Fadza Jehovha Kupfurikidza Nokuratidza Mutsa
“Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—MIKA 6:8.
1. Neiko kusingafaniri kutishamisa kuti Jehovha anokarira vanhu vake kuratidza mutsa?
JEHOVHA anokarira kuti vanhu vake varatidze mutsa. Ikoku hakufaniri kutishamisa. Mwari amene ane mutsa kuvose, kunyange kuvanhu vakaipa vasingaongi. Muna ikoku Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwerete musingaori mwoyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusorosoro; nokuti iye une mwoyo munyoro kuna vasingaongi navakaipa. Ivai netsitsi saBaba vangu vane tsitsiwo.”—Ruka 6:35, 36.
2. Mibvunzoi pamusoro pomutsa inofanirwa nerangariro yedu?
2 Sokuzivisa kunoita Mika 6:8 (NW), avo vanofamba naMwari vanofanira chaizvoizvo “kuda mutsa.” Sezviri pachena, Jehovha anofadzwa apo vabatiri vake vanoda mutsa ndokuuratidzira nenzira yomwoyo wose. Asi mutsa chii? Ibetseroi dzinobva mukuuratidza? Uye iri vara rinogona sei kuratidzwa?
Chiri Mutsa
3. Ungarondedzera sei mutsa?
3 Mutsa ivara rokuva nefariro yokushingaira muvamwe. Unoratidzwa kupfurikidza namabasa anobetsera namashoko okurangarira. Kuva nomutsa kunoreva kuita zvakanaka panzvimbo pechinhu chipi nechipi chinokuvadza. Munhu ane mutsa ane ushamwari, munyoro, ane tsitsi, uye ane nyasha. Iye ane chimiro chorupo, chokurangarira kuvamwe. Uye mutsa rutivi rwejira rechipfeko chokufananidzira chomuKristu wechokwadi ari wose, nokuti Pauro akakurudzira, kuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.
4. Jehovha akatungamirira sei mukuratidza mutsa kurudzi rwomunhu?
4 Jehovha anotungamirira mukuratidza mutsa. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro, kwakanga kuri “apo mutsa norudo zvomunhu kuMuponesi wedu, Mwari, wakaratidzwa” apo “mukuwirirana netsitsi dzake akatiponesa kupfurikidza nokugeza kwakatiunza kuupenyu uye kupfurikidza nokutiita vatsva kupfurikidza nomudzimu mutsvene.” (Tito 3:4, 5, NW) Mwari anochenesa, kana kuti ‘anogeza,’ maKristu akazodzwa muropa raJesu, achishandisa runako rwechibairo chorudzikinuro chaKristu nokuda kwavo. Vanoitwawo vatsva kupfurikidza nomudzimu mutsvene, vachiva “chisikwa chitsva” savanakomana vakaberekwa nomudzimu vaMwari. (2 VaKorinte 5:17) Chokwadika, mutsa waMwari norudo nokuda kwomunhu zvinotambanukirawo ku“boka guru” ramarudzi ose, avo “vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW; 1 Johane 2:1, 2) Uyezve, vakazodzwa neboka guru, rine tariro yapasi, vose vari pasi pejoko “rine mutsa” raJesu.—Mateo 11:30, NW.
5. Neiko tichifanira kukarira avo vanotungamirirwa nomudzimu waMwari kuratidza mutsa kuvamwe?
5 Mutsa rutiviwo rwechibereko chomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobate basa. Pauro akati: “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Naizvozvo, chii chatinofanira kukarira kuavo vanotungamirirwa nomudzimu waMwari? Zvirokwazvo, vaizoratidza mutsa kuvamwe.
6. Mutsa unofanira kuparira vakuru namamwe maKristu kuita nenzirai?
6 Mutsa unogona kuratidzirwa munzira zhinji. Tinoratidza mutsa patinenge tichinzwira tsitsi. Somuenzaniso, vakuru vechiKristu vane mutsa pavanotambanudzira tsitsi kumuiti wechakaipa anopfidza ndokutsvaka kumubetsera mumudzimu. Vara rakapiwa naMwari romutsa rinoita kuti vatariri vave vanoshivirira, vanorangarira, vanonzwira urombo, uye vanyoro. Rinovasunda “kubata boka nounyoro.” (Mabasa 20:28, 29, NW) Kutaura idi, chibereko chomudzimu chomutsa chinofanira kuita kuti maKristu ose ave netsitsi, anoshivirira, anorangarira, anonzwira urombo, ane ushamwari, uye ane mutsa.
Dzivisa Mutsa Usina Kururama
7. Neiko ungataura kuti mutsa usina kururama utera?
7 Vamwe vanhu vanorangarira mutsa soutera. Vanonzwa kuti munhu anofanira kuva akaoma, kunyange anovirima, padzimwe nguva, kuti vamwe vagoororwa nesimba rake. Asi kwakasanotaurwa kuti “kuvirima kutevedzera simba kwomunhu ane utera.” Chaizvoizvo, kunoda simba chairo kuva zvose zviri zviviri ane mutsa zvirokwazvo nokudzivisa mutsa usina kururama. Mutsa uyo uri chibereko chomudzimu waMwari hausati uri chimiro chine utera, chokubvumirana pane zvisina kufanira kumufambiro usina kururama. Panzvimbo pezvo, mutsa usina kururama utera hwakaipa hunoparira munhu kufuratira chakaipa.
8. (a) Pamusoro pavanakomana vake, Eri akabvumikisa sei kuva anoregeredza? (b) Neiko vakuru vachifanira kudzivisa kutera kumutsa usina kururama?
8 Muprista mukuru waIsraeri Eri akanga achiregeredza mukuranga vanakomana vake, Hofni naPinehasi, avo vaishanda savaprista patabhernakeri. Vasingagutsikani nechikamu chechibairo chakagoverwa kwavari noMutemo waMwari, vakaita kuti murindiri araire nyama mbishi kumupi mafuta echipiriso asati apfungaidzwa paatari. Vanakomana vaEri vakavawo nevatano youtere navakadzi vaibatira pamukova wetabhernakeri. Panzvimbo pokubvisa Hofni naPinehasi mubasa, zvisinei, Eri akangovatuka zvake nounyoro, achikudza vanakomana vake zvikuru kupfuura Mwari. (1 Samueri 2:12-29) Hakushamisi kuti “shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo”! (1 Samueri 3:1) Naizvozvo vakuru vechiKristu havafaniri kutera kukurangarira kwenhema kana kuti kukuratidzira mutsa usina kururama uyo ungagona kupinza mungozi umudzimu hweungano. Mutsa wechokwadi haufuratiri mashoko akaipa nezviito zvinoputsa mipimo yaMwari.
9. (a) Chimiroi chinogona kutibetsera kudzivisa kutera kumutsa usina kururama? (b) Jesu akaratidza sei simba mukubata vezvorudzidziso vakawa pakutenda?
9 Kana tichizodzivisa kuratidza mutsa usina kururama, tinofanira kunyengeterera betsero yaMwari kuti tive nesimba rakadaro sezvaiva pachena mumashoko owezvamapisarema: “Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.” (Pisarema 119:115) Tinofanirawo kutevera muenzaniso waJesu Kristu, uyo asina kutongova nemhaka yokuratidza mutsa usina kururama. Kutaura idi, Jesu akanga ari munhu amene anotaurwa somutsa wechokwadi. Somuenzaniso, ‘akanzwira vanhu chidakadaka chounyoro nemhaka yokuti vakanga vaneta vakarashwa kufanana namakwai asina mufudzi.’ Naizvozvo, vanhu vane mwoyo wakatendeseka vakanzwa vakasununguka kusvika Jesu, kunyange kuunza vana vavo vaduku kwaari. Uye imbofungidzira hako mutsa nengoni zvaakaratidzira sezvaa“kavafungatira mumaoko, akavaropafadza”! (Mateo 9:36; Marko 10:13-16) Kunyange zvazvo Jesu akanga ane mutsa, kunyanguvezvo akanga akasimba nokuda kwechakanga chakarurama mukuona kwaBaba vake vokudenga. Jesu haana kutongofuratira chakaipa; iye akanga ane simba rakapiwa naMwari rokutuka vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera. Pana Mateo 23:13-26, kanoverengeka iye akadzokorora ziviso yokuti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri!” Nguva imwe neimwe, Jesu aipa chikonzero chorutongeso rwoumwari.
Mutsa Wakabatanidzwa Norudo
10. Vadzidzi vaJesu vanoratidza sei mutsa norudo kuvatendi biyavo?
10 Pamusoro pavateveri vake, Jesu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Uye ndorupi rwuri rutivi rumwe rworudo runozivisa vadzidzi vechokwadi vaJesu? Pauro akati: “Rudo rune mwoyo murefu nomutsa.” (1 VaKorinte 13:4, NW) Kuva ane mwoyo murefu naane mutsa kunoreva kuti tinoshivirira kusakwana nokukundikana kwavamwe, kunyange sezvo Jehovha anoita kudaro nomutsa. (Pisarema 103:10-14; VaRoma 2:4; 2 Petro 3:9, 15) Rudo rwechiKristu nomutsa zvinozviratidzirawo zvimene apo zvinetso zvinotambudza vatendi biyedu kune imwewo nzvimbo pasi pano. Achipindura nounopfuura “mutsa wohunhu,” maKristu kune dzimwewo nzvimbo anoratidza rudo rwouhama kupfurikidza nokupa zvinhu zvokunyama kubetsera vanamati vakadaro vaJehovha.—Mabasa 28:2.
11. Kutaura nenzira yapaMagwaro, chii chiri mutsa worudo?
11 Mutsa unobatanidzwa norudo mushoko rokuti “mutsa worudo,” rinoshandiswa kazhinji kazhinji muMagwaro. Uyu mutsa unobva murudo rwokuvimbika. Zita rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mutsa worudo” (cheʹsedh) rinobatanidza zvinopfuura kurangarira kunyoro. Ndiwo mutsa uyo unozvibatanidza umene nenzira yorudo nechinhu kusvikira donzo racho pamusoro pawo rawanwa. Mutsa worudo waJehovha, kana kuti rudo rwokuvimbika, runoratidzirwa munzira dzakasiana-siana. Somuenzaniso, runoratidzwa mumabasa ake orununuro nedziviriro.—Pisarema 6:4; 40:11; 143:12.
12. Apo vabatiri vaJehovha vanonyengeterera betsero kana kuti rununuro, chii chavanogona kuva nechokwadi nezvacho?
12 Hakushamisi kuti mutsa worudo waJehovha unoswededza vanhu kwaari! (Jeremia 31:3) Apo vabatiri vakatendeka vaMwari vanoda rununuro kana kuti betsero, vanoziva kuti mutsa wake worudo zvirokwazvo rudo rwakavimbika, urwo rusati ruchizovaodza mwoyo. Nokudaro, vanogona kunyengetera nokutenda, sezvakaita wezvamapisarema uyo akati: “Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu.” (Pisarema 13:5) Sezvo rudo rwaMwari rwakavimbika, vabatiri vake havavimbi nomutsa wake worudo pasina maturo. Pavanonyengeterera betsero kana kuti rununuro, vane ichi chipikirwa: “Jehovha haangarasi vanhu vake, uye haangasiyi nhaka yake.”—Pisarema 94:14.
Tuso Dzomutsa
13, 14. Neiko munhu ane mutsa ane shamwari dzakavimbika?
13 Mukutevedzerwa kwaJehovha, vabatiri vake “vanoitira mumwe nomumwe mutsa worudo netsitsi.” (Zekaria 7:9, NW; VaEfeso 5:1) “Chinhu chinodikanwa mumunhu wapasi mutsa wake worudo,” uye munhu anoratidzira iri vara anokohwa tuso dzakapfuma. (Zvirevo 19:22, NW) Ndedzipi dziri dzimwe dzaidzodzi?
14 Mutsa unotiita vanongwarira pakutaura uye nokudaro unotibetsera kuchengeta ukama hwakanaka navamwe. Munhu anongwarira pakutaura anotaura nokuita zvinhu kana kuti anobata migariro yakaoma nenzira dzokurangarira nedzisingagumburi. Nepo “munhu ane utsinye” achitambura kuzviparadzanisa, “munhu womutsa worudo anobata nenzira inotusa nomweya wake amene.” (Zvirevo 11:17, NW) Vanhu vanodzivisa munhu ane utsinye asi vanokweverwa kune uyo anovaratidza mutsa worudo. Nokudaro, munhu ane mutsa ane shamwari dzakavimbika.—Zvirevo 18:24.
15. Mutsa ungava nomuuyoi mumhuri yakakamuraniswa mune zvorudzidziso?
15 Mudzimai wechiKristu ane mukwanyina asingatendi angamukwevera kuzvokwadi yaMwari kupfurikidza nevara rakadai somutsa. Asati adzidza zvokwadi uye kupfeka “hunhu hutsva uhwo hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika,” angave akanga asina mutsa, kunyange anokakavara. (VaEfeso 4:24, NW) Kudai murume wake akanga achiziva zvirevo zvakati, angave akasanobvuma kuti “kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura,” uye “zviri nani kugara murenje, pakugara nomukadzi unokakavara nounonetsa.” (Zvirevo 19:13; 21:19) Asi zvino mufambiro wakachena womudzimai wechiKristu noruremekedzo rukuru, pamwe chete namavara akadai somutsa, zvingabetsera kuwana mukwanyina wake kukutenda kwechokwadi. (1 Petro 3:1, 2) Hungu, ikoku kungava tuso imwe yomutsa wake.
16. Tingabetserwa sei nomutsa unoratidzwa kwatiri?
16 Mutsa unoratidzwa kwatiri ungava webetsero kupfurikidza nokutiita vanonzwira urombo zvikuru navanokanganwira. Somuenzaniso, kudai takanga tichida betsero yomudzimu uye takabatwa nomutoo womutsa nounyoro, ikoko kwaisazotiita vanokombamira zvikuru kubata navamwe nenzira yakafanana here? Eya, kubatwa nomutsa nounyoro kunogona kukarirwa kuvanhu vakakwaniriswa mumudzimu, nokuti Pauro akanyora, kuti: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, [imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, NW] uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwawo.” (VaGaratia 6:1) Vakuru vakagadzwa vanotaura nounyoro uye nomutsa pavanotsvaka kubetsera vatendi biyavo vanotadza. Tingave takagamuchira somunhu oga betsero yakadaro yomutsa kana kuti kwete, zvisinei, chii icho Mwari anokarira kuvose vanomubatira? MaKristu ose anofanira kuratidza mutsa kuvamwe uye anofanira kuteerera zano raPauro, rokuti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Chokwadika, kana takakanganwirwa nomumwe munhu kana kuti takabetserwa kubuda muchinetso chomudzimu nenzira yomutsa, ikoku kunofanira kuwedzera ukuru hwedu timene hwokukanganwira, kunzwira urombo, uye mutsa.
Onga Mutsa Usakafanirwa waMwari
17. Sezvo tiri vatadzi kubvira pakuberekwa, tinofanira kuva vanoonga zvikuru nokuda kwomutsai?
17 Sezvo tose zvedu takaberekwa savatadzi vakashurikidzirwa kurufu, kune mutsa watinofanira kuonga zvikuru. Mutsa usakafanirwa waJehovha Mwari. Kuti vatadzi vasunungurwe mushurikidzo yorufu ndokururamiswa iwoyo mutsa usakafanirwa chose chose. Pauro, uyo akadudza mutsa usakafanirwa waMwari kane 90 mutsamba dzake 14 dzakafuridzirwa nenzira youmwari, akaudza maKristu omuRoma yekare, kuti: “Nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.” (VaRoma 3:23, 24) Tinofanira kuonga sei mutsa usakafanirwa wakaratidzwa naJehovha Mwari!
18, 19. Tinogona sei kudzivisa kupotsa donzo romutsa usakafanirwa waMwari?
18 Kupfurikidza nokuva vasingaongi, tingagona kupotsa donzo romutsa usakafanirwa waMwari. Muna ikoku, Pauro akati: “Naizvozvo tiri nhume dzinotsiva Kristu, sokunge Mwari akanga achiita chikumbiro kupfurikidza nesu. Savatsivi vaKristu tinokumbira, kuti: ‘Yananiswai naMwari.’ Uyo asina kuziva chivi wakamuita kuti ave chivi nokuda kwedu, kuti tive kururama kwaMwari kupfurikidza naye. Tichishanda pamwe chete naye, tinokukumbiraiwo kusagamuchira mutsa usakafanirwa waMwari ndokupotsa donzo rawo. Nokuti iye anoti [pana Isaya 49:8, Septuagint]: ‘Munguva inogamuchirika ndakakunzwai, uye muzuva roruponeso ndakakubetserai.’ Tarirai! Zvino yava nguva inogamuchirika zvikuru. Tarirai! Zvino izuva roruponeso. Hatisi chisakiso chipi nechipi chokugumbuka, kuti ushumiri hwedu hugorega kuwanirwa mhaka; asi munzira iri yose tinozvirumbidza timene savashumiri vaMwari.” (2 VaKorinte 5:20–6:4, NW) Pauro airangarirei?
19 MaKristu akazodzwa inhume dzinotsiva Kristu, uye boka guru vamiririri vake. Pamwe chete vanokurudzira vanhu kuyananiswa naMwari kuti vagowana ruponeso. Pauro haana kuda kuti munhu upi noupi agamuchire mutsa usakafanirwa waJehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu ndokupotsa donzo rawo. Ikoko kungagona kuitika kwatiri kana tikakundikana kuita basa iro mutsa iwoyo usakafanirwa wakatikodzeresa. Kuva noukama hwakanaka naMwari saavo vakayananiswa naye, hatisati tichizogamuchira mutsa wake usakafanirwa pasina maturo kana tikaita “ushumiri hweyananiso, ndiko kuti, kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari amene kupfurikidza naKristu.” (2 VaKorinte 5:18, 19, NW) Tichavewo tichiitira vamwe mutsa mukurusa kupfurikidza nokuvabetsera kuyananiswa naMwari.
20. Chii chatichatevera kunzvera?
20 Vabatiri vaJehovha vanoshandisa nguva yavo nezvinhu mumabasa omutsa pavanotsvaka kubetsera vanhu mumudzimu kupfurikidza noushumiri hwavo hwechiKristu. Asi chii chatinogona kudzidza mumienzaniso yapaMagwaro yokushanda kwomutsa? Ngatiteverei kunzvera mimwe yaiyoyi ndokurangarira dzimwe nzira dzokufadza nadzo Jehovha kupfurikidza nokuratidza mutsa.
Waizopindura Sei?
◻ Mutsa chii?
◻ Tinogona sei kudzivisa kutera kumutsa usina kururama?
◻ Neiko vanhu vaJehovha vachigona kuvimba nomutsa wake worudo?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe tuso dzomutsa?
◻ Hatisati tichizopotsa donzo romutsa usakafanirwa waMwari kupfurikidza nokuitei?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mutsa unoita kuti vakuru vechiKristu vave vanoshivirira, vanorangarira, uye vanonzwira urombo
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mutsa womudzimai wechiKristu ungabetsera kuwana mukwanyina wake kukutenda kwechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 17]
Tinogona kuitira vamwe mutsa mukurusa kupfurikidza nokuvabetsera kuyananiswa naMwari