Unoramba Kombamiro Dzokutadza Here?
“NDINOWANA murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapa kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.”—VaRoma 7:21-23.
Kwaida kuzvininipisa kuti muapostora Pauro abvume zviri pamusoro apa. Bva, kupfurikidza nokuita kwake kudaro, iye akabetsera kudzivisa kombamiro dzake dzisina kukwana kumukurira.
Kwakafanana namaKristu echokwadi nhasi. Patakasvika pazivo yakarurama yezvokwadi yeBhaibheri, takaita chinjo dziri madikanwa mumararamire edu, tichiwirirana nemipimo yaJehovha. Kunyanguvezvo, kombamiro dzokutadza dzichiripo “nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.” (Genesi 8:21) Takatendeseka zvakakwana kubvuma kwatiri timene kombamiro dzakananga idzo dzinoshandisa dzvinyiriro patiri here? Kana kuti tinoramba here kuti tinadzo, zvichida tichipedzisa kuti, ‘Idzi dzingava nzvimbo dzezvinetso zvavamwe asi kwete nokuda kwangu’?
Kuzvinyengera kwakadaro kunogona kuva kunouraisa. Muenzanisiro wakavakirwa muBhaibheri ungatibetsera kunzwisisa kudikanwa kwokuziva kombamiro dzedu dzokutadza uye kuramba tichidzidzora.
Chikonzero Nei Kuramba Kuchiuraisa
Munguva dzeBhaibheri maguta mazhinji aidzivirirwa namasvingo. Masuo—kazhinji kazhinji aigadzirwa namatanda—akanga ari rutivi ruri mungozi zvikuru rworusvingo rwomukati rweguta; naizvozvo, aidzivirirwa zvakasimba zvikurusa. Vagari vemo vaivaka masuo mazhinji saakanga ari madikanwa nokuda kwokufamba bedzi mukati menguva yorugare. Masuo amatanda kazhinji kazhinji aifukidzwa namarata, kudzivirira kuvadziko pamwoto. Shongwe dzaivakirwa mumasvingo kuti varindiri vaiiswa padziri vagone kuona vavengi vanosvika vachiri kure.
Zvino funga: Chii chaizoitika kudai vagari veguta vakaramba ngozi yamasuo eguta uye naizvozvo vasina kugovera dziviriro yakakwana? Varwi vomuvengi vaizopinda nenyore muguta, kuchitungamirira kukukundwa kwaro.
Ndozvakwakaita nesu. Jehovha anoziva mapfundo edu omumwe nomumwe engozi. “Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Sataniwo angave akacherekedza kombamiro dzokutadza dzakati matiri, dzingava dzakanangidzirwa kukumonyanisa zvokwadi, kukurumidza kutsamwa, fariro muutere hwevatano, kudisa zvenyika, rudado, kana kuti chimwe chinhuwo zvacho. Kana tikaramba kuti tine kombamiro dzokutadza, tinozviita timene vasina kudzivirirwa zvikuru padenho dzaSatani pakutenda kwedu. (1 Petro 5:8) Tingakurirwa sezvo zvishuvo zvisina kururama zvinopfuura kombamirowo hadzo ndokuparira chivi. (Jakobho 1:14, 15) Tinofanira kuva vakafanana naPauro, tichibvuma nenzira yokutendeseka ‘masuo [api naapi] amatanda’ ayo angavapo.
Zvisimbise Umene!
Kungava kusingabetseri kuziva kombamiro dzisina kururama asi ipapo kusaita chinhu pamusoro padzo. Ikoku kungafanana nomurume anozvitarisa amene muchionioni, anocherekedza nzvimbo dzinoda ngwariro, uye anoenda asingaiti ruramiso dzinodikanwa. (Jakobho 1:23-25) Hungu, tinofanira kuita chiito mukuzvidzivirira timene pakukurirwa nekombamiro dzokutadza. Tinogona sei kuita ikoku?
Kazhinji kazhinji, munguva dzeBhaibheri, mataundi maduku zvikuru, kana kuti “misha yaro,” akanga asina masvingo. (Numeri 21:25, 32; Vatongi 1:27; 1 Makoronike 18:1; Jeremia 49:2) Vagari vaaya mataundi vaigona kutizira kuguta rine masvingo muchinoitika chedenho yomuvengi. Nokudaro maguta akasimbiswa aibatira soutiziro nokuda kwavanhu vomunharaunda yakapoteredza.
Bhaibheri rinorondedzera Jehovha Mwari seshongwe, utiziro, rusvingo uko tinogona kumhanyira nokuda kwedziviriro. (Zvirevo 18:10; Zekaria 2:4, 5) Naizvozvo Jehovha idziviriro hurusa yavabatiri vake. Munyengetero wenguva dzose kwaari uri madikanwa zvikuru. (1 VaTesaronika 5:17) Imwe yamuro iBhaibheri. Tichishandisa Shoko raMwari, tinoita zvakanaka kuita fundo chaiyo yenzvimbo dziya umo takaneta. Tingatsaurawo nokuda kwenzvero inodzokororwa yenyaya dzakavakirwa paBhaibheri dzinobata na‘masuo [edu] amatanda’ omunhu oga.
Uyewo, kufanana navarindiri vari mushongwe, tinogona kuona muvengi achiri kure, sokunge zvakadaro, uye kuita chiito nenzira inowirirana. Seiko? Kupfurikidza nokudzivisa migariro umo tingatarisana nomuedzo kana kuti dzvinyiriro. Somuenzaniso, munhu ari kushanda akananga kumwero mukunwa zvinwiwa zvinodhakisa achasarudza nenzira yokuchenjera kudzivisa nzvimbo umo kusvika kuizvi zvinwiwa kunozivikanwa navose kana kuti kunyange kukurudzirwa.
Kwose ikoku kunoda nhamburiko. Zvisinei, kana muapostora Pauro aifanira ‘kurwadzisa muviri wake’ kuti agodzivisa kombamiro dzisina kukwana, hatifaniriwo kuita nhamburiko here? Ngwariro yakadaro yokuziva kombamiro dzedu dzokutadza icharatidzira kuti tiri kutevera nhungamiro yomuapostora Petro: “Shingairai kuti muwanikwe naye mune rugare, musina ruvara, musine mhosva.”—1 VaKorinte 9:27; 2 Petro 3:14.
Ziva Uye Ita Chiito
Usaodzwa mwoyo kana, pasinei hapo nenhamburiko dzako, kombamiro dzako dzose dzisina kukwana dzisati dzichipera. Chero bedzi tisina kukwana, kombamiro dzisina kururama nguva dzose dzichavapo kusvikira kumwero wakati, sezvakwakanga kuri kwechokwadi muchinoitika chaPauro. Asi tinofanira kuramba tichishanda kudzvinyirira idzodzi, kudzidzivisa kuparira chivi.
Zvisinei, ziva musiano uri pakati pokugamuchira zvomene yokusakwana nokuishivirira. Ikoko kungaenzanisirwa nomunhu ane mwoyo usina simba mukati medundundu rake. Iye anofanira kutarisana neiyi zvomene kupfurikidza nokuedza kuchengeta mwoyo wake uri mumugariro wakanaka sezvaanogona kukarira kuva. Iye haarangariri kuti sezvo mwoyo wake chaiwoiwo usina simba, iye angabvisa zvake kudzora kwose ndokurarama sezvaanoda.
Ziva, ipapoka, kuti simba redu harisi mukuramba nenzira youpofu kombamiro dzokutadza asi mukudzibvuma ndokuita chiito mukurwisana naidzodzi. Naizvozvo usatya kubvuma kwauri umene nokuna Jehovha munharaunda maunoedzwa nyore nyore ndokudzvinyirirwa. Haufaniri kuzvida umene zvishomanene nokuda kwokuita kudaro, uye rudo rwaJehovha nokuda kwako harusati ruchizoderera. Kutaura idi, sezvaunoswedera pedyo zvikuru naMwari muitiro hanya yapachokwadi nokuda kwetendero yake, iye achatoswedera pedyo zvikuru newe.—Jakobho 4:8.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Uyu mufananidzo weMegidho unoenzanisira masuo akasimbiswa namasvingo anodzivirira amaguta ekare
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.