RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/15 pp. 10-15
  • Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau Dzinofanira Kupedzwa
  • Rudzikinuro: Chifukidzo
  • Rudzikinuro Runowirirana
  • Ndiani Anogovera Rudzikinuro?
  • “Zvapera!”
  • Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/15 pp. 10-15

Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose

“Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake rudzikinuro mutsinhano navazhinji.”—MATEO 20:28, “NW.”

1, 2. (a) Neiko kuchigona kutaurwa kuti rudzikinuro chipo chikurusa chaMwari kurudzi rwomunhu? (b) Ibetseroi inobva mukunzvera rudzikinuro?

RUDZIKINURO chipo chikurusa chaMwari kurudzi rwomunhu. Kupfurikidza no“kununurwa norudzikinuro,” tinogona kuva ne“kanganwirwo yokudarika kwedu.” (VaEfeso 1:7, NW) Hwaro hwetariro youpenyu husingaperi, mungave mudenga kana kuti paparadhiso yapasi. (Ruka 23:43; Johane 3:16) Uye nemhaka yarwo, maKristu angafarikanya chimiro chakachena pamberi paMwari kunyange zvino.—Zvakazarurwa 7:14, 15.

2 Naizvozvo rudzikinuro harusati rwuri chimwe chinhu chisina kujeka kana kuti chisiri chaichoicho. Zvarune hwaro hwapamutemo munheyo dzoumwari, rudzikinuro runogona kuunza betsero chaidzoidzo, dzakajeka. Mativi akati eiyi dzidziso angava “akaoma kunzwisisa.” (2 Petro 3:16, NW) Asi uchakuwana kwakasanofanira nhamburiko kusanonzvera rudzikinuro, nokuti runoratidzira rudo rukuru rwaMwari nokuda kworudzi rwomunhu. Kunzwisisa revo yorudzikinuro kunzwisisa rutivi rukuru rwe“pfuma nouchenjeri nezivo” zvaMwari zvisingayereki.—VaRoma 5:8; 11:33, NW.

Nhau Dzinofanira Kupedzwa

3. Rudzikinuro rwakava rwuri madikanwa sei, uye neiko Mwari aisagona kungopembedza zvake kutadza kworudzi rwomunhu?

3 Rudzikinuro rwakava rwuri madikanwa nemhaka yechivi chomunhu wokutanga, Adhama, uyo akapa vana vake nhaka isina maturo yechirwere, hosha, rusuruvaro, uye marwadzo. (VaRoma 8:20) Nemhaka yokusakwana kwavo kwakagarwa nhaka, vose vavazukuru vaAdhama “vana vokutsamwirwa,” vakafanirwa norufu. (VaEfeso 2:3; Dheuteronomio 32:5) Mwari aisagona kutera kumurangariro wakaipa ndokungokanganwirawo zvake rudzi rwomunhu rusingadzorwi. Shoko rake amene rinoratidza kuti “mubairo wezvivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Kuti apembedze kutadza kworudzi rwomunhu, Mwari aizofanira kuva akafuratira mipimo yake amene yakarurama, kunetesa ruramisiro yake amene yapamutemo! (Jobho 40:8) Bva, “kururama nokutonga inzvimbo yakasimba yechigaro choumambo” chaMwari. (Pisarema 89:14, NW) Kubva kwake kupi nokupi pakururama kwaizokurudzira bedzi kusateerera mutemo ndokusekesa nzvimbo yake saChangamire Wechisiko Chapose pose.—Enzanisa naMuparidzi 8:11.

4. Kupandukira kwaSatani kwakamutsa nhaui?

4 Mwari aifanirawo kupedza dzimwe nhau dzakamutswa nokupandukira kwaSatani, nhau dzoukoshi hukuru zvikuru kupfuura mugariro womunhu. Satani akakandira mumvuri wakasviba pazita rakanaka raMwari kupfurikidza nokupomera Jehovha kuva murevi wenhema nomudzvinyiriri ane utsinye uyo akanyima zvisikwa zvake zivo norusununguko. (Genesi 3:1-5) Kupfuurirazve, kupfurikidza nokunoratidzika kuva kudzivisa donzo raMwari rokuzadza pasi navanhu vakarurama, Satani akaita kuti Mwari aratidzike kuva mukundikani. (Genesi 1:28; Isaya 55:10, 11) Satani akazvishingisawo amene kuti achere vabatiri vakavimbika vaMwari, achipomera kuti vakaMubatira bedzi nokuda kwevavariro dzoudyire. Kana vakapinzwa mudzvinyiriro, akaganza kudaro Satani, hapana nomumwe wavo aizoramba akavimbika kuna Mwari!—Jobho 1:9-11.

5. Neiko Mwari aisagona kufuratira denho dzaSatani?

5 Idzi denho dzaisagona kufuratirwa. Kudai dzakasiiwa dzisina kupindurwa, chivimbo netsigiro nokuda kwokutonga kwaMwari pakupedzisira zvaizoparadzwa. (Zvirevo 14:28) Kudai mutemo nenhevedzano zvakashata, ruparadziko rwaisazotonga muchisiko chose here? Nokudaro Mwari aiva nomusengwa kwaari amene uye kunzira dzake dzakarurama wokureverera uchangamire hwake. Aiva nomusengwa kuvabatiri vake vakatendeka kuvabvumira kuratidzira ruvimbiko rwavo rusingapunziki kwaari. Ikoku kwakareva kubata nomugariro wakakomba wavanhu vanotadza munzira yakapa nzvimbo yokutanga kunhau dzoukoshi hukuru. Gare gare akaudza Israeri, kuti: “Ini—iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu.”—Isaya 43:25.

Rudzikinuro: Chifukidzo

6. Ndaapi ari mamwe amashoko anoshandiswa muBhaibheri kurondedzera mitoo yaMwari yokuponesa rudzi rwomunhu?

6 PaPisarema 92:5, tinorava kuti: “Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.” Naizvozvo kunoda nhamburiko kuti tinzwisise icho Mwari akaitira rudzi rwomunhu. (Enzanisa nePisarema 36:5, 6.) Nenzira inofadza, Bhaibheri rinotibetsera kunzwisisa zvinhu kupfurikidza nokushandisa chiverengero chakati chamashoko ayo anorondedzera kana kuti kuratidzira mabasa makuru aMwari mumhatsa yemirangariro. Bhaibheri rinotaura nezvorudzikinuro mumashoko okutenga, yananiso, kufupa, rununuro, uye yananiso. (Pisarema 49:8; Dhanieri 9:24; VaGaratia 3:13; VaKorose 1:20; VaHebheru 2:17) Asi zvichida kutaura kunorondedzera zvakanakisisa zvinhu kwakanga kuri uko kwakashandiswa naJesu amene pana Mateo 20:28 (NW), kunoti: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kushumira nokupa mweya wake rudzikinuro [chiGiriki, lyʹtron] mutsinhano navazhinji.”

7, 8. (a) Tinodzidzei mumashoko rechiGiriki nerechiHebheru nokuda kworudzikinuro? (b) Enzanisira mabatanidzire anoita rudzikinuro wirirano.

7 Chii chiri rudzikinuro? Shoko rechiGiriki rokuti lyʹtron rinobva muchiito chinoreva “kusunungura.” Raishandiswa kurondedzera mari yaibhadharwa mutsinhano nokusunungurwa kwavasungwa vehondo. MuMagwaro echiHebheru, zvisinei, shoko nokuda kworudzikinuro, koʹpher, rinobva muchiito chinoreva kuti “kufukidza” kana kuti “kukwidibira.” Somuenzaniso, Mwari akaudza Noa kufukidza (ka·pharʹ) areka netara. (Genesi 6:14) Kubva muno uyu murangariro, ipapoka, kudzikinura, kana kuti kuyananisa nokuda kwezvivi, kunoreva kufukidza zvivi.—Pisarema 65:3.

8 Theological Dictionary of the New Testament inotaura kuti koʹpher “nguva dzose anoreva chakaenzana,” kana kuti wirirano. Nokudaro, chifukidzo (kap·poʹreth) cheareka yesungano chakawirirana muchimiro neareka imene. Nenzira yakafanana, mukuyananisa chivi, kana kuti kudzikinura, ruramisiro youmwari inoraira ‘mweya nokuda kwomweya, ziso nokuda kweziso, zino nokuda kwezino, ruoko nokuda kworuoko, tsoka nokuda kwetsoka.’ (Dheuteronomio 19:21) Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, ruramisiro inogona kugutswa kana chakaenzana chikagoverwa panzvimbo pechirango chorumano. Kuenzanisira: Eksodho 21:28-32 inotaura nezvenzombe iyo inotunga munhu kusvikira kurufu. Kana muridzi aiziva nezvechimiro chenzombe yacho asi asina kuita ngwariro dzakafanira, iye aigona kuitwa kuti afukidze, kana kuti kubhadhara, nokuda kwoupenyu hwomuurawi nohwake amene! Bva, zvakadiniko kudai muridzi aiva nomutoro usina kuzara? Iye aizoda koʹpher, chimwe chinhu chokufukidza chikanganiso chake. Vatongi vakagadzwa vaigona kuisa paari rudzikinuro, kana kuti faindi, somutengo wenunuro.

9. Mugariro unobatanidza dangwe raIsraeri unoenzanisira sei kururama kwaidikanwa mumuripo worudzikinuro?

9 Rimwe shoko rechiHebheru rinowirirana no“kudzikinura” ndipa·dhahʹ, chiito chinoreva zvikurukuru ku“dzikinura.” Numeri 3:39-51 inoratidzira kuti muripo wenunuro waifanira kuva wakaita sei chaizvo. Anunura dangwe rechiIsraeri pakuurawa paPaseka muna 1513 P.N.V., Mwari akava muridzi wavo. Nokudaro iye aigona kuve akada kuti mwanakomana wedangwe ari wose wechiIsraeri amubatire mutembere. Panzvimbo pezvo, Mwari akagamuchira “mutengo wenunuro” (pidh·yohmʹ, zita rinotorwa muna pa·dhahʹ), achiraira, kuti: “Unofanira kunditorera vaRevhi . . . panzvimbo pamatangwe ose avana vaIsraeri.” Asi chinotsiva chakanga chichifanira kuva chakarurama. Kuverengwa kworudzi rwaRevhi kwakaitwa: vanhurume 22 000. Tevere, kuverengwa kwamatangwe ose echiIsraeri: vanhurume 22 273. Matangwe omuraudzo 273 aigona kununurwa, kusunungurwa mubasa rapatembere kupfurikidza bedzi nokubhadharwa kwo“muripo worudzikinuro” wamashekeri mashanu nokuda kwomunhu mumwe nomumwe aidzingwa mubasa retembere.

Rudzikinuro Runowirirana

10. Neiko zvibairo zvemhuka zvaisagona kufukidza zvakakwana zvivi zvorudzi rwomunhu?

10 Zvichangobva kududzwa zvinoratidzira kuti rudzikinuro runofanira kuva rwakaenzana neicho runotsiva, kana kuti runofukidza. Zvibairo zvemhuka izvo vanhu vokutenda kuvambira pana Abheri zvichienda mberi vakapa zvaisagona chaizvoizvo kufukidza zvivi zvavanhu, sezvo vanhu vari vakuru kuzvikara. (Pisarema 8:4-8) Nokudaro Pauro aigona kunyora kuti “ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.” Zvibairo zvakadaro zvaigona kubatira chete sechifukidzo chokufukidzira, kana kuti chomufananidziro, mukukarirwa kworudzikinuro rwaizouya.—VaHebheru 10:1-4.

11, 12. (a) Neiko zviuru zvamamirioni avanhu zvaisafanira kufa nzufu dzezvibairo kufukidza kutadza kworudzi rwomunhu? (b) Ndiani oga aigona kubatira so“rudzikinuro runowirirana,” uye rufu rwake runobatira donzoi?

11 Urwu rudzikinuro rwakadeya kufananidzirwa rwaifanira kuva rwakaenzana chaizvo naAdhama, sezvo chirango chorufu icho Mwari akashandisa nenzira yakarurama kuna Adhama chakaguma neshurikidzo yorudzi rwomunhu. “Vose vanofa muna Adhama,” inodaro 1 VaKorinte 15:22. Naizvozvo kwakanga kusati kuri madikanwa kuti zviuru zvamamirioni zvavanhu vamwe navamwe zvife nzufu dzezvibairo kuwirirana nomunhu mumwe nomumwe worudzi rwaAdhama. “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi.” (VaRoma 5:12, NW) Uye “sezvo rufu rwuri kupfurikidza nomunhu,” kununurwa kworudzi rwomunhu kwaigona kuuyawo “kupfurikidza nomunhu.”—1 VaKorinte 15:21, NW.

12 Munhu aigona kuva rudzikinuro aifanira kuva munhu akakwana wenyama neropa—muenzani chaiye waAdhama. (VaRoma 5:14) Chisikwa chomudzimu kana kuti “Mwari munhu” chaisazodzikamisa chiyero cheruramisiro. Munhu akakwana bedzi, mumwe munhu asiri mutongero yorufu yaAdhama, aigona kupa “rudzikinuro runowirirana,” runowirirana zvakakwana naAdhama. (1 Timotio 2:6)a Kupfurikidza nokubaira nokuzvidira upenyu hwake, uyu “Adhama wokupedzisira” aigona kubhadhara mubairo wechivi wa“Adhama wokutanga.”—1 VaKorinte 15:45; VaRoma 6:23.

13, 14. (a) Adhama naEvha vanobetserwa norudzikinuro here? Tsanangura. (b) Rudzikinuro runobetsera sei vazukuru vaAdhama? Enzanisira.

13 Adhama kana kuti Evha, zvisinei, havabetserwi norudzikinuro. Mutemo waMosesi waiva neiyi nheyo: “Hamufaniri kugamuchira dzikinuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, unofanira kuti aurawe.” (Numeri 35:31) Adhama haana kunyengedzwa, naizvozvo chivi chake chakanga chiri chamambune, chamaune. (1 Timotio 2:14) Chakaenzana nokupondwa kwavana vake, nokuti zvino vakagara nhaka kusakwana kwake, nokudaro vachiva mutongero yorufu. Nenzira yakajeka, Adhama aifanirwa nokufa, nokuti somunhu akakwana, akanga asarudza namaune kusateerera mutemo waMwari. Kungadai kwakapesana nenheyo dzakarurama dzaJehovha kuti ashandise rudzikinuro nokuda kwaAdhama. Kubhadhara mubairo wechivi chaAdhama, zvisinei, kunogovera kugumiswa kwetongero yorufu pavana vaAdhama! (VaRoma 5:16) Mupfungwa yapamutemo, simba rinoparadza rechivi rinogurwa pamanyuko aro chaipo. Mudzikinuri ‘anoravira rufu nokuda kwomunhu ari wose,’ achitakura miuyo yechivi chavose vavana vaAdhama.—VaHebheru 2:9; 2 VaKorinte 5:21; 1 Petro 2:24.

14 Kuenzanisira: Fungidzira fekitari huru ina mazana avashandi. Manija asina kutendeseka wefekitari anobhurokesa bhizimisi; fekitari inopfiga masuo ayo. Mazana zvino haachashandi uye haakwanisi kubhadhara zvikwereti zvawo. Vakwanyina vawo veroorano, vana, uye, hungu, vakweretesi vose vanotambura nemhaka youshati hwomunhu mumwe iyeyo! Asi panosvika mubetseri akapfuma uyo anobhadhara mungava wekambani ndokuzarurazve fekitari yacho. Kupedzwa kwomungava mumwe iwoyowo, kunounza kununurwa kwakazara kuvashandi vazhinji, mhuri dzavo, uye vakweretesi. Asi manija wokutanga anosvika pakugoverana mubudiriro itsva here? Aiwa, iye ari mutorongo uye nokudaro haachiri pabasa rake zvechigarire! Nenzira yakafanana, kubviswa kwomungava mumwe waAdhama kunounza betsero kumamirioni avazukuru vake—asi kwete kuna Adhama.

Ndiani Anogovera Rudzikinuro?

15. Ndiani aigona kugovera rudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu, uye nei?

15 Wezvamapisarema akachema, achiti: “Hapana ungatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (nokuti rudzikinuro rwemweya yavo runokosha, runofanira kuregwa nokusingaperi).” The New English Bible inotaura kuti mutengo worudzikinuro wakanga “uchipfuura nokusingaperi simba rokubhadhara.” (Pisarema 49:7, 8) Ndiani, ipapoka, aizogovera rudzikinuro? Jehovha bedzi aigona kugovera “Gwaiana [rakakwana] . . . iro rinobvisa chivi chenyika.” (Johane 1:29, NW) Mwari haana kutumira ngirozi yakati kuzonunura rudzi rwomunhu. Iye akaita chibairo chikuru chokutumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, “uyo waaida kufadza nguva dzose.”—Zvirevo 8:30; Johane 3:16.

16. (a) Mwanakomana waMwari akasvika sei pakuberekwa somunhu akakwana? (b) Jesu aigona kunzii mupfungwa yapamutemo?

16 Kupfurikidza nokutora rutivi kwake kwokudisa mugadziriro youmwari, Mwanakomana waMwari “akazvidurura iye” pamusikirwo wake wokudenga. (VaFiripi 2:7) Jehovha akachinjira simba roupenyu nomuenzaniso wohunhu zvoMwanakomana wake wedangwe wokudenga kudumbu remhandara yechiJudha yainzi Maria. Ipapo mudzimu mutsvene ‘wakamufukidza,’ uchisimbisa kuti mwana ari kukura mudumbu rake aizova mutsvene, asitongorina chivi. (Ruka 1:35; 1 Petro 2:22) Somunhu, iye aizonzi Jesu. Asi mupfungwa yapamutemo, iye aigona kunzi ‘Adhama wechipiri,’ nokuti iye akawirirana nenzira yakakwana naAdhama. (1 VaKorinte 15:45, 47) Nokudaro Jesu aigona kuzvipa amene muchibairo se“gwaiana risina charingapomerwa, risina ruvara,” rudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu runotadza.—1 Petro 1:18, 19.

17. (a) Rudzikinuro runobhadharwa kuna ani, uye nei? (b) Sezvo Mwari achiita zvose zviri zviviri kugovera nokugamuchira rudzikinuro, neiko tsinhano ichitongoitwa?

17 Ndikuna vanaani, kunyanguvezvo, uko rudzikinuro irworwo rwaizobhadharwa? Kwamazana amakore vafundisi vechiKristudhomu vakataura kuti rwakabhadharwa kuna Satani Dhiabhorosi. Idi nderokuti rudzi rwomunhu “rwakatengeswa” muchivi uye nokudaro rwakapinda muudzori hwaSatani. (VaRoma 7:14; 1 Johane 5:19) Asi, Jehovha, kwete Satani, “anopa chirango” nokuda kwokuita chakaipa. (1 VaTesaronika 4:6, NW) Naizvozvo, sokutaura nenzira yakajeka kunoita Pisarema 49:7, rudzikinuro runofanira kubhadharwa “kuna Mwari.” Jehovha anoita kuti rudzikinuro ruwanike, asi pashure pokunge Gwaiana raMwari rabairwa, ukoshi hworudzikinuro rwake hunofanira kubhadharwa kuna Mwari. (Enzanisa naGenesi 22:7, 8, 11-13; VaHebheru 11:17.) Ikoku hakusati kuchideredza rudzikinuro kusvikira kuchinjano isingabetseri, isina mufungo, sokunge kuti mari inotorwa muhomwe imwe ndokuiswa mune imwe. Rudzikinuro runobatanidza kwete chinjano yokunyama sechiito chapamutemo. Kupfurikidza nokutaura kuti rudzikinuro rubhadharwe—kunyange pamutengo mukuru kwaari amene—Jehovha akasimbisa namatiro yake isingazununguki kunheyo dzakarurama.—Jakobho 1:17.

“Zvapera!”

18, 19. Neiko kwakanga kuri madikanwa kuti Jesu atambure?

18 Muchirimo cha 33 N.V., yakanga iri nguva yokuti rudzikinuro rubhadharwe. Jesu Kristu akasungwa papomero dzenhema, akatongwa saane mhaka, uye akarovererwa padanda rokuuraira. Iye akakumbira Mwari “nokuchema kukuru nemisodzi” nemhaka yamarwadzo akakomba nokunyadziswa zvaibatanidzwa. (VaHebheru 5:7) Kwakanga kuri madikanwa here kuti Jesu atambure kudaro? Hungu, nokuti kupfurikidza nokuramba “akavimbika, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzana navatadzi,” kusvikira kumugumo chaiko, Jesu akapedza nomugumo unoshamisa nhau yeperero yavabatiri vaMwari.—VaHebheru 7:26, NW.

19 Kutambura kwaKristu kwakabatirawo kumukwanisa nokuda kwebasa rake soMuprista Mukuru worudzi rwomunhu. Saakadaro, iye haasati aizova mutongi asinganzwiri tsitsi, asingarangariri. “Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.” (VaHebheru 2:10, 18; 4:15) Nokufema kwake kwokufa, Jesu aigona kudanidzira murukundo kuti, “Zvapera!” (Johane 19:30) Akanga abvumikisa kwete bedzi perero yake amene asi iye akanga abudirira mukuvanzarika hwaro hworuponeso rworudzi rwomunhu—uye chinokosha zvikuru, kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha!

20, 21. (a) Neiko Kristu akamutswa muvakafa? (b) Neiko Jesu Kristu “akaitwa mupenyu mumudzimu”?

20 Mumutooi, kunyanguvezvo, umo rudzikinuro rwaizoshandiswa chaizvoizvo kurudzi rwomunhu runotadza? Rini? Sei? Izvi zvinhu hazvina kusiirwa kubanza. Pazuva rechitatu pashure porufu rwaKristu, Jehovha akamumutsa muna vakafa. (Mabasa 3:15; 10:40) Kupfurikidza neichi chiito chinokosha, idi rakasimbiswa namazana ezvapupu zvakaona, Jehovha haana kungotusa bedzi basa rokutendeka roMwanakomana wake asi akamupa banza rokupedza basa rake rokudzikinura.—VaRoma 1:4; 1 VaKorinte 15:3-8.

21 Jesu “akaitwa mupenyu mumudzimu,” zvisaririra zvake zvapasi zvakaraswa nomutoo usina kuziviswa. (1 Petro 3:18, NW; Pisarema 16:10; Mabasa 2:27) Sechisikwa chomudzimu, Jesu akamutswa aigona zvino kuita kudzokera kworukundo kudenga. Kufara kusingadzorwi kwakadini kunofanira kuve kwakava mudenga panhambo iyoyo! (Enzanisa naJobho 38:7.) Jesu haana kudzokera kungondofarikanyawo hake kugamuchirwa kwake. Iye akauya kuzoita rimwe basa, kubatanidza iro rokuita kuti kubvirire rudzi rwose rwomunhu kubetserwa norudzikinuro rwake. (Enzanisa naJohane 5:17, 20, 21.) Kuti chaizvo akaita sei ikoku nechakunoreva nokuda kworudzi rwomunhu zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano, an·tiʹly·tron, harina parinowanikazve muBhaibheri. Rinowirirana neshoko iro Jesu akashandisa nokuda kworudzikinuro (lyʹtron) pana Marko 10:45. Zvisinei, The New International Dictionary of New Testament Theology inoonesa kuti an·tiʹly·tron ‘anosimbisa mufungo wetsinhano.’ Nenzira yakafanira, New World Translation inorishandura kuti “rudzikinuro runowirirana.”

Mibvunzo Yehwirudzuro

◻ Inhaui dzaitova dzoukoshi hukuru zvikuru kupfuura ruponeso rworudzi rwomunhu?

◻ “Kudzikinura” vatadzi kunorevei?

◻ Jesu aifanira kuwirirana naani, uye nei?

◻ Ndiani anogovera rudzikinuro, uye ndikuna ani kwarunobhadharwa?

◻ Neiko kwakanga kuri madikanwa kuti Kristu amutswe muvakafa somudzimu?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zvibairo zvemhuka zvakanga zvisina kukwana kufukidza zvivi zvavanhu; zvakafananidzira chibairo chikuru zvikuru chaizouya

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe