Ramba Uchinyevera Nezvebasa Risiri Renguva Dzose raJehovha
“Jehovha uchasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, uchatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni.”—ISAYA 28:21.
1, 2. Ibasai risiri renguva dzose iro Jehovha akaita nokuda kwavanhu Vake muzuva raDhavhidhi?
CHIITO chechienzi! Basa risiri renguva dzose zvikurusa! Ndiro iro Jehovha akaita nokuda kwavanhu vake munguva dzekare shure muzana ramakore rechi 11 P.N.V. Uye ichi chiito chechienzi chakanga chiri mufananidzo webasa rinotova risiri renguva dzose zvikuru iro iye ava kudokuita munguva yemberi iri pedyo. Chii chakanga chiri chiito ichocho chekare? Nokukurumidza pashure pokunge Dhavhidhi agadzwa samambo muJerusarema, vaFiristia vaiva pedyo vakaita denho, uye ikoku kwakatanga chiito chechienzi chaJehovha. Kutanga, vaFiristia vakavamba kudenha mumupata wakaderera weRefaimi. Dhavhidhi akabvunza Jehovha chaaifanira kuita uye akaraidzwa kudenha. Achiteerera shoko raJehovha, Dhavhidhi akakurira chose chose hondo ine simba yavaFiristia paBhaari-perazimi. Asi vaFiristia havana kubvuma kukurirwa. Nokukurumidza vakadzokera kuzoparadza ndokupamba vamwezve mumupata wakaderera weRefaimi, uye Dhavhidhi akatsvaka zvakare nhungamiro inobva kuna Jehovha.
2 Nguva ino akaudzwa kuenda shure kwavaFiristia namauto ake. Jehovha akati: “Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemibharsami, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.” Uye ikoko ndiko kwakaitika. Dhavhidhi akamirira kusvikira Jehovha aita kutinhira kwokufamba pamusoro pengara dzemiti yemibharsami—zvichida kupfurikidza nemhepo yakasimba. Kamwe kamwe, Dhavhidhi namauto ake vakabuda mukuvanda ndokudenha vaFiristia vakavhiringidzika, vachivakurira nokuuraya kukuru. Zvidhori zvorudzidziso izvo vaFiristia vakasiya zviri panhandare yehondo zvakaunganidzwa pamwe chete ndokuparadzwa.—2 Samueri 5:17-25; 1 Makoronike 14:8-17.
3. Neiko chiito chechienzi chaJehovha chakanga chiri chefariro kuvaJudha vomuzuva raIsaya, uye neiko chichifanira kuva chefariro kuchiKristudhomu nhasi?
3 Iri rakanga riri basa risiri renguva dzose, chiito chechienzi, chakaitwa naJehovha mukurwisana navaFiristia uye nokuda kwamambo wake akazodzwa. Ichi chiito chinoshamisa ndechefariro chaiyo nemhaka yokuti muporofita Isaya akanyevera kuti Jehovha aizoita chimwe chinhu chechienzi zvakaenzana nechine simba mukurwisana nezvidhakwa zvomudzimu zvaJudha. Nokudaro, vatungamiriri vorudzidziso vasina kutendeka vomuzuva raIsaya vaifanira kucherekedza. ChiKristudhomu nhasi chinofanirawo kucherekedza nemhaka yokuti chakaitika kuna Judha chakanga chiri muenzaniso wokuparadzwa kwokupedzisira kwechiKristudhomu.
“Mubhedha Uchava Mupfupi”
4, 5. (a) Isaya anoenzanisira sei nenzira yakajeka mugariro wakaipa wavatungamiriri vorudzidziso vomuzuva rake? (b) Chii chiri chisakiso chenhamo yechiKristudhomu nhasi?
4 Kutanga, Isaya akaratidzira idi rokuti zvibvumirano umo zvidhakwa izvozvo zvomudzimu zvekare zvakavimba nazvo zvaiva nyengedzo, nhema. Ipapo akaenzanisira nenzira yakajeka mugariro wakaipa waavo vaiva netariro munhema idzodzo. Iye akati: “Mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.” (Isaya 28:20) Munhu upi noupi anotambarara pamubhedha mupfupi zvikuru anowana kuti tsoka dzake dzinobuda kunze muchando. Pane rumwe rutivi, kana akagonya mabvi ake kuti akwane pamubhedha mupfupi, jira romubhedha inhete zvikuru uye uzhinji hwomuviri wake uchiri panze. Pasinei hapo nechaanoita, rutivi rwake rwakati rwuri panze muchando.
5 Ndiwo waiva mugariro, kutaura nenzira yokufananidzira, waavo vomuzuva raIsaya vakaisa chivimbo chavo muutiziro hwenhema. Ndiwowo mugariro wakaipa waavo nhasi vanoisa chivimbo chavo muutiziro hwechiKristudhomu hwenhema. Vari kunze muchando, sokunge zvakadaro. Ino haisati iri nguva yokutsvaka nyaradzo mukati megadziriro dzenyika dzorugare nechengeteko. Mumumvuri wamabasa orutongeso runouya achaitwa naMwari, mibatanidzwa navatongi vezvamatongerwe enyika haisati ichizogovera nyaradzo inodziya nokuda kwechiKristudhomu.
Chiito Chechienzi chaJehovha
6. Jehovha akanga achizoita sei chiito mukurwisana naJudha, uye iye achaita sei chiito mukurwisana nechiKristudhomu?
6 Arondedzera nenzira yakajeka mugariro wakaipa weJerusarema risina kutendeka romuzuva rake—uye wechiKristudhomu chazvino uno chisina kutendeka—Isaya akapfuurira kuti: “Jehovha uchasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, uchatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni; kuti abate basa rake—iro basa rake rinoshamisa—nokuita izvo zvaanoita—zvinoshamisa.” (Isaya 28:21) Hungu, Isaya akanyevera, nokukurumidza Jehovha aizosimuka sezvaakaita paBhaari-perazimi. Asi nguva ino iye aizoita chiito mukurwisana navanhu vake vasina kutenda, uye aizoita saizvozvo kufanana namafashamo asingadzivisiki emvura iri kubuda napamukana mudhamu riri kuputsika. Sungano yeJerusarema norufu yaizoratidzwa kuva isina maturo. Nenzira yakafanana, Jehovha achaita chiito munguva yemberi iri pedyo mukurwisana nechiKristudhomu, uye chichawana kuti zvibvumirano zvacho zvose zvinodhakisa nenyika ino hazvina revo. Sangano racho guru richaputsanywa uye vatsigiri vacho vachaparadzirwa. Vamwari vacho venhema vachapiswa chose chose.
7. Neiko madonzo aJehovha pamusoro paJudha akanzi “echienzi” uye “asiri enguva dzose”?
7 Neiko Isaya achidana chiito chaJehovha mukurwisana neJerusarema kuti basa rechienzi uye risiri renguva dzose? Eya, Jerusarema rakanga riri nzvimbo yokunamatwa kwaJehovha neguta ramambo akazodzwa waJehovha. (Pisarema 132:11-18) Serakadaro, rakanga risina kutongoparadzwa kare. Tembere yaro yakanga isina kutongopiswa. Imba youmambo yaDhavhidhi, yakambovakwa muJerusarema, yakanga isina kutongokundwa. Zvinhu zvakadaro zvakanga zvisingafungiki. Kwakanga kuri kusiri kwenguva dzose zvikuru kuti Jehovha aizorangarira kubvumira zvinhu zvakadaro kuitika.
8. Inyeveroi iyo Jehovha akapa yechiito chake chisiri chenguva dzose chinouya?
8 Asi Jehovha akapa nyevero yakanaka kupfurikidza navaporofita vake kuti zvinoitika zvinokatyamadza zvakanga zvichizoitika. (Mika 3:9-12) Somuenzaniso, muporofita Habhakuki, uyo akararama muzana ramakore rechinomwe P.N.V., akati: “Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo kwazvo; nokuti ndinobate basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa. Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKardea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo. Vanotyisa nokukarudza.”—Habhakuki 1:5-7.
9. Jehovha akazadzisa nyevero yake mukurwisana neJerusarema munzirai?
9 Muna 607 P.N.V., Jehovha akazadzika nyevero yake. Abvumidza hondo dzeBhabhironi kurwisana neJerusarema, akadzibvumira kuparadza zvose zviri zviviri guta netembere. (Mariro 2:7-9) Uyezve, akabvumira Jerusarema kuparadzwa kwenguva yechipiri. Neiko? Eya, pashure pamakore 70 outapwa, vaJudha vanopfidza vakadzokera kunyika yokumusha kwavo, uye pakupedzisira imwe tembere yakavakwa muJerusarema. Zvakare, kunyanguvezvo, vaJudha vakabva kuna Jehovha. Muzana rokutanga ramakore N.V., Pauro akanokora mashoko mashoko aHabhakuki kuvaJudha vomuzuva rake, nokudaro achinyevera kuti kwakanga kuchizova nokushanda kwomunguva yemberi kwouporofita hwacho. (Mabasa 13:40, 41) Jesu amene akanga anyevera zvakananga kuti Jerusarema netembere yaro zvaizoparadzwa nemhaka yokushaya kutenda kwavaJudha. (Mateo 23:37–24:2) VaJudha ivavo vomuzana rokutanga ramakore vakateerera here? Aiwa. Kufanana namadzitateguru avo, vakaramba chose chose nyevero yaJehovha. Nokudaro, Jehovha akadzokorora basa rake rechienzi. Jerusarema netembere yaro zvakaparadzwa muna 70 N.V. kupfurikidza namauto eRoma.
10. Jehovha achaita sei chiito mukurwisana nechiKristudhomu munguva yemberi iri pedyo?
10 Nei, ipapoka, munhu upi noupi achifanira kufunga kuti Jehovha haasati achizoita chimwe chinhu chakafanana munguva yedu timene? Idi nderokuti, iye achazadzika donzo rake kunyange zvazvo kuchiratidzika kuva kwechienzi nokusiri kwenguva dzose kuvapanikiri. Nguva ino nyajambwa wechiito chake chichava chiKristudhomu, icho, kufanana naJudha wekare, chinoti chinonamata Mwari asi chakava chakaipa nenzira isina tariro. Kupfurikidza naDhavhidhi Mukuru wake, Kristu Jesu, Jehovha achasvika pa“vaFiristia” vechiKristudhomu paawa risingakarirwi navo. Iye achaita basa rake risiri renguva dzose kusvikira kupfundo rokuparadzanya zvisaririra zvokupedzisira zvamasangano orudzidziso echiKristudhomu.—Mateo 13:36-43; 2 VaTesaronika 1:6-10.
Nyevero Yechiito chaJehovha
11, 12. Zvapupu zvaJehovha zvakanyevera sei nezvamarutongeso anouya aJehovha?
11 Kwamakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvakanyevera nezveichi chiito chorutongeso runouya runoitwa naJehovha. Zvakaonesa kuti ruparadziko rweJerusarema netembere yaro muna 607 P.N.V. uye zvakare muna 70 N.V. rwakanga rwuri nyevero dzouporofita dzezvichaitika kuchiKristudhomu. Uyezve, zvakaratidzira kuti chiKristudhomu, nemhaka yokuwa kwacho pakutenda, chakava rutivi rwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru. Nemhaka yaikoku, marutongeso aMwari paBhabhironi Guru achaitwa zvikurukuru pachiKristudhomu, sezvo chiri rutivi rune mhaka zvikurusa rweboka iroro rakaipa.—Zvakazarurwa 19:1-3.
12 Zvapupu zvaJehovha zvakanongedzera kunyevero youporofita hweBhaibheri kuti munguva yakafanira yaJehovha, shamwari dzezvamatongerwe enyika dzeBhabhironi Guru dzicharipandukira. Ichifananidzira idzodzi nenyanga dzine gumi dzechikara chitsvuku, Zvakazarurwa inonyevera, kuti: “Nyanga dzine gumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe [Bhabhironi Guru], vachaiparadza, nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” (Zvakazarurwa 17:16) ChiKristudhomu chorudzidziso chichapiswa ndokuparadzwa pamwe chete namamwe marudzidziso ose enhema. Ichochi chichava chiito chechienzi chaJehovha, basa rake risiri renguva dzose nokuda kwezuva redu.
13. Zvinoitwa kunyevero dzaJehovha nhasi zvakafanana sei neizvo Isaya akasangana nazvo?
13 Apo Zvapupu zvaJehovha zvinopa nyevero yeiyi ngwavaira iri kuuya, kazhinji kazhinji zvinosangana nokuseka kwokunyomba. Vanhu vanoshamisika kuti zvinofunga kuti ndivanaani kuti zvitaure zvinhu zvakadaro. ChiKristudhomu chinoratidzika sechakadzikama kwazvo, chakatsiga kwazvo. Chokwadi, vamwe vanonzwa kuti chimiro chacho chiri kutovandudzika. Hurumende dzaimbochidzvinyirira misi ichangobva kupfuura iyi dzakabvumira rusununguko rukuru zvikuru rwechiito. Kutaura idi, kunyanguvezvo, chiKristudhomu chinofanira kuteerera zano raIsaya, rinoti: “Regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kunaShe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.”—Isaya 28:22; 2 Petro 3:3, 4.
14. Zvisungo zvechiKristudhomu zvichava sei zvakasimba nezvakasunga zvikuru?
14 Zvikurusa, chiKristudhomu chichapfuurira kuva chinoshora Mambo noUmambo. (2 VaTesaronika 2:3, 4, 8) Panguva imwe cheteyo, zvisinei, zvisungo zvacho zvichava zvakasimba zvikuru nezvakasunga zvikuru. Namamwe mashoko, ruparadziko rwacho ruchava rwechokwadi zvikuru. Jehovha haasati achizobva pachisarudzo chake chokuita kuti chiKristudhomu chiparadzwe sezvo asina kubva pachisarudzo chake chokubvumira kuparadzwa kweJerusarema netembere yaro muna 607 P.N.V.
“Budai Mariri”
15. Inzirai yokutiza nayo yakazarukira vamwe navamwe vane mwoyo wakarurama?
15 Munhu upi noupi anogona sei kutiza jambwa rechiKristudhomu? Shure mumazuva aIsraeri, Jehovha akatumira vaporofita vakatendeka kuti vadanezve vane mwoyo wakarurama kuti vadzokere kukunamata kwakachena. Nhasi, iye akamutsa Zvapupu zvake, zvino zviri kusvika mumamirioni, nokuda kwedonzo rakafanana. Zvinofumura nokusatya mugariro wakafa womudzimu wechiKristudhomu. Mukuita saizvozvo, zvinodzokorora nokutendeka ziviso dzakafanana nedenda dzokuridza hwamanda kwengirozi kwaZvakazarurwa ganhuro 8 ne 9. Uyezve, zvakazivisa nokushingaira pangiro yakanyorwa pana Zvakazarurwa 18:4 (NW), inoti: “Budai mariri, vanhu vangu, . . . kana musingadi kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.” “Aro” anonongedzerwa kwaari pano iBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, mutezo mukurusa waro uri chiKristudhomu.
16. Mamirioni akatiza murudzidziso rwenhema munzirai?
16 Chifo cha 1919, uye zvikurukuru chifo cha 1922, boka rinokura ravanyoro, richigamuchira pangiro iyoyo, rakasiya Bhabhironi Guru. Kutanga zviuru, tevere mazana ezviuru, uye zvino mamirioni akazviparadzanisa amene norudzidziso rwenhema, zvikurukuru chiKristudhomu, uye akatizira kukunamata kwakachena. (Isaya 2:2-4) Vanoziva kuti kupfurikidza bedzi nokudarozvo kusiya Bhabhironi Guru vanogona kudzivisa kutambura madambudziko aro, ayo achaguma noruparadziko rwaro apo nguva inosvika yebasa risiri renguva dzose raJehovha rinofanira kuitwa.
17, 18. Jehovha akava sei korona yeshongedzo neruva rorunako kuvanhu vake?
17 Muporofita Isaya anorondedzera mugariro unofadza waavo vanotsigira kunamata kwakachena. Anoti: “Nezuva iro Jehovha wehondo uchava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake; no[mudzimu, NW] wokururamisa kune ugere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuo.”—Isaya 28:5, 6.
18 Nemhaka yoruvimbiko rwavo kuzvokwadi, Jehovha ndiye korona isingafi yembiri nokuda kwemitezo yeboka romuranda akatendeka naakachenjera. Ikoku kwakava kwechokwadi zvikurukuru chifo cha 1926. Mugore iroro chinyorwa chaJanuary 1 cheThe Watch Tower chakasimbisa dikanwo inokosha yokukudza zita raJehovha munyaya inonyandura yaiva nomusoro unoti: “Ndiani Achakudza Jehovha?” Chifo chaipapo, maKristu akazodzwa akazivisa zita iroro munyika yose sezvisakamboitika nakare kose. Muna 1931 vakava vanotozivikanwa zvikuru naJehovha kupfurikidza nokugamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Uyezve, boka guru ramamwe makwai rakabudawo muchiKristudhomu norutivi rwose rwasara rweBhabhironi Guru. Ivavawo vakagamuchira zita raMwari. Muuyo wacho? Jehovha amene—panzvimbo pokuzvimirira kworudzi kwechinguvana—akava korona yeshongedzo neruva rorunako nokuda kwavanhu vanopfuura mamirioni mana munyika dzine 212 nezvitsuwa zvegungwa. Rukudzo rwakadini runa ivava rwokutakura zita raMwari mupenyu bedzi nowechokwadi!—Zvakazarurwa 7:3, 4, 9, 10; 15:4.
“Mudzimu waJehovha Unofanira Kugara Paari”
19. Ndiani uyo agere mukutonga, uye Jehovha akava sei mudzimu weruramisiro kwaari?
19 Kuna Jesu, “uyo agere mukutonga,” Jehovha akava “mudzimu weruramisiro.” Apo Jesu akanga ari pasi pano, akaramba kukurirwa nomudzimu unodhakisa wemibatanidzwa yenyika. Nhasi, saMambo akagadzwa pachigaro choumambo waJehovha, akazadzwa nomudzimu mutsvene, uyo unomutungamirira mukuita zvisarudzo zvakadzikama, zvakajeka. Muna Jesu uporofita hwakazadzikwa, hunoti: “Mudzimu waJehovha unofanira kugara paari, mudzimu wouchenjeri nowokunzwisisa, mudzimu wezano nowesimba, mudzimu wezivo nowokutya Jehovha.” (Isaya 11:2, NW) Zvirokwazvo, kupfurikidza naJesu, Jehovha “achaita kururamisira rwonzi, nokururama chokururamisa nacho.” (Isaya 28:17) Nepo vavengi vakadhakwa mumudzimu vachakurirwa muruparadziko, ruramisiro ichaitwa kuzita dzvene raJehovha nouchangamire hwapose pose.
20, 21. Mashoko aIsaya 28:1-22 anokutapura munzirai?
20 Irevo yakaisvonaka zvakadini, ipapoka, ine uhwu uporofita hwaIsaya ganhuro 28 nokuda kwedu nhasi! Kana tikadzivisa zvidhakwa zvomudzimu zvechiKristudhomu ndokunamatira kukunamata kwakachena, tichadzivirirwa apo Jehovha anoita chiito chake chechienzi nebasa rake risiri renguva dzose. Tinofara sei kuziva ikoku! Uye tinofara sei kuratidzira kuti apo izvi zvinhu zvinoitika, munhu ari wose achamanikidzirwa kuziva kuti Jehovha wehondo akaita chiito nokuda kwavanhu vake vakatendeka uye nokuda kwokurevererwa kwake amene kupfurikidza naJesu Kristu!—Pisarema 83:17, 18.
21 Naizvozvo maKristu ose apachokwadi ngaapfuurire nokusatya kunyevera nezvechiito chechienzi chaJehovha. Ngaapfuurire mukutaura nezvebasa rake risiri renguva dzose. Sezvavanodaro, ngaazivise kuna vose kuti tariro yedu isingazununguki iri muUmambo hwaMwari huri pasi paMambo wake akagadzwa pachigaro choumambo. Shingairo yavo, kutsunga, uye ruvimbiko ngazvipire kurumbidzo isingaperi yaMwari wamasimba ose, Jehovha.—Pisarema 146:1, 2, 10.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Neiko chiKristudhomu chiri mumugariro wakaipa?
◻ Chii icho Jehovha akaita donzo nokuda kweJerusarema, uye neiko ikoku kwakanga kuri “kwechienzi” uye “kusiri kwenguva dzose”?
◻ Inyeveroi iyo Zvapupu zvaJehovha zvakazivisa pamusoro pechiKristudhomu, uye kuitai kwazvakasangana nako?
◻ Vanhu vanogona sei kutiza ngwavaira yechiKristudhomu?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Jehovha achadzokorora chiito chake chechienzi, nguva ino mukurwisana nechiKristudhomu