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.” Iwo anofara zvikuru apo anoziva kuti vamwe vafambisi vengarava vakatsigira Jehovha.
Mufambisi wengarava wePoland Stanislav, somuenzaniso, akafadzwa nezvaakadzidza mumabhuku eSosaiti. Iye akakurumidza kuwana raibhurari duku yamabhuku eBhaibheri uye, ari mugungwa, akafunda riri rose rawo. “Apo takanzwa kwaari zvakare,” anodaro Meinard, “iye akanyora kuti akanga abhapatidzwa.”
Folkert, kaputeni wengarava dzomunyika, akatanga kunzwa shoko roUmambo muRotterdam. Mwedzi miviri iri yose aidzoka pachiteshi chengarava kwevhiki ndokufunda Bhaibheri kwamazuva manomwe anotevedzana. Ipapo, asati aenda kurumwe rwendo rwemwedzi miviri, mapiona akamugamuchidza ndaza yekero dzeHoro dzoUmambo pamwe chete nerwendo rwake nengarava. Folkert akashanyira horo uye akasundwa nekwaziso youshamwari yaakagamuchira. Nguva refu isati yapfuura, uyu kaputeni akabhapatidzwa uye zvino anobatira Jehovha nokushingaira.
Mike, mukuru mukuru weBritish Navy, akanga ava neonano neZvapupu kare uye akanga ave achifunda Bhaibheri ari mugungwa. Pane imwe nguva, apo ngarava duku yaaishanda mairi yakamira muRotterdam, akashandisa bhasikoro rake rinopetwa kuenda kuHoro yoUmambo. Akaororwa norudo nechinzwano zvaakaona ndokuudza shamwari kuti akanga asarudza kurega basa rake. Kunyange zvazvo akanga ari kure namakore mana bedzi kuti agamuchire mudyandigere wake wakanaka, akanamatira kuchisarudzo chake uye gare gare akabhapatidzwa.
Meinard anoti: “Diso yaMike, Stanislav, Folkert, uye vamwe yokubatira Jehovha inotisunda kuramba tichiongorora chiteshi chengarava nokuda kwavafambisi vengarava vakafanana navo.”
Iwe Unogona Kuva Negoverano Here?
Vachitarira shure pamakore anodokusvika gumi okuparidzira muchimwe chezviteshi zvengarava zvikurusa zvenyika, “vafundisi vapachiteshi chengarava” vatanhatu vanobvuma nomwoyo wose—kuti mugove wacho wave uchidenha asi uchitusa. “Pashure pezuva rimwe nerimwe rokuparidzira,” anopeta Meinard, “tinochovha tichienda kumusha nokunzwa kwokuti vamwe vavafambisi vengarava ivavo vakanga vachimirira shanyo yedu.”
Kungagona kuva navafambisi vengarava vakamirira shanyo muchiteshi chengarava chomunharaunda yako here? Zvichida vakuru vomuungano yenyu vanogona kuita gadziriro kuitira kuti mugova negoverano muiri basa rinodenha asi rinotusa.
[Bhokisi riri papeji 20]
KUPINDA MUNDIMA DZAKARAMBIDZWA
Mugore rimwe richangobva kupfuura, ngarava dzinopfuura 2 500 dzinobva kunyika uko mibato yeZvapupu zvaJehovha yaiva murambidzo dzakamira muRotterdam. Uye mapiona apanomira ngarava akaona ikoko sebanza rokupinda muidzi ndima neshoko reBhaibheri.
Muimwe yengarava dzokutanga dzeAsia dzavakashanyira, mapiona akagovera mugove wawo wose wamabhuku 23, achisiya mitezo yavashandi vomungarava yavhiringidzika nemhaka yokuti yakapotsa kuwana kopi. Mukomana anoshanda mukicheni muimwe yengarava yeAsia aingwarira zvikuru. Pashure pokugamuchira bhuku kuna piona, akaridzorera rakaputirwa mupepa nekero yakanyorwa pariri. Piona akawana pfundo racho. Kwaiva nengozi zvikuru kuti mukomana wacho aende nebhuku racho. Zuva rimwe chetero rakapositwa kuFar East.
Mungarava yakabva Africa makauya mufambisi wengarava aiva nendaza yamabhuku ayo Zvapupu kumusha zvaida. Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi, nguva imwe neimwe iyo mufambisi iyeyo wengarava aidzokera kumusha, sutukesi yake inozadzwa namabhuku. Mufambisi wengarava akabva kuimwe nyika yeAfrica akaodzwa mwoyo zvikuru apo piona aifunda naye aigona bedzi kupa makopi matatu ebhuku raKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze. “Hachisi chinhu!” akadaro mufambisi wengarava, achikandira maoko ake mudenga mukupererwa nezano. “Hama dziri kumusha dzinoda 1 000!” Nokuda kwekotsekano yake amene, mapiona akamunyengetedza kutora makopi 20 bedzi panguva.
Zvichida inoorora zvikurusa yakanga iri nguva apo mapiona akaziva kuti ngarava yakanga yapinda ichibva kunyika uko Zvapupu zvaitambudzwa nemhaka yezvitendero zvazvo, uye zvakawanda zvakanga zvarasikirwa namabasa azvo nezvinhu. Apo akawana kuti mutariri aiva mungarava akanga ari Chapupu, zvakashanyira kaputeni ndokukumbira mvumo yokutumira zvokubetsera mungarava yake. Kaputeni akabvuma, uye mazuva mashomanene gare gare, mabhegi makuru ane zana ezvipfeko, shangu, uye zvimwe zvinhu akaendeswa kuZvapupu zvomunyika iyoyo.
[Bhokisi riri papeji 21]
KUPARIDZIRA PANGARAVA NENGARAVA—MURANGARIRO WOMUKADZI
“Pakutanga, ndakazengurira kukumbanira Peter,” anoyeuka kudaro Karin, mukadzi bedzi pakati pamapiona, “nemhaka yokuti ndainzwa nhau dzokuti vafambisi vengarava kazhinji kazhinji vane utsinye uye vanodhakwa. Zvisinei, ndakawana kuti vazhinjisa vanyoro. Kazhinji kazhinji, pashure pokunge mufambisi wengarava aziva kuti tiri varoorani, anobudisa pikicha yomudzimai wake navana ndokuvamba kutaura pamusoro pemhuri yake. Nenzira iyoyo, takagovera mabhuku akawanda aKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze.”
Kushanyira ngarava somurume nomudzimai kunokuitawo kuve nyore zvikuru kuonana navadzimai vemitezo yavashandi vomungarava navamwe vakadzi avo pane dzimwe nguva vanoshanda savakoti. “Kazhinji kazhinji ivo havatauri kuvokumwe,” anodaro Karin, “asi apo vanondicherekedza, vanonzwa vachidisa zvikuru kupinda mukurukurirano.”
Chii chakanga chiri denho hurusa mumugove wake? “Manera etambo,” Karin anopindura. “Ndaivenga zvinhu izvozvo zvisina kusimba.” Ko iye akakurira rutyo rwake here? “Hungu. Pane imwe nguva apo ndakazengurira kuakwira, boka ravafambisi vengarava rakabva Paraguay rakatarisa ndokudanidzira kuti: ‘Uchakwanisa. Ingovimba chete naMwari.’ Chokwadika,” anodaro Karin achikuseka, “pashure petsinhiro iyoyo, ndakanga ndisina chisarudzo kunze kwokukwira.” Murume wake anoyemura anoti: “Makore mana namanera etambo akawanda gare gare, iye zvino anoakwira somufambisi wengarava.”
Karin nomurume wake, Peter, vakapinda kirasi yechi 89 yeWatchtower Bible School of Gilead muUnited States. Pana September 28, 1990, ivo vakaenda nokuda kwomugove wavo mutsva, Ecuador, nyika ine chiteshi chengarava. Vanofanira kunzwa vakasununguka zvikuru.
[Bhokisi riri papeji 22]
IWE URI MUFAMBISI WENGARAVA HERE?
Unoda here kupinda musangano womutauro wechiNgezi wakarongwa neZvapupu zvaJehovha apo ngarava yako inenge yakasungirwa muchimwe chezviteshi zvikuru zvenyika? Ipapo chengeta iyi ndaza yazvino yekero dzeHoro dzoUmambo dziri pedyo:
Hamburg, Schellingstr. 7-9; Chitanhatu, 4:00 p.m.; runhare: 040-4208413
Hong Kong, 26 Leighton Road; Svondo, 9:00 a.m.; runhare: 5774159
Marseilles, 5 Bis, rue Antoine Maille; Svondo, 10:00 a.m.; runhare: 91 79 27 89
Naples, Castel Volturno (40 km kuchamhembe kweNaples), Via Napoli, kona raVia Salerno, Parco Campania; Svondo, 2:45 p.m.; runhare: 081/5097292
New York, 512 W. 20 Street; Svondo, 10:00 a.m.; runhare: 212-627-2873
Rotterdam, Putsestraat 20; Svondo, 10:00 a.m.; runhare: 010-41 65 653
Tokyo, 5-5-8 Mita, Minato-ku; Svondo, 4:00 p.m.; runhare: 03-3453-0404
Vancouver, 1526 Robson Street; Svondo, 10:00 a.m.; runhare: 604-689-9796