“Mvura Youpenyu” Inobuda muCape Verde
“KUVAPO nokushandiswa kwokunamata kweZvapupu zvaJehovha muCape Verde chifo chegore ra 1958 iidi rinokosha,” rakatsanangura kudaro gurukota reruramisiro reRepublic of Cape Verde. Iye akanga achitaura kuZvapupu zviviri zvakanga zvashevedzwa kuhofisi yake. “Tine urombo kuti kwakatora nguva refu kwazvo kuti Zvapupu zvaJehovha zvizivikanwe pamutemo,” akawedzera kudaro.
Musangano iwoyo, wakaitwa pana November 30, 1990, uchayeukwa kwenguva refu neZvapupu zvaJehovha zviri muCape Verde. Iwo wakaratidzira kuzivikanwa kwazvo kwapamutemo sesangano rorudzidziso rapamutemo munyika iyoyo. KuZvapupu zviviri zvaivapo, zvisinei, iwo wakanga uri chinoitika chaicho chinofadza, nokuti makanga muri muna 1958 umo chimwe chazvo—Luis Andrade—chakawana mabhuku eBhaibheri akabudiswa neWatch Tower Society. Pashure pokurava zvinyorwa zvacho kubva kubutiro kusvikira kubutiro, iye akaziva kuti akanga awana zvokwadi. Nokudisa, iye akagoverana zvaakanga adzidza naFrancisco Tavares, shamwari yenguva refu. Mukati mamakore mashomanene akatevera, vose vari vaviri vakapfuurira kupinza mvura dzezvokwadi kupfurikidza nokurava magazini eNharireyomurindi naMukai!, aigamuchirwa kupfurikidza nokuzvinyoresa. Makore gumi gare gare, muna 1968, ivo vakabhapatidzwa mukati meshanyo yokutanga yomutariri anofambira kuCape Verde.
Hama Andrade naTavares vakaziva mutoro wavo wokuva norutivi mukuzivisa kokero, yokuti: “Uya! . . . ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Ivo vakanga vachidisa kugamuchira denho yendima yavo yakapararira neyakaoma. Cape Verde yakaumbwa nezviwi zvikuru gumi kubatanidza zviwi zviduku zviri muAtlantic Ocean, anenge makiromita 560 kumadokero kweDakar, Senegal. Zita rokuti Cape Verde, rinoreva “Green Cape,” pakuvamba rakashandiswa kupeninsula iri pamhenderekedzo yegungwa yeAfrica. Zvisinei, izvi zviwi zviri kure nokuva zvegirini, sezvo kunaya kwemvura kuri kushoma, uye vagari vemo 350 000 vachifanira kuwana chokurarama nacho munyika yakaoma.
Mukati mamakore 30 apfuura, vafundisi namapiona chaiwo vakashanda zvakaoma savashumiri venguva yakazara kuunza mvura youpenyu kuvagari vapazviwi. Chii chave chiri muuyo womubato wakadaro? Misi ichangobva kupfuura iyi, mumwe mutariri anofambira akabva Portugal akaita shanyo kuungano dzomuCape Verde. Tichamurega achitiudza chaakawana.
São Vicente Inonzwa“Mutauro Wakachena”
Kumira kwedu kwokutanga muCape Verde rakanga riri guta rePorto Grande paSão Vicente Island. Tichifamba nemotokari kubva panomhara ndege kupinda mutaundi, takaona machinga egomo ane mabwe akafukidzwa nejecha rakafuridzwa nemhepo. Kuitwa renje kweNorth Africa kwatosvika zviwi zveCape Verde! Kuvambira muna December kusvikira kuna February, harmattan—mhepo inopisa, yakaoma inobva kuSahara—inopfuura nomugungwa uye inofukidza zviwi namajecha neguruva. Padzimwe nguva makore ane guruva akakora kwazvo zvokuti ndege hadzigoni kubhururuka. Miti mishomanene inosara inoomeswa apo harmattan inosvika.
Kutaura nenzira yomudzimu, zvisinei, manyuko emvura anowanika nyore nyore. Zvapupu zvaJehovha zvakatanga ungano mbiri muPorto Grande, uye vaparidzi voUmambo 167 vakabatikana kuendesa mvura dzinopa upenyu dzezvokwadi kuvagari 47 000 veSão Vicente Island. Pamakupera evhiki, vanhu 400 vanouya kumisangano yakavakirwa paBhaibheri kuHoro yoUmambo.
Mukati meshanyo dzevhiki rose, gadziriro dzokupedzisira dzakanga dzichiitwa dzo“Mutauro Wakachena” Kokorodzano Yoruwa yaizoitirwa muhoro yakanakisisa muguta. (Zefania 3:9) Pamwe chete navanhu vomunzvimbomo, nhume dzinobva kuzviwi zveSanto Antão uye São Nicolau dzakasvitsa chiverengero chavakapinda kuchiverengero chapamusoro chavane 756. Vanhu vane makumi maviri navana vakabhapatidzwa. Purogiramu yakabatanidza chinoitika cheBhaibheri chakapiwa neZvapupu. Mumwe murume uyo akanga ari mutungamiriri wokudzokorora wokubudiswa kwefirimu akapinda chinoitika chacho ndokuti: “Isu takarovedza kwegore rimwe uye kunyange ipapo taiva nezvinetso zvakawanda. Vatori rutivi muchinoitika chenyu vakaita zviri nani zvikuru nemwedzi miviri bedzi yokurovedza.” Nemhedziso inobudirira yekokorodzano, yakanga yava nguva yokuti tipfuurire kuguta rePraia, dzimbahwe reCape Verde Republic, pachiwi cheSão Tiago.
Vanhu Vakacheneswa
Mumakore achangobva kupfuura vagari vazhinji vezvimwe zviwi vakadirana kudzimbahwe vachitsvaka basa. Somuuyo, zviuru zvedzimba dzechinyakare zvakavakwa kunze kweguta, kuchishandisazve zvakasimba mugove wemvura wakaganhurirwa negadziriro dzoutsanana. Kuwedzera kumari dzadzo, mhuri dzakawanda dzinochengeta mbudzi, nguruve, uye huku. Ndokwenguva dzose kuona izvozvi zvichifamba-famba norusungunuko mumigwagwa. Ikoku kwakagovera kukupararira kwehosha.
Pasinei zvapo nemigariro yakaoma yakadaro, zvisinei, zvino mune ungano mbiri dzinobudirira dziri muPraia, dzine hwerengedzo yavaparidzi voUmambo vanenge 130. Izvi Zvapupu zvinofara zvamazvirokwazvo zvaka‘zvibetsera zvimene’ kupfurikidza nokushandisa izvo zvakadzidza muBhaibheri. Dzichiedza kuva vanhu vakachena navatsvene, hama dzedu navana vadzo vakafarikanya utano huri nani, mose muri muviri mumudzimu nomumuviri. Kunyange zvazvo upenyu hwavo hwakaoma, vakapfuma mumudzimu.—Isaya 48:17; 1 Petro 1:15, 16.
Sezvo takasvika, hama dzakanga dzakabatikana kugadzirira kokorodzano yadzo yoruwa. Zvapupu navanhu vanofarira vanobva muSão Tiago mose pamwe chete nezviwi zveSal neFogo zvakaenda kukokorodzano, uye Jehovha akazvikomborera nechiverengero chavakapinda chapamusoro chavane 472. Munhu ari wose akafara kwazvo, kubatanidza vaduku vakawanda vane zviso zvakapenya! Sezvo takagara pakati peboka iroro rinopa ngwariro, kwakanga kuri pachena kuti hatitongofaniri kuzvidza “zuva rezvinhu zviduku.” (Zekaria 4:10, NW) Kwose ikoku kwakanga kwakura kubva muvanhu vaviri vakadzidza zvokwadi anopfuura makore 30 chete apfuura!
Tisati tabva pachiwi chacho, takaenda kundoshanyira mapoka maduku maviri, Vila Assomada neTarrafal, kunze kweguta. Chiwi chacho chakanga chine makomo, chisina chinhu, uye chakaoma. Asi pano nepapo, takaona nzvimbo dzegirini dzemiti inokura—maeka amakokonati, mabhanana, mapapaya, mango, uye zvichingodaro. Ikoku kwakayeuchidza uporofita hwaIsaya hwokuti pane rimwe zuva kunyange renje richatumbuka. (Isaya 35:1) Kufanana nenzvimbo yakasvibira pakati perenje, kunyange zvino mapoka maviri maduku eZvapupu anopa zvokudya zvakawanda zvomudzimu nezvokunwa kuzviuru zvinogara, sokunge zvakadaro, munyika yakaoma mumudzimu.
Shingairo Inopisa muFogo Island
Chiwi chinotevera chakanga chiri Fogo, rinoreva “mwoto.” Mavambo acho egomo rinoputika anotsanangura zita racho. Cano Peak richiri gomo rinoputika. Iro rinobva mugungwa richikwira rakatetepa kusvikira paurengarenga hwamamita 2 800. Chiwi chacho chakanga chichangobva kuva nemvura yakawanda, yokutanga youwandu hwakadaro mumakore akawanda. Pakanga pane kunzwa kwokufara pakati pavanhu, uye ivo vakanga vakabatikana nenzira yechienzi nezvirimwa zvavo zvebhinzi nemanioc, zvokudya zvikuru muCape Verde.
Zvisinei, ava vanhu vanoonga vakanga vasina kunyanyobatikana zvokusagona kumira ndokupinza mvura dzezvokwadi dzinobva muBhaibheri. Takakwanisa kusangana namapoka matatu akasiana-siana, kunyange zvazvo kwakanga kuri kuparapatika kwakati kusvika kwavari nemhaka yokuti motokari dzakanga dziri shomanene uye dzakanga dziri mumugariro wakashata. Takafadzwa zvikuru apo hwerengedzo yavanhu 162 yakauya kumisangano, nokuti paiva navaparidzi voUmambo 42 bedzi pachiwi chacho. Ikoku kwakanga kuri ratidzirwo yeshingairo yeboka irori duku rehama nehanzvadzi, avo vanopedza avhareji yamaawa 15 mwedzi mumwe nomumwe vachiunza mvura yokufananidzira yezvokwadi noupenyu kuvagari 32 000 veFogo Island.
Chibereko Munyika yeKaturike
Takanga tichigere kushanyira hama dzedu pazviwi zveSanto Antão neSão Nicolau. Sezvinoratidzira mazita aya, Chechi yeRoma Katurike yakashandisa pesvedzero yayo pazviwi kwamazana amakore anoverengeka. Kunyange zvazvo chiKaturike chichiri rudzidziso rukuru paCape Verde, vanhu vapachokwadi vakawanda vari kutendeukira kuBhaibheri nokuda kwemvura dzaro dzinozorodza dzezvokwadi.
Vaparidzi voUmambo 49 vari muungano duku mbiri pamigumo yakatarisana yeSanto Antão vanoshanda zvakaoma kuti vagovere zvinodikanwa zvomudzimu zvavagari vayo 44 000. Apo vanhu 512 vakauya kuhurukuro yavose yeBhaibheri paPorto Novo Ungano, kwakanga kwakajeka kuvaparidzi voUmambo 32 varimo kuti vanhu vazhinji vakafanana namakwai muSanto Antão vane nyota yemvura yezvokwadi.
Basa paSão Nicolau Island rakatanga makore akati apfuura apo imwe hanzvadzi piona muPortugal kupfurikidza netsamba yaiitisa fundo yeBhaibheri imwe mhuri yapachiwi. Ipapo, muna 1978, mumwe piona muPortugal akasarudza kudzokera kuchiwi chake chaakaberekerwa, São Nicolau, kuzogoverana zvokwadi yeBhaibheri navagari vayo vane 15 000. Apo iye akaitisa musangano wokutanga weBhaibheri pachiwi chacho, vakapinda akanga ari munhu mumwe chete—iye! Asi Jehovha Mwari akapindura minyengetero yokushingaira yaakapa pamusangano iwoyo. Mukati meshanyo yedu, vaparidzi 48 vomuungano nhatu vakafadzwa nokuona kuti hwerengedzo yavanhu 335 yakanga yauya kumisangano.
Gungano redunhu rokutanga pachiwi chacho rakaitwa mukati meshanyo yedu, uye horo yomunzvimbomo yakaitwa kuti iwanike kwatiri pachena. Vakuru vakuru vetaundi vakagovera gunzanzwi nezvokufambisa zvapachena. Vaparidzi 19 veungano yakatigamuchira vakatarisira pokugara penhume 100 ndokugadzirira zvokudya zvavane 208 vaiva muvateereri. Pasinei zvapo nenhamo dzakawanda hama dzedu dzinotarisana nadzo zuva nezuva, dzakaita mupiro kuMari yeHoro dzoUmambo yeSosaiti.
Mufambiro wakaisvonaka weZvapupu zvaJehovha unosanozivikanwa muno, uye vashandirwi vazhinji vanozvitsvaka apo vashandi vanodikanwa. Somuenzaniso, mwene wechiteshi bedzi chepeturo pachiwi chacho akakumbira chimwe chapupu kumushandira, sezvo aida mumwe munhu akatendeseka. Hama yaitova nebasa asi yakati yaizoona kana yaigona kuwana mumwe munhuwo zvake. “Kana bedzi iye ari Chapupu chakabhapatidzwa!” akadaro mwene. Mwedzi miviri gare gare, iye akaudza hama yedu kuti: “Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu bedzi vanofanira kutarisira mari!”
Pokumira Pokupedzisira—Sal Island
Pokumira pedu pokupedzisira paurwu rwendo chakanga chiri chiwi cheSal. Zita racho rinoreva “munyu,” uye ikoko kunoratidzira nyore nyore basa guru rapaichi chiwi. Pano ungano duku yakaumbwa navaparidzi 22, avo vanoshanda zvakaoma kuunza shoko roUmambo kuvagari 6 500. Wakanga uri mufarwa chaiwoiwo kugoverana mashoko akanaka naava vagari vapazviwi, nokuti takakokwa kupinda pamusha unodokuva uri wose uye takakwanisa kutaura kumitezo inoverengeka yemhuri.
Shanyo kuSal Island yakapedza kufamba kwedu. Chakanga chiri chikomborero chakadini kushanda naava vabatiri vakatendeka vaJehovha muCape Verde! Zvino kune vaparidzi voUmambo vane 531 paizvi zviwi, uye chiverengero ichocho chichakura zvirokwazvo sezvo vanhu 2 567 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna 1991 chinopfuurira kugamuchira zvokudya zvomudzimu. Kunyange zvazvo vazhinjisa veZvapupu zvaJehovha vane zvishomanene mune zvokunyama, vakapfuma uye vanosanodyiswa mumudzimu. Uye zvinoonga sei kuti Jehovha ari kuparira mvura youpenyu kubuda zvikuru paizvi zviwi kumbiri yake nerumbidzo!
[Mepu iri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
CAPE VERDE
SANTO ANTÃO
SÃO VICENTE
SÃO NICOLAU
SANTA LUZIA
SAL
BOA VISTA
MAIO
SÃO TIAGO
FOGO
BRAVA
Praia
Atlantic Ocean