Vanyoro Vanofara Sei!
“Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka pasi.” —MATEO 5:5, NW.
1. Chii chiri unyoro uhwo Jesu akataura nezvahwo muMharidzo yake yapaGomo?
MUMHARIDZO yake yapaGomo, Jesu Kristu akati: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka pasi.” (Mateo 5:5, NW) Uhu unyoro, kana kuti rupfave, hakasati kari kaunyoro kokunyengera, uyewo harisati ririwo zvaro vara rohunhu hwomuzvarirwo. Panzvimbo pezvo, unyoro hwomukati hwapachokwadi nokuva norugare kunoshandiswa zvikurukuru mukugamuchira kuda kwaJehovha Mwari nenhungamiro. Vanhu vanyoro zvirokwazvo vane pfungwa huru yorutsamiro pana Mwari iyo inoratidzirwa mumufambiro munyoro kuvanhu biyavo.—VaRoma 12:17-19; Tito 3:1, 2.
2. Neiko Jesu akati vanyoro vanofara?
2 Jesu akati vanyoro vanofara nemhaka yokuti vachagara nhaka pasi. SoMwanakomana munyoro zvakakwana waMwari, Jesu ndiye Mugari weNhaka Mukuru wapasi. (Pisarema 2:8; Mateo 11:29; VaHebheru 1:1, 2; 2:5-9) Asi so“mwanakomana womunhu” wouMesia, iye aizofanira kuva navatongi pamwe chete naye muUmambo hwake hwokudenga. (Dhanieri 7:13, 14, 22, 27) Sa“vadyi venhaka pamwe chete” vaKristu, ava vanyoro vakazodzwa vachagoverana mukugara nhaka kwake pasi. (VaRoma 8:17) Vamwe vanhu vanyoro, vakafanana namakwai vachafarikanya upenyu husingagumi muParadhiso munzvimbo yoUmambo yapasi. (Mateo 25:33, 34, 46; Ruka 23:43) Kariro iyoyo inovaita kuti vafare zvamazvirokwazvo.
3. Mwari naKristu vakagadza muenzanisoi pamusoro pounyoro?
3 Mugari weNhaka Mukuru munyoro anogamuchira pasi kuna Baba vake, Jehovha, muenzaniso mukuru wounyoro. Magwaro anotaura kazhinji sei kuti Mwari “anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru”! (Eksodho 34:6; Nehemia 9:17; Pisarema 86:15) Iye ane simba guru asi anoratidzira unyoro hwakadaro kuti vanamati vake vagone kumusvika pasina rutyo. (VaHebheru 4:16; 10:19-22) Mwanakomana waMwari, uyo akanga ari “munyoro naane mwoyo unozvininipisa,” akadzidzisa vadzidzi vake kuva vanyoro. (Mateo 11:29, NW; Ruka 6:27-29) Somuuyo, ava varanda vanyoro vaMwari noMwanakomana wake vakatevedzera uye vakanyora pamusoro po“unyoro netsitsi dzaKristu.”—2 VaKorinte 10:1; VaRoma 1:1; Jakobho 1:1, 2; 2 Petro 1:1.
4. (a) Mukuwirirana naVaKorose 3:12, chii chakaitwa naavo vari vanyoro zvirokwazvo? (b) Mibvunzoi yakafanirwa nokurangarira kwedu?
4 Nhasi, vose vari vaviri maKristu akazodzwa neshamwari dzavo dzapasi vanofanira kuva vanyoro. Zvavakabvisa kushata kupi nokupi, unyengeri, unhavatava, godo, uye kuchera, vakabetserwa nomudzimu mutsvene waMwari kuva vatsva mu‘simba rinonyandura ndangariro yavo.’ (VaEfeso 4:22-24; 1 Petro 2:1, 2) Vanokurudzirwa kuzvipfekedza vamene “mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Asi unyoro hunobatanidzei chaizvoizvo? Neiko kuchibetsera kuva munyoro? Uye iri vara rinogona sei kubetsera kumufarwa wedu?
Kusanonzvera Unyoro
5. Unyoro hungarondedzerwa sei?
5 Munhu munyoro munyoro muchimiro nomufambiro. Mushanduro dzakati dzeBhaibheri, ishoko rinorondedzera pra·ysʹ iro rinoshandurwa kuti “rupfave,” “munyoro,” uye “unyoro.” MuchiGiriki chaicho, shoko rinorondedzera pra·ysʹ rinogona kushanda kukuvhuvhuta kunyoro kana kuti inzwi. Rinogonawo kuratidzira mumwe munhu ane ngoni. Nyanzvi W. E. Vine inoti: “Kushandiswa kwe[zita pra·yʹtes] kutanga uye zvikurukuru kwakanangidzirwa kuna Mwari. Ndimo muunyoro ihwohwo hwomudzimu matinogamuchira namo kubata Kwake nesu sokwakanaka, uye naizvozvo pasina kuita nharo kana kuti kudzivisa; kwakasanobatanidzwa neshoko rokuti tapeinophrosunē [kuzvininipisa].”
6. Neiko kuchigona kutaurwa kuti unyoro hahusati huri utera?
6 Unyoro hahusi utera. “Mupraus mune rupfave,” yakanyora kudaro nyanzvi William Barclay, “asi seri kwounyoro kune simba resimbi.” Kunoda simba kuti tive vanyoro. Somuenzaniso, simba rinodikanwa kuti tive vanyoro mukunyombwa kana kuti patinotambudzwa. Mwanakomana munyoro waMwari, Jesu Kristu, akagadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku. “Wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kuna iye [Jehovha Mwari] anotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:23) Kufanana naJesu munyoro, tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwari achabata navashori vedu navatambudzi. (1 VaKorinte 4:12, 13) Tinogona kuva vakanyarara, sezvakanga zvakaita Stefano akatambudzwa, tichiziva kuti kana takatendeka, Jehovha achatitsigira ndokusarega chinhu chichitikuvadza zvechigarire.—Pisarema 145:14; Mabasa 6:15; VaFiripi 4:6, 7, 13.
7. Zvirevo 25:28 inoratidzirei pamusoro pomunhu asina unyoro?
7 Jesu akanga ari munyoro, bva iye akaratidzira simba mukumira akasimba nokuda kwechakarurama. (Mateo 21:5; 23:13-39) Munhu upi noupi ane “ndangariro yaKristu” achava akafanana naye muna ikoku. (1 VaKorinte 2:16, NW) Kana munhu asiri munyoro, iye haana kufanana naKristu. Panzvimbo pezvo, iye anokodzera aya mashoko: “Munhu asingadzori [mudzimu, NW] wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Munhu akadaro asina unyoro haatani kuvhozhokerwa nemifungo isina kururama iyo ingagona kumuparira kuita nenzira dzisina kukodzera. Nepo muKristu munyoro asati ari ane utera, achiri anoziva kuti “mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.”—Zvirevo 15:1.
8. Neiko kusiri nyore kuva munyoro?
8 Hakusi nyore kuva munyoro, nokuti takagara nhaka kusakwana nechivi. (VaRoma 5:12) Kana tiri vabatiri vaJehovha, tinewo hondo yokurwisana namasimba emidzimu akaipa ayo angaedza unyoro hwedu kupfurikidza nechitambudzo. (VaEfeso 6:12) Uye vazhinjisa vedu tinoshanda pakati paavo vane hasha venyika iyo iri muudzori hwaDhiabhorosi. (1 Johane 5:19) Naizvozvo tinogona sei kukudziridza unyoro?
Nzira Yokukudziridza Nayo Unyoro
9. Murangariroi uchatibetsera kukudziridza unyoro?
9 Chibvumikiso chakavakirwa paBhaibheri chokuti tinodikanirwa kuratidzira unyoro chichatibetsera kukudziridza iri vara. Zuva nezuva tinofanira kushanda kusakurira unyoro. Tikasadaro, tichava vakafanana navanhu vanorangarira unyoro soutera ndokufunga kuti budiriro inobva mukuva anozvitutumadza, akaoma, kunyange ane utsinye. Zvisinei, Shoko raMwari rinoshurikidza rudado, uye chirevo chokuchenjera chinoti: “Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.” (Zvirevo 11:17; 16:18) Vanhu vanodzivisa munhu ane hasha, asina mutsa, kunyange kana vakaita kudaro zvikurukuru kuti vadzivise kukuvadzwa noutsinye hwake nokusava nounyoro.
10. Kana tichizova vanyoro, tinofanira kutera kuchii?
10 Kuti tive vanyoro, tinofanira kutera kupesvedzero yomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa. Sezvo Jehovha akaita kuti kubvirire pasi kubereka zvirimwa, naizvozvo iye anogonesa vabatiri vake kubereka zvibereko zvomudzimu wake, kubatanidza unyoro. Pauro akanyora, kuti: “Chibereko chomudzimu ndicho rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hakuna mutemo unopesana nezvinhu zvakadaro.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Hungu, unyoro ndichimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari zvinoratidzirwa naavo vanomufadza. (Pisarema 51:9, 10) Uye ichinjo dzakadini dzinoitwa nounyoro! Kuenzanisira: Kwaiva nomumwe munhu asingateereri mutemo ainzi Tony uyo airwa, aibira vanhu, aiverevedza mishonga inokotsirisa, aitungamirira gen’a ravatasvi vemidhudhudhu, uye aipedza nguva ari mutorongo. Bva, kupfurikidza nokuwana zivo yeBhaibheri nebetsero yomudzimu waMwari, iye akachinja kuva mubatiri munyoro waJehovha. Nhau yaTony muenzaniso wakanaka. Chii, ipapoka, icho munhu anogona kuita kana kusava nounyoro kwave kuri rutivi rukuru rwohunhu hwake?
11. Mukukudziridza unyoro, munyengetero unoita basai?
11 Munyengetero womwoyo wose nokuda kwomudzimu waMwari uye nokuda kwechibereko chawo chounyoro uchatibetsera kusakurira iri vara. Tingada ku“ramba tichikumbira,” sokutaura kwakaita Jesu, uye Jehovha Mwari achabvuma chikumbiro chedu. Pashure pokuratidza kuti vanababa vohunhu vanopa vana vavo zvinhu zvakanaka, Jesu akati: “Kana imi, kunyange zvazvo muchi[tadza uye nokudaro (makaipa) nenzira yokuenzanisa], muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei mudzimu mutsvene avo vanovakumbira!” (Ruka 11:9-13, NW) Munyengetero unogona kubetsera kuita kuti unyoro huve rutivi rwechigarire rwechimiro chedu chendangariro—vara rinobetsera kumufarwa wedu nouyo wavasonganiri vedu.
12. Neiko kurangarira kuti vanhu havana kukwana kuchigona kutibetsera kuva vanyoro?
12 Kuyeuka kuti vanhu havana kukwana kunogona kutibetsera kuva vanyoro. (Pisarema 51:5) Hatigoni kufunga kana kuti kuita nenzira yakakwana, kupfuura zvikuru zvinogona kuita vamwe vanhu, naizvozvo tinofanira kuva netsitsi zvirokwazvo ndokuvabata sezvatingada kubatwa. (Mateo 7:12) Kuziva kuti tose zvedu tinoita zvikanganiso kunofanira kutiparira kuva vanokanganwira navanyoro mukubata navamwe. (Mateo 6:12-15; 18:21, 22) Pashure pezvose, hationgi here kuti Mwari anoratidzira rudo nounyoro kwatiri?—Pisarema 103:10-14.
13. Tinogona sei kubetserwa kusakurira unyoro kana tikabvuma kuti Mwari akaita vanhu vane rusununguko rwokuita zvavanoda?
13 Kubvuma kuti Mwari akaita vanhu vakasununguka kuita zvavanoda kunogonawo kutibetsera kusakurira unyoro. Ikoku hakubvumidzi munhu upi noupi kufuratira mitemo yaJehovha asingarangwi, asi kunobvumira mhatsa muzvishuvo, zvido, uye kusada pakati pavanhu vake. Naizvozvo ngatibvumei kuti hakuna munhu anosungirwa kukodzera chimiro chatingarangarira kuva chakanakisisa. Uyu mudzimu uchatibetsera kuva vanyoro.
14. Pamusoro pounyoro, chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
14 Kutsunga kusarega unyoro kuchatibetsera kuramba tichisakurira iri vara. Kutera kupesvedzero yomudzimu waJehovha kwakaparira chinjo mukufunga kwedu. (VaRoma 12:2) Mudzimu munyoro, wakafanana nowaKristu zvino unobetsera kutidzora kupinda mu“kufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira.” Hatitongofaniri kurega unyoro nokuda kwezvikonzero zvemari, zvenzanga, kana kuti zvimwe kana kuti nemhaka yokuti vanhu vanoita tsinhiro dzokutuka pamusoro poumwari hwedu. (1 Petro 4:3-5) Hatifaniri kubvumira chinhu chichitiita kuti tipinde mu“mabasa enyama,” kuti tirasikirwe nounyoro hwedu ndokukundikana kugara nhaka Umambo hwaMwari kana kuti kufarikanya zvikomborero zvahwo. (VaGaratia 5:19-21) Nguva dzose ngatikoshesei ropafadzo yokuva vanhu vanyoro vaMwari, tingave vakazodzwa kuupenyu hwokudenga kana kuti vane tariro yapasi. Nedonzo iroro, ngatirangarirei betsero dzounyoro.
Betsero Dzounyoro
15. Mukuwirirana naZvirevo 14:30, nei kuri kuchenjera kuva munyoro?
15 Munhu munyoro ane mwoyo wakanyarara, ndangariro, uye muviri. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti haapindi mugakava, haatsamwiswi nezviito zvavamwe, kana kuti kuzvitambudza amene nefunganyo inopfuurira. Unyoro hunomubetsera kudzora mirangariro yake, uye ikoku kunobetsera mundangariro nomumuviri. Chimwe chirevo chinoti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Kushaikwa kwounyoro kungatungamirira kuhasha idzo dzinogona kukwidza simba reropa kana kuti kuparira zvinetso zvomudumbu, asima, hosha dzamaziso, uye zvimwe zvinetso. MuKristu munyoro anofarikanya betsero dzakasiana-siana, kubatanidza “rugare rwaMwari” urwo runochengeta mwoyo wake namasimba endangariro. (VaFiripi 4:6, 7) Kuchenjera sei kuva munyoro!
16-18. Unyoro hune muuyoi paukama hwedu navamwe?
16 Vara rounyoro rinovandudza ukama hwedu navamwe. Zvichida taichimbova netsika yokumanikidza zvinhu kutozosvikira tawana chatakanga tichida. Vanhu vangave vakatitsamwira nemhaka yokuti takanga tisina kuzvininipisa nounyoro. Mumigariro yakadaro, hakufaniri kuva kwakatishamisa kana takabatanidzwa munharo imwe pashure peimwe. Zvisinei, chimwe chirevo chinoti: “Mwoto unodzima nokushaiwa huni; uye kana kusina mucheri, gakava rinopera. Sezvakaita mazimbe pazvitsika zvinopfuta, nehuni pamwoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.” (Zvirevo 26:20, 21) Kana tiri vanyoro, panzvimbo poku‘wedzera huni kumwoto’ uye kutsamwisa vamwe, tichava noukama hwakanaka navo.
17 Munhu munyoro sezvingabvira angava neshamwari dzakanaka. Vanhu vanofarikanya kusonganirana naye nemhaka yokuti ane chimiro chakanaka, uye mashoko ake anozorodza uye anotapira souchi. (Zvirevo 16:24) Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi nezvaJesu, uyo aigona kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:29, 30) Jesu akanga asina hasha, uye joko rake rakanga risingadzvinyiriri. Avo vaiuya kwaari vaibatwa zvakanaka uye vaizorodzwa mumudzimu. Mugariro wacho wakafanana patinosonganirana neshamwari nyoro yechiKristu.
18 Unyoro hunoita kuti tidiwe navatendi biyedu. Nenzira isingapanikirwi, maKristu mazhinjisa muKorinte akaswededzwa kuna Pauro nemhaka yokuti iye akavakumbira “nounyoro netsitsi dzaKristu.” (2 VaKorinte 10:1) VaTesaronika zvirokwazvo vanofanira kuva vakagamuchira muapostora, sezvo iye akanga ari mudzidzisi munyoro, akapfava. (1 VaTesaronika 2:5-8) Hapana panikiro kuti vakuru veEfeso vakanga vadzidza zvakawanda kuna Pauro uye vakamuda zvikuru. (Mabasa 20:20, 21, 37, 38) Unoratidzira unyoro uhwo hunokuita kuti udiwe navamwe here?
19. Unyoro hunobetsera sei vanhu vaJehovha kuchengeta nzvimbo yavo musangano rake?
19 Unyoro hunobetsera vanhu vaJehovha kuva vanozviisa pasi uye kuchengeta nzvimbo yavo musangano rake. (VaFiripi 2:5-8, 12-14; VaHebheru 13:17) Unyoro hunotidzora pakutsvaka mbiri, iyo yakavakirwa parudado uye inotsamwisa kuna Mwari. (Zvirevo 16:5) Munhu munyoro haazvirangariri amene kuva mukuru kuvatendi biyake, uye haaedzi kuita zviri nani kukuvadziko yavo. (Mateo 23:11, 12) Panzvimbo pezvo, iye anobvuma mugariro wake wokutadza nokuda kwake gadziriro yorudzikinuro yaMwari.
Unyoro Hunosimudzira Mufarwa
20. Unyoro hune muuyoi paupenyu hwemhuri?
20 Vose vavabatiri vaMwari vanofanira kuyeuka kuti unyoro chibereko chomudzimu wake icho chinosimudzira mufarwa. Somuenzaniso, nemhaka yokuti vanhu vaJehovha vanoratidzira mavara akadai sorudo nounyoro, mhuri dzinofara dzakawanda pakati pavo. Apo murume nomudzimai vanobata nomumwe nomumwe nenzira younyoro, vana vavo vanorerwa mumhoteredzo yakanyarara, kwete mumhuri ine mashoko ehasha nezviito. Sezvo baba vanopa vana vavo zano nounyoro, ikoku kune muuyo wakanaka pandangariro dzavo duku, uye mudzimu munyoro sezvingabvira ungava rutivi rwohunhu hwavo. (VaEfeso 6:1-4) Unyoro hunobetsera varume kuramba vachida vadzimai vavo. Hunoyamura vadzimai kuva vanozviisa pasi pavarume vavo uye hunosunda vana kuteerera vabereki vavo. Unyoro hunoparirawo mitezo yemhuri kuva nomudzimu wokukanganwira uyo unopa mufarwa.—VaKorose 3:13, 18-21.
21. Chaizvoizvo, izanoi iro muapostora Pauro akapa pana VaEfeso 4:1-3?
21 Mhuri nyoro navanhu vamwe navamwe vanosimudzira mufarwa muungano dzavanosonganirana nadzo. Naizvozvo, vanhu vaJehovha vanofanira kuita nhamburiko yechokwadi yokuva vanyoro. Uri kuita kudaro here? Muapostora Pauro akakumbira maKristu biyake akazodzwa kufamba zvakafanira kudanwa kwawo kwokudenga, achiita saizvozvo “nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo; muchishingairira kuchengeta humwe hwo[mudzimu, NW] muchisungo chorugare.” (VaEfeso 4:1-3) MaKristu ane tariro yapasi anofanirawo kuratidzira unyoro namamwe mavara oumwari. Iyi ndiyo nzira inounza mufarwa wechokwadi. Zvamazvirokwazvo vanyoro vanofara!
Waizopindura Sei?
◻ Neiko vanhu vanyoro vachifara?
◻ Kuva munyoro kunorevei?
◻ Unyoro hunogona sei kukudziridzwa?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzounyoro?