RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/15 pp. 20-25
  • Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kanganwiro, Musengwa wechiKristu
  • Kudzokera Kuna Jehovha
  • Imwe Betsero Yengoni
  • Ratidza Kuvimbika kwechiKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mabatiro Atinofanira Kuita Munhu Akadzingwa
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kana Munhu Watinoda Akasiya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/15 pp. 20-25

Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi

“Tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru.”—2 SAMUERI 24:14.

1. Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pengoni dzaMwari, uye nei?

MAMBO DHAVHIDHI aiziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti Jehovha ane ngoni zvikuru kupfuura zvakaita vanhu. Achivimba kuti nzira dzaMwari, kana kuti makwara, akanakisisa, Dhavhidhi aishuva kudzidza nzira Dzake nokufamba muzvokwadi Yake. (1 Makoronike 21:13; Pisarema 25:4, 5) Unorangarira sezvakaita Dhavhidhi here?

2. Izanoi iro Jesu akapa pana Mateo 18:15-17 pamusoro pokutarisira chivi chakakomba?

2 Bhaibheri rinotipa nzwisiso mukufunga kwaMwari, kunyange panhau dzakadai sezvatinofanira kuita kana mumwe munhu akatitadzira. Jesu akaudza vaapostora vake, avo vaizova gare gare vatariri vechiKristu, kuti: “Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.” Chakaipa chinobatanidzwa pano chakanga chisiri kutsoropodzawo zvako kwomunhu oga asi chivi chakakomba, chakadai sokunyengera kana kuti kuchera. Jesu akataura kuti kana nhano iyoyi isingapedzi nhau yacho uye kana zvapupu zvichiwanika, uyo akatadzirwa anofanira kuenda nazvo kuti abvumikise kuti pakanga pane chakaipa. Nhano iyoyi ndiyo kwokutendeukira kwokupedzisira here? Aiwa. “Kana [mutadzi] asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri so[munhu wamarudzi uye somuteresi, NW].”—Mateo 18:15-17.

3. Jesu airevei mukutaura kuti muiti wechakaipa asingapfidzi aifanira kuva “somunhu wamarudzi uye somuteresi” (NW)?

3 Zvavaiva vaJudha, vaapostora vaizonzwisisa chakwaireva kubata mutadzi “so[munhu wamarudzi uye somuteresi, NW].” VaJudha vaidzivisa songaniro navanhu vamarudzi, uye vaizvidza vaJudha vaishanda savateresi vechiRoma.a (Johane 4:9; Mabasa 10:28) Nokudaro, Jesu akanga achipa zano vadzidzi kuti kana ungano ikaramba mutadzi, ivo vakanga vachifanira kurega kusonganirana naye. Kunyanguvezvo, ikoko kunotsinhirana sei nokuva kwaJesu navateresi padzimwe nguva?

4. Nemhaka yamashoko ake ari pana Mateo 18:17, neiko Jesu aigona kuva nezvokuita navateresi navatadzi?

4 Ruka 15:1 (NW), inoti: “Vateresi vose navatadzi vakaramba vachiswedera pedyo naye kuti vamunzwe.” Haasati ari muteresi ari wose kana kuti mutadzi aivapo, asi “vose” mupfungwa yavazhinji. (Enzanisa naRuka 4:40.) Vapi vacho? Avo vaifarira kuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe. Vamwe vakadaro vakakweverwa pakuvamba kushoko raJohane Mubhapatidzi rorupfidzo. (Ruka 3:12; 7:29) Naizvozvo apo vamwe vakauya kuna Jesu, kuparidzira kwake kwavari hakuna kushatisa zano rake riri pana Mateo 18:17. Cherekedza kuti “vateresi vazhinji navatadzi [vakanzwa Jesu] ndokuvamba kumutevera.” (Marko 2:15, NW) Ava vakanga vasiri avo vaida kupfuurira munzira yakaipa youpenyu, vachiramba betsero ipi neipi. Panzvimbo pezvo, ivo vakanzwa shoko raJesu uye mwoyo yavo yakaororwa. Kunyange kana vakanga vachiri kutadza, kunyange zvazvo sezvinobvira vachiedza kuita chinjo, “mufudzi akaisvonaka” kupfurikidza nokuparidzira kwake kwavari akanga achitevedzera Baba vake vane ngoni.—Johane 10:14, NW.

Kanganwiro, Musengwa wechiKristu

5. Chii chiri nzvimbo huru yaMwari pamusoro pekanganwiro?

5 Tine izvi zvipikirwa zvinonyaradza zvokudisa kwaBaba vedu kukanganwira: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu nokutinatsa pakusarurama kwose.” “Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti mugorega kuita chivi. Asi, kana munhu upi noupi akaita chivi, tine mubetseri naBaba, Jesu Kristu, akarurama.” (1 Johane 1:9; 2:1, NW) Kanganwiro inobvira here nokuda kwomunhu akadzingwa?

6. Munhu akadzingwa anogona sei kukanganwirwa ndokudzorerwa?

6 Hungu. Panguva yokudzinga mumwe munhu nokuda kwechivi chisingapfidzwi, vakuru vanomirira ungano vanomutsanangurira kuti kunobvira kuti apfidze ndokugamuchira kanganwiro yaMwari. Iye angapinda misangano paHoro yoUmambo, uko anogona kunzwa muraidzo weBhaibheri uyo ungamubetsera kupfidza. (Enzanisa na 1 VaKorinte 14:23-25.) Pashure penguva yakati angatsvaka kudzorerwa muungano yakachena. Apo vakuru ipapo vanosangana naye, vachaedza kusarudza kana iye akapfidza ndokusiya nzira yake yokutadza. (Mateo 18:18) Kana kwakadaro, iye angadzorerwa, mukuwirirana nomutoo uri pana 2 VaKorinte 2:5-8. Kana iye akanga akadzingwa kwamakore mazhinji, achafanira kuita nhamburiko yokubatira pamwe yokufambira mberi. Iye angadawo betsero yakati ine mufungo pashure paikoko kuti avake zivo yake yeBhaibheri nenzwisiso kuti ave muKristu akasimba mumudzimu.

Kudzokera Kuna Jehovha

7, 8. Muenzanisoi uyo Mwari akagadza pamusoro pavanhu vake vaiva vakatapwa?

7 Asi vakuru vamene vangaita nhano yokutanga ipi neipi here mukusvika munhu akadzingwa? Hungu. Bhaibheri rinoratidza kuti ngoni dzinoratidzirwa kwete chete nokuregwa kwakaipa kwechirango asi kazhinji kazhinji nezviito zvakanaka. Tine muenzaniso waJehovha. Asati apinza vabatiri vake vasina kutendeka muutapwa, akapa nenzira youporofita kariro yokudzokera kwavo, achiti: “Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsraeri, nokuti ndiwe muranda wangu. . . . Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.”—Isaya 44:21, 22.

8 Ipapo, mukati moutapwa, Jehovha akaita dzimwe nhano, achiita nenzira yakananga. Iye akatumira vaporofita, vamiriri vake, kuti vakoke Israeri ku‘mutsvaka ndokumuwana.’ (Jeremia 29:1, 10-14) Pana Ezekieri 34:16, iye akazvifananidza amene nomufudzi uye vanhu vorudzi rwaIsraeri namakwai akarasika: “Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosera akadzingwa.” Pana Jeremia 31:10, Jehovha akashandisawo mufananidzo wokuva kwake mufudzi wavaIsraeri. Aiwa, haana kuzvifananidzira amene nomufudzi ari padanga ramakwai achimirira rakarasika kuti ridzokere; panzvimbo pezvo, iye akazviratidza amene somufudzi ari kutsvaka ayo akarasika. Cherechedza kuti kunyange apo vanhuwo zvavo vakanga vasingapfidzi ndokuiswa muutapwa, Mwari akatanga nhano dzokutsvaka kudzokera kwavo. Uye mukuwirirana naMaraki 3:6, Mwari aisazochinja nzira yake yokubata nayo mugadziriro yechiKristu.

9. Muenzaniso waMwari wakateverwa sei muungano yechiKristu?

9 Ikoku hakukarakadzi kuti kungagona kuva nechikonzero chokutanga nhano dzokusvika vanhu vakadzingwa uye avo vangave vanopfidza zvino here? Yeuka kuti muapostora Pauro akapa nhungamiro yokubvisa munhu akaipa muungano yeKorinte. Gare gare iye akakurudzira ungano kusimbisa rudo rwavo kumunhu wacho nemhaka yorupfidzo rwake, kuchitungamirira kukudzorerwa kwake kunotevera muungano.—1 VaKorinte 5:9-13; 2 VaKorinte 2:5-11.

10. (a) Ivavariroi inofanira kusunda nhamburiko dzipi nedzipi dzokuonana navanhu vakadzingwa? (b) Neiko hama dzokunyama dzechiKristu dzisingafaniri kuva idzo dzinotanga onano?

10 Enisaikoropidhia yanokorwa mashoko pakuvamba yati: ‘Chikonzero chikuru chokutanda chaiva chokudzivirira mipimo yeboka: “mbiriso shoma inovirisa bundu rose” (1 VaK. 5:6). Vavariro iyoyi yakajeka muzvikamu zvizhinjisa zveBhaibheri nezviri kunze kwamanyoro anoyera anogamuchirwa, asi itiro hanya nokuda kwomunhu wacho, kunyange pashure pokudzingwa, yakanga iri hwaro hwechikumbiro chaPauro muna 2 VaK. 2:7-10.’ (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Nokudaro, itiro hanya yorudzi irworwu inofanira kuratidzwa nenzira ine mufungo nhasi navafudzi veboka. (Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2) Dzaichimbova shamwari nehama dzokunyama dzingakarira kuti akadzingwa aizodzoka; bva nokuda kwokuremekedza murairo uri pana 1 VaKorinte 5:11, havasonganiri nomunhu akadzingwa.b Vanosiira kuvafudzi vakagadzwa kuti vaite nhano yokutanga kuona kana munhu akadaro achifarira kudzokera.

11, 12. Rudzii rwavakadzingwa urwo kunyange vakuru vaisazoda kuonana narwo, asi rudzii rwavangashanyira?

11 Kwaisazova kwakakodzera kunyange kuti vakuru vatange nhano yokusvika avo vakadzingwa vakati, vakadai savawi pakutenda, avo ‘vanotaura zvinhu zvakamonyana kuti vakweve vadzidzi vavatevere.’ Ivava ‘vadzidzisi venhema avo vari kuedza kupinza masekete anoparadza nokushandisa ungano zvisakafanira namashoko okunyengera.’ (Mabasa 20:30; 2 Petro 2:1, 3) Bhaibheriwo harigoveri hwaro hupi nohupi hwokutsvaka vakadzingwa vanokakavara kana vanokurudzira nenzira yokushingaira kuita chakaipa.—2 VaTesaronika 2:3; 1 Timotio 4:1; 2 Johane 9-11; Judhasi 4, 11.

12 Zvisinei, vanhu vakadzingwa vazhinji havana kuita saizvozvo. Mumwe angave akarega chakaipa chakakomba icho akadzingirwa. Mumwe angave aishandisa fodya, kana kuti munguva yakapfuura angave ainyanyonwisa, asi zvino haasati ari kuedza kutungamirira vamwe muchakaipa. Yeuka kuti kunyange vaIsraeri vakatapwa vasati vatendeukira kuna Mwari, iye akatuma vamiriri achivakurudzira kuti vadzokere. Kana Pauro kana kuti vakuru vomuungano yeKorinte vakaita nhano yokutanga kunzvera munhu akadzingwa, Bhaibheri haritauri. Apo munhu iyeyo akanga apfidza ndokugumisa utere hwake, Pauro akaraira ungano kuti imudzorere.

13, 14. (a) Chii chinoratidzira kuti vamwe vakadzingwa vangagamuchira nhano dzokutanga dzengoni? (b) Mutumbi wavakuru unogona sei kuronga kuti onano iitwe?

13 Munguva dzichangobva kupfuura idzi kwave kune zvinoitika umo mukuru akasangana nomunhu akadzingwa.c Pakwaikodzera, mufudzi akaratidza nokupfupikisa nhano dzinofanira kuitwa nokuda kwokudzorerwa. Vamwe vanhu vakadai vakapfidza uye vakadzorerwa. Miuyo inofadza yakadaro inoratidzira kuti kungava navanhu vakadzingwa kana vakabviswa musonganiro vaizoita chimwe chinhu kukusvika kune ngoni kunoitwa navafudzi. Asi vakuru vangabata sei iyi nhau? Kasingapfuuri kamwe pagore, mutumbi wavakuru unofanira kurangarira kana kune vanhu vakadaro vari kugara mundima yavo.d Vakuru vanganangidzira ngwariro paavo vakadzingwa kwerinopfuura gore. Mukuwirirana nemigariro, kana kwakakodzera, vangagovera vakuru vaviri (nenzira inokarirwa avo vakarovedzana nomugariro wacho) kuti vashanyire munhu akadaro. Hapana shanyo ingaitwa pavapi navapi vanoratidzira chimiro chokutsoropodza, chine ngozi kana avo vakaita kuti kuzivikanwe kuti havadi betsero.—VaRoma 16:17, 18; 1 Timotio 1:20; 2 Timotio 2:16-18.

14 Vafudzi vaviri vangagona kuridza runhare kuti vakumbire kuita shanyo pfupi, kana kuti vangagona kumira vachipfuura nepo panguva yakakodzera. Mukati meshanyo yacho, vanofanira kusava vakasimba kana kuti kunyange vakatonhora asi vanofanira kuratidzira noushamwari itiro hanya yavo ine ngoni. Panzvimbo pokuhwirudzura nhau yakapfuura, vangagona kukurukura magwaro eBhaibheri akadai saIsaya 1:18 uye 55:6, 7 naJakobho 5:20. Kana munhu wacho achifarira kudzokera kuboka raMwari, vangagona kutsanangura nenzira yomutsa dziri nhano dzaanofanira kuita, zvakadai sokurava Bhaibheri nezvinyorwa zveWatch Tower Society nokupinda misangano paHoro yoUmambo.

15. Chii chinofanira kurangarirwa navakuru vanoita onano nomunhu akadzingwa?

15 Vakuru ivava vachada uchenjeri nenzwisiso kuti vasarudze kana pane ratidziro yorupfidzo uye kana shanyo yechipiri yaizova ine mufungo. Chokwadika, vanofanira kurangarira kuti vamwe vanhu vakadzingwa havasati vachizotongo‘mutsidzirwa kurupfidzo.’ (VaHebheru 6:4-6; 2 Petro 2:20-22) Pashure peshanyo yacho, vaviri vacho vangapa mushumo mupfupi unotaurwa kuDare reBasa reUngano. Ivowo, vangazivisa mutumbi wavakuru pamusangano wavo unotevera. Kutanga kuita nhano yokusvika kwavakuru kune ngoni kuchava kwaratidzira murangariro waMwari: ‘Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri,’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—Maraki 3:7.

Imwe Betsero Yengoni

16, 17. Tinofanira kurangarira sei hama dzokunyama dzechiKristu dzomumwe munhu akadzingwa?

16 Zvakadini naavo vedu vasiri vatariri uye vasati vachizotanga nhano dzakadaro dzokusvika vanhu vakadzingwa? Chii chatinogona kuita chinowirirana neiyi gadziriro uye mukutevedzerwa kwaJehovha?

17 Chero bedzi mumwe munhu akadzingwa kana kuti akabviswa musonganiro, tinofanira kutevera muraidzo, wokuti: “Murege kufambidzana nomunhu anoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana ane ruchiva, kana unonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo, musadya nowakadai.” (1 VaKorinte 5:11) Asi uyu murairo weBhaibheri haufaniri kutapura murangariro wedu wemitezo yemhuri yechiKristu iyo inogara nomunhu akadzingwa. VaJudha vakare vaiita nenzira yakasimba kwazvo kuvateresi zvokuti ruvengo rwavo rwaitambanudzirwa kunyange kumhuri yomuteresi. Jesu haana kutendera ikoko. Iye akataura kuti mutadzi airamba betsero aifanira kubatwa “somunhu wamarudzi uye somuteresi”; haana kutaura kuti mitezo yemhuri yechiKristu yaifanira kubatwa saizvozvo.—Mateo 18:17, NW.

18, 19. Ndedzipi dziri dzimwe nzira umo isu tinogona kuratidzira nadzo chiKristu chedu kuhama dzokunyama dzakatendeka dzomunhu akadzingwa?

18 Tinofanira kuva vanotsigira zvikuru mitezo yemhuri iyo iri maKristu akatendeka. Vangatotarisana namarwadzo nemhinganidzo nemhaka yokugara pamusha nomunhu akadzingwa uyo angadzivisa chaizvoizvo zvinorondwa zvavo zvomudzimu. Iye angada zvake kusava namaKristu anoshanyira musha wacho; kana kuti kana vakauya kuzoona mitezo yemhuri yakavimbika, iye angasava netsika dzakanaka kuti arambe ari kure navashanyi. Iye angadzongonyedzawo nhamburiko dzemhuri dzokuenda kumisangano yose yechiKristu namagungano. (Enzanisa naMateo 23:13.) MaKristu anodarozvo kudziviswa zvirokwazvo anofanirwa nengoni dzedu.—2 VaKorinte 1:3, 4.

19 Imwe nzira yatinogona kuratidza nayo ngoni huru iri kupfurikidza no‘kutaura nenzira inonyaradza’ nokuva nekurukurirano dzinokurudzira navakatendeka vakadaro vari mumhuri yacho. (1 VaTesaronika 5:14) Kunewo mabanza akaisvonaka okupa tsigiro pamberi napashure pemisangano, patinenge tiri mubasa romumunda, kana kuti tiri pamwe chete pane dzimwe nguva. Hatifaniri kududza kudzinga asi tinogona kukurukura zvinhu zvizhinji zvinovaka. (Zvirevo 25:11; VaKorose 1:2-4) Nepo vakuru vachapfuurira kufudza maKristu ari mumhuri yacho, tingawana kuti isuwo tinogona kushanyira pasina kuva nezvokuita nomunhu akadzingwa. Kana akadzingwa akapindura patinoshanya kana kuti kuridza runhare, tinogona kukumbira zvedu hama yokunyama yechiKristu yatiri kutsvaka. Pane dzimwe nguva mitezo yechiKristu yemhuri ingakwanisa kugamuchira kokero yokuuya kumba kwedu nokuda kwesonganiro. Pfundo racho ndeiri: Ivo—vaduku navakuru—vabatiri biyedu, mitezo inodiwa yeungano yaMwari, vasingafaniri kuparadzaniswa.—Pisarema 10:14.

20, 21. Tinofanira kunzwa nokuita sei kana munhu akadzorerwa?

20 Imwe nharaunda yokuratidza ngoni inozaruka apo akadzingwa anodzorerwa. Mienzanisiro yaJesu inosimbisa mufaro uri mudenga apo ‘mutadzi mumwe anopfidza.’ (Ruka 15:7, 10) Pauro akanyorera vaKorinte pamusoro pomunhu akanga adzingwa, kuti: “Naizvozvo zviri nani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.” (2 VaKorinte 2:7, 8) Ngatishandise zano iroro nenzira ine mwero uye nenzira yorudo mumazuva namavhiki pashure pokunge mumwe munhu adzorerwa.

21 Muenzanisiro waJesu womwanakomana anopambadza unobudisa ngozi yatinofanira kudzivisa. Mukoma haana kufarira kudzokera kwomupambadzi asi akatsamwa. Ngatirege kuva vakadaro, kuchengeta chimiro chisina kururama pamusoro pechakaipa chakapfuura kana kuti kuitira mafi okudzorerwa kwomumwe munhu. Panzvimbo pezvo, nharidzano yedu ndeyokuva vakafanana nababa, avo vakaenzanisira kuita kwaJehovha. Baba vakafara kuti mwanakomana wavo, uyo akanga arasika uye akaratidzika kuva akafa, akawanwa, kana kuti akava mupenyu. (Ruka 15:25-32) Nenzira inowirirana, tichataura norusununguko kuhama yakadzorerwa ndokumukurudzira nedzimwe nzira. Hungu, tinofanira kukuita kuti kuve pachena kuti tiri kuratidza ngoni, sezvinoita Baba vedu vokudenga vanokanganwira navane ngoni.—Mateo 5:7.

22. Chii chinobatanidzwa mukutevedzera kwedu Jehovha Mwari?

22 Hapana panikiro kuti kana tichida kutevedzera Mwari wedu, tinofanira kuratidza ngoni mutsinhirano nemirairo yake neruramisiro yake. Wezvamapisarema anomurondedzera neiyi nzira: “Jehovha ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa netsitsi dzorudo huru. Jehovha akanaka kuna vose, uye ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pisarema 145:8, 9, NW) Muenzaniso worudo wakadini wokuti maKristu atevedzere!

[Mashoko Omuzasi]

a “Vateresi vaizvidzwa zvikuru navaJudha veParestina nokuda kwezvikonzero zvinoverengeka: (1) vaiunganidza mari yesimba rokumwe raiva munyika yaIsraeri, nokudaro vachipa tsigiro nenzira isina kunanga kuurwu ruzvidzo; (2) vakanga vakaipa zvinonyadzisa, vachipfuma nokurasikirwa kwavamwe vavanhu vavo vamene; uye (3) basa ravo raivabatanidza muonano yenguva dzose naVamarudzi, kuchivaita vasina kuchena mumuitiro. Kuzvidzwa kwavateresi kunowanwa mose muri muviri muT[estamente] I[tsva] namabhuku avanarabhi . . . Mukuwirirana nezvapashure, ruvengo rwakanga ruchifanira kutambanudzirwa kunyange kumhuri yomuteresi.”—The International Standard Bible Encyclopedia.

b Kana mumhuri yechiKristu mune hama yokunyama yakadzingwa, iyeyo aizongova achiri rutivi rwemibato namabasa zvenguva dzose, zvezuva nezuva zvemhuri. Ikoku kungabatanidza kuvapo apo mashoko omudzimu anorangarirwa semhuri.—Ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, mapeji 19-20.

c Ona 1991 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 53-4.

d Kana Chapupu chipi nechipi, mukuparidzira paimba neimba kana kuti muimwe nzira, chikaziva nezvomunhu akadzingwa ari kugara mundima, chinofanira kupa mashoko iwayo kuvakuru.

Wacherechedza Mapfundo Aya Here?

◻ VaJudha vaibata sei vateresi navatadzi, asi neiko Jesu akava nezvokuita navakati kuti vavakadaro?

◻ Hwaroi hwapaMagwaro huripo hwokuitwa kwenhano yokutanga yengoni kuvazhinji vakarasika?

◻ Mitumbi yavakuru inogona sei kuita nhano yokutanga yakadaro, uye kuna vanaani?

◻ Tinofanira kuratidza sei ngoni kuavo vakadzorerwa uye kumhuri dzaavo vakadzingwa?

[Bhokisi riri papeji 23]

Munhu upi noupi aichimbova rutivi rweungano yaMwari yakachena neinofara asi zvino akadzingwa kana kuti akabviswa musonganiro haafaniri kuramba ari mumugariro wakadaro. Panzvimbo pezvo, munhu iyeyo anogona kupfidza ndokuita nhano yokutanga kukurukura navakuru veungano. Nzira yokudzokera yakazaruka.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe