Kupupurira muFrance—Nyika Yemhatsa
FRANCE inyika yemhatsa huru. Makomo mahombe, zvikomo zvine makakwira nemakadzika, mawere ane mabwe anorohwa namadutu, mhenderekedzo dzegungwa dzina majecha dzinodziya, minda yezviyo, mapurazi maduku ane ruzhowa, minda mikuru yemizambiringa, mafuro, masango emiconifer nemiti inodonhedza mashizha, tumisha, misha, mataundi, maguta makuru azvino uno—France iri zvose izvozvi, uye zvimwe.
Kunyange zvazvo yakawanda yenyika yakachengeta kunaka kwayo, chiono chenzanga cheFrance chakaita chinjo dzinokurumidza mumakore achangobva kupfuura. “Chaunga cheFrance hachisi kupfuura nomunhambo yenjodzi,” chinodaro chinyorwa cha 1989 cheFrancoscopie, “asi nomuchinjo chaiyoiyo. Gadziriro dzenzanga, zvinokosha, mipimo yetsika, uye zvimiro zviri kuita chinjo huru pamwero unokurumidza.”
Idzi chinjo dzakasimba dzakatapurawo nzvimbo yorudzidziso. Kunyange zvazvo chiKaturike chichiri rudzidziso rwavoruzhinji, zvino chava gamuchidzanwa zvikuru kupfuura rudzidziso rune pesvedzero chaiyoiyo ipi neipi paupenyu hwemitezo mizhinjisa. Kusakendenga kunowedzera kwavanhu kuzvinokosha zvomudzimu kwakamisa kukura kwamachechi.
Mukupesana kukuru, mubato weZvapupu zvaJehovha muFrance wakafambira mberi nokukurumidza mumakore mashomanene apfuura. Kuvambira kuAlsace kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kusvikira kuBrittany paAtlantic, kuvambira kuAlps yakareba kusvikira kuLoire Valley yakaderera, kunyange pachitsuwa cheMediterranean cheCorsica, Zvapupu zvinotarisana nemigariro yakasiana-siana uye zvinosangana navanhu vane migariro yakasiana-siana. Ngativei neshanyo yemifananidzo tione zvakaita kuparidzira mashoko akanaka oUmambo muFrance, nyika yemhatsa.—Mateo 24:14.
ALSACE
Zvarwuri pamuganhu neGermany, Alsace ruwa runosanozivikanwa nokuda kweminda yarwo yemizambiringa nemisha yakaisvonaka yakazadzwa namaruva. Strasbourg, dzimbahwe rarwo, rave riri nhare yePurotesitendi chifo cheReformation, uye vaAlsace kazhinji kazhinji vane ruremekedzo rwakanaka nokuda kweBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidzira mashoko akanaka oUmambo muruwa urwu chifo chapakuvamba muzana rino ramakore. Nhasi, basa rasanosimba, sezvinoratidzirwa nechinoitika chomumwe muduku anonzi Sylvie, uyo akashandisa banza rokuparidzira muchikoro.
Muimwe kurukurirano nevomukirasi biyake vanoverengeka, Sylvie akadudza donzo roupenyu nekariro dzenguva yemberi. Mumwe mukomana akava anofarira zvakakwana zvokurega Sylvie nechimwe Chapupu vachimushanyira kumba. “Kunyange zvazvo iyi pwere yeKaturike yakanga yave iri mubatidzi, yaiva nemibvunzo yakawanda yakanga isina kutongopindurwa,” akadaro Sylvie. “Takashandisa Bhaibheri kupindura mimwe yayo, uye iye akabvuma fundo yeBhaibheri yenguva dzose.” Murume muduku akabhapatidzwa gore rimwe gare gare uye pashure pokukwanirisa akapinda muushumiri hwenguva yakazara sapiona wenguva dzose. Sylviewo chifo chenguva iyeyo akatanga ropafadzo iyoyo yebasa.
BRITTANY
Rwakapinda muAtlantic, Brittany ruwa rwegamuchidzanwa rakasimba reKaturike. Zvisinei, kupfurikidza nenhamburiko dzinopfuurira dzeZvapupu, chiverengero chinowedzera chavanhu muiyi nharaunda chiri kugamuchira shoko roUmambo. Heuno muenzaniso wechiri kuitika muruwa urwu rwokuchamhembe kwakadziva kumadokero kweFrance.
“Varoorani vaduku vakapinda mufurati riri pamusoro peredu,” chinoshuma kudaro Chapupu chomunzvimbomo. “Nguva yakati gare gare, ndakasangana nomukadzi muduku pamatanho, nomwanakomana wake mumaoko ake. Pakuziva kuti zita rake rakanga riri Jonathan, ndakabvunza kana iye aiziva mavambo ezita iroro. ‘Ndinofunga kuti rinobva muBhaibheri, asi izvozvo ndizvo bedzi ndinoziva,’ akapindura kudaro. Akateerera tsananguro yandakapa, uye akadudza kuti vose vari vaviri iye nomurume wake vaifadzwa neBhaibheri. Kunyange zvazvo takava nedzimwe kurukurirano, hapana chinhu chakasimba chakaitika.
“Gare gare zvishomanene, varoorani vacho vakandikumbira zano pamusoro pezvinetso zvakati. Ndakashandisa Bhaibheri kupindura, uye ivo vakaororwa namashoko arakapa. Ndakavakumbirazve kuti vafunde Bhaibheri. Zuva rakatevera racho mukadzi muduku akabvuma. Mavhiki mashomanene gare gare, murume wake akakumbanira fundo yacho. Vose vari vaviri zvino Zvapupu zvakabhapatidzwa.”
THE ALPS
The Alps yakakurumbira nokuda kwechiono chinoshamisa. Vanhu vanoendako kundoshamiswa nourengarenga hukuru, zvikurukuru Mont Blanc, pakakwirira zvikurusa muEurope yokuMadokero. Muiyi nharaundawo, chiverengero chavaparidzi voUmambo avo vanorumbidza Musiki chiri kuwedzera. Vanhu vamazera ose uye vanobva mumifambiro yose youpenyu vari kukumbanira mapoka avo, sezvinoratidza nhauro inotevera.
Pwere ina munharaunda iyoyo dzaiva nechinyorwa chinoshamisa. Ivo vaiba motokari nezvimwe zvinhu, kazhinji kazhinji vaidhakwa, vaishandisa ndokutengesa mirimo, uye vaibatanidzwa muuhure nokushandisa midzimu. Ivo vakanga vasingashandi uye vaiva munhamo yenguva dzose namapurisa, uye vose vakanga vapinda mutorongo. Zvisinei, vose vana vakanga vanzwa nezvezvokwadi muuhwana hwavo nemhaka yokuti mhuri dzavo dzakanga dzafunda neZvapupu zvaJehovha panguva nenguva.
Pashure pamakore akati okurarama kwoupengo, imwe yepwere yakava nechinjo yomwoyo ndokusarudza kubatira Jehovha. Ikoku kwakaparira nhevedzano yezvinoitika. Rimwe zuva mapurisa akanga achiita nzvero yenguva dzose, uye akakumbira mumwe wavaduku kuvhura bhegi rake. Achikarira kuwana mirimo kana kuti zvinhu zvakabiwa, akashamiswa nokungowana bedzi Bhaibheri namabhukwana akati. Murume muduku akashandisa Bhaibheri kutsanangura chakaparira chinjo muupenyu hwake. Achiwana ikoko kwakaoma kudavira, mumwe wamapurisa akabvunza, kuti: “Unoreva kuti hausvuti, kunwa, kana kuti kushandisazve mirimo here?” Mapurisa pakupedzisira akagamuchira tsananguro yacho ndokumurega achienda pasina chimwe chinetso. Nhasi ava varume vaduku vana vakabhapatidzwa, vose vari kubatira muungano savabatiri vanoshumira, uye vatatu vavo mapiona enguva dzose.
MUPATA WELOIRE
Mupata weLoire unonzi bindu reFrance. Unobva kuOrléans, makiromita 110 kumaodzanyemba kweParis, kusvikira kumuromo kwoRwizi rwaLoire paMhenderekedzo yeAtlantic. Iyi nharaunda inozivikanwa nokuda kwenhare dzayo dzakawanda, dzaichimbova nzvimbo dzokugara nedzimba dzokuvhima dzamadzimambo. Kune ungano dzeZvapupu zvaJehovha mumataundi makuru ose muiyi nharaunda.
Mukati mezororo rechikoro rimwe zuva, Emma muduku, musikana ane ushamwari naane rudo wamakore matanhatu, akadzokera kukamuri rake rekirasi kuzokwazisa mudzidzisi wake. Akatyamadzwa nokuona mudzidzisi wake achisvuta, akavamba kuchema ndokutiza. Mudzidzisi akamutevera ndokubvunza chikonzero nei akanga achichema, bva Emma haasati aizotaura chinhu chipi nechipi. Apo mudzidzisi akaomerera, Emma akapfikura ndokupindura, kuti: “Imhaka yokuti muri kusvuta. Mucharwara ndokufa!”
Zuva rakatevera racho mudzidzisi akadana mai vaEmma kuzotaura kuti akaororwa sei nokuita kwomwanasikana wacho. Naizvozvo mai vakatsanangura chimiro cheZvapupu pamusoro pefodya. Mudzidzisi ipapo akataura chakavanzika chokuti mhuri yake yakanga yatomukumbira kurega kusvuta, asi kwakanga kusina kushanda. Nguva ino, zvisinei, akaororwa kwazvo nokuita kwechokwadi kwaEmma zvokuti akarega kusvuta mumazuva maviri chete.
CORSICA
Chitsuwa cheCorsica, kunyange zvazvo chichinzi “chitsuwa chinonhuwira,” chinozivikanwawo nokuda kwomudzimu wakasimba wavagari vacho, kazhinji kazhinji uchiguma nerwisano dzine chishava. Kwamakore Zvapupu zvairangarirwa sorudzidziso “rwakabva muContinent.” Zvisinei, simba rezvokwadi yeBhaibheri riri kuchinja mwoyo yavazhinji imomo.
Chimwe Chapupu chichangobva kubhapatidzwa chakarondedzera kuti pane imwe nguva chakadzokera chichibva kuzororo ndokuwana kuti zvinhu zvake zvose zvinotakurika zvomupurazi rake zvakanga zvabiwa. “Kupfurikidza nokuvimba naJehovha,” iye akataura chakavanzika, “ndakakwanisa kuita zvakasiana nenzira iyo ndingadai ndakaita nayo munguva yakapfuura.” Achitaura kuvavakidzani vake, akadudza zvakaterama kurasikirwa kwake.
“Gare gare, vavakidzani vakava nezvinetso. Ndakasiya basa rangu kuti ndiende ndokuvabetsera. Mazuva mashomanene gare gare, ndakagamuchira runhare rwaibva kune mumwe wavo achindikumbira kuendako nokukurumidza sezvinobvira. Ndichifunga kuti akanga ava muchinetso zvakare, ndakaendako nokukurumidza. Iye akandikumbira kugara pasi ndokubvunza, kuti: ‘Munoziva here chikonzero nei ndakukumbirai kuuya? Kuri pamusoro pezvinhu zvenyu. Ndini ndakazviba. Asi apo ndakaona chimiro chenyu chomutsa nechoushamwari, ndakati kwandiri ndimene, “Handigoni kuita izvozvo kwaari!” Uye pashure pokunge matibetsera, handina kugona kurarazve usiku.’” Kushanda kwechiKristu chechokwadi kwakatungamirira kumuuyo wakanaka.
Pamugumo wehondo yechipiri yenyika, apo basa rokupupurira Umambo rakazarukazve muFrance, maingova neZvapupu 1 700 bedzi munyika yose. Basa rokusvika chiverengero chose chavagari vemo neshoko roUmambo rakaratidzika kuva risingabviri. Zvisinei, mumakore apfuura, Jehovha akakomborera vanhu vake muFrance nezvinhu zvinodikanwa—nzvimbo dzokutsikirira, Horo dzoUmambo, Horo dzamaGungano, uye zvichingodaro—uye mudzimu unodisa wokuita basa racho. Nhasi, navaparidziri vanoshingaira vanopfuura 117 000, shoko rokuti Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu riri kuparidzirwa muiyi nyika yose yemhatsa.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
FRANCE
BRITTANY
MUPATA WELOIRE
THE ALPS
ALSACE
ATLANTIC OCEAN
MEDITERRANEAN SEA
ENGLISH CHANNEL
CORSICA