RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 12/1 p. 31
  • “Misodzi Yokuonga”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Misodzi Yokuonga”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 12/1 p. 31

“Misodzi Yokuonga”

“NDICHICHEMA misodzi yokuonga, ndichangobva kupedza kurava nyaya inoti ‘Nzira Yokubetsera Nayo Vakaora Mwoyo Kuwanazve Mufaro.’” (Nharireyomurindi March 15, 1990, mapeji 26-30) Yakatanga ichidaro imwe yetsamba zhinji dzokuonga dzakagamuchirwa neSosaiti nokuda kwenyaya pamusoro pokuora mwoyo dzinooneka muzvinyorwa zvedu zvaMarch 1 naMarch 15, 1990. Uku kutaura chaiko, zvisinei, kwakabva kuhanzvadzi iri muJapan ine mwanakomana wayo muduku akatambudzwa misi ichangobva kupfuura nechirwere chokuvhiringidzika kwepfungwa. Iye anotsanangura, kuti:

“Kunyaradza nokukurudzira mweya wakaora mwoyo zuva riri rose, padzimwe nguva ndinonzwa ndaneta zvikuru zvokusagona kupfuurira. Apo kunosvipa, mwanakomana wangu anobatwa norutyo nefunganyo. Naizvozvo ndinomupa mapiritsi okuvata ndokugara parutivi pomubhedha wake ndichitsukuta maoko ake uye ndichiisa ruoko rwangu pahuma yake kusvikira avata. Kwakangofanana nokuradzika mwana, uye pashure peinenge awa, pakupedzisira anobatwa zvikuru nehope. Ndipo pandinonzwa ndazorodzwa, asi panguva imwe cheteyo, ndinozviudza ndimene kuti mangwana mangwanani achaunzira rimwe zuva rokupfuura nomariri.

“Mwanakomana wangu anoti, ‘Handina kunakira chinhu chipi nechipi. Hakuna tariro nokuda kwangu.’ Zuva riri rose anobvunza nenzira inosuruvarisa kuti, ‘Ndichazomboporeswa chirwere changu here? Ndirini apo ndichazosununguka pamishonga? Rudzi rwakadai rwoupenyu rwuchapfuurira kwenguva yakareba sei?’ Panguva dzakadaro ndinoshandisa mibvunzo kuchinja kufunga kwake sokukarakadza kwakaita magazini, uye ikoku kunomubetsera kuvandudzika kusvikira kutambanuko yakati. Asi tinodzokorora chinhu chakafanana zuva nezuva.

“Panewo nguva apo mwanakomana wangu anodana vakuru [vanobva muungano yomunzvimbomo] pakati pousiku apo anonzwa achifunganya zvakanyanyisa ndokuvakumbira kuti vamunyengeterere. Ikoku kunoratidzika kuva kwenyaradzo huru kwaari uye kunozorodza ndangariro yake. . . . Kazhinji kazhinji, mugariro womwanakomana wangu unoipa zvikuru apo murume wangu (asingatendi) anenge aenda kunzendo dzebhizimisi. Pandinokumbira betsero norunhare, hama zhinji dzinomhanyira kumba kwedu.

“Ndinokuongai, hama, kubva pasi pomwoyo wangu nokuda kwokubudisa kwenyu nyaya dzorudzi urwu nguva nenguva uye kuratidza kuti munoitira hanya zvinodikanwa zvavakaneta.”

[Yakasainwa] H. H.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe