RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 4/1 p. 30
  • Rudzidziso Rwo‘kutenda Kunochinjika’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzidziso Rwo‘kutenda Kunochinjika’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 4/1 p. 30

Rudzidziso Rwo‘kutenda Kunochinjika’

“Mano echiMormon okuwana udzori muzvose zviri zviviri hurumende dzakasununguka dzinosarudzwa navanhu uye munzanga dzine boka rimwe rinodzora chishamiso.” The Wall Street Journal yakadaro apo hurumende yeHungary yakapa kuzivikanwa kwakazara kuChurch of Jesus Christ of Latter-day Saints. Chechi yacho inoita sei ikoku? “Chinhu chikuru,” mukuwirirana neJournal, “hachisi mwerowo zvayo yakakwirira yokuzvarwa kwavaMormon kana kuti kuparadzirwa kune simba kweevhangeri yavo. Panzvimbo pezvo, ndiko kuchinjika kunovakirwa mukutenda kwacho.” Seiko?

Ichitaura pamusoro penhambo yapamberi pechinjo dzazvino uno dzezvamatongerwe enyika muEastern Europe, Journal yakati: “Vachishandisa mapoka okuimba neokutamba anobva kuBrigham Young University, vaMormon vakakwanisa kunzvenga kudzvinyirira nokusabatira pamwe kunowanzonanganwa nako navafundisi munyika zhinjisa dzechiKomonisiti.” Mapoka avo akaenda kuRomania, Czechoslovakia, Hungary, Poland, Russia, uye China, pamwe chete nokuSaudi Arabia, Libya, Egypt, Jordan, Somalia, uye Israel. Kupfuurirazve, “upfumi hweMormon Church hwakashandiswa senzira yokupinda nayo munyika dzechiMarxist neDziri Kubudirira.” Kuvaka madhamu nokuchera matsime zviri pakati pamabasa anotsigirwa nemipiro inoitwa neMormon.

Munyika yanhasi inoda mufarwa nenzara yemari, hakushamisi kuti kuimba nokutamba zvakadaro uye mazano okupa betsero yemari zvine kufadza kwakasimba. (2 Timotio 3:2, 4) Asi vanhu vakafanana namakwai zvirokwazvo vanokweviwa nenzwi roMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. (Johane 10:27) Ndicho chikonzero nei, apo akaraira vateveri vake ku“ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose,” haana kutaura kuita kudaro kupfurikidza nomutoo upi noupi kana kuti pamuripo upi noupi asi kupfurikidza no‘kuvadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvaakaraira.’ (Mateo 28:19, 20) Mukuita iri basa, hamuna nzvimbo yokubvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo yeBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe