RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 12/15 p. 21
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanorambidzwa Kuroora
  • Neiko Kune Masimba Masimba Akawanda Kudaro?
  • “Guta raDhavhidhi” Riri Kupi?
  • “Zita Idzva”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Vanyajambwa vaVaprista Vanobata Zvisina Kufanira Vana Muvatano Vanozivisa Pamhene Zvakaitika
    Mukai!—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 12/15 p. 21

Nzwisiso Panhau

Vanorambidzwa Kuroora

Uchirondedzerwa nabhishopi mumwe weLutheran se“chinetso chakavanda kwezvizvarwa,” mufambiro usakafanira wevatano unoitwa navakuru vorudzidziso pakupedzisira ‘wabuda pachena.’ Zvisinei, Los Angeles Times inoshuma kuti pamwe chete nawo kwakauya “wadzanyuro dzapachena dzinokwenudza nemhaka dzomumatare dzinodhura idzo dzakamanikidzira chechi dzinoverengeka kupinda mukupererwa nemari.” Times inotaura kuti mainishuwarenzi anotaura kuti dzakamira mumatare imhosva dzevatano yakashata dzakawanda se 2 000 dzinobatanidza vakuru vorudzidziso.

Kunoshamisawo kuti vamwe vavapari vemhaka vane mukurumbira wakaipa zvikurusa sezvinoshumwa vafundisi veRoma Katurike. A. W. Richard Sipe, mumwe murapi wehosha dzendangariro neaichimbova mumonk waBenedictine, akaita bvunzurudzo navaprista 1 000 navamwe varume navakadzi 500, vazhinji vavapashure vachitaura kuva vakatora rutivi mumubato wevatano nemitezo yavakuru vorudzidziso. Magazini yeTime inoshuma kuti iye anorangarira kuti inodokusvika hafu yavaprista veRoma Katurike 53 000 vari muUnited States vari kupunza mhiko yavo yokusaroora. Mukuwirirana naSipe, inenge 28 muzana yavaprista vose vane vatano dzinopfuurira navakadzi, nepo, mukuwedzera, kuvambira pa 10 kusvikira ku 13 muzana vachibatanidzwa mune zvevatano navarume vakura, uye 6 muzana inotsvaka vana nokuda kwevatano, kazhinji kazhinji vakomana. Faindi dzinopfuura 100 dzomufambiro usakafanira wavakuru vorudzidziso mukati mamakore matanhatu apfuura dzakadyira zviremera zveKaturike madhora ari pakati pamamirioni 100 uye mamirioni 300.

Vanhu vazhinji vanorangarira kuti zvizhinjisa zveizvi zvinetso zvaizobviswa kudai vaprista vakabvumirwa kuroora. Vamwe vangakatyamadzwa nokuziva kuti Bhaibheri harirambidzi panzvimbo ipi neipi vashumiri vechiKristu vaMwari kuroora. Chechi yeKaturike, zvisinei, yakarambidza vaprista kuroora chibviro chezana ramakore rechi 12. Nenzira inofadza, pakunongedzera kukuwa pakutenda kukuru kubva pakunamata kwechokwadi uko kwaizotanga pashure porufu rwavaapostora, Pauro akanyora kuti “vamwe vachabva pakutenda kwechokwadi, vachipa ngwariro kukutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzamadhemoni, nounyengeri hwavanhu vanotaura nhema, . . . vachirambidza kuroora.”—1 Timotio 4:1-3, NW.

Neiko Kune Masimba Masimba Akawanda Kudaro?

Canada yakakatyamadzwa nokutyiswa nokuziva kuti Marc Lepine ane makore 25 okukura akanga aponda vazhinji panzvimbo yeUniversity of Montreal. Apo akanga akaterama akaponda vadzidzikadzi veengineering 14, achisiya vamwe vadzidzi 13 vakuvadzwa, kubatanidza varume 4, asati atendeudzira pfuti paari amene. Kwakanga kuri kumwe kwokuuraya kwakaipisisa munhau yorudzi rwacho. Gurukota guru rakarondedzera kuuraya kusina mufungo se“ngwavaira yavanhu yemwero mihombe.”

Mukuwirirana neThe Toronto Star, muUnited States, “mave mune vapondi vanopfuura 100 chibviro cheHondo yeNyika II uye vazhinjisa vavo vakaoneka mumakumi maviri amakore apfuura.” Bva, baba womumwe wavanyajambwa vaLepine akabvunza nenzira inosiririsa, kuti: “Neiko kune masimba masimba akawanda kudaro munyika? Neiko vanhu vachiita rudzi irworwo rwechinhu kuno mumwe nomumwe?”

Tsananguro yeBhaibheri yewedzero mumasimba masimba munguva yedu yakajeka. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Kuenzana nomweya watinofema, mudzimu wakashata unobva kuna Satani, “akaipa,” unodzora kufunga, zvishuvo, zviito zvimene zvavanhu vazhinjisa. Nomudzimu wake wokupandukira, udyire, uye rudado, iye “ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, NW) Vanamati vechokwadi vaMwari vanowana nyaradzo, zvisinei, muzivo yokuti “nyika inopfuura uye ndizvo zvinoitawo chishuvo chayo, asi iye unoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17, NW.

“Guta raDhavhidhi” Riri Kupi?

Kudai ukashanyira Jerusarema, uye ukabvunza mumwe munhu kukupangidza Gomo reZioni, sezvingabvira zvikurusa waizotumirwa kumukwingwiziri, kana kuti gomo, iro rinoenda kumaodzanyemba kweGuta reKare. Rakakombwa kumabvazuva noMupata weTyropoeon uye kumadokero noMupata waHinomi, iri gomo rinoratidzwa nokuvapo kweChechi yeDormition, nomusikiti wayo wakati twi.

Zvisinei, mapu nemifananidzo zvinobudiswa neWatch Tower Society zvinoisa Gomo reZioni pagomo duku kumabvazuva kwerinonzi nhasi Gomo reZioni. Iri gomo rakaparadzaniswa nomubiyaro kumadokero noMupata weTyropoeon uye rakakombwa kumabvazuva noMupata weKidroni.

Ndeipi yeidzi nzvimbo mbiri inoratidzira nzvimbo yeGomo reZioni rapakuvamba? Magazini inonzi Biblical Archaeology Review (May/June 1990) inobvuma kuti “mukwingwiziri wokumabvazuva, kana kuti gomo, rakanga riri Gomo reZioni rapakuvamba, . . . iro Mambo Dhavhidhi akatapa kuva Jebhusi.” Pashure pokuwira kwawo, uyu musimboti wavaJebhusi wakasvika pakuzivikanwa se“Guta raDhavhidhi,” rainziwo “Zioni.” (2 Samueri 5:7) Biblical Archaeology Review inotaura kuti “vacheri vamatongo vakasarudza, pasina panikiro, kuti uyu mukwingwiziri mutete,” kazhinji kazhinji unonongedzerwa kwauri segomo rokumabvazuva, ndiro Gomo reZioni reBhaibheri apo Dhavhidhi akatanga dzimbahwe rinotungamirira nerorudzidziso nokuda kworudzi rwaIsraeri.—2 Samueri 6:11, 12, 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe