Kubereka “Rudzi Rwuri Rwose Rworunako”
“Chibereko chechiedza chinoumbwa norudzi rwuri rwose rworunako.” —VAEFESO 5:9, NW.
1, 2. Mapokai maviri akavapo chifo chenguva dzekare, uye migariro yawo yakasiana sei nhasi?
PASHURE porupandukiro muEdheni, makore ane zviuru zvitanhatu akapfuura, uyezve pashure paMafashamo omuzuva raNoa, rudzi rwomunhu rwakakamukana kuva mapoka maviri, kana kuti masangano, rimwe rakaumbwa naavo vaitamburira kubatira Jehovha, rimwe naavo vaitevera Satani. Aya masangano achiripo here? Zvamazvirokwazvo aripo! Muporofita Isaya akadudza aya mapoka maviri ndokudeya kutaura mugariro wawo munguva yedu: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.”—Isaya 60:1, 2.
2 Hungu, musiano pakati paaya masangano maviri wakakura souyo uri pakati perima nechiedza. Uye kungofanana nokukwezva kuchaita chiedza munhu arasika murima, naizvozvo chiedza chinobva kuna Jehovha chinopenya munyika ino yakasviba chakakwezvera mamirioni avanhu vane mwoyo wakarurama kusangano raMwari. Sokupfuurira kutaura kwakaita Isaya: “Marudzi [mamwe makwai] achauya kuchiedza chako, namadzimambo [vadyi venhaka vakazodzwa voUmambo] kukubwinya kwakakubudira.”—Isaya 60:3.
3. Munzirai umo maKristu anoratidzira namo mbiri yaJehovha?
3 Vanhu vaJehovha vanoratidzira sei mbiri yaJehovha? Kutanga, vanoparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa, hwokudenga. (Marko 13:10) Asi kupfuurezvo, vanotevedzera Jehovha, muenzaniso mukurusa worunako, uye nokudaro kupfurikidza nomufambiro wavo vanokwezvera vanyoro kuchiedza. (VaEfeso 5:1) Pauro akati: “Nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.” Iye akapfuurira, kuti: “Chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi, muchiidza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko.” (VaEfeso 5:8-11) Pauro akareveiko nokuti [“rudzi rwuri rwose rworunako, NW]”?
4. Runako chii, uye runooneka sei mumuKristu?
4 Sokuratidza kwakaita nyaya yedu yakapfuura, runako ivara kana kuti mugariro wokuisvonaka kwetsika, rucheno. Jesu akataura kuti Jehovha bedzi akanaka mupfungwa yakakwana. (Marko 10:18) Kunyanguvezvo, muKristu anogona kutevedzera Jehovha kupfurikidza nokusakurira runako sechibereko chomudzimu. (VaGaratia 5:22) Richitsinhira pana a·ga·thosʹ, shoko rechiGiriki nokuda kwe“chakanaka,” Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinoti, “[Iro] rinorondedzera icho, chichiva chakanaka muchimiro chacho kana kuti maumbirwe, chinobetsera mumuuyo wacho.” Naizvozvo muKristu anosakurira runako achava zvose zviri zviviri akanaka naanoita zvakanaka. (Enzanisa naDheuteronomio 12:28.) Iye achadzivisawo zvinhu zvinoshora runako, “mabasa erima asina zvibereko.” Nzira dzakasiana-siana idzo muKristu anogona kuratidzira nadzo runako mumufambiro wake ‘marudzi orunako’ ayo Pauro akadudza. Ndaapi ari mamwe aiwaya?
“Ramba Uchiita Zvakanaka”
5. Ndorupi ruri rumwe rudzi rworunako, uye neiko muKristu achifanira kurusakurira?
5 Pauro akanongedzera kurumwe rwaiwaya mutsamba yake kuvaRoma. Achitaura nezvokuzviisa pasi pe“zviremera zvikuru,” (NW) iye akati: “Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro.” “Zvakanaka” zvaanonongedzera kwazviri kuteerera mitemo negadziriro dzezviremera zvenyika. Neiko muKristu achifanira kuzviisa pasi paizvozvi? Kuti adzivise bonderano isiri madikanwa nezviremera, nokudaro achipinda mungozi yechirango uye—chinokosha zvikuru—kuti achengete hana yakachena pamberi paMwari. (VaRoma 13:1-7) Nepo achichengeta kuteerera kwake kukuru kuna Jehovha, muKristu ‘anokudza mambo,’ asingapandukiri zviremera izvo Jehovha Mwari anobvumira kuvapo. (1 Petro 2:13-17) Neiyi nzira, maKristu vavakidzani vakanaka, vagari vemo vakanaka, uye mienzaniso yakanaka.
Kurangarira Vamwe
6. (a) Ndorupi ruri rumwe rutivi rworunako? (b) Ndivanaani vanodudzwa muBhaibheri savakafanirwa nokurangarira kwedu?
6 Runako rwaJehovha runoratidzirwa mukugovera kwake vagari vose vapasi “mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji.” Ikoku kunoguma ne‘zvokudya zvakawanda nomufaro’ uye kunomuratidza kuva Mwari anorangarira zvirokwazvo. (Mabasa 14:17) Tinogona kumutevedzera muna ikoku kupfurikidza nokuratidza kurangarira vamwe munzira duku nehuru. Nokuda kwavanaani, zvakananga? Pauro anonongedzera zvikurukuru kuvakuru, “avo vari kushanda zvakaoma pakati penyu uye vari kukutungamirirai munaShe nokukurairai.” Iye anokurudzira maKristu kupa ivava “rangarirwo inopfuura yenguva dzose murudo nemhaka yebasa ravo.” (1 VaTesaronika 5:12, 13, NW) Tinogona sei kuita izvozvi? Kupfurikidza nokubatira pamwe zvizere navo—somuenzaniso, kupfurikidza nokugoverana mubasa riri madikanwa muHoro yoUmambo. Nepo nguva dzose tichinzwa takasununguka kusvika vakuru nokuda kwebetsero painodikanwa, hatifaniri kuva vanoraira nenzira isina mufungo. Panzvimbo pezvo, munzira dzipi nedzipi matinogona, tinoedza kurerutsa mutoro wavafudzi ivava vanoshanda zvakaoma, vazhinji vavo vane mitoro yemhuri mukuwedzera kumabasa avo eungano.
7. Munzirai matinogona kuratidza namo kurangarira vakura?
7 Vakura mumuviri vakafanirwawo nokurangarira kwedu. Murairo wakananga woMutemo waMosesi wakanga uri wokuti: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, noku[rangarira, NW] mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.” (Revhitiko 19:32) Uku kurangarira kunogona sei kuratidzwa? Vaduku vangada kuzvipira kuvabetsera nokutenga kana kuti namamwe mabasa. Vakuru vanogona kunzvera nenzira yokurangarira kuona kana vakura vapi navapi vachida betsero yokupinda misangano. Pamagungano, vaduku, vanhu vane simba vachadzivisa kusaidzira vanhu vakura vanofamba zvishoma zvikuru mukuedza kwokusashivirira kupfuura, uye vachava vanoshivirira kana munhu akura achinonoka zvikuru kugara kana kuti kuwana zvokudya.
8. Tingaratidza sei kurangarira kurimwe boka rakafanirwa rakasarudzwa muBhaibheri?
8 Wezvamapisarema anodudza rimwe boka rinoda kurangarirwa: “Wakakomborerwa une hanya navarombo.” (Pisarema 41:1) Kungava kuri nyore kuva anorangarira vakatanhamara kana kuti vakapfuma, asi zvakadiniko navakaderera kana kuti varombo? Munyori weBhaibheri Jakobho akaratidzira kuti kuratidza kurangarira kwakaenzana kuna ivava muedzo wokururama kwedu norudo rwechiKristu. Ngatikunde uyu muedzo kupfurikidza nokuva vane mufungo kuvose pasinei hapo nemigariro yavo.—VaFiripi 2:3, 4; Jakobho 2:2-4, 8, 9.
“Ivai Netsitsi”
9, 10. Neiko maKristu achifanira kuva nengoni, uye urwu rudzi rworunako runogona sei kuratidzwa?
9 Rumwe rudzi rworunako runooneka mumimwe yemifananidzo yaJesu. Mumumwe waiyoyi, Jesu akataura nezvomuSamaria akasangana nomumwe murume uyo akanga abirwa, arohwa zvakaipisisa, uye asiiwa akazvambarara munzira. Mumwe muRevhi nomuprista vakanga vapfuura napane murume akakuvadzwa, vachiramba kumubetsera. Asi muSamaria akamira ndokumupa betsero, achiita zvinopfuura zvaikarirwa nenzira ine mufungo. Nyaya yacho kazhinji kazhinji inonzi mufananidzo womuSamaria Akanaka. Rudzii rworunako urwo muSamaria akaratidzira? Ngoni. Apo Jesu akabvunza muteereri wake kuzivisa kuti ndiani akabvumikisa kuva muvakidzani womurume akakuvadzwa, mhinduro yakarurama yakapiwa: “Ndiye wakamuitira ngoni.”—Ruka 10:37.
10 MaKristu ane ngoni anotevedzera Jehovha, uyo nezvake Mosesi akati kuvaIsraeri: “Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusiyi, kana kukuparadza, kana kukanganwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.” (Dheuteronomio 4:31) Jesu akaratidza kuti ngoni dzaMwari dzinofanira kutitapura sei: “Ivai netsitsi, saBaba venyu vane tsitsiwo.” (Ruka 6:36) Tinogona sei kuratidza ngoni? Sokuratidza kwakaita mufananidzo waJesu, imwe nzira ndeyokuva vakagadzirira kubetsera mubiyedu, kunyange kana kuchibatanidza ngozi kana kuti chinetso. Munhu akanaka haasati achizofuratira kutambura kwehama yake kana achikwanisa kuita chimwe chinhu pamusoro pako.—Jakobho 2:15, 16.
11, 12. Mukuwirirana nomufananidzo waJesu wavaranda, ngoni dzinobatanidzei, uye tinogona sei kuratidzira idzodzi nhasi?
11 Mumwe wemifananidzo yaJesu wakaratidza kuti runako rwengoni runobatanidza kuva akagadzirira kukanganwira vamwe. Iye akataura nezvomuranda aiva nechikwerete chamatarenta ane zviuru zvine gumi kuna tenzi wake. Asingakwanisi kubhadhara, muranda wacho akakumbira ngoni, uye tenzi wake akakanganwira nenzira yomutsa chikwerete chikuru chamadhenari 60 000 000. Asi muranda wacho akaenda ndokuwana mumwe muranda aiva nechikwerete naye chamadhenari ane zana bedzi. Muranda akakanganwirwa akakandira nenzira isina ngoni mukwereti mutorongo kusvikira agona kuibhadhara. Nenzira yakajeka, muranda asina ngoni akanga asiri munhu akanaka, uye apo tenzi akanzwa chakanga chaitika, iye akamudana kuti azvidavirire.—Mateo 18:23-35.
12 Tiri mumugariro wakafanana nouyo womuranda akakanganwirwa. Pahwaro hwechibairo chaJesu, Jehovha akakanganwira chikwerete chikuru chechivi pachinyorwa chedu. Zvirokwazvo, ipapoka, tinofanira kuva vakagadzirira kukanganwira vamwe. Jesu akataura kuti tinofanira kuva vakagadzirira kukanganwira “kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe,” pasina muganhu. (Mateo 5:7; 6:12, 14, 15; 18:21, 22) Nokudaro, muKristu ane ngoni haasati achizochengeta mafi. Haasati achizochengeta pfundepfunde kana kuti kuramba kutaura kumuKristu biyake nemhaka yokunzwa kwakaipa. Kushaikwa kwakadaro kwengoni hakusi chiratidzo chorunako rwechiKristu.
Kuva Norupo Nomutsa
13. Runako runobatanidza chiizve?
13 Runako runoratidzirwawo kupfurikidza norupo nomutsa. Pane imwe nhambo mumwe murume muduku akauya kuna Jesu nokuda kwezano. Iye akati: “Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Jesu akamuudza kuti anofanira kuchengeta mirairo yaMwari nguva dzose. Hungu, kuteerera mirairo yaJehovha rutivi rworunako. Murume muduku wacho akafunga kuti akanga achitoita ikoku zvakanakisisa sezvaaigona. Nenzira yakajeka, kuvavakidzani vake aitoratidzika kuva munhu akanaka, bva iye akanzwa kuti aishaiwa chimwe chinhu. Naizvozvo Jesu akati: “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” (Mateo 19:16-22) Murume muduku wacho akaenda atambudzika. Akanga akapfuma zvikuru. Kudai akanga atevera zano raJesu, angadai akaratidza kuti akanga asingadisi zvenyika. Uye angadai akaita chiito chakanaka chorupo rusina udyire zvirokwazvo.
14. Izanoi rakaisvonaka iro vose vari vaviri Jehovha naJesu vakapa pamusoro porupo?
14 Jehovha akakurudzira vaIsraeri kuva norupo. Somuenzaniso, tinorava, kuti: “Unofanira kumupa [muvakidzani wako awirwa nourombo], zvakanaka, mwoyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.” (Dheuteronomio 15:10; Zvirevo 11:25) Jesu Kristu somunhu oga akakurudzira rupo: “Ipai, nemi muchapiwa, vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga.” (Ruka 6:38) Uyezve, Jesu somunhu oga akanga ane rupo zvikuru. Pane imwe nhambo, iye akanga atsaura nguva yokuzorora zvishomanene. Mapoka akawana kwaakanga ari ndokuuya kwaari. Jesu akakanganwa nenzira yorupo pamusoro pokuzorora ndokuzvishandisa amene nokuda kweboka. Gare gare, iye akaratidza mutsa wakatanhamara mukugovera zvokudya nokuda kweboka guru iroro.—Marko 6:30-44.
15. Vadzidzi vaJesu vakagadza sei muenzaniso wakaisvonaka mukuratidzira rupo?
15 Vachitendeka kuzano raJehovha neraJesu, vazhinji vavadzidzi vaJesu sezviri pachena vakanga vane rupo nomutsa. Mumazuva okutanga eungano yechiKristu, chiverengero chikuru chaavo vakanga vauya kuzochengeta Pentekosta muna 33 N.V. chakanzwa kuparidzira kwavaapostora uye chakava vatendi. Vachipfuurira kugara pashure pomutambo kuti vadzidze zvakawanda, vakaperevedza zvokudya. Naizvozvo, vatendi vomunzvimbomo vakatengesa zvinhu zvavo ndokupa mari yacho kutsigira hama dzavo itsva kuti idzodzi dzigogona kutsiga zviri nani mukutenda. Rupo rwakadini!—Mabasa 4:32-35; onawo Mabasa 16:15; VaRoma 15:26.
16. Dudza dzimwe dzenzira idzo isu nhasi tinogona nadzo kuva vane mutsa navane rupo.
16 Nhasi, rupo rwakafanana norwaKristu runooneka apo maKristu anopa nguva nemari kuungano dzavo dzomunzvimbomo nokubasa renyika yose rokuparidzira. Kunooneswa apo vanobetsera hama dzavo dziri kutambura ngwavaira yomusikirwo kana kuti hondo. Runoratidzirwa apo mutariri wedunhu anotarisirwa mukati meshanyo yake yenguva dzose. Kana kuti apo “vanakomana vasina baba” (uye vanasikana vasina baba) vanokokwa nenzira yorupo kuzogoverana munhandaro nefundo dzeBhaibheri dzemhuri nedzimwe mhuri dzechiKristu, ikokuwo mutsa, ratidzirwo yorunako rwechiKristu.—Pisarema 68:5, NW.
Kutaura Zvokwadi
17. Neiko umazvokwadi huri denho nhasi?
17 Apo Pauro akarondedzera chibereko chechiedza, iye akabatanidza runako nokururama nezvokwadi, uye kwaizova kwakarurama kutaura kuti uzvokwadi rumwe rudzi rworunako. Vanhu vakanaka havatauri nhema. Kunyanguvezvo, kutaura zvokwadi idenho chaiyo nhasi apo kureva nhema kwakapararira kwazvo. Vanhu vazhinji vanoreva nhema pakunyora mitero yemhindu yavo. Vashandi vanoreva nhema pamusoro pebasa ravanoita. Vadzidzi vanobiridzira nenzira yokureva nhema muzvidzidzo zvavo nebvunzo. Vanamuzvinabhizimisi vanoreva nhema pakuita zvibvumirano zvebhizimisi. Vana vanoreva nhema kuti vanzvenge chirango. Varevi vamakuhwa anokuvadza vanoparadza nenzira yokureva nhema mikurumbira yavamwe.
18. Jehovha anorangarira sei varevi venhema?
18 Kureva nhema kunonyangadza Jehovha. Pakati pe‘zvinhu zvinomwe’ zvaanovenga pane “rurimi runoreva nhema,” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema.” (Zvirevo 6:16-19) “Varevi venhema vose” vanorongwa pakati pembwende, vaurayi, uye zvifeve, avo vasati vachizova nenzvimbo munyika itsva yaMwari. (Zvakazarurwa 21:8, NW) Uyezve, chirevo chinotiudza, kuti: “Unofamba nokururama kwake, unotya Jehovha; asi wakatsauka panzira dzake, unomuzvidza.” (Zvirevo 14:2) Murevi wenhema akaipa munzira dzake. Nokudaro, murevi wenhema anopa ufakazi hwokuzvidza Jehovha. Mufungo wakaipa zvakadini! Nguva dzose ngatitaurei zvokwadi, kunyange kana kuchitungamirira kukuva kwedu vanorangwa kana kuti kurasikirwa nemari. (Zvirevo 16:6; VaEfeso 4:25) Avo vanotaura zvokwadi vanotevedzera Jehovha, “Mwari wazvokwadi.”—Pisarema 31:5.
Sakurira Runako
19. Chii chinoonekwa pane dzimwe nguva munyika, chichiratidzira mbiri kuMusiki?
19 Aya anongova mashomanene bedzi a‘marudzi’ orunako ayo muKristu anofanira kusakurira. Ichokwadi kuti vanhu vari munyika vanoratidzira runako kusvikira kumwero wakati. Vamwe vane mutsa, somuenzaniso, uye vamwe vane ngoni. Zvamazvirokwazvo, chakaita kuti mufananidzo womuSamaria akanaka uve unoshamisa kwazvo chakanga chiri chokuti Jesu akataura nezvaakanga asiri muJudha akaratidza ngoni apo vakuru muungano yechiJudha vasina. Zvamazvirokwazvo ruremekedzo kuMusiki womunhu kuti mavara akadaro achiripo nenzira yomusikirwo muvamwe vanhu kunyange pashure pamakore ane zviuru zvitanhatu okusakwana.
20, 21. (a) Neiko runako rwechiKristu rwakasiana norunako rwupi norwupi rwatingaona muvanhu venyika? (b) MuKristu anogona sei kusakurira runako, uye neiko tichifanira kuva vanoshingaira kuita kudaro?
20 Kunyanguvezvo, nokuda kwamaKristu runako runopfuura kungova zvaro vara iro angava naro kana kuti angasava naro. Ivara raanofanira kusakurira mumativi aro ose, sezvo achifanira kuva vatevedzeri vaMwari. Ikoku kunobvira sei? Bhaibheri rinotiudza kuti tinogona kudzidza runako. “Ndidzidzisei runako,” wezvamapisarema akanyengetera kudaro kuna Mwari. Seiko? Iye akapfuurira, kuti: “Ndakashandisa kutenda mumurairo wenyu.” Iye akawedzera, kuti: “Imi makanaka uye muri kuita zvakanaka. Ndidzidzisei mirairo yenyu.”—Pisarema 119:66, 68, NW.
21 Hungu, kana tikadzidza mirairo yaJehovha ndokuiteerera, tichasakurira runako. Nguva dzose yeuka kuti runako chibereko chomudzimu. Kana tikatsvaka mudzimu waJehovha kupfurikidza nomunyengetero, songanirano, uye fundo yeBhaibheri, ipapo zvirokwazvo tichabetserwa kusakurira iri vara. Uyezve, runako rune simba. Runogona kunyange kukurira zvakaipa. (VaRoma 12:21) Kunokosha sei, ipapoka, kuti tiite zvakanaka kuvose, zvikurukuru kuhama dzedu dzechiKristu. (VaGaratia 6:10) Kana tikaita kudaro, tichava pakati paavo vanofarikanya “kubwinya, nokukudzwa, norugare” izvo zvinopikirwa nokuda kwo“mumwe nomumwe unoita zvakanaka.”—VaRoma 2:6-11.
Unogona Kupindura Here?
◻ Tingagona sei kuramba tichiita zvakanaka kana tovera nezvezviremera zvenyika?
◻ Ndivanaani, pakati pavamwe, vakafanirwa nokurangarira kwedu?
◻ Tsitsi dzinozviratidzira dzimene munzirai?
◻ Mabasai orupo nomutsa anoratidza maKristu nhasi?
◻ Runako runogona sei kusakurirwa?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kurangarira vamwe rutivi rworunako
[Mufananidzo uri papeji 23]
Somudzidzisi Mukuru, Jesu akazvipa amene nenzira yorupo