RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/15 pp. 3-4
  • Chii Chinosakisa Nhamo Yemhuri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinosakisa Nhamo Yemhuri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvimwe Zvikonzero Zvenhamo Yemhuri
  • Nhamo Yemhuri—Chiratidzo Chenguva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Isa Mwari Pakutanga Muupenyu Hwenyu Hwemhuri!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/15 pp. 3-4

Chii Chinosakisa Nhamo Yemhuri?

‘INYOPE!’ Bob akadanidzira kudaro. ‘Mutarisiri weimba akaipa zvikuru!’

‘Ikoko hakusati kuri chokwadi!’ Jean akakurumidza kupindura kudaro akashatirwa. ‘Haaongi chinhu chandinoedza kuita. Iye ndiye murume anotsoropodza zvikurusa wandati ndambosangana naye.’

Chii chakaipa muupenyu hwaBob naJean?a Roorano yavo duku yakanga yagara mwedzi mina bedzi, asi yakanga yatova pedyo nengwavaira. Zvisinei, chinoitika chavo hachisati chiri chechienzi, nokuti nhamba dzinoratidza kuti kusabvumirana kwemhuri kunozivikanwa navose. Nyanzvi zvino dzinotaura kuti hafu yeroorano itsva dzose muUnited States ichaguma nechatanuro. Nenzira yakafanana nhamba dzisingafadzi dzinobva kudzimwe nyika dzakawanda. Bva, chatanuro runongova chete rutivi rwenhau yacho. Muzviverengero zvisina muenzaniso uye nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana, mhuri dziri munhamo.

Zvimwe Zvikonzero Zvenhamo Yemhuri

Vana vanotapurwa zvikuru kwazvo apo migariro inonetsa inenge iri mumhuri. Magazini yeNewsweek inoshuma, kuti: ‘‘Chikamu chimwe chezvitatu chavana vose vakaberekwa mumakore gumi apfuura [muUnited States] zvimwe chichagara mumhuri yokurera vasati vava namakore 18. Mumwe muvana vana vari vose nhasi ari kurerwa nomubereki mumwe. Inenge 22 muzana yavana nhasi vakaberekerwa kunze kweroorano; vaivavo, chinenge chikamu chimwe chezvitatu vakaberekwa namai vechiduku.”

Ichidudza chisakiso chakafanana chenhamo yemhuri, nyanzvi yokushatiswa kwavana J. Patrick Gannon inoti: “Nzvero dzazvino dzinoratidza kuti makumi amamirioni avanhu akakurira mumhuri dzisingashandi zvakanaka umo masimba masimba, vatano yehama dzokunyama, kana kuti kushatiswa kwendangariro kwakasakiswa noudhakwa chakanga chiri chinhu chaichoicho chezuva riri rose.” Hakushamisi kuti vana vazhinji vanoratidzirwa kuzvinhu zvakadaro vangasaziva nzira yokudzivisa nayo nhamo yemhuri savakuru.

Vamwe vacherekedzi vangashora nhamo yemhuri yechinjo dzezvemari, dzenzanga, uye dzetsika idzo dzakatapura nyika dzinogadzira zvinhu. Somuenzaniso, kupinda kwomwero mukuru kwavakadzi mukushanda kwakatanga kurongwazve kunowanzovhiringidza kwamabasa omumba nemitoro. Vanamai nenzira yorutyo vanonatsa unyanzvi hwamabasa akaipa, vanababa nenzira yokuzengurira vanorwisana nebasa romumba, uye vana vanochinjira nemisodzi kuupenyu hwapanzvimbo dzinotarisirwa vana masikati.

Mhuri dzakawanda dziri mudzvinyiriro huru munyika kupota pasi rose. Mumwe mubereki anoshanda akaenzanisa ikoku noku“gara mumugariro wenguva dzose wenjodzi.” Hakushamisi kuti inodokusvika hafu yaavo vakanzverwa mukati menzvero yeGallup yemisi ichangobva kupfuura iyi yakataura kuti ‘mhuri yeAmerica yakaipa zvikuru nhasi kupfuura zvayakanga yakaita makore 10 apfuura,’ uye vashomanene vakadavira kuti mugariro wacho waizovandudzika.

Nhamo yemhuri naizvozvo musoro usingagumi wekurukurirano mushoo dzehurukuro dzeterevhizheni nenhepfenyuro. Vanhu vanorava mabhuku okuzvibetsera pamusoro pemhuri, mamwe achipa mwero wakati wezano rakanaka nerinoshanda. Kunyange zvazvo zano roku‘kurukurirana zvakajeka zvikuru’ kana kuti roku‘goverana mirangariro yako’ richigona kuva rinobetsera, rinokundikana kugonana nechisakiso chaichoicho chezvinetso zvomumba. Nyaya inotevera ichaita saizvozvo uye icharatidza nzira yokugonana nayo nenhamo yemhuri.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita okunyepedzera anoshandiswa kuchengeta kuvanzika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe