RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 3/1 pp. 10-15
  • Vhiki Rakachinja Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vhiki Rakachinja Nyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nisani 8
  • Nisani 9
  • Nisani 10
  • Nisani 11—Zuva Romubato
  • Sezvo Nisani 11 Anosvika Kumugumo
  • Nisani 12
  • Nisani 13
  • “Awa Yasvika!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • A7-G Upenyu hwaJesu Panyika—Ushumiri hwaJesu Hwekupedzisira Ari muJerusarema (Chikamu 1)
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Paseka yaJesu Yekupedzisira Yava Pedyo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 3/1 pp. 10-15

Vhiki Rakachinja Nyika

“Akakomborerwa uyo unouya muzita raJehovha!”—MATEO 21:9, NW.

1. Mapokai maviri akasiana akatapurwa nezvinoitika zvaAugust apfuura?

“MAZUVA MATATU ANOTAMBUDZA ZVIKURU AKAZUNUNGUSA NYIKA.” Muna August 1991, misoro yamapepanhau yakadai souyu yakasimbisa idi rokuti nyika inogona kuvhiringidzwa zvikuru mukati mamazuva mashomanene. Zvamazvirokwazvo, mazuva okupedzisira aAugust akanga akazara zvikurusa nezvinoitika kwete bedzi nokuda kwenyika asiwo nokuda kweboka nezvaro Jesu akati: “Havasati vari rutivi rwenyika.” Iri boka rinozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha.—Johane 17:14, NW.

2, 3. (a) Rusununguko rwakasimbiswa sei muZagreb pasinei zvapo nengozi yehondo? (b) Kutenda kwakasimba kwakatuswa sei muOdessa?

2 Kokorodzano yokutanga yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha yati yamborongwa nokuda kweYugoslavia yakanga yarongwa nokuda kwaAugust 16 kusvikira kuna 18. Sezvakwakaitika, yaizova kokorodzano huru yokutanga yavanhu vaJehovha mukati morudzi rwakanga rwodokurwa hondo yavagarivemo. Zvapupu zvomunzvimbomo, pamwe chete navazvipiri vakabva munyika dzakavakidzana, vakanga vashanda zvakaoma kwemwedzi miviri mukugadzira zvakakwana nhandare yenhabvu yeHASK Građanski muZagreb. Yakanga yakachena zvikuru, nzvimbo yakakodzera nokuda kweKokorodzano ya“Vadi Vorusununguko rwouMwari.” Zviuru zvenhume dzamarudzi ose vakaronga kupinda, kubatanidza 600 dzaibva kuUnited States. Sezvo ngozi yehondo yavagarivemo yakatyisidzira, shoko rakatenderera: “VaAmerica havasati vachizotongouya.” Asi vakauya, pamwe chete nenhume dzakabva kune dzimwe nyika. Vapindi vane 10 000 vaikarirwa, asi 14 684 vakanga vari munhandare pazuva rokupedzisira! Vose vakakomborerwa zvikuru nemhaka yokuti havana ‘kurega kuungana kwavo pamwe chete.’—VaHebheru 10:25.

3 Mukati mamazuva matatu pashure pekokorodzano yeZagreb, kubvuta simba kusina kubudirira kwakaitwa muSoviet Union. Panguva yacho, vadi vorusununguko rwoumwari vakanga vachiita gadziriro dzokupedzisira nokuda kwekokorodzano yavo muOdessa muUkraine. Kokorodzano yaigona kuitwa here? Nokutenda kwakasimba hama dzakaita nhano dzokupedzisira kupedza kugadzirwa kwenhandare, uye nhume dzakaramba dzichiuya. Sokunge nenenji, kubvuta simba kwakapera. Kokorodzano inofadza yakaitwa pana August 24, 25, navane 12 115 vakapinda uye 1 943—16 muzana yechiverengero chapamusoro chavapindi—ichibhapatidzwa! Izvi Zvapupu zvitsva, pamwe chete navachengeti veperero vakare, vakafara kuti vakanga vauya kukokorodzano iyoyo nechivimbo chakazara muna Jehovha.—Zvirevo 3:5, 6.

4. Zvapupu zvomuEastern Europe zvave zvichitevera muenzanisoi wakagadzwa naJesu?

4 Izvi Zvapupu zvakatendeka zvakanga zvichitevera muenzaniso wakagadzwa noMuenzaniso wedu, Jesu Kristu. Haana kutongoregeredza kupinda mitambo yakarairwa naJehovha, kunyange apo vaJudha vaitsvaka kumuuraya. Sezvaakakwira kuJerusarema nokuda kwePaseka yake yokupedzisira, ava vakanga vakamira mutembere, vachibvunza, kuti: “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?” (Johane 11:56) Asi akauya! Ikoku kwakazarura vhiki rakaguma nokuchinja nzira yenhau yomunhu. Tingahwirudzura zvino mamwe amapfundo makuru evhiki iroro here—Nisani 8 kusvikira kuna 14 pakarenda yechiJudha?

Nisani 8

5. Chii icho Jesu aiziva nezvacho sezvo akafamba achienda Bhetania pana Nisani 8, 33 N.V.?

5 Pairi zuva Jesu navadzidzi vake vanosvika muBhetania. Muno, Jesu achapedza usiku hutanhatu paimba peshamwari yake inodiwa Razaro, uyo achangobva kumutsa muna vakafa. Bhetania iri pedyo neJerusarema. Pachivande, Jesu atozivisa vadzidzi vake kuti: “Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaprista vakuru navanyori, vachamutongera rufu. Vachamuisa kuvahedheni kuti asekwe, aroveswe, aroverwe [padanda rokutambudzira, NW], asi nezuva retatu uchamutswazve.” (Mateo 20:18, 19) Jesu anoziva zvizere kuti anofanira zvino kutarisana nemiedzo inorwadza. Zvisinei, sezvo nguva iyoyo yokuedza kukurusa inosvika, anoita nhamburiko iri yose mukubatira norudo hama dzake. Ngativei nguva dzose ve“ichi chimiro chendangariro . . . icho chaivawo muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 2:1-5, NW; 1 Johane 3:16.

Nisani 9

6. Mumadekwana aNisani 9, chii chakaita Maria, uye chii chakataura Jesu kuna Judhasi?

6 Kunyura kwezuva kunotevera, sezvo Nisani 9 anovamba, Jesu anofarikanya zvokudya pamusha paSimoni aichimbova ane maperembudzi. Ndipapa apo hanzvadzi yaRazaro Maria inodurura mafuta anodhura anonhuwira mumusoro maJesu netsoka uye nenzira yokuzvininipisa anopukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Apo Judhasi anoramba, Jesu anoti: “Muregei azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu.” Vachinzwa kuti vazhinji vavaJudha vari kuenda Bhetania vachitenda muna Jesu, vaprista vakuru vanorangana kumuuraya naRazaro.—Johane 12:1-7.

7. Pamangwanani aNisani 9, zita raJehovha rakakudzwa sei, uye chii icho Jesu akadeya kuzivisa?

7 Mangwanani-ngwanani, Jesu anovamba rwendo rwokuJerusarema. Mapoka anobuda kuzosangana naye, achivheyesa matavi emichindwe uye achidanidzira, kuti: “Hosana! Akakomborerwa uyo unouya muzita raJehovha, kunyange mambo waIsraeri!” Jesu ipapo anozadzika uporofita hwaZekaria 9:9 kupfurikidza nokukwira muguta akatasva mbongoro. Sezvo anosvika pedyo neJerusarema, anochema pamusoro paro, achideya kuzivisa kuti vaRoma vacharikomberedza nembango ndokuriparadza chose chose—uporofita hwaizova nezadziko inoshamisa makore 37 gare gare. (Ikoku kunoratidzawo dambudziko nokuda kwechiKristudhomu, icho chakawa pakutenda mukutevedzera muenzaniso weJerusarema rekare.) Vatongi vechiJudha havadi Jesu samambo wavo. Mukushatirwa vanoti: “Tarirai, nyika yose yamutevera.”—Johane 12:13, 19, NW.

Nisani 10

8. Pana Nisani 10, Jesu akaratidza sei ruremekedzo rukuru nokuda kweimba yaJehovha yomunyengetero, uye chii chakatevera?

8 Jesu anoshanyirazve tembere. Kechipiri, anobudisa vatengesi vane makaro navachinji vemari. Kutengeserana—“rudo rwemari”—hazvifaniri kuitika muimba yaJehovha yomunyengetero! (1 Timotio 6:9, 10) Jesu achakurumidza kufa. Anotaura nezvokusimwa kwembeu kuenzanisira ikoku. Mbeu yokutanga inofa, asi inomera kuti ibereke dzinde rinobereka mbeu dzakawanda. Nenzira yakafanana, rufu rwaJesu ruchaguma noupenyu husingaperi nokuda kwavazhinji vanoshandisa kutenda maari. Achitambudzika nepfungwa yorufu rwake rwakanga ruchisvika, Jesu anonyengetera kuti zita raBaba vake richarumbidzwa nomutoo iwoyo. Mukupindura, inzwi raMwari rinotinhira kubva mudenga kuti vose varipo vanzwe: “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.”—Johane 12:27, 28.

Nisani 11—Zuva Romubato

9. (a) Pakuvamba muzuva pana Nisani 11, Jesu akashandisa sei mienzanisiro mukushurikidza vaJudha vakawa pakutenda? (b) Mukuwirirana nomufananidzo waJesu, ndivanaani vakapotsa banza rakaisvonaka?

9 Jesu navadzidzi vake vanobvazve muBhetania nokuda kwezuva rakazara romubato. Jesu anoshandisa mienzanisiro mitatu kuratidza chikonzero nei vanhu vechiJudha vakawa pakutenda vachishurikidzwa. Ari munzira, anotuka muonde usingabereki uye nokudaro anoratidzira kushurikidza kwake rudzi rusingatendi, rusingabereki rwechiJudha. Achipinda mutembere, anorondedzera kuti varimi vasina maturo vomunda wemizambiringa watenzi pakupedzisira vakauraya sei kunyange mwanakomana watenzi nomudyi wenhaka—achifananidzira kurega kwavaJudha chivimbo chavo muna Jehovha, uko kuchagumiswa nokuuraya kwavo Jesu. Anorondedzera mutambo weroorano wakarongwa namambo—Jehovha—ane vakokwi vake [vaJudha] nenzira youdyire vanozvihesvura vamene mukupinda. Nokudaro, kokero inoenda kuvokunze—Vamarudzi—avo vamwe vavo vanogamuchira. Asi munhu anowanwa asina nguvo yomuchato anokandirwa kunze. Anomirira maKristu enhema echiKristudhomu. VaJudha vazhinji vomuzuva raJesu vakakokwa “asi vashoma vakasarudzwa” kuva pakati pavane 144 000 vakaiswa chisimbiso vanogara nhaka Umambo hwokudenga.—Mateo 22:14; Zvakazarurwa 7:4.

10-12. (a) Neiko Jesu akatsiura vafundisi vechiJudha, uye kushurikidzai kwakakomba kwaakatutira pavanyengeri ivavo? (b) Rutongeso rwakaitwa sei pakupedzisira pavanhu vechiJudha vakawa pakutenda?

10 Vafundisi vanonyengera vechiJudha vanotsvaka nguva yokubata Jesu, asi anopindura chiverengero chakati chemibvunzo yavo yamanomano uye anovakangaidza pamberi pavanhu. Haiwa, vaJudha vorudzidziso ivavo vakawa pakutenda! Jesu anovatsoropodza sei nenzira yakananga! Vanoshuva utanhamari, nguvo dzakasiana, uye mazita outanhamari, akadai sokuti “Rabhi” uye “Baba,” kufanana navafundisi vazhinji vorudzidziso muzuva redu. Jesu anotaura mutemo: “Ani naani unozvikudza uchaninipiswa, naani naani anozvininipisa, uchakudzwa.”—Mateo 23:12.

11 Jesu anotuka zvakasimba vatungamiriri vorudzidziso ivavo. Kanomwe anoti: “Mune nhamo!” achivaidza vatungamiriri mapofu uye vanyengeri. Uye nguva imwe neimwe anopa chikonzero chakajeka cheshurikidzo. Vari kudzivisa kupinda muUmambo hwamatenga. Apo vanotapa mupuroserite, anova nyajambwa weGehena kaviri, sezvingabvira anotova mumutsara woruparadziko nemhaka yechivi chakakomba chakapfuura kana kuti kunyanyisa. “Imi mapenzi namapofu!” anodaro Jesu, nokuti vaFarise vanonangidzira ngwariro pandarama yetembere panzvimbo pokuchengeta kunamata kwakachena ipapo. Vanofuratira ruramisiro, tsitsi, uye kutendeka sezvo vanobhadhara chegumi cheminte inochochorwa, uye anise, uye kumini, asi vanofuratira nhau dzinokosha dzoMutemo. Kushamba kwomuitiro hakusati kuchizotongobvisa ushati hwavo hwomukati—mwoyo bedzi wakacheneswa kupfurikidza nokutenda muchibairo chinouya chaJesu unogona kuita ikoko. Unyengeri hwavo hwomukati nokusateerera mutemo zvinobvumikisa “kucheneswa” kupi nokupi kwokunze kuva kwenhema.—Mateo 23:13-29.

12 Hungu, inhamo zvamazvirokwazvo kuvaFarise, zvirokwazvo “vana veavo vakauraya vaporofita” vekare! Nyoka, vana vebvumbi, vakashurikidzirwa kuGehena, nokuti vachauraya kwete bedzi Jesu asiwo vaanotuma. Urwu rutongeso runofanira kuitwa “paurwu rudzi.” Mukuzadzika, Jerusarema rakaparadzwa chose chose makore 37 gare gare.—Mateo 23:30-36.

13. Tsinhiro dzaJesu pamusoro pemipiro yetembere dzinoratidzirwa mumigariroi nhasi?

13 Asati abva mutembere, Jesu anotaura nenzira yokurumbidza chirikadzi inoshaiwa inodonhedza muchivigiro chemari mari duku mbiri—“zvose zvaanga anazvo.” Musiano zvamazvirokwazvo navapfumi vana makaro, vakadonhedza bedzi mipiro miduku! Kufanana nechirikadzi iyoyo inoshaiwa, Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yokudisa zvinopa nguva, simba, uye mari kuti zvigotsigira nokufutunura basa roUmambo renyika yose. Vakasiana sei navaparidzi veevhangeri vaya vomuTV vanobira mapoka avo ndokuvaka mirwi yepfuma yomunhu oga!—Ruka 20:45–21:4.

Sezvo Nisani 11 Anosvika Kumugumo

14. Kusuruvarai Jesu akaratidza, uye akapindura sei kumwe kubvunza kwavadzidzi vake?

14 Jesu anochema pamusoro peJerusarema navanhu varo uye anozivisa, kuti: “Kubva zvino hamusati muchizondiona, kusvikira muchiti: ‘Ngaarumbidzwe iye unouya muzita ra[Jehovha, NW].’” (Mateo 23:37-39) Gare gare, apo vakagara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vapedyo vaJesu vanobvunza pamusoro paikoku, uye mukupindura Jesu anorondedzera chiratidzo chicharatidza kuvapo kwake musimba roUmambo uye mhedziso yetsika yezvinhu yakaipa yaSatani.—Mateo 24:1–25:46; Marko 13:1-37; Ruka 21:5-36.

15. Chiratidzoi icho Jesu akapa pamusoro pokuvapo kwake nokuda kworutongeso, uye chiri kuzadzikwa chibviro charini?

15 Achinongedzera kurutongeso rwaJehovha ruchakurumidza kuitwa patembere, Jesu anoratidzira kuti ikoku kunofananidzira zvinoitika zvenguva yemberi zvine ngwavaira pamhedziso yetsika yose yezvinhu. Nguva iyoyo yokuvapo kwake icharatidzirwa nokuvamba kwehondo pamwero usingaenzaniswi, pamwe chete nenzara, kudengenyeka kwapasi, uye nhenda, pamwe chete nokusava norudo nokusateerera mutemo. Ikoku kwave kuri kwechokwadi sei nezvenyika yedu yomuzana ramakore rechi 20 chibviro cha 1914!

16, 17. Ndizvinoitikai zvenyika Jesu akarondedzera, uye maKristu anofanira kuita sei kuuporofita hwacho?

16 Mugumo uchasvikwa mu“dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika, chifo chamavambo enyika, uye harisati richizoitikazve.” Sezvo irori richava rinoparadzanya saMafashamo omuzuva raNoa, Jesu anonyevera pamusoro pokuva anobatanidzwa muzvirondwa zvenyika. “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe anouya naro.” Tinogona kufara sei kuti Tenzi akagadza “muranda akatendeka nowakachenjera” kuzivisa nyevero nokugovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda nokuda kwezuva rino rokuvapo kwake!—Mateo 24:21, 42, 45-47, NW.

17 Muzana redu ramakore rechi 20, takaona “pasi pano nhamo yamarudzi, asingazivi nzira yokubuda nayo . . . vanhu vachipera simba norutyo nekariro yezviri kuuya papasi rinogarwa.” Asi Jesu anotiudza, kuti: “Asi kana moona izvozvi zvichitanga kuitika simudzai misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Uye anotinyevera, kuti: “Chenjerai kuti murege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” Kupfurikidza bedzi nokuramba takamuka tinogona kumira takatenderwa pamberi paJesu, “Mwanakomana womunhu,” pakuvapo kwake.—Ruka 21:25-28, 34-36.

18. Ikurudziroi yatingawana mumienzanisiro yaJesu yavasikana gumi nowamatarenda?

18 Mukupedzisa rondedzero yake yapachine nguva mberi younyanzvi yezvinoitika zvomuzuva razvino uno, Jesu anopa mienzanisiro mitatu. Kutanga, mumufananidzo wavasikana gumi, zvakare anosimbisa kudikanwa kwo“kurinda.” Ipapo, mumuenzanisiro wavaranda namatarenda, anoratidza kuti rubishairo runotuswa sei nokukokwa ‘kupinda mumufaro waTenzi.’ MaKristu akazodzwa, ayo anodeya kufananidzirwa mumifananidzo iyi, pamwe chete namamwe makwai vanogona kuwana kurudziro huru kubva muidzi rondedzero dzakajeka.—Mateo 25:1-30.

19, 20. Ukamai hunofadza hwomuzuva razvino uno hunosimbiswa mumuenzanisiro waJesu wamakwai nembudzi?

19 Muenzanisiro wechitatu unonongedzera kukuvapo kwaJesu musimba roUmambo pashure pokunge asvika kuzogara pachigaro chake chokudenga chine mbiri. Inguva yokutonga marudzi uye yokuparadzanisa marudzi apasi mumapoka maviri, rimwe rinoumbwa navanhu navanyoro vakafanana namakwai uye rimwe racho, ravakafanana nembudzi dzine chisimbwa. Makwai anoita nhamburiko kuzviratidza amene kuva anotsigira hama dzaMambo—vakasarira vakazodzwa vari pasi pano panguva ino yomugumo wenyika. Aya makwai anotuswa noupenyu, nepo mbudzi dzisingaongi dzichienda muruparadziko rusingaperi.—Mateo 25:31-46.

20 Ukama hwakaisvonaka zvakadini hwatinoona pakati pamamwe makwai nehama dzaMambo pamhedziso ino yetsika yezvinhu! Kunyange zvazvo vakasarira vakazodzwa vakatakura mutoro mukuru webasa pakutanga kwokuvapo kwaMambo, mamirioni amamwe makwai anoshingaira zvino anoumba 99,8 muzana yavabatiri vaMwari pasi pano. (Johane 10:16) Uye ivowo vakazviratidzira vamene kuva vanoda kutsungirira ‘nzara, nyota, mushutu, chirwere, uye torongo’ seshamwari dzavakazodzwa vanochengeta perero.a

Nisani 12

21. Chii chinopfuurira pana Nisani 12, uye sei?

21 Rangano yokuuraya Jesu inopfuurira. Judhasi anoshanyira vaprista vakuru patembere, achibvuma kutengesa Jesu nezvidimbu 30 zvesirivha. Kunyange ikoku kwakanga kwaporofitwa.—Zekaria 11:12.

Nisani 13

22. Igadziriroi yakaitwa pana Nisani 13?

22 Jesu, uyo anopfuurira kugara muBhetania, sezvingabvira nokuda kwomunyengetero nokufungisisa, anotuma vadzidzi vake muJerusarema kundowana “Nyakuti” akati. Mumusha mouyu murume, mukamuri guru rapamusoro, vanogadzirira nokuda kwePaseka. (Mateo 26:17-19) Sezvo zuva rinonyura pana Nisani 13, Jesu anovakumbanira imomo nokuda kwokuchengeta kunokosha zvikurusa munhau yose. Chii zvino chinomirira pana Nisani 14? Nyaya yedu inotevera ichataura.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya inotevera inofanira kutibetsera kunzwisisa zvikuru kwazvo ukama hwapedyo pakati peboka duku ravakazodzwa namamwe makwai.

Waizopeta Sei?

◻ Mutsai nokugamuchira izvo vamwe vakapa Jesu mukati maNisani 8 kusvikira kuna 10?

◻ Jesu akafumura sei vafundisi vanonyengera pana Nisani 11?

◻ Uporofitai hukuru uhwo Jesu akapa, uye huri kuzadzikwa sei nhasi?

◻ Zvinoitika zvakasvika sei kumugumo pana Nisani 12 na 13?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jesu anoonga chirikadzi murombo yakapa tumari tuviri—zvose zvaakanga anazvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe