RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 8/1 pp. 3-4
  • Rutongeso Rwokupedzisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutongeso Rwokupedzisira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidziso yechiKristudhomu
  • Zuva Rorutongeso—Nguva Yetariro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zuva Rokutongwa Rinorevei?
    Mukai!—2010
  • Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chii Chakaitika Kumoto Wehero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 8/1 pp. 3-4

Rutongeso Rwokupedzisira

“APO iwe unofa mweya wako uchatambudzwa uri woga; iyoyo ichava hero nokuda kwawo: asi pazuva rorutongeso muviri wako uchakumbanira mweya wako, uye ipapo iwe uchava nehero mbiri, mweya wako uchidikitira madonhwe eropa, uye muviri wako wakazadzwa namarwadzo.”

IYI ndiyo nzira iyo muparidzi womuzana ramakore rechi 19 C. H. Spurgeon akarondedzera nayo murangariro wavafundisi wezuva rorutongeso nokutambura kwavakashurikidzwa. Nyanzvi yokunyora mifananidzo yeItaly Michelangelo yakanga ine chitendero chinotyisa chakafanana, sezvinooneka mumufananidzo wake “Rutongeso Rwokupedzisira” (chikamu chawo chabudiswazve pamusoro apa), pamadziro eimba yokunamatira yeSistine muRoma. The New Encyclopædia Britannica inoti nezvouyu mufananidzo: “Kristu muRutongeso ndimwari anozhambatata panzvimbo pomuponesi wechiKristu, anoitira hanya zvikuru kushurikidza dzinza ravanhu kupfuura kugamuchira vakakomborerwa vachipinda mudenga.”

Dzidziso yechiKristudhomu

Mumazana amakore apfuura, zuva rorutongeso nehero yomwoto dzaiva nhau dzinodikanwa zvikuru dzemharidzo. Vari pazvikuva zvavo, vaparidzi vakafanana naC. H. Spurgeon vaitaura nomutoo wokuzhambatata rondedzero dzakajeka dzokutambudzwa kwakaipa kwakamirira vatadzi. Mazuva ano, rudzi irworwo rwokuparidzira haruwanzonzwika. Asi hero yomwoto norutongeso rwokupedzisira zvichiri dzidziso dzinogamuchirwa dzamachechi mazhinjisa.

Mazhinji amarudzidziso echiKristudhomu zvikurukuru anobvumirana nedzidziso yeRoma Katurike yokuti marutongeso aMwari anouya mumatanho maviri. Kutanga, kune “rutongeso chairwo.” Apo munhu anofa, mweya wake unofungidzirwa kuva usingafi unotongwa pakarepo ndokuendeswa kukusingagumi mungave muhero kana kuti mudenga.a Ipapo kunouya rutongeso rwokupedzisira, kana kuti rwavose, pakuguma kwenguva apo mitumbi yavakafa inomutswa ndokubatanidzwazve nemweya yayo isingafi.

Pazuva rorutongeso irori, mweya iri mudenga inoramba iri imomo uye inobatanidzwazve nemitumbi iyo yakaitwa kuti isaore. Avo vari kutambura muhero vanoramba vari imomowo, uye mweya yavo inobatanidzwawo nemitumbi yakamutswa, isingaori. Mukuwirirana navamwe, ikoku kunoparira kutambura kwavo kuti kuve kukuru zvikuru. Avo vachiri vapenyu savanhu havafi. Vanotongwa vachiri vapenyu ndokuenda, “muviri nomweya” sokunge zvakadaro, zvakananga kudenga kana kuti kuhero.

Bviro yokutsungirira kutambudzwa kusingatauriki muhero yomwoto yakaita nhau yose yorutongeso rwokupedzisira pasimba raJesu Kristu chimwe chinhu chinotyisa kufunga pamusoro pacho. Nemhaka yaikoku, waizoshamisika here kuziva kuti, kutaura idi, marutongeso aMwari kazhinji kazhinji chisakiso chokufara uye kuti Zuva roRutongeso richava imwe yenguva dzinofadza zvikurusa munhau yose yavanhu? Ikoku kunogona sei kudaro?

[Mashoko Omuzasi]

a VaRoma Katurike vanodavirawo mubviro yechitatu: kurangwa kwechinguvana mupurigatori pamberi pokupinda kwokupedzisira mudenga.

[Kwazvakatorwa]

Random/Sipa Icono

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe