Ko Gadziriro Dzechengeteko Yamarudzi Ose Dzichabudirira Here?
“UTSINYE Hukuru pakati pamarudzi, uhwo hwakabata nyika kwamakore anopfuura 40, hunooneka mungoni dzaMwari kuva hwakaguma,” inodaro One World, magazini yeWCC (World Council of Churches). “Zvinoitika zvinokosha muCentral neEastern Europe . . . zvinoratidzika kuva zvinoratidza zvakanaka nokuda kworugare nechengeteko muEurope norutivi rwasara rwenyika,” anowedzera kudaro munyori weAnglican John Pobee, weWCC’s Programme on Theological Education.
Vamiriri veWCC havasati vari voga mukubatanidza Mwari negadziriro dzomunhu dzechengeteko yamarudzi ose. Muna April 1991, nokukurumidza pashure pehondo yePersian Gulf, Pope John Paul akatumira shoko kumunyori mukuru wapanguva iyoyo weCM Javier Pérez de Cuéllar umo iye akati: “Mabhishopi eChechi dzeKaturike dzeMiddle East nokuMadokero ane chivimbo mubasa reChibatanwa chaMarudzi. . . Anokarira kuti, kupfurikidza neChibatanwa chaMarudzi namasangano acho chaiwo, avo hondo yemisi ichangobva kupfuura iyi yakaisa mumugariro wokushaya kwakakomba haasati achizokundikana kuwana kutapurwa kwamarudzi ose nokubatana.”
Kupfuurirazve, Vatican yakanga iri imwe yeNyika 35 idzo dzakaumba ndokusaina zvose zviri zviviri Chibvumirano cheHelsinki cha 1975 norugwaro rweStockholm rwa 1986. Apo Chibatanwa chaMarudzi chakazivisa 1986 kuva “Gore Ramarudzi Ose Rorugare,” papa akapindura kupfurikidza nokukoka vamiriri vamarudzidziso makuru enyika kuti vatore rutivi mukuchengetwa kwe“Zuva reNyika roMunyengetero woRugare.” Muna October 1986, vamiriri vechiBuddha, chiHindu, chiIslam, chiShinto, Anglican, Lutheran, Greek Orthodox, vechiJudha, uye mamwe marudzidziso akagara pamwe chete muAssisi, Italy, uye vakaita majana okunyengeterera rugare rwenyika.
Makore akati gare gare, mumharidzo yaakapa muRoma, Archbishop weAnglican weCanterbury akayeuka nhambo iri pamusoro apa. “MuAssisi,” iye akadaro, “takaona kuti Bhishopi weRoma [papa] aigona kuunganidza chechi dzechiKristu pamwe chete. Takagona kunyengetera pamwe chete, kutaura pamwe chete ndokuita pamwe chete nokuda kworugare negarikano yorudzi rwomunhu . . . Pakutangwa ikoko kwomunyengetero worugare rwenyika ndakanzwa kuti ndakanga ndiri pamberi paMwari uyo akati ‘Tarirai ndiri kuita chinhu chitsva.’”
Mamwe marudzidziso, kunyange zvazvo asina kumirirwa paAssisi, anewo tariro pamusoro pegadziriro dzomunhu dzechengeteko yamarudzi ose. Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muDie Kerkbode, magazini yapamutemo yeSouth Africa’s Dutch Reformed Church, chakati: “Tiri kuwana kuchinja kwokupinda munhevedzo yenyika itsva. Chakaratidzika kuva chisingadaviriki makore mashomanene apfuura chiri kuitika pamberi pameso edu pamene. Yananiso iri kuitika pachiono chikuru chenyika pakati peSoviet Union naMadokero ine ukoshi hwomunharaunda hwakafara. Murutivi rwedu rwenyika, mabato anowanzopokanidzana navavengi vasingayananiswi ari kutaura kurimwe nerimwe, uye sundo ku‘rugare’ iri kuoneka munzvimbo iri yose . . . Kubva mumurangariro wechiKristu, nhamburiko dzose dzokuunza rugare pakati pavanhu dzinofanira kufarirwa. Tinogona kunyengeterera rugare munguva yedu.”
Ko Mwari ari kukomborera here gadziriro dzomunhu dzechengeteko yenyika yamarudzi ose?
Chii Chinotaura Bhaibheri?
Pakunouya kukutsamira panhamburiko dzavanhu, Bhaibheri rinopa nyevero yakananga: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera kupasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:3, 4) Fambiro mberi yomuzuva razvino kurugare ingaratidzika kuva inokurudzira. Asi tinofanira kuva vapachokwadi. Masimba avanhu akaganhurirwa. Kazhinji kazhinji, zvinoitika zvikuru kupfuura zvavakaita. Ivo havagoni kuwanzonzwisisa mirangariro yakavanda, masimba akavanda, ayo anokangaidza gadziriro dzavo dzakasanofungwa.
Makore ana mazana manomwe pamberi penguva yaJesu, mumazuva omuporofita Isaya, vatungamiriri vechiJudha vakanga vachiita gadziriro dzechengeteko kupfurikidza nezvibvumirano zvamarudzi ose nenyika dzakavakidzana munzira ingagona kuenzaniswa nechiri kuitika nhasi. Mumazuva iwawowo, vatungamiriri vorudzidziso vakatsigira izvo vezvamatongerwe enyika vakanga vachiita. Asi Isaya akanyevera, kuti: “Ranganai, asi zvichakona; taurai shoko asi haringamiri.” (Isaya 8:10) Zano ravo rakava kundikano ine ngwavaira. Chinhu chimwe chetecho chingagona kuitika nhasi here?
Hungu, chingagona, sezvo kupfurikidza nomuporofita mumwe cheteyo, Mwari akazivisa kuti Iye ane nzira Yake amene yokuunza nayo chengeteko kupasi. Ichava, kwete kupfurikidza nesangano ripi neripi romunhu, asi kupfurikidza nomuzukuru wamambo wechiIsraeri Dhavhidhi. (Isaya 9:6, 7) Uyu Mudyi nhaka waMambo Dhavhidhi ndiJesu Kristu, uyo, pakubvunzurudzwa naPontio Pirato, akabvuma kuti iye akanga ari Mambo asi akati: “Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino.” (Johane 18:36, NW; Ruka 1:32) Kutaura idi, Umambo hwaJesu hwakanga huchifanira kuva hwokudenga. Uye ihwo—kwete Chibatanwa chaMarudzi kana kuti rudzi rwezvamatongerwe enyika rwupi norwupi rwapasi—rwaifanira kuunza chengeteko isingagumi, yakavimbika kupasi rino.—Dhanieri 2:44.
Jesu Kristu akadeya kutaura kuti Umambo hwake hwaizotanga kutonga huri mumatenga panguva apo kwaizova ne“hondo nemishumo yehondo,” no‘rudzi ruchimukira rudzi noumambo huchimukira umambo.’ Zadziko youporofita hwacho inoratidzira 1914 senguva apo ikoko kwakaitika uye inozivisa makore chibviro chaipapo se“mhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3, 6-8.
Ikoku kunorevei? Kuti nguva yasarira iyi gadziriro yenyika iripo yakaganhurirwa, uye ichakurumidza kupera. Ikoko chisakiso cheitiro hanya kana kuti chorusuruvaro here? Kwete kana tikayeuka utsinye, kusaruramisira, dzvinyiriro, hondo, uye kutambura kwose uko kwakaratidzira tsika ino yezvinhu. Kuchava zvirokwazvo rusununguko kuva pasi pomutongi uyo nezvake Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoti: “Mudzimu waJehovha unofanira kuva paari, mudzimu wouchenjeri nowenzwisiso, mudzimu wezano nowoukuru, mudzimu wezivo nowokutyiwa kwaJehovha.”—Isaya 11:2, NW.
Chengeteko Chaiyoiyo Pasi Pano
Zvamazvirokwazvo, hakusati kuchizova nechengeteko chaiyoiyo pasi pano kutozosvikira, muUmambo hwaMwari, uporofita hwaIsaya hwazadzikwa pamwero wenyika yose, hunoti: “Nokuti tarirai ndinosika denga idzva nenyika itsva zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17) Hazvinei hazvo nokuti minyengetero yakawanda sei vatungamiriri vorudzidziso vanopa nokuda kwenyika ino, gadziriro dzavanhu dzechengeteko yamarudzi hadzigoni kutsiva nzira yaMwari yokuunza rugare nechengeteko.
Chengeteko yenyika yose, yechigarire iyo Umambo hwaMwari hunopinza ichava ine mbiri. Heino imwe bedzi yerondedzero dzinowanwa muBhaibheri: “Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:3, 4.
Chengeteko bedzi yakavimbiswa naMwari amene inogona kuva yechigarire neinovimbika. Nokudaro, panzvimbo pokuisa chivimbo chako mumachinda, huregererei kuisa chivimbo chako maari? Ipapo uchawana kuti mashoko owezvamapisarema ndeechokwadi, anoti: “Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita denga napasi, negungwa nazvose zviri mukati mazvo; Iye, unoramba akatendeka nokusingaperi.”—Pisarema 146:5, 6.
[Bhokisi riri papeji 7]
Chechi yeKaturike Nezvamatongerwe Enyika Zvamarudzi Ose
“Kunyange zvazvo Kristu akataura kuti umambo hwake hwakanga hu‘siri rutivi rwenyika ino,’ vafundisi vakakwirira navanapapa sesangano vakatora rutivi zvikuru murwisano dzamarudzi nedzamatongerwe enyika dzorudzi chifo chenguva yaConstantine.”—The Catholic Church in World Politics rakanyorwa naPurofesa Eric Hanson weJesuit Santa Clara University.