Dzidzisa Pachena Uye Paimba Neimba
“Handina kurega . . . kukudzidzisai pachena napaimba neimba.”—MABASA 20:20, “Byington.”
1. Muprista weKaturike akatsinhira sei pakubudirira kwoushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha?
“VAKATURIKE Vanoendesa Evhangeri Pasuo Nesuo.” Wakarava kudaro mumwe musoro mukuru muThe Providence Sunday Journal yaOctober 4, 1987. Pepanhau racho rakashuma kuti vavariro huru youyu mubato yakanga iri yo“kukokera vamwe vavagari vomuruwa vavo vasingachaiti basa kudzokera kuupenyu hwokushingaira zvikuru hworuwa.” Muprista John Allard, mutungamiriri weOffice for Evangelization muDiocese of Providence, akanokorwa mashoko saanoti: “Zvirokwazvo, kuchava nokupanikira kuzhinji. Vanhu vachati, ‘Havo voenda, kungofanana neZvapupu zvaJehovha.’ Asi Zvapupu zvaJehovha zvinobudirira, hazvidaro here? Ndichapika kuti unogona kupinda muHoro yoUmambo ipi neipi munyika [yeRhode Island, U.S.A.,] ndokuwana ungano dzakazadzwa navaichimbova vaKaturike.”
2. Mubvunzoi unomutswa nenzira yakafanira?
2 Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa nokuda kwoushumiri hwazvo hwapaimba neimba hunobudirira. Asi neiko zvichienda paimba neimba?
Mutoo Wavaapostora
3. (a) Ibasai iro Jesu Kristu akapa vadzidzi vake? (b) Munzirai huru umo vateveri vapakuvamba vaKristu vakaita basa ravo?
3 Jesu Kristu akapa vateveri vake iri basa rine revo: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Nzira huru iyo basa iroro raizoitwa nayo yakajeka nokukurumidza pashure pezuva rePentekosta 33 N.V. “Zuva riri rose mutembere uye paimba neimba vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.” (Mabasa 5:42, NW) Makore 20 gare gare, muapostora Pauro akanga achipinda muushumiri hwapaimba neimba, nokuti iye akayeuchidza vakuru vechiKristu vakabva kuguta reEfeso, kuti: “Handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose.”—Mabasa 20:20, NW.
4. Neiko tichigona kutaura kuti Mabasa 5:42 naMabasa 20:20 anoreva kuti kuparidzira kwavateveri vaJesu kwakaparadzirwa paimba neimba?
4 Pana Mabasa 5:42 mashoko okuti “paimba neimba” anoshandurwa kubva muna kat’ oiʹkon. Pano ka·taʹ anoshandiswa mupfungwa yo“kuparadzira.” Nokudaro, kuparidzira kwavadzidzi kwakaparadzirwa paimba imwe kuenda kune imwe. Achitsinhira pana Mabasa 20:20, Randolph O. Yeager akanyora kuti Pauro akadzidzisa “mose muri muviri mumagungano avose [de·mo·siʹa] napaimba neimba ([ka·taʹ] wokuparadzira ane accusative). Pauro akanga apedzera makore matatu muEfeso. Akashanyira imba iri yose, kana kuti toti akaparidzira kuvanhu vose (Mab 20 ndima 26). Heino tendero yapamagwaro youevhangeri hwapaimba neimba pamwe chete nouhwo hunopfuuridzirwa mumisangano yavose.”
5. Pana Mabasa 20:20, neiko Pauro akanga asinganangidziri bedzi bedzi kushanyo dzefambidzano pavakuru kana kuti kushanyo dzokufudza?
5 Kushandiswa kwakafanana kwaka·taʹ kunooneka pana Ruka 8:1 (NW), iyo inotaura nezvaJesu achiparidzira “paguta neguta uye pamusha nomusha.” Pauro akashandisa chimiro chezvizhinji kat’ oiʹkous pana Mabasa 20:20. Pano dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinorava kuti “mumisha yenyu.” Asi muapostora akanga asiri kunongedzera bedzi bedzi kushanyo dzefambidzano pavakuru kana kushanyo dzokufudza mumisha yavatendi biyake. Mashoko ake anotevera anoratidza kuti iye akanga achitaura pamusoro poushumiri hwapaimba neimba pakati pavasingatendi, nokuti akati: “Ndakapupurira kwazvo kuvaJudha navaGiriki, kuti [vapfidze, NW] kuna Mwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu.” (Mabasa 20:21) Vatendi biyake vakanga vatopfidza ndokushandisa kutenda muna Jesu. Nokudaro, dzose dziri mbiri Mabasa 5:42 naMabasa 20:20 dzine chokuita nokuparidzira kuna vasingatendi “paimba neimba,” kana pasuo nesuo.
Hapana Chinohutsiva
6. Chii chakataurwa pamusoro pechimiro chebasa rokuparidzira raPauro muEfeso?
6 Achitsinhira pamashoko aPauro ari pana Mabasa 20:20, muna 1844 Abiel Abbot Livermore akanyora, kuti: “Akanga asati achingogutsikanawo zvake nokupa hurukuro mugungano ravose, uye achirega mimwe mitoo, asi akaronda nenzira yokushingaira basa rake guru ari oga, paimba neimba, uye akaendesa chaizvoizvo kumusha zvokwadi yokudenga kumisha nemwoyo yavaEfeso.” Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, kwakanzi: “Kuparadzirwa kwapaimba neimba kweevhangeri kwakaratidzira maKristu omuzana rokutanga ramakore kubva pakuvamba (cf. Mabasa 2:46; 5:42). . . . [Pauro] akanga aita zvakakwana mutoro wake kuvose vari vaviri vaJudha naVamarudzi paEfeso, uye vakasiiwa vasina pembedzo kana vakaparara muzvivi zvavo.”—The Wesleyan Bible Commentary, Volume 4, mapeji 642-3.
7. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Mwari anotendera ushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha?
7 Kunyange zvazvo kutaura kwapachena kuine nzvimbo yako mukuzivisa mashoko akanaka, hakutsivi onano yomunhu oga pasuo. Muna ikoku, nyanzvi Joseph Addison Alexander yakati: “Chechi ichigere kutanga chinhu chokugovera nzvimbo kana chokukwikwidza muuyo wokuparidzira muchechi napaimba.” Sokutaura kunoita nyanzvi O. A. Hills: “Kudzidzisa pachena nokudzidzisa paimba neimba zvinofanira kufambidzana.” Zvapupu zvaJehovha zvinogovera muraidzo kupfurikidza nehurukuro paMisangano yazvo yaVose yevhiki nevhiki. Zvine ufakazi hwakajeka hwokuti mutoo wavaapostora wokuparadzira zvokwadi yeBhaibheri paimba neimba unobudirira. Uye Jehovha zvirokwazvo anoutendera, nokuti somuuyo woushumiri hwakadaro, iye ari kuparira zviuru kudirana kukunamatwa kwake kwakasimudzirwa gore rimwe nerimwe.—Isaya 2:1-4; 60:8, 22.
8. (a) Chii chakataurwa pamusoro pechikonzero nei kuparidzira paimba neimba kuchibudirira? (b) Zvapupu zvaJehovha zvingaenzaniswa sei naPauro mukuparidzira pasuo nesuo nokumwe kupupurira?
8 Chimwe chiremera chakati: “Vanhu vanokuwana kuri nyore zvikuru kuyeuka kudzidzisa pasuo ravo kupfuura pasuo rechechi.” Eya, Pauro akanga ari pamasuo nguva dzose, achigadza muenzaniso wakaisvonaka somushumiri. “Akanga asingagutsikani nokudzidzisa nokukurukura musinagoge nomumusika,” yakanyora kudaro nyanzvi yeBhaibheri Edwin W. Rice. “Akanga achi‘dzidzisa’ nguva dzose nokushingaira ‘paimba neimba.’ Yakanga iri hondo yapaimba neimba, yoruoko noruoko, yechiso nechiso nechakaipa, uye kuwana vanhu kuna Kristu, yaakarwa muEfeso.” Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti kurukurirano dzomunhu nomunhu pasuo dzinobudirira. Uyezve, zvinoita shanyo dzedzokerero uye zvinofara kutaura kunyange navashori kana ava vanhu vachizobvumira kurukurirano dzino mufungo kuitika. Zvakafanana sei naPauro! Pamusoro pake, F. N. Peloubet akanyora, kuti: “Basa raPauro rakanga risati riri rose mumisang.”—The Wesleyan Bible Commentary, Volume 4, mapeji 642-3.
Vakuru Vanofanira Kutungamirira
9. Muenzanisoi uyo Pauro akagadza nokuda kwavakuru biyake?
9 Muenzanisoi uyo Pauro akagadza nokuda kwavakuru biyake? Akaratidza kuti vanofanira kuva vazivisi vapaimba neimba vakashinga navasinganeti vamashoko akanaka. Muna 1879, J. Glentworth Butler akanyora, kuti: “[Vakuru veEfeso] vaiziva kuti mukuparidzira [kwaPauro] akanga ave asingatapurwi chose chose nomufungo wengozi yomunhu oga kana kuti mukurumbira; kuti akanga asina kurega chinhu chezvokwadi inodikanwa; kuti akanga asina, nokusarura kwakarerekera kurutivi rumwe, kugara mumativi echienzi kana kuti matsva ezvokwadi, asi akanga akurudzira bedzi uye zvose izvo zvakanga zvichibetsera ‘kushandiso yokusimudzira,’ kana kuti kuvaka: zano rose raMwari murucheno rwaro nokuzara! Uye uku ‘kuratidza’ kwokutendeka, uku ‘kudzidziswa’ kwokushingaira kwezvokwadi yechiKristu kwakanga kwave kuri muitiro wake, kwete bedzi muchikoro chaTirano nomune dzimwe nzvimbo dzokuungana dzavadzidzi, asi muimba iri yose yaisvikika. Paimba neimba, uye pamweya nomweya, zuva nezuva akanga apupurira mashoko anofadza nechishuvo chakafanana nechaKristu nechido. Kumapoka ose namarudzi, kumuJudha ano utsinye nomuGiriki anotuka, musoro wake mumwe—uyo, ukatsanangura zvakazara, unobatanidza dzimwe zvokwadi dzose dzinokosha dzinoponesa—wakanga uri rupfidzo kuna Mwari, uye kutenda kuna Ishe wedu Jesu Kristu.”
10, 11. (a) Pamusoro poushumiri hwechiKristu, chii icho Pauro akakarira kuvakuru veEfeso? (b) Kufanana naPauro, Zvapupu zvaJehovha, kubatanidza vakuru, zvinopinda murudzii rwokuparidzira?
10 Chaizvoizvo, ipapoka, chii icho Pauro aikarira kuvakuru veEfeso? Nyanzvi E. S. Young akataura namamwe mashoko mashoko omuapostora neiyi nzira: “Handina kutaura pachena bedzi, asi ndakashanda paimba neimba, namapoka ose, vose vari vaviri vaJudha navaGiriki. Musoro woushumiri hwangu kumapoka ose wakanga uri ‘rupfidzo kuna Mwari nokutenda muna Ishe wedu Jesu Kristu.’” Achitaura mashoko aPauro neimwe nzira, W. B. Riley akanyora, kuti: “Revo yakajeka yakanga iri: ‘Ndinokukarirai kupfuuridzira chandakavamba, zvose zviri zviviri kuita nokudzidzisa uye ndinokukarirai kudzivisa sezvandakadzivisa; kudzidzisa pose pari paviri pakavanda napachena sezvandakaita mumigwagwa napaimba neimba, kupupurira zvakafanana kuvaJudha nokuvaGiriki rupfidzo kuna Mwari nokutenda muna Ishe wedu Jesu Kristu, nokuti izvi ndizvo zvinokosha!’”
11 Nenzira yakajeka, muna Mabasa ganhuro 20, Pauro akanga achiratidza vakuru biyake kuti vaikarirwa kuva zvapupu zvapaimba neimba zvaJehovha. Muna ikoku, vakuru vomuzana ramakore rokutanga vaifanira kutungamirira, vachigadza muenzaniso wakafanira nokuda kwemimwe mitezo yeungano. (Enzanisa naVaHebheru 13:17.) Kufanana naPauro, ipapoka, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira paimba neimba, zvichiudza vanhu vamarudzi ose pamusoro poUmambo hwaMwari, rupfidzo kwaAri, uye kutenda muna Jesu Kristu. (Marko 13:10; Ruka 24:45-48) Uye mubasa rakadaro rapaimba neimba, vakuru vakagadzwa pakati peZvapupu zvomuzuva razvino uno vanokarirwa kutungamirira.—Mabasa 20:28.
12. Chii icho vakuru vekare vakaramba kuita, asi muchii umo vakuru vanotungamirira nhasi?
12 Muna 1879, Charles Taze Russell akavamba kubudisa Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, zvino inonzi Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Russell navamwe Vadzidzi veBhaibheri vakazivisa shoko roUmambo nomutoo wavaapostora. Mumakore apashure, zvisinei, vamwe vakuru veungano havana kurarama mukuwirirana nemitoro yavo yokupupurira. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chakanyora, kuti: “Vose vakafamba zvakanaka kutozosvikira ziviso yasvika yokuti vose vatore rutivi mukupupurira kwapaimba neimba namabhuku uye zvikurukuru basa rapaimba neimba rapaSvondo—irori muna 1927. Vakuru vedu vanosarudzwa vakashora ndokuedza kuodza mwoyo boka rose kugamuchira kana kuti kupinda murutivi rwupi norwupi rwebasa rakadaro.” Pashure penguva yakati, vanhu vaisazopinda mukuparidzira kwapaimba neimba vakanga vasichinazve ropafadzo yokubatira savakuru. Nhasiwo, avo vanobatira savakuru navabatiri vanoshumira vanokarirwa kutungamirira mukupupurira kwapaimba neimba nezvimwe zvimiro zvoushumiri hwechiKristu.
Munhu Ari Wose Chapupu
13. (a) Chii chatinofanira kuita kunyange kana vanhu vasingateereri shoko roUmambo? (b) Pauro akaenzaniswa sei naEzekieri?
13 Nebetsero yaJehovha, maKristu anofanira kuzivisa shoko roUmambo paimba neimba, kunyange kana risingagamuchirwi nokuonga. Senharirire yaMwari, Ezekieri aifanira kunyevera vanhu kana vakateerera kana kwete. (Ezekieri 2:5-7; 3:11, 27; 33:1-6) Achiita fanano pakati paEzekieri naPauro, E. M. Blaiklock akanyora, kuti: “Mu[kutaura kwaPauro kuri muna Mabasa ganhuro 20] munobva chiono chakajeka choushumiri muEfeso. Cherekedza zvinotevera: Kutanga, kutendeka kwekurumidziro kwaPauro. Akanga asiri mutsvaki wembiri kana tendero yavose. Akaomerera kufanana naEzekieri kubasa renharirire, iye akaita basa rake neshingairo yokutendeseka nechimiro kutsigira kutaura kwake. Chechipiri, kunzwira urombo kwake kworudo. Akanga asiri munhu wokutaura kworushambwa pamiromo yake pasina kunzwira urombo. Chechitatu, uevhangeri hwake hwokusaneta. Pachena uye paimba neimba, muguta nomuruwa rwose, akanga aparidzira evhangeri.”
14. Neiko kupupurira uri mutoro womunhu ari wose anoita tsauriro kuna Jehovha Mwari mumunyengetero kupfurikidza naJesu Kristu?
14 Chikomborero chikuru chaMwari pavabatiri vake vomuzuva razvino uno hachisiyi panikiro yokuti iye anofadzwa kuti vatakure zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Uyezve, zvapupu zvaKristuwo, nokuti Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Muchagamuchira simba apo mudzimu mutsvene unosvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea rose nomuSamaria uye kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Naizvozvo kupupurira mutoro womunhu ari wose anoita tsauriro kuna Jehovha Mwari mumunyengetero kupfurikidza naJesu Kristu.
15. Chii chakataurwa pamusoro pebasa rokupupurira ramaKristu apakuvamba?
15 Kwakataurwa nezvokupupurira, kuti: “Kwakabatanidza chechi yose. Mubato woufundisi wechechi yapakuvamba wakanga usiri mutoro weWomen’s Missionary Society kana kuti Foreign Mission Board. Uyewo basa rokupupurira harina kusiirwa nyanzvi dzakafanana navakuru, madhikoni, kana kuti kunyange vaapostora. . . . Mumazuva iwayo apakuvamba chechi yakanga iri basa. Purogiramu youfundisi yechechi yapakuvamba yakanga yakavakirwa papfungwa mbiri: (1) Basa guru rechechi kuparidzira evhangeri munyika yose. (2) Mutoro wokuita iri basa une chaunga chose chechiKristu.”—J. Herbert Kane.
16. Kunyange vanyori vomuchiKristudhomu vanoita kubvumai pamusoro pamaKristu nokupupurira?
16 Kunyange zvazvo vanyori vomuzuva razvino uno vechiKristudhomu vasati vachibvumirana neshoko roUmambo, vamwe vanobvuma kuti maKristu ane mutoro wokupupurira. Somuenzaniso, mubhuku rinonzi Everyone a Minister, Oscar E. Feucht anoti: “Hakuna mufudzi anogona kuita ushumiri uhwo Mwari akapa kumutendi mumwe nomumwe. Nenzira isingafadzi mazana amakore okufunga kusina kururama muchechi akaita mabasa avagari vomuruwa 500 basa romufudzi mumwe. Kwakanga kusina kudaro muchechi yapakuvamba. Avo vaidavira vakaenda kunzvimbo iri yose vachiparidzira Shoko.”
17. Chii chinogona kutaurwa pamusoro penzvimbo yaiva nokupupurira muupenyu hwamaKristu apakuvamba?
17 Kupupurira kwakanga kuri kukuru muupenyu hwamaKristu apakuvamba, kunyange sezvo kwakadaro pakati pavanhu vaJehovha nhasi. “Zvikurukuru,” akanyora kudaro Edward Caldwell Moore weHarvard University, “mazana amakore matatu okutanga esangano rechiKristu akaratidzirwa nembavarira huru yokuparadzirwa kwokutenda. Mbavarira yechiKristu yakanga iri kuparidzira evhangeri, kuziviswa kweshoko rorudzikinuro. . . . Kupararira kwepesvedzero nedzidziso dzaJesu kwakanga kuri, zvisinei, munhambo yapakuvamba-vamba, nemhaka murutivi ruduku yavarume vatinofanira kudana kuti vafundisi. Kwakanga kuri kuita kwavanhu vokushanda kuri kwose nebasa uye venhevedzano iri yose muchaunga. [Ivo] vakaendesa kumiganhu iri kure zvikurusa youmambo [hweRoma] chakavanzika ichocho choupenyu hwomukati, chimiro ichocho chitsva kunyika, icho muchinoitika chavo chakanga chine ruponeso. . . . [ChiKristu chapakuvamba] chakapwiswa zvikuru nezvomugumo unosvika wenhevedzo yetsika yazvino yenyika. Chaidavira mukuumbwa kwakamwe kamwe kwenhevedzo itsva yenyika.”
18. Itariroi huru inopfuura zvikuru fungidziro dzavatungamiriri vezvamatongerwe enyika?
18 Mukupupurira paimba neimba nezvimwe zvimiro zvoushumiri hwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvinotungamirira nokufara vanzwi vazvo kunyika itsva iyo Mwari akapikira. Zvikomborero zvayo zvakadeya kutaurwa zvoupenyu husingagumi zvinopfuura zvikuru fungidziro dzinofadza zvikurusa dzavachava vavaki vanokarirwa venhevedzo itsva yenyika. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4) Kunyange zvazvo kwaizoratidzika kuti munhu ari wose aizoda kurarama munyika itsva inoshamisa yaMwari, hakusati kwakadaro. Zvisinei, ngatiteverei kurangarira nzira dzinobudirira umo vabatiri vaJehovha vanogona kudzidzisa avo vari kutsvaka upenyu husingagumi.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko tichigona kutaura kuti Mabasa 5:42 naMabasa 20:20 dzinoreva kuti vateveri vaJesu vanofanira kuparidzira paimba neimba?
◻ Tinoziva sei kuti Mwari anotendera ushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha?
◻ Pamusoro poushumiri, chii chinodikanwa kuvakuru navabatiri vanoshumira?
◻ Kupupurira kunofanira kuva nenzvimboi muupenyu hwomuKristu?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Muna 33 N.V., vadzidzi vaJesu vakapupurira paimba neimba vasingaregi
[Mufananidzo uri papeji 13]
Pauro akadzidzisa “paimba neimba.” Ichi chimiro choushumiri chinopfuuridzirwa neZvapupu zvaJehovha nhasi