Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Zakaria, baba vaJohane Mubhapatidzi, vakaitwa matsi pamwe chete nembeveve, seizvo Ruka 1:62 inoratidzika kuva inoratidzira here?
Vamwe vakagumisa kuti Zakaria akavawo matsi. Tinorava munhauro yeBhaibheri, kuti: “Vakada kumutumidza [mwana] zita rababa vake, Zakaria. Ipapo mai vakapindura, vakati: ‘Kwete, uchatumidzwa Johane.’ Vakati kwaari: ‘Hakuna munhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro.’ Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko. Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: ‘Johane, ndiro zita rake.’”—Ruka 1:59-63.
Kunyanguvezvo, hapana chinhu muiyi nhauro chinotaura zvakananga kuti Zakaria akanga asingakwanisi kunzwa kwenhambo yakati yenguva.
Pamberi pezvi ngirozi Gabrieri yakanga yazivisa kuna Zakaria kuberekwa kwaiuya kwomwanakomana uyo aizonzi Johane. Zakaria akwegura akawana ikoko kwakaoma kudavira. Ngirozi yakapindura, kuti: “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” (Ruka 1:13, 18-20) Ngirozi yacho yakataura kuti kutaura kwaZakaria, kwete kunzwa kwake, kwaizotapurwa.
Nhauro yacho inotizve, kuti: “Wakati achibuda [munzvimbo tsvene], akasagona kutaura navo [vanhu vakanga vakamirira], vakaziva kuti wakanga aona chiratidzo mutembere; iye akaramba ari mbeveve.” (Ruka 1:22) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “mbeveve” rinopa mufungo wokugomadzwa, mukutaura, kunzwa, kana kuti zvose zviri zviviri. (Ruka 7:22) Zvakadini naZakaria? Eya, rangarira chakaitika apo akaporeswa. “Kamwe kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.” (Ruka 1:64) Ikoko nenzira ine mufungo kunotungamirira kumurangariro wokuti mano bedzi aZakaria okutaura akanga akakuvadzwa.
Neiko, ipapo vamwe vachibvunza Zakaria “vachidudzira namaoko, kuti [mwana] anzi aniko”? Vamwe vashanduri vanotoshandura ikoku kuti “mumutauro wezviratidzo” kana kuti “kushandisa chiratidzo chomutauro.”
Zakaria, uyo akanga ave ari mbeveve kubva pakuzivisa kwengirozi, aiwanzomanikidzirwa kushandisa majangariko, rudzi rwakati rwechiratidzo chomutauro, kuti azvitaurire amene. Somuenzaniso, iye “akaramba achininira maoko” kuna avo vakanga vari patembere. (Ruka 1:21, 22) Apo gare gare akakumbira ibwe, anofanira kuva akashandisa zviratidzo kana kuti majangariko. (Ruka 1:63) Kunobvira, naizvozvo, kuti avo vakanga vakamukomba mukati menhambo yake yokuva mbeveve vakamanikidzirwawo kushandisa majangariko.
Zvisinei, kune tsananguro inobvira zvikuru yezviratidzo zvinodudzwa pana Ruka 1:62. Erisabhete akanga achangobva kuzvitaurira amene pamusoro pezita romwanakomana wake. Naizvozvo, pasina kumupokanidza, vangave vakangotora nhano inotevera neyakakodzera yokuwana chisarudzo chomurume wake. Vaigona kuita ikoko nokungogutsura musoro kana kuti chiratidzo chokujangarika. Idi rokuti havana kunyora mubvunzo wavo kuti Zakaria arave hungatova ufakazi hwokuti akanga anzwa mashoko omudzimai wake. Nokudaro, kungogutsura musoro zvako kana kuti chiratidzo chakaenzana kwaari zvaigona kuva nerevo yokuti, ‘Eya, tose zvedu (kubatanidza iwe, Zakaria) tanzwa rumbidzo yake, asi chii chiri chisarudzo chako chokupedzisira pamusoro pezita romwana?’
Uye nokukurumidza pashure pacho rimwe nenji rakaitika, richishandura mugariro wacho. “Kamwe kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura.” (Ruka 1:64) Hapana kududza kunofanira kuitwa kwokunzwa kwake kudai ikoko kwakanga kusina kutapurwa.